THE METHODIST CHURCH IN ZIMBABWE
BHUKU ROMWEDZI WECHITENDERANO 2022
KUMIRIRA JEHOVHA
(ISAYA 40 vs 31)
Click or tap on the day number of your choice to jump down the page to the notes for that day:
MHENGENURO
Dai Jehovha asaiva nesu, Israeri ngaidaro, dai Jehovha asaiva nesu, Panguva yatakamukirwa navanhu; vangadai vakatimedza tiri vapenyu, panguva yatakamukirwa nehasha dzavo; Mvura zhinji ingadai yakatifukidza, rwizi rungadai rwakapfuura napamusoro pemweya wedu (Mapisarema 124 v 1-4)..
Vadikani Mwari vakatipa umwe mukana wokupinda mugore ra 2022 kubuda mugore ranga rakaoma kwazvo, apo moyo yavazhinji yakabvaruka nokuda kwedenda rakatipindira zvine simba reCOVID 19. Zvakadaro hazvo, matambudziko aya haana kutitadzisa kunamata Mwari kunyange paive pave neimwe nzira itsva yokunamata nayo. Mumatambudziko ose aya, tonzwa Jobho achiti, ―Ndiyaniko ungadzidzisa Mwari kuziva, zvaari iye unotonga vari kumusoro?” Chatingangogona kuita kuisa ruvimbo rwedu mavari.
Vadikani Mwari vari pamusoro pamatambudziko edu ose uye vari mberi kwa2022. Pamuchato wapaCana, Jesu akatanga kuvepo waini isati yashomeka. Saka chose chaunosangana nacho chinogona kukukatyamadza asi hachigoni kukatyamadza Mwari. Nyika yose zvayo, kusanganisira kereke, zvinoda kurapwa. Takasangana nokudamburwa moyo, kutengeswa, zvigumbu nokusatendeka. Munguva yeCOVID vana vechidiki vazhinji vakarasa hunhu hwavo, vamwe vakapinda mukushandisa zvinokora, vamwe muhumbavha, vamwe vakaroora/ vakaroorwa vari vaduku kudaro, izvi zvikacheka moyo yavabereki nerakagomara. Chatingangoita kuungana tichinamata kunamatira kereke yedu. Munhu chete anogona kupodza zvinhu ndiMwari pachavo, nokuti kunyange vafundisi navaparidzi vakasanganawo netsekwende idzi.
Kunyange zvowoma sei, shoko raMwari rinoti, “Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; (Mapisarema 46 v 10)”. Munguva dzokuwomerwa, tinofanira kunyararisa tivimbe naMwari. Tave muna 2022. Ngatipindei mugore idzwa tisingatyi kana kuzengurira nokuti ari matiri mukuru kupfuura ari munyika. Pakazopambwa guta navaSiria, pane mhetamakumbo ina dzainge dzagara kunze kweguta kwenguva refu, asi yakasvika nguva yadzakati,‖ tikaramba tiri kunze kweguta tichafa nenzara. Tikapinda muguta tinonourayiwa‖. Chinonakidza apa ndechokuti mhetamakumbo idzi dzakasarudza kusagara kunze asi kupinda muguta
Varume vana ava vakaramba kukanganiswa ramangwana ravo kana kutadziswa kutora matanho nechimiro chavaive nacho. Vakati ngatiendei ikoko. Newewo pane zvakawanda zvakaitika asi siyana nazvo urambe uchienda mberi. Pane ruzivo netsvakurudzo dzakawanda dzaiitwa pamusoro pedenda asi iwe usadzora tsvimbo. Chinongodiwa kuti uronge, Mwari vachida havo unokunda (2 Madzimambo 7 v 3-20). Dingindira redu regore rinoti, ―Kumirira Mwari‖, kunove kunoda kuti munhu ave norutendo rwakasimba. Kumirira hakunetsi kana zvakakunakira, asi zvikaita shandukuminya, unoona sokuti nguva yarebesa zvisati zvaita, asi zvinongoda kuti uite moyo murefu uye uvimbe naMwari. Ndima inotaura kuti vanomirira Jehovha vachapiwa simba guru, zvichireva kuti pane nguva simba parichapera, asi rinozodzorerwa haro. Pane zvizhinji zvichaitika muna 2022: zvikomborero zvaMwari, miedzo namadzudzo, kugumburwa nokurasiswa, asi zvinongoda kuti
iwe uve nomuono wakanaka, woisa rutendo neruvimbo rwako muna Mwari.
Revd B. Chinhara
Mission Director
ZUVA ROKUTANGA: MUSORO WENYAYA: – CHII CHINONZI CHITENDERANO?
CHIVERENGWA: JEREMIYA 31v 31-34. Mumwedzi waNdira gore roga roga, nhengo yoga yoga yeMethodist Church in Zimbabwe (MCZ) inowana mukana wokumutsurudza chitenderano chayo naMwari pamwe chete nokutanga rwendo rutsva naMwari, iye Mwari mumwe chete akataura nomuporofita Jeremia apo vaIsraeri neveimba yaJudha vakanga vaputsa chitenderano naMwari pashure pokusunungurwa muEgipita. Vanhu vane katsika kokukanganwa zvavakaitirwa naMwari pavanenge vari mumatambudziko, uye izvozvo zvinoputsa ukama naye. Zvisinei, ndiMwari ane ngoni nguva dzose, anogamuchira vanhu vake zvakare uye anoita chitenderano chitsva navo zvisinei hazvo nokutadza kwavo. Anogara achipa vanhu vanodzoka kwaari umwe mukana, saka ngatidzokerei tose kuna Mwari Chitenderano hukama hwakasarudzwa kana kudyidzana apo mapato maviri anoita zvitsidzo zvinosunga mumwe nemumwe kuti mapato maviri aya ashande pamwe chete kuti vasvike pachinangwa chimwe chete. Somuenzaniso, muwanano, murume nomudzimai vanosarudza kupinda muhukama vachizvisunga pachavo nokutendeka nokuzvipira kwoupenyu hwose. Vanobva vashanda sevadyidzani kuti vasvike pachinangwa chimwe chete, sokuvaka imba kana kurera vana pamwe chete. Ndicho chitenderano. MuBhaibheri mune zvitenderano zvakadai: Zvitenderano pakati pavanhu vaviri (Davhidhi naJonathan muna 1 Sameri 20) Zvitenderano zvine chokuita namatongerwo enyika pakati pamadzimambo maviri kana nyika (Mambo Soromoni naMambo Hiram muna 1 Madzimambo 5) Page 6 of 54 Zvibvumirano zvine chokuita nomutemo norudzi (semitemo pamusoro pokusunungura varanda vechiHebheru), zvichingodaro. Kune mhando mbiri dzezvitenderano. Mhando idzi ndedzinoti: zvitenderano zvine zviga (conditional) kozoita zvisina zviga (unconditional). Muzvisungo zvine zviga, Mwari vanoita zvipikirwa zvakati kuti uye vanotarisira mamwe maitiro kubva kuvanhu. Muzvitenderano zvisina zviga Mwari vanongozadzisa zvivimbiso zvavo kuburikidza nesimba ravo rehuMwari hwavo. Zvitenderano zvikuru zvose zviri muBhaibheri zvinowira pasi pechimwe chezvikamu zviviri izvi, uye zvishoma zveizvi zvichatariswa muchitsauko chinotevera. Chitenderano naMwari chinoumba hukama hwababa nemwana chaihwo hunova hunovatsigira gore rose zvichienda mberi. NdiMwari vanoita hurongwa hwechitenderano nevanhu, avo vanozofanira kushandisa mukana uye kuswedera pedyo navo. Mwari vanoda kushandura moyo yevanhu vavo. Vanovimbisa kunyora chitenderano chavo mumoyo yedu kuti tisazotsauka kwachiri. Kana chitenderano chave mumoyo medu, chinotifambisa nenzira inodiwa naMwari nokutiyeuchidza patinenge tichitsauka. Mwari vanovimbisa kupa vanhu vavo simba nezvombo zvokushandisa kumirisana namano-mano owakaipa. Paya patinoshandisa simba riri muchitenderano naMwari ndipo patinokwanisa kusimuka nokurwisana nowakaipa paanotimisira miteyo munzira dzedu. MUNYENGETERO: “Musiki wedenga nenyika, tinokutendai nemutsa wenyu netsitsi dzenyu sezvamunogara muchitipa mukana wekutanga patsva. Tinoteterera kuregererwa kwezvivi zvedu Ishe, uye tinoshuvira kuita sungano itsva nemi. Tinozvipira kuti muite kuda kwenyu nesu tichikumbira kuti munyore chitenderano chenyu mumoyo yedu kuti tigofamba sokuda kwenyu”
ZUVA RECHIPIRI: ZVITENDERANO ZVISHANU ZVINOWANIKWA MUBHAIBHERI
CHIVERENGWA: JOSHUA 24 v 14-15 Tsika yekuvandudza zvitenderano naMwari pakutanga kwegore roga roga inobva kuna John Wesley pachake. Akaziva kuti maKristu vane katsika kekusagutsikana kana zvasvika pakuramba vachivavarira kushandurwa pamweya pamwe nekutendeuka. Nguva zvinji tinowanikwa tichingosimbirira zvakanyanya zvinhu zvakaita sokuenda kunonamata neSvondo, kuve nhengo kukokorodzano namapoka omukereke, nezvimwewo. John Wesley akaona kukosha kwokuti vaKristu vaongorore ukama hwavo sedungamunhu naMwari, vachizvitsaurirazve kuti vashumire Mwari munzira ipi neipi yavanenge vakagadzirirwa naMwari. Saka kutanga kwegore inguva yokuvandudzwa kwesungano. Pazasi pane mienzaniso mishanu yezvitenderano zvinowanikwa mubhaibheri pakati pezvimwe:
Chitenderano naAdhamu: Chitenderano ichi hachina zviga uye chinowanikwa pana Gen. 3v16-19, apo Mwari vanoudza Adam mhando dzematambudziko aaizosangana nawo muhupenyu nokuda kwechivi chake.
Chitenderano naNowa: Chitenderano ichi hachina zviga (unconditional) zvakare uye chinowanikwa pana Gen 9vs1-18; chakaitwa pakati paMwari naNowa nevanakomana vake mushure mokunge mvura zhinji yaserera uye vanhu vese vabuda muAreka. Mwari vakaita kuti murarabungu uvoneke mudenga nezuva iroro, vakaushandisa kuita chivimbiso chokuti havazomboparadzizve nyika nezvinogara mairi mafashamo emvura.
Chitenderano naAbhurahama: Chitenderano iichi hachina zviga zvakare uye chinowanikwa muna Mavambo 12v1-4; 13v14-17; 15v1-7 ne17v1-8, umo Mwari vanovimbisa kuita Abhurahama baba vamarudzi mazhinji, uye kuti tinobudirira nokuropafadzwa.
Chitenderano naMozisi: Chitenderano ichi chine zviga (conditional) uye chinowanikwa muna Ekisodho 20v1-18. Chitenderano ichi chine mirairo yakapiwa vaIsraeri naMwari.
Chitenderano naDavidi: Chinowanikwa muna 2 Sameri 7vs4-16 na1 Makoronike 17vs 3-15. Iyi vimbiso yaMwari isina zviga kuna Davidi kuti aizove nedzinza rusingaperi, rinobva pazvikuru zvitatu zvechigaro choushe husingaperi, Mambo wekusingaperi (Jeremiah 32vs21) nohumambo husingaperi (Danieri 7vs14).
Paivewo nezvimwe zvibvumirano zvakaitwa nezera, Nehemiah nevamwe. Zvatinofanira kunzwisisa sechimiro chezvimwe zvezvitenderano izvi ndechokuti vanhu vaizopedzisira vakanganwa kukosha kwehukama hwesungano yavo naMwari votanga kutevedzera nzira dzemamwe marudzi. Pamusoro peizvi zvose, tinotarisirwa kuti tibve pakurarama tichiratidza kuzvipira kubasa raMwari zvinoonekwa kunze bedzi zvisingabvi mukati. Tinofanira kurarama sokuda kwaMwari pose tichionekwa nevanhu kana tiri pakahwanda. Mwari ndivo vatinofanira kufadza pazvose zvatinoita, saka kuteedzera mabasa anodiwa pachinamato chete hazvina kukwana. Ndiko saka Mwari vakati vanoda kunyora chitenderano mumoyo yedu. Shanduko yemoyo ndiyo inoratidza kushanduka kwezvokwadi kunozoonekwawo namabasa ekunze. MUFUNGO WANHASI: Mirairo nezvivimbiso zvinoshanda sei muupenyu hwedu nekukereke nhasi? ZVOKUITA: Nhengo yoga yoga inofanira kuzvigadzirira kuita chibvumirano chitsva naMwari, ichivimba nezvipikirwa zvake uye ichitsvaga kuvimba naye chete.
ZUVA RECHITATU: MUSORO WENYAYA: CHITENDERANO CHITSVA CHINOGARA NOKUSINGAPERI
ZVIVERENGWA: JEREMIA 31 v 31–40; EZEKIERI 37 v 26; VAHEBHERU 8 v 6 Kunyatsoongorora mashoko ari muna Jeremiya kunoratidza kuti sungano itsva yakasiyana nedzimwe dzose dzinoitwa uye dzinotaurwa muBhaibheri. Iyi isungano isina zviga yakatangwa pakati paMwari nevanhu vose vakasarudza upenyu hutsva hwokuteerera kutsime idzva roruponeso rusingaperi (VaHebheru 5vs6) uye wamasimba ose. Hukama uhwu hunosimbiswa nemashoko akataurwa pakubhabhatidzwa, nokusimbisa uye chero nguva yekunamata. Apo Mwari vakapinda muzvitenderano naAdhamu, Inoki, Nowa, Abhuramu bhaibheri rinoti itsva nokuti inotaura nezvekunyorwa kwayo pamwoyo yevanhu. Haichazi pamawendefa emabwe. Sungano iyi ine chokuita nedungamunhu uye mairi vanhu vanozvipira kuteerera nokuvimba naMwari nohupenyu hwavo. Kana vanhu vakagamuchira sungano itsva uye isingaperi, vanobvuma kutendeuka, kubhabhatidzwa, kugamuchira Mweya Mutsvene uye kutevera nokuteerera Kristu kusvika kumagumo ehupenyu hwavo. Mwari vanovimbisa kuti vose vanochengeta zvitenderano vachasimudzirwa kumusoro muumambo Hwavo. Chipikirwa ichi chakaoma kuti vanhu vanzwisise, asi mirairo iyo Mwari anopa inovabatsira uye, kana vakaramba vakatendeka, vanovimbiswa mugove wemaropafadzo uye wedenga nenyika. Nesuwo tirimo muchitenderano chitsva chakaitwa neropa raJesu Kristu icho chinoitika kubudikidza nokutendeuka muzvivi. Tinotarisirwa kuvandudza kuzvipira kwedu kuna Mwari nokuzvitsvagira runyararo rwaMwari. Zvinoreva kuti kunyange nyika kunze uko ikarura ikawomba sei, tinowana rugare mumoyo yedu rwunobva kuna Mwari hunotigonesa kutsungirira munyika ino ino huipi, tichibatirira paruchengetedzo rwatakapikirwa naMwari. HURUKURO: Chii chatinovimbisa kuita kana tagamuchira vhangeri? Ndeapi maropafadzo atinopihwa naBaba Vokudenga apo tinochengeta zvivimbiso zvechisungo chitsva?
ZUVA RECHINA: MUSORO WENYAYA: VANHU VASHE VECHITENDERANO
CHIVERENGWA: 1 PETRO 2 V 9–10 Kubva pakutanga, Ishe vakaita zvitenderano nevana vavo panyika. Apo vanhu Vake pavanoita zvitenderano (zvibvumirano zvisungo) Naye, vanoziva zvaAnotarisira kwavari, pamwewo namaropafadzo ivo avangatarisira kubva kwaAri. Vanhu vanoita chibvumirano naIshe uye avo Ishe vanoita navo zvibvumirano vanozivikanwa sevanhu vechibvumirano chaShe. Nhengo dzekereke chikamu chavanhu vaShe vechibvumirano. Tinofanira kupfuurira mberi tisangove nhengo dzekereke bedzi asi tive chikamu chekereke yomweya inova muviri waJesu Kristu, pamwe nokuve vanakomana nevanasikana vohumambo hwaMwari. Semienzaniso: Vanhu pavanopinda mukereke, vanoita sungano naMwari paya pavanovimbisa kuita zvimwe zvinhu uye kutevedzera mimwe mitemo. Vanoita zvitsidzo izvi kuna Mwari nokuti kereke iripo kubatsira vanhu kuita kuda kwaMwari, vachitungamirirwa nezvivimbiso zvavanenge vakaita. . Pakupera kwerwendo rwehupenyu, tine tariro inodarika kuvigwa zvine chiremerera nenhengo dzekereke, asi yokunowana hupenyu husingaperi kudenga nokuzorora kwemweya yedu. Chibvumirano chinoitwa noMuponesi parubhabhatidzo apo vanhu vanobvuma kutora zita rake kuita ravo. Ishe vakaita zvibvumirano naAbhurahama, Isaka, naJakobo (ona VaGaratia 3v26–29) uye kana vanhu vachiteerera, vanogashira maropafadzo echibvumirano ichocho apo vanogashira rubatsiro nenhungamiro kubva kuMweya Mutsvene. Vanhu vakaita chibvumirano naIshe apo pavanotora sakaramende uye vachivimbisa kuvarangarira nekuteerera mirairo yavo. Zvisinei, kunofanira kujeka kumaKristu ose kuti, pamwe chete nezvikomborero zvavanogamuchira savanhu vesungano vaShe, vanewo mitoro mikuru. Ishe vakavimbisa Abhurahama kuti kuburikidza nezvizvarwa zvake evhangeri yaizoendeswa kupasi rose, uye basa iri nderekereke yaIshe nevanhu vake vechitenderano. Tiri huprista hutsvene hwaMwari, kereke yokudenga inova muviri waKristu, kana tichirarama mukuda kwake nokutevedzera mitemo yake. Kuteerera kuda kwaMwari ndiko kunoita tirambe tiri muchitenderano naMwari. MUFUNGO WANHASI: Funga nezvezvitenderano zvawakaita naMwari nemaropafadzo aVakakuvimbisa pakuchengeta zvitenderano izvi.
ZUVA RECHISHANU: MUSORO WENYAYA: ZVINOKOSHA KUCHENGETEDZA CHITENDERANO
ZVIVERENGWA: GENESISI 17 V 14; VAHEBHERU 6 Vs 4-8; VAHEBHERU 10 V 26-31 Kana vaviri kana vanopfuura vakapinda muchitenderano vakaisa runyoro pachiri, zvakafanira uye zvakakosha kuti mumwe nemumwe wavo achengete chikamu chake chechibvumirano nokuti ndiyo nzira bedzi ingaita kuti mhedzisiro inodiwa igone kuwanikwa. Saizvozvowo, kana vanhu vapinda muchitenderano naMwari, ibasa ravo kuedza kuchengeta chikamu chavo. Izvi zvinodikanwa nekuti ndiyo chete nzira iyo vanhu vanogona kuponeswa nayo, uye zvakare nekuti inokudza Mwari, chinove ndicho chinangwa chikuru chamagumo echitenderano. Munhu anofanira kurangarira kuti sungano hukama hweruwadzano pakati paMwari nomunhu, uye vane mugove musungano, sezvo Mwari vane mugovewo. Muhukama hwapasi hwakadai somuwanano, vose vari vaviri murume nomudzimai, vanofanira kuita basa ravo, murume achida mudzimai wake nokumutarisira, uye mudzimai achizviisa pasi pomurume wake nokumubetsera. Vabereki vanofanira kurera vana vavo murudo, uye vana vanofanirawo kukudza vabereki vavo. Pane magwaro anoyambira vanhu pamusoro pechivi chokutyora chitenderano. Mavambo 17:14 inotyisidzira kuti mwanakomana asina kudzingiswa “achabviswa pakati porudzi rwake; aputsa sungano yangu”. Onawo VaHebheru 6: 4-8 uye VaHebheru 10: 26-31. Mwari vanochengeta rutivi rwavo rwesungano kana isu tichichengeta rwedu. Chengetedzo yavo Mwari kuvanhu vavo nokuzadziswa kwezvivimbiso zvavo kwatiri zvinoenda nokuti isu taita pedu. Mwari ndiMwari vane godo vanoda kuti tivashumire ivo voga. Tikazvirumura kuvamwari vatorwa tikakudza ivo Mwari voga mune zvose zvatinoita, ivo vanozadzisa zvivimbiso zvavo kwatiri. Kana kune zvivimbiso zvisiri kuzadziswa muhupenyu hwedu, tinofanira kuzviongorora nokuti ivo Mwari havacheredzi, vanoramba vakatendeka pashoko ravo. Isu tisu tinobva pakuda kwavo. Naizvozvo ngatizviongororei titsvage kudzokera panzvimbo yesungano yedu navo Mwari.
ZUVA RECHITANHATU: MUSORO WENYAYA: CHITENDERANO TINOCHICHENGETA SEI?
Zvakatsanangurwa kare kuti chitenderano chiri pakati pavanhu vanopfuura munhu mumwe chete kana divi rimwe chete. Divi rimwe nerimwe rino musenzekete wokuchengeta chikamu charo chechibvumirano. Nhasi tiri kuongorora zvinodiwa pakuchengeta chitenderano, zvinhu zvinobata hupenyu hwemunhu: kunamata, wanano, mhuri, ugari, uye basa.
Chinhu chokutanga kuita mukuchengeta chibvumirano kuteerera mirairo yaMwari, sezvakataurwa nomuporofita Sameri muTestamende yekare: ―Tarira, kuteerera kuri nani pane chibayiro, uye kuteerera kupfuura mafuta emakondohwe” (I Sam. 15 v 22). Chechi kana munhu anogona kufuratira mirairo yaMwari nezvikonzero zvakati wandei, zvimwe zvacho zvingava: Nokuda kutsvaga kunamata Mwari kuri nani (―kunamata kune zvishamiso zvakawanda sokwapararira mazuva ano apo vhangeri rebudiriro iri kurasisa vazhinji), Nokuda kushandira Mwari sezvinogamuchirika zvikuru kunzanga yazvino (sokudhakwa kana michato yavarume navarume kana vakadzi navakadzi) Kuita zvorudo zvisingatsigirwi nebhaibhiri (mvumo yokurambana kana kuroora/kuroorwazve kusiri mubhaibheri).
Chechipiri, uyo anochengeta chibvumirano anofanira kuda Mwari: Mwari saBaba vokudenga, Mwari semurume muna Jesu Kristu Mwari somudzikinuri kubva kuchivi nerufu, Mwari seshamwari inodiwa. Kuti munhu ade mumwe munhu, anofanira kunyatsomuziva, uye munhu anogona chete kunyatsoziva Mwari zvakanaka kuburikidza nokudzidza Shoko, kuteerera mharidzo, uye kuverenga mabhuku namamwe magwaro (magazines) akasimba ezvidzidzo zvebhaibheri.
Nzira yechitatu yokuchengeta sungano ndeyokuswedera pedyo naMwari, sokurayira kunoita VaHebheru 10 v 22 kuti: ―Ngatiswedere pedyo nomoyo wechokwadi nechivimbo chizere chokutenda.” Imba inoita matambudziko kana mukadzi akaramba ari kure nomurume wake. Vanhu vanoswedera pedyo naMwari mumunyengetero uye nokumutsvaka kwaAnowanikwa: mukereke yechokwadi; mukuparidzwa kwevhangeri, mumasakaramende, kunyanya sakaramende reChirairo Chitsvene.
Chechina, munhu anofanira kuchengeta sungano pasina zviga, sezvinoita Mwari padivi Rake. Kuita izvi kunoreva kutevera nzira yakafamba naKristu pasi pano, zvichireva kurasikirwa nezvinhu zvinodikanwa, kuzvipira, kuzviramba, kutambura, kunyange rufu, zvichireva ―muchinjikwa‖ (Marko 8 v 34). Uye muchinjikwa unoreva kushingirira nguva dzose pazviri nyore uye munguva apo kuchengeta chibvumirano kuchireva kupesana nechimiro chiripo.
Chechishanu, chitenderano chinofanira kuchengetwa nezvizvarwa zvose. Chaiva chokwadi muTestamende yekare: ―… pakati pangu newe, nembeu yako inokutevera pamazera ayo‖ (Gen. 17 v 7) chinongovewo chokwadi muTestamende Itsva: ―Chipikirwa ndechenyu nevana venyu” (Mabasa. 2 v 39. Mutendi ane muchato wakakomborerwa nezvipo zvavana anofanira kuvaunza kuti vabhabhatidzwe muchechi yechokwadi, kuvadzidzisa chokwadi, uye kuvarera achivaranga murudo.
ZUVA RECHINOMWE: MUSORO WENYAYA: DINGINDIRA REMCZ RA2022 – KUMIRIRA JEHOVHA
ZVIVERENGWA: ISAYA 40 V 30-31; MAPISAREMA 130 V 5-6 Dingindira reMCZ ra2021 raiti ‗Rubatsiro Rwedu Runobva Kuna Mwari‘ (Mapisarema 121), uye ra2022 nderokuti ―Kumirira Jehovha” (Isaya 40:30-31) Kumirira Jehovha kunoreva kuvimba naye, kumumirira nokutarisira kwaari.‖ ― Tinovimba naJehovha oga kuti atiponese. Mwari oga ndiye anogona kutibatsira, anotidzivirira senhoo………ndinovimba naJehovha, zvirokwazvo, ndinovimba naye. Ndakaisa tariro yangu pashoko rake. Mweya wangu unorindira Jehovha kupfuura vatariri vanorindira mambakwedza, zvirokwazvo kukunda varindi vanorindira mambakwedza (Mapisarema 130 v 5-6). Kune zviitiko zvakawanda zvinowodza moyo nekutyisidzira mashandiro avanhu vaMwari. Rugwaro rwaIsaya rwakanangana nenzanga yavaIsraeri yakanga yonyunyuta ichiti Mwari akanga avaregerera. Muporofita anotaura kwavari neshoko retariro kuti avo vanomirira nemoyo murefu pana Ishe vachapiwa simba rokuenderera mberi, vasina simba vachipiwa simba. Mwari havazombosiyi vanhu vavo vakasanangurwa munguva yekutambudzika uye mhirizhonga. Denda iri (Covid-19) pakati pa2020-2021 rakonzera dambudziko pasi rose kuvanhu, kusanganisira mhuri yechiKristu. Kunze kwedenda reCovid-19 muZimbabwe, vanhu vakatarisana nemamwe matambudziko mazhinji akaita semadutu mupengo, kudzikira kwetsika nemagariro, matambudziko ehupfumi nezvamatongerwo enyika, kungotaura mashoma. Ndo paunonzwa vanhu vobvunza mibvunzo yakaita seiyi, Mwari varipi panguva yakadai seino?” Hongu, vanhu vangave vasina simba uye vasisina tariro, asi Mwari vanovatarisa uye vacharamba vainavo uye vachivandudza simba ravo. Saka panodiwa kuti vose vamirire Jehovha nokutendeka uyo anovandudza simba ravo kuti varambe vakabatirira pavari kuti vawane rudzikinuro. Ndinokurudzira kuti murambe muchitsvaga chiso chaMwari. Pamunomirira Jehovah, zvipirei kwavari muchishingirira kuita kuda kwavo. MUFUNGO WANHASI : VaKristu pavanopinda mugore idzva vanofanira kunyatsofungisisa nezvezvinhu zvakavaita zvikavapedza simba mugore rapfuura, vowana nguva yokuronga zvakanaka mugore idzva. Vamwe vaKristu vanomirira kuna Jehovha asi panguva imwe chete vachitsvaka rubatsiro kubva kune dzimwe nzvimbo. MUNYENGETERO: “Mwari mupenyu uye ane rudo, tiri kukura uye tapera simba. Tinonyengeterera kuvandudzwa kwesimba redu kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Uyewo tibatsirei kuti tivimbe nemi muzvinhu zvose.”
ZUVA RORUSERE: MUSORO WENYAYA: KUSHIVIRIRA PAKUMIRIRA JEHOVHA
CHIVERENGWA: PISAREMA 40 V 1-4I; ISAYA 49 VS 23; MAPISAREMA 37 V 1-7; “Ndakamirira Jehovha nomoyo murefu; akarerekera kwandiri, akanzwa kuchema kwangu. Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope, akamisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa tsoka dzangu. Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwokurumbidza Mwari wedu narwo; vazhinji vachazviona vakatya, uye vachavimba naJehovha. Akakomborerwa anoita Jehovha chivimbo chake, asingaremekedzi vanozvikudza, navanotsaukira kunhema.”— Pisarema 40:1-4. Kumirira Ishe ndeimwe yemisimboti inokosha yakadzikwa uye inodzidziswa muBhaibheri, musimboti uyo mwana wose waMwari anofanira kunzwisisa uye kurarama nawo kana achida kuzofamba zvakanaka naMwari. Vazhinji vanoziva musimboti uyu asi vanofunga kuti vanogona kunzvenga voita zvinhu nenzira yavo pachavo vasingatsvage mazano kuna Mwari. Vanokasira kuita kuti zvishuwo zvemoyo yavo zvizadziswe uye vaone kumirira Jehovha sekutambisa nguva. Pane dzimwe nguva vanonyengerwa nekufambira mberi kunoita vaya vasingamiriri Ishe, vanoratidzika kunge zvavo zviri kuita, vasingazivi kuti uku kunongova bedzi kufambira mberi kunonyengera. Chokwadi chinhu chose chinoita vanhu vakadaro chinoita sechinobudirira. Zviroto zvavo zvinoratidzika kunge zvinozadzikiswa nguva dzose. Hongu zvamazvirokwazvo upenyu hwavo hunoratidzika kuva huri kufamba zvakanaka, asi idi nderokuti, kazhinji kazhinji, zvikuru mumeso aMwari, ivo vari kungotenderera uye hapana kure kwavanoenda. Zvirevo 3:5-8 inoti, “Vimba naJehovha nomoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako; Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. Usazviti wakachenjera; itya Jehovha ubve pane zvakaipa. Zvichava utano kumuviri wako uye simba pamapfupa ako.” Rugwaro runotidzidzisa kuti avo vanotenda kuna Mwari uye vakagamuchira hushe Hwake pamusoro pehupenyu hwavo vanofanira kuratidza moyo murefu uye kumirira paAri sezvo izvi zvine zvikomborero zvikuru. SevaKristu, vangasangana nematambudziko akawanda uye vangasangana nezvipingamupinyi zvakawanda muupenyu. Vanofanira kuyeuka kuti kushivirira kuno mubairo uye kuti upenyu hwose huri mumaoko aShe Jehovha uyo akapikira kuisa rwiyo rutsva mumiromo yavo, rwiyo rwezvose zviri zviviri zvinoti Rukundo nerumbidzo. Kumirira Jehovha kunovagonesa kumutsidzira simba ravo nokuvapa simba rokubhururuka kusvika pakakwirira semakondo anomhanya asinganeti. Ipapo vachakwanisa kushandira Ishe vasinganeti, uye pakupedzisira, vachakohwa tuso dzakapfuma dzakavamirira muUmambo. Kumirira Mwari kunosanganisira kutenda zvivimbiso zvavo nokuvayeuchidzawo zvivimbiso zvavakaita. Zvakakosha kuramba tine tariro tisingatenderi mweya wokuremerwa kutisuwisa nokutishaisa mufaro kana tariro yokuzadziswa kwezvivimbiso. Wakaipa uno unjarinjari uye unotsvaga kuba mufaro nokuunza pfungwa dzisina kunaka. Tsvaka kugara murufaro uchirumbidza Mwari kunyange pazvose zvaanosangana nazvo uchimirira Mwari kuti vazadzise zvivimbiso zvako kwauri. HURUKURO a) Ndeipi miedzo inowanikwa pakutarisa kune avo vanoita sevanobudirira muhupenyu asi ivo vasingazivi Kristu? b) Tinofanira kubatsirana sei kuti tirambe takatsiga mutariro mukati mezvipingamupinyi MUNYENGETERO : Ishe ndibatsirei kumirira rairo yenyu nomoyo murefu mune zvese zvandinoita. Tinonamatira kumutsiridzwa kwezvipo zvedu zvinofa kuti zvigovandudza isu nekereke.
ZUVA REPFUMBAMWE: MUSORO WENYAYA: KUSHINGAIRA KUNODIWA PAKUMIRIRA JEHOVHA
CHIVERENGWA: MATEU 25v14-30. Mufananidzo wematarenda unotidzidzisa nezvokumirira tichishingaira uye nomubairo wokutendeka. Vashandi vakapiwa matarenda okushandisa vachimirira kudzoka kwatenzi wavo. Avo vakanga vakatendeka uye vaishanda nokushingaira vakakomborerwa zvikuru pakupedzisira, asi vakapeta maoko vasina zvavanoita havanawo chavakawana. Kumirira Jehovha pasina zvaunoita kwakafanana nokumirira bhazi pachiteshi chebhazi. Munhu haana chaanoita, uye hapana zvaangagona kuita kuti akurumidzise kusvika kwebhazi kunze kokutarisa mugwagwa nekuteerera mutinhiro waro. Kumirira pasina kuita chimwe chinhu kupeta maoko asi munhu achitarisirwa kuti chiringazuva chirambe chichingofamba, uye chokwadiwo chinoramba chichifamba. Rombo rakaipa nderokuti mafashamo ebudiriro hazowanikwi navose vasingadi kudikitira. Pari zvino, nyika zhinji dzoita sedzaoma mitezo sezvo vanhu vachiramba vakazvivharira mudzimba dzavo vakamirira denda reCORONA Virus kuti riregedze kubata vanhu. Havana kuziva kuti kune vanhu vazhinji vakashinga kumirisana nadhiabhorosi vakadoita nhanho dzakakosha muhupenyu hwavo. Nguva iyoyi yokuvharirwa yaona kusimuka kwevazhinji vezvemabhizimisi avo vakatanga kuzviitira mibato yamaoko. Nenzira imwe cheteyo, maKristu ose anodaidzwa kuti vashande nesimba mumunda waShe wemizambiringa, samashingairiro avanongoita mumabasa avo. Izvi zvinobva zvangozadzisawo mhinduro yesungano yakaitwa naAdhamu mushure mokunge akundikana nokuda kwechivi: Mavambo 3 vs 19, “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu”. Ngatirambei tichishanda kuunza vamwe kuna Kristu. Tinofanira kuenderera tichiona kuti basa raMwari razadziswa. Ngatirambei tiri pamunamato napamabasa okutenda. Ngatitambanudzei maoko edu kune vanoda rubatsiro, tichiita zvakanaka mubindu raJehovha. Hatingagoni kuwana chinhu kana tikangogara idzo nhambo dzichipindana. Wakaipa anoshandisa njere dzisiri kushandiswa dzakangogara. Ngatizadze ndangariro dzedu neshoko raMwari uye maoko aite mhapatiko dzokusvitsa shoko kose kose. Tiri munguva yatinokwanisa kubata vanhu vari kure nesu nenzira dzinokasika dzakasiyana siyana, saka ngatidzishandise kuona kuti Kristu azikanwa nevamwe.
ZUVA REGUMI: MUSORO WENYAYA : KUMIRIRA NETARIRO
CHIVERENGWA: 2 MAKORONIKE 20 V 12. Munguva apo Jesu aifamba netsoka dzake panyika pano, vakaoma mitezo vaigara vachipemha mumigwagwa, iyi iri iyo nzira yavo bedzi yokuti vararame.Pobva pataurwa nyaya yomurume aive akaoma rutivi rwomuviri akanga avete pedyo nedziva kwamakore makumi matatu namasere (38). Aitarisira kuti rimwe zuva ―muSamaria akanaka‖ aizouya, amunzwire ngoni agokumubetsera kuve wokutanga kupinda mudziva kutangira vamwe vose. Akazvambarara kudaro, pfuma yapanyika yaaive nayo dzaingove hembe dzaaive akapfeka nenhoo yaakanga achirarira, achiona nyika ichipfuura. Chokwadi nyika yakaita seyaipfuura nokufamba kwemakore pasina kana kutarisa kwaari, kusvikira mununuri nemuponesi wevanhu auya. Jesu akauya, akamira pedyo, akatarisa mamiriro ezvinhu anosiririsa omurume wacho, akamunzwira tsitsi ndokubva amuti, “Simuka, tora rukukwe rwako uende kumba kwako.” (Johane 5:8). Kumunhu akaoma rutivi rwomuviri, kuraira kwakaita Jesu uku kunofanira kuva kwakaita sejee chairo, asi zvakadaro wakateerera hake. Ndiyo yakava nguva yokushandura hupenyu hwake apo akarasa machira aive ari chikamu choupenyu hwake kwamakore akawanda, ndokumira akatwasuka netsoka dzake mbiri. Akatarisa mudenga akatanga kurarama upenyu hutsva, maziso ake akatarira kuna Jesu, sezvakataurwa naJehoshafati mumunyengetero wake muna 2 Makoronike 20:12 : “Meso edu akatarira kwamuri”. Zvimwe chetezvo zvakataurwa naDhavhidhi muna Mapisarema 25:15, kuti: “Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye oga unosunungura tsoka dzangu pamusungo.” Yasvika nguva yekuti MCZ sekereke igadzirise tariro yayo muna Jehovha, nechokwadi chokuti haakundikanisi avo vanoisa tariro yavo maari. Ndiye ega anogona kuporesa mitezo yakaoma kunotadzisa, kwete nhengo dzoga asi nekereke yose, kuita mabasa avakapihwa naMwari. Zvinongoda shoko chete rinobva kwaari – hurema hunopera pasina kuenda kun‘anga, kumuoni, kumuiti wemashura kana kune anozviti muporofita. MUFUNGO WANHASI: Nhasi iZuva regumi. Vamwe vanhu vari kupedza mazuva gumi okunamata nekutsanya. Fungisisa nezvengozi dzokuisa tariro muvanhu kana kuti muzvinhu zvakasikwa, sokutarisira kwaiita munhu akaoma mutezo kuti mumwe munhu aizomununura. Hapana chakaitika uye kwemakore makumi matatu namasere (38), hapana aigona kumupa rubatsiro rwaaida. MUNYENGETERO : “ Ishe, ndibatsirei kuti ndibvise tariro yangu kubva pazvinhu zvepanyika kuti ndiise kwamuri.”
ZUVA REGUMI NERIMWE: MUSORO WENYAYA: KUMIRIRA UYE UCHANGAMIRE HWAMWARI.
CHIVERENGWA: MUPARIDZI 7 V 13-14 Changamire zvinoreva simba riri pamusoro kana rakakura kupfuura mamwe ose. MaKristu angadaidza sei Mwari kuti Changamire namamiriro ezvinhu akadai vachisangana neCOVID-19, kushaya mabasa/kurasikirwa nebasa, urwere uye mamwe matambudziko ehupenyu? Kunze kwaizvozvi, chero zvinhu zviri kutarisana nomunhu iye zvino zvinogona kuva muedzo wekutsungirira neshanduko. Vanhu havadozivi havo kuti Mwari vari kushanda nezvinetso zvavo kuti vasvike pachinangwa chavanovavarira. Mwari vanoita kuti vana vavo vafambe nomumoto nekuti ndiyo chete nzira yokuvachenesa nokuvagadzirira kurarama zvinoenderana nehurongwa hwaMwari pamusoro poupenyu hwavo. Hezvino zvinotaurwa naMambo akachenjera muna Muparidzi 7:13–14: Cherechedza basa raMwari, ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye? Pazuva rokugara zvakanaka fara, uye nezuva rokutambudzika rangarira kuti Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri, kuti munhu arege kuziva zvichazovapo pashure pake.” Tinofanira kurangarira kuti Mwari havashanduki nokuda kwamararamiro ne zvakatikomberedza. Vanoramba vari Mwari vasingashanduki. Zvakatikomberedza namafungiro edu ndizvo zvinoshanduka. Numeri 23:19 inoti Mwari havana kufanana nesu vanhu uye havashanduki. Dzimwe nguva tinogona kutarisa Mwari neziso rezvakatikomberedza asi tichifanira kuvaona Mwari sezvavari izvo zvisinei nezvakatikomberedza. MUFUNGO WANHASI: Mumwe nemumwe ngaafungisise uye atsvage chinangwa chaMwari apo akatarisana nematambudziko ataurwa pamusoro sokuti kushaya mabasa kana kupererwa nemabasa, kurwara, kufirwa nezvimwe. MUNYENGETERO: Changamire Mwari wangu, ndibatsirei kuti ndivimbe kuti ndimi munotonga kunyange zvinhu zvandisina kumira zvakanaka. Ndibetserei ndikuonei sezvamuri kunyange zvakandikomberedza zvichishanduka nokuti imi hamushanduki.
ZUVA REGUMI NAMAVIRI: MUSORO WENYAYA: KURINDA UYE KUMIRIRA
ZVIVERENGWA: MATEO 25 V 13; MAPISAREMA 130 V 5-6 Kumirira ndicho chimwe chezvinhu zvina mativi maviri. Somuenzaniso, kune mufaro mukuru apo mwenga anenge akamirira chikomba kuti chisvike muchato ugotanga. Zvisinei, kana chikomba chikawana chimwe chikonzero chinochinonotsa,, mufaro wacho unobva washanduka kuva kutya. Mifungo mizhinji inozotanga kuita besanwa mumusoro momwenga, kusanganisira pfungwa yokutizwa nokusiiwa panguva iyi yekupedzisira yehukama. Bhaibheri rinowanzotaura nezvaKristu sechikomba nekereke somwenga wake. Rwendo rwehupenyu nderwekumirira kudzoka kwaKristu paanodzoka kuzotonga nyika, uye bhaibheri rine zvakawanda zvarinotaura pamusoro pezvokuita panguva yokumirira. Bhaibheri rinotidzidzisa kumirira kudzoka kwaKristu (Mako 13:33). MaKristu mazhinji akamirira kudzoka Kwake asi havanyatsorangariri yambiro yezvichauya, inopiwa mundima dzakasiyana dzomubhaibhiri, sokuna 2 Timotio 3 v 1-5). Nzira yakafanira yokuti munhu atarise kudzoka Kwake ndeyokuzvichengeta amene akagadzirira, achiteerera izvo magwaro anotaura uye kusanyengedzwa nedzidziso dzenhema. Pane ngozi yokuti munhu anogona kungomirira zuva iroro asingaiti sezvakarairwa naKristu asi achiteedzera zvinhu zvenyika. Chenjerera ―nokuti hamuzivi zuva kana nguva iyo Mwanakomana woMunhu achauya naro. (Mateo 25:13) Panguva yokumirira, munhu anofanira kuita basa rokushingaira somurindi, sezvakaziviswa nomunyori waMapisarema, kuti: “Ndinorindira Jehovha, ndinorindira, ndinoisa tariro yangu pashoko rake. Varindi vanomirira mangwanani” (Pisarema 130:5-6). Munguva inotaurwa muBhaibheri, varindi vairinda maguta nokungwarira, vachitarisira vavengi vangarwisa usiku, uye vakachenjererea kukurumidza kumhanya kuita basa kana vadaidzwa zvasvika ipapo. Kuna Jesu, shoko rokuti ‘rinda’ raigaroshandiswa pamwe chete nerokuti ‘nyengetera’ (Mako 13:33, Mateo 26:41). Munyengetero unoreva kutsamira pana Mwari uye kuvimba nesimba rake. Zvinosanganisirawo kungwarira. Naizvozvo, sevaKristu, tinoshevedzwa kuti tirinde tichinyengetera takamirira kuuya kwaShe. Saka kurinda nokunyengetera kunoratidza kuti kune zvakahwandira zviri murima uye tinofanira kuve nomuono wokuona njodzi ichiuya nokuziva nzira yokurwisana nayo. Munhu achirinda unogona kugara akadzikama nokuti mukugadzirira ndimo matinowana ushingi hwokusangana nechinhu chipi chingauya kwatiri. Kurinda nokunyengetera hakungorevi kuchangamuka koga asivo kugadzirira kusangana nezvingaiswa patafura navavengi. Tinorinda takagadzirira mazano ose angaunzwa nomuvengi, takagadzirira kumirisana nawo, tine zvombo zvakakwana zvokuzvidzivirira nazvo. MUFUNGO WANHASI: Kunyange tingave nerima muhupenyu hwedu, tinovimba kuti Mwari ndiye ari kutonga, uye achatiunzira mavambo matsva mambakwedza. MUNYENGETERO: “Ishe, ndibatsirei kuti ndirambe ndakarinda uye ndichinyengetera.”
ZUVA REGUMI NAMATATU: MUSORO WENYAYA: KANA KUTENDA KWAKO KUCHINGE KOYEDZWA
GENESISI 22 V 1-19; VAHEBHERU 11 VS 1-6; JAKOBHO 1 V3 Hupenyu hwechiKristu rwendo rwokutenda, ruzere nemiedzo nematambudziko. Zvingoripo kugamuchira nokutenda zvipikirwa zvaMwari. Zvisinei, pane dzimwe nguva kutenda netariro zvavanhu pazvinoedzwa mukurarama kusvikira pachinhambo chokuti vanonzwa kuti havachagoni kupfuurira mberi nohupenyu. Sezvavanoedzwa, pane zvinhu zviviri zvinogona kuitika pakutenda kwavo: kunogona kusimba kana kuti kutodzima zvokusvika pakufa. Bhaibheri rizere nenyaya dzevanhu vakaedzwa asi vakakunda vakachengeta kutenda kwavo kusvika kumagumo. Rugwaro rwanhasi rwunorondedzera kuti Abhurahama, akanga ava nenguva refu asina mwana, anoedzwa sei kuti apire Isaka, mwana wake mumwe bedzi waakanga awana mukukwegura. Asingafungi kaviri kana kubvunza Mwari, Abhurahama akatsunga kuita zvaakanga arayirwa, akagadzirira kutanga rwendo rwokundopa Isaka sechibayiro kuna Mwari. Kunyatsotarisisa nyaya yacho kunounza pfungwa dzinokosha dzokucherechedza. Zvisinei nekuti Isaka aive mwanakomana wake mumwe chete, Abrahama aivimba naMwari uye aitenda maari nokuda kwezvakaitika kare, zvazvino uye nezveramangwana rake. Chechipiri, akasarudza kuteerera inzwi raMwari uye akagadzirira kupa Isaka sechibayiro, achiziva kwazvo kuti ndiye zvose zvaaiva nazvo. Nokuda kwechiyero chisingayereki chekutenda, Mwari vakapa gwayana rechibairo Isaka ndokuponeswa! VaKristu vanofanira kutenda kuna Mwari munguva yakapfuura, yazvino uye yemberi. Abhurahama aiziva kuti akanga asina simba paupenyu hwake pachake uye akasarudza kufamba munzira iyo Mwari akaraira. Akawanazve upenyu hwomwanakomana wake, uyo aizoshandiswa naMwari kuzadzika mhiko yake kwaari, chokuva baba vamarudzi. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi muupenyu hwedu. Apo patinonzwa kuti tiri kuedzwa uye kudzungaidzwa kupfuura patingagona kutsungirira, ndipo apo Mwari vanouya nemaropafadzo asingatarisirwi semhinduro yokutenda kwedu kusingazununguki. Mwari ndiMwari vechitenderano uye vanochengeta nokuramba vakamira pazvivimbiso zvavo kune vakatendeka. Mwari vanotarisira kuti tivape nzvimbo yorukudzo pamusoro pezvinhu zvedu zvose zvatinazvo. Kana taedzwa, tinofanira kubatirira pana Mwari nokuzvimisira kusiya zvose tichisarudza ivo. Kuburikidza nomuedzo umwe noumwe, Mwari vanoda kuona kuzvipira kwedu kwavari MUFUNGO WANHASI: Une tariro here yokuti Mwari achashandura upenyu hwako kuti huve nani uye kuti nguva dzakanaka dziri pamberi pevakatendeka? Tora nguva yekukumbira Mwari kuti vamutsiridze kutenda kwako netariro mavari. MUNYENGETERO: “Tinouya pamberi pechigaro chenyasha dzenyu Baba vedu tichitsvaga kuvandudzwa kwekutenda netariro yedu sezvatinotanga gore rino. Ameni.
ZUVA REGUMI NEMANA: MUSORO WENYAYA: PANE SIMBA MUMUNAMATO
ZVIVERENGWA: VAEFESO 3 V 16-20; MABASA 16 V 16-25. Mwedzi wechitenderano inguva yokuita mikumbiro kuna Mwari. Munamato inzira yekudzokera kuna Mwari kuti tivandudze hukama hwedu naMwari nevanhu. Munamato ndicho chombo chomuKristu wese kurwisa dhiyabhorosi sezvakataurwazve naPauro munaVaEfeso 6:10ff. VaEfeso 3:16-20 ndiwo munamato waPauro achinyegeterera maKristu eEfeso kuti vasimbiswe mukati mavo. Naizvozvo, munamato unosimbisa mweya yedu uye ndiyo nzira yatinotaura nayo nababa vedu vokudenga. Zvakakukomberedza ngazviregedze kukutadzisa kusangana naMwari mumunamato. Kana Pauro naSairasi vakagona kusangana naMwari vari mutirongo, newewo unogona kusangana navo pose paunenge uri uye mukati mezvose zvakakukomberedza. . Tinofanira kuwana nguva yokunyengetera muhupenyu hwedu. Varwi vanoshandisa minamato chete ndivo vanogona kungwarira kurwisa dhiabhorosi. Iva nenguva yekunyatsofungisisa nezvehukama hwako naMwari uye uchigara uchikumbira Mwari mumunamato kuti vakuregerere. Mwari vanogara vakagadzirira kukanganwira zvivi zvedu uye izvozvo zvinotibatsira kutanga rwendo rutsva rwokutenda. Zvakadaro, mumwe nemumwe wedu anofanira kukudziridza tsika yokunamata apo inovandudza kutenda kwedu nemweya pamberi paMwari. MUFUNGO WANHASI: Tora nguva yokuzvinamatira iwe, avo vakakukomberedza neKereke yose. MUNYENGETERO: “Baba tinokutendai nokutipa mukana wokutaura nemi mumunyengetero. Tinokukumbirai, Ishe vanodikanwa, kuti mugamuchire minamato yedu uye muvandudze simba nemweya yedu.”
ZUVA REGUMI NESHANU: MUSORO WENYAYA: KUSHANDISA ZVIPO ZVAKAPIWA NAMWARI
CHIVERENGWA: 2 TIMOTI 1 V 6 Wese munhu anozvarwa aine chipo mumaoko ake uye zvinoreva kuti vanhu vese vane zvipo zvakasiyana. Vane zvipo zvakasiyana-siyana izvo, kana zvikashandiswa mukereke sezvaitarisirwa, paisazova nekushomeka kwevacheki mumunda wemizambiringa uye basa raMwari raisazotambura. Dambudziko rine vanhu vazhinji nderokuti havazivi zvipo zvavo, kana kuti havana hanya nokuzviratidza pavanhu. Dzimwe nguva izvi zvinoitika nekuti vanhu vomuKereke vane tsika yekudzikisira zvipo zvavamwe vanhu, nokudaro vachiisa kutya mumakwara vamwe vacho vanogona kuzove nomweya wekuzvitarisira pasi nokuzvidzikisira. Nokudaro, zvipo zvevaye vakanyarara hazvizoonekwi uye zvicharamba zvisingazivikanwi uye zvisina unoshandisa. Apo patinotanga gore ra2022, tose ngatimutsidzire zvipo zvedu kuti tizvisimudzire isu nekereke yose. Kana ari muimbi, namata Mwari nokuimba; kana uine chipo chehutungamiri, gamuchira zvinzvimbo zvehutungamiri kuti uzvivandudze iwe neKereke. Simudza chipo chako kuitira kuti kereke ibatsirike kubva kwauri, uchirangarira kuti hakuna chipo chiri pamusoro/pasi kune chimwe. Tsamba yaPauro kuna Timoti munyengetero wokumuyeuchidza nezvokuti akafanira kubatidza mwenje achishandisa chipo chaakapiwa naMwari. Naizvozvo nhengo yega-yega yekereke inodawo kutungidza zvipo zvavo uye kushanda achiri masikati, nokuti husiku huri kuuya. Isu tinaro simba rokukurudzirawo vamwe kuti vade kutora nzvimbo dzavo nokumira nesimba vachiita basa. Vamwe pavanoona basa rakanaka ratinenge tichiita, vanobva vadawo kumira vachiverengwa pane avo vanoita basa raMwari. Hunhu hwakanaka hunopomeranwa hwobatsira kumutsidzira zvipo zviri muvamwe. Tinaro basa zvakare rokunyengeterera vamwe kuti vacherechedze zvipo zviri mavari vagozvishandisa. MUFUNGO WANHASI Tora nguva yekutenda Mwari nechipo/zvipo zvavakakupa. Nyatsotarisa kuti chipo chako chichiri chipenyu here kana kuti chiri kufa uye tsvaga nzira yekuvandudza kuburikidza nemunamato. MUNYENGETERO : “Tinokutendai Baba nezvipo zvamakatipa munhu wese, uye vasati vaziva zvipo zvavo vapeiwo ruzivo nouchenjeri.
ZUVA REGUMI NENHANHATU: MUSORO WENYAYA: ACHATUNGAMIRIRA VOSE AVO VANOMUMIRIRA
CHIVERENGWA: ISAYA 58 V 11. Chinhu chimwe chinonakidza muhupenyu kuziva kuti Mwari vanokupa uye vanotungamira nzira yako. Kana munhu achitungamirirwa naMwari, haangarasikiki nokuti Mwari vanotungamirira munzira yakarurama. Vanhu vane pfungwa nemirangariro zvinotungamirirwa naMwari vachava norugare uye zvavanoda zvichagutswa. Muporofita Isaya anoshandisa fananidzo yenhungamiro yaMwari nezvitubu zvemvura achiti vaya vane nzira dzinotungamirirwa naMwari vakaita sezvitubu zvemvura zvisingazopwi. VaKristu vandinonamata navo, ngatibvumei kutungamirirwa naMwari uyo anotipa zvose zvatinoshuva nezvatinoda. Makore maviri apfuura (2020-2021) anga asiri makore akanaka zvachose sezvo takarasikirwa nevadikani vedu neshamwari, asi Mwari vakatitungamira kunyangwe mumatambudziko iwayo. Munguva yokuwomerwa, Mwari ndivo tsvingo norugare rwedu. Dingindira ra2021 raiti ‗Rubatsiro Rwedu Runobva Kuna Mwari‘. Izvi zvinoramba zvichibuda mushoko raMwari. Mwari vanoramba vachitibatsira muhupenyu hwedu zvisina magumo. Vanovimbisa kuva nesu nguva dzose. Matambudziko chikamu chenyika yepasi, asi avo vanotenda uye vanovimba muna Mwari vanozotungamirwa muzvikamu zvose zvehupenyu. Bvumira Mwari kuti vakutungamirire iwe nemhuri yako uye uchanzwa rufaro rwaIshe. Chikonzero chinoita kuti mamwe maSeketi asafambe uye asakure ndechokuti vatungamiri vemaKereke vanopedza nguva vachipopotedzana, vachirwa uye vachikurukurirana pamusoro pezvisina kukosha. Zvisungo zvinoitwa pasina kukupindira kana kutungamirirwa naMwari. Ngatiregei kurwisana. Ngatiregei kuzvidzana titendere Mwari kuti atitungamirire nekutiratidza gwara. MUFUNGO WANHASI: Ndiani ari kutungamira nzira dzako, mhuri yako, Kerekei yako nehutungamiriri? Kana tanga tichifamba tisina kutungamirirwa naMwari, ngatidzokerei kwavari tovakumbira kuti vatitungamirire kuitira kuti tibudirire pazvinangwa zvedu uye zvatinosungirwa sekereke. MUNYENGETERO : “Mwari mupenyu uye munoda, munamato wedu kuti mutitungamirire pane zvese zvatinoita kuti nzira dzedu dzititsause.”
ZUVA REGUMI NENOMWE: MUSORO WENYAYA: NGUVA YEKUVANDUDZWA KWEMWOYO
CHIVERENGWA: EZEKIERI 37 V 1-14; VAROMA 12 V 2; TITO 3 V 5. Isu tose tiri vatadzi uye tinokundikana kusvika pakubwinya kwaMwari, sokutsinhira kwaPauro kuna VaRoma 3 v 23. Tinotadza pamberi paMwari nenzira dzakasiyana siyana. Pamusana pemamiriro ezvinhu aya, vanhu vanofanira kudzokera kuna Mwari kuti mwoyo yavo ivandudzwe, sezvo vachikwanisa kudzoreredza mwoyo yakaputsika, isina kutendeka uye ine zvivi. Ezekieri anopiwa chiono chemapfupa akaoma, icho chine chokuita nokuora mwoyo kwaIsraeri uye kupindura kwaMwari. Israeri akanga afa pamberi paMwari nokuda kwezvivi zvake, asi Mwari akapindura nenzira ine simba ndokudzorera mwoyo wake kuupenyu. Kudzorerwa kwomwoyo chiito chaMwari uye Mwari oga, uye izvi zvakajeka mushoko raPauro kuna Tito. Munhu haaponeswe nokuda kwekururama kwake, asi nokuda kwetsitsi dzaMwari. Mamiriro ezvinhu muupenyu anogona kukanganisa mwoyo womunhu uye kukanganisa ukama hwake naMwari. Mwoyo yakaputsika inokonzera kuomerwa, munhu oguma asiri chinhu pamberi paMwari. Zvisinei, Mwari vanogona kudzorera vakafa kuupenyu. Chinodiwa kuti munhu adzokere kwavari abvuma mhosva dzake kuti agovandudzwa moyo wake. VaKristu havafaniri kutevedzera zvinhu zvenyika ino nokuti ndeveUmambo hwaMwari. Naizvozvo ngatisandukei kuitira kuvandudzwa kwepfungwa nemoyo yedu. Tinofanira kuvavarira kudzivirira ndangariro dzedu nemoyo yedu kune zvakaipa zvenyika ino. Kuvandudzwa kwemifungo yedu kunoda kuti tishingirire zuva rimwe nerimwe kuriritira mifungo yedu nezvinorumbidza Mwari tichiramba zvinotisvibisa. Mabatiro akanaka atinoita vamwe ndechimwe chikamu chokuparadzira rugare rwaMwari, naizvozvo tinofanira kuratidza rudo kuvanhu vose tichivakurudzira kuti ivo vavandudzwewo. MUFUNGO WANHASI: Nzvera pfungwa dzako nemoyo kuti uone kana uchiri mupenyu kana kuti wakafa. Kana wakafa, kumbira Mwari vakuvandudze kuti utange patsva. MUNYENGETERO : “Mwari tinonamata tichikumbira kuvandudzwa kwepfungwa nemoyo yedu. Vandudzai mwoyo yedu kuti tirege kuzvienzanisa nemaitiro enyika ino.”
ZUVA REGUMI NESERE: MUSORO WENYAYA: MUMATSIMBA AKE
CHIVERENGWA: ZVIREVO 3 V 5 Kana Bhaibheri richitaura nezvekumirira, rinoreva kumirira kwakasiyana zvachose nezvatinoita mushure mekunyoresa zita kuti tigowana imba kukanzuru (Local Council). Apa munhu akangonyoresa anobva adzokera kumba uye hapana chaanogona kuita nezvazvo kunze kokumirira runhare kubva kune vakuru kana mukana wavo wamuka. Mubhaibheri kumirira zvinosanganisira kuzvirovedzera, uye hazvirevi kungogara asi kuwana chekuita somwana waMwari uchitsvaga kunzwisisa nokudzidza zvinhu zvitsva. . Munhu haafaniri kutya kutsvagurudza nzira itsva, chero bedzi achiziva kuti wakakumbira Ishe kuti aende mberi iye achitevera mumakwara ake. Pamusikirwo wedu munhu wese anoda kuzvimiririra, kuva norusununguko uye kuita chipi nechipi chaanoda nenguva, nzwimbo uye namaitiro esarudzo yake. Asi chokwadi ndechekuti vanhu vese vanotsamira pana Mwari kunyangwe pakurova kunoita hana dzavo nguva dzose. Jobho unopupura zvakanaka kuti ndiShe vanopa uye vanotora (Jobho 1:21), izvi zvichitsinhirwa nomuApostora Pauro kuna VaRoma 11 v 36: “Zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari”. ―Vimba naJehovha nomoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako.”(Zvirevo 3:5). Kuvimba naMwari kunoreva kuvatendera kuve Mambo wedu vachitungamira nhanho dzedu dzose. Zvakakosha kuti tipe zvose zvatiri kuna Mwari nokuti nzira dzavo dzose dzine unyanzvi uye vanotishuvira zvakanaka bedzi. Kana tichipa Mwari nzvimbo yorukudzo tinovatendera kuti vatonge muhupenyu hwedu. Saka tinofanira kushingirira kubva pa kuzvikudza nechindini, titendere Mwari kutitonga kana tichida kuramba tine hukama kwakanaka navo. HURUKURO: Zviri nyore here kuona Mwari vakabata matomu uye vari pabasa kana tiri pakati penjodzi?
ZUVA REGUMI NEPFUMBAMWE: MUSORO WENYAYA: NGUVA YAMWARI NDIYO YAKANAKA
CHIVERENGWA: HABHAKUKI 2V1-3 Mubhuku reTestamende yakare raHabhakuku, muporofita anotaura kuti nguva yaMwari ndiyo yakanakisisa muupenyu nomupfungwa dzomutendi. Nguva yedu sevanhu haigoni kushandura nguva yaMwari. Ini ndichamira panzvimbo yangu yokurinda, ndichamira pamusoro peshongwe yokurinda, ndichatarira ndione zvaachataura kwandiri, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu. Jehovha akandipindura, akati, Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa kuti zvigone kurahwa neanomhanya; nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvinopupurira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Hab. 2 :1-3). Apo nyika yose iri kurwisana nedenda reCOVID-19, zvinoita sekunge hapana ane mhinduro kuchakwende ichi. Kubayiwa nhomba (Vaccination) chingori chinhanho chinoitirwa kudzikisira hukasha hwezviratidzo zveCOVID 19 asi haisi mhinduro zvachose kudambudziko racho. Mhinduro iri kuna Mwari. Uye mhinduro dzezvipingamupinyi zvoupenyu hwako zvinowanikwa nenguva yaMwari yakakodzera. Zvakakosha kuti tirambe tichitaura zvivimbiso zvaMwari. Shoko raMwari rinoti, „nyora zvawaratidzwa zvionekwe kwazvo pamahwendefa‟. Chii chaunoda kuti chizadziswe? Chiri mukuda kwaMwari here? Kana waziva zvaunoda kuti zvizadziswe usarega zvichifa asi ramba uchitaura nezvazvo kusvikira zvabatika. Mwari vedu vanomirira kuzadzisa shoko ravo uye havashanduki. Patinenge tichimirira kuzadziswa kwemiono yedu, tinofanira kuisvinurira tichironda makwara ayo kuti irege kuparara. Munguva dzino, tinomirira Ishe nemoyo mirefu. Tinoziva kuti muchinyararire vari kushanda mukatikati medu.- Nenguva yakafanira, Mwari vacharatidza zvese zvavakadyara matiri. Vanomirira havanganyadziswi; Hatizombonyadziswi. HURUKURO DZANHASI a) Pane dzimwe nguva Mwari pavanoverengera here kuita zvinhu? b) Nguva yaMwari ndiyo yakanakisisa. Nguva yaMwari yacho inosvika rini? MUNYENGETERO: “Ishe, ndibatsirei kunzwisisa nguva.” Ndibetserei kuti ndive nomuono unoenderana nokuda kwenyu”.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI: MUSORO WENYAYA : KUZENDAMA PANA JEHOVHA
CHIVERENGWA: 2 MAKORONIKE 14 v11-12; PISAREMA 18 v 2. Kuzembera pana Mwari kunoreva kunzwisisa kuti hatigoni kuenderera mberi tichirarama tiri toga. Naizvozvo, hupenyu hwedu hunozendama pana Ishe anova Musiki neMuiti wevanhu. Mubhuku ra2 Makoronike 14, Asa akashevedzera kuna Jehovha Mwari wake akati, ―Jehovha, hakuna mumwe kunze kwenyu angabatsira pakurwa pakati pavane simba navasina simba, naizvozvo tibatsirei, Jehovha Mwari wedu”. Nomunyengetero iwoyo, Jehovha Mwari vakakunda vaEtiopia pamberi paAsa, uye pamberi pavaJudha vaEtiopia vakatiza. Nenzira imwe cheteyo, kana tikavimba naMwari, hondo dzedu dzose nematambudziko zvinopfuura sezvo Mwari vachatirwira. Kana tikaedza kurwa tiri toga, tichakundwa zvechokwadi nokuti hondo idzi dzakagwinya uye dzine simba. Ukagara uchidaidza Mwari muhondo dzako dzose unova nechivimbo chekukunda. Mukubvumirana nomunyori wa2 Makoronike, Dhavhidhi anoti: ―Jehovha idombo rangu, nhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, randinovanda mariri. Ndiye nhovo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu, nhare yangu”. Ichokwadi kuti matambudziko edu haana kufanana naAsa naDavid sezvo tiri munguva dzakasiyana uye mamiriro oupenyu akasiyana, asi chokwadi ndechekuti nesuwo tinawo matambudziko edu anoti kuderera kwemagariro, zvematongerwo enyika, hupfumi, kushanduka kwetsika nemagariro pakati pemamwe matambudziko. Zvisinei nemamiriro ezvinhu aya, tinofanira kuvimba naMwari avo vanogona kutirwira. HURUKURO: Pane dzimwe nguva here dzatinonzwa kuti tinoda kubatsira Mwari pakurwa hondo dzedu? Kurukurai. MUNYENGETERO: “Baba vokudenga, tinouya kwamuri tichiziva kuti hondo dzedu dzinogona kukundwa nemi bedzi.”
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NERIMWE CHETE: MUSORO WENYAYA: NGATIEDZEI KUCHENGETA SHOKO RAKE
CHIVERENGWA: JOSHUA 1v8; 2 TIMOTI 3 v6. Kubatirira kushoko raMwari kunoita kuti tivake ukama hwakasimba naye pakupedzisira tigare nhaka yehushe hwavo. Shoko raMwari rinotipa simba zvose pamuviri nomumweya. ChiKristu chiripo nokuda kweShoko iri uye vaKristu havagoni kurarama pasina Shoko Kwavari nokuti shoko ndihwo hupenyu. Joshua anoudza vaIsraeri kuti, “bhuku romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako, asi iwe unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjerere kuita maererano nezvose zvakanyorwa mariri”. Kufungisisa pamusoro peShoko kuchatibatsira kunzwisisa zvinodiwa naMwari kubva kwatiri uye kupindura mimwe mibvunzo yatingangodaro tinayo apo tinosangana nematambudziko nemamiriro ezvinhu anotishungurudza. John Wesley nevamwe vake avo vaidaidzwa kuti ‗Holy Club’ vakasvika pakunzi ‘Zvipfukuto zveBhaibheri nokuti nguva dzose Shoko raMwari rakanga riri pamiromo yavo, izvo zvakavasimbisa parwendo rwavo rwechiKristu pamwe napakuparidza kwavo. Kuna Timoti, Pauro anojekesa zvikuru kuti Shoko raMwari rakanyorwa richifemerwa kuitira kutsiura, kuraira, kudzidzisa uye kugadzirisa. Naizvozvo inofanira kuva tsika yedu kuverenga shoko raMwari. Isu takaita nechitenderano naMwari, icho chisingarevi chinhu kana tikasafarira kugara mushoko raMwari. Naizvozvo zvakakosha kuti tiride uye tiwane nguva yekuriverenga. MUFUNGO Seiko kazhinji zvakaoma kuverenga Bhaibheri, asi zviri nyore kurava mamwe mabhuku? Chii chatingaita kuti tive netsika yokuverenga Bhaibheri nguva dzose? MUNYENGETERO: “Tinokutendai Mwari neshoko renyu rinotiita kuti tive pedyo nemi. Tibatsirei kunamatira kushoko renyu kuti tiwane zvokudya zvomweya.”
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAVIRI: MUSORO WENYAYA: MHURI YECHITENDERANO INOTSVAGA KURURAMISIRA
CHIVERENGWA: HABHAKUKI 1 v1-4 Habbakuku muporofita wemunyengetero kwete wekuparidza. Pane udzamu muhuporofita hwake hunoratidza chimiro chechinyorwa chake sehurukuro iri kuenderera mberi yokutaura naMwari nokuvateerera. Chiverengwa chedu chinotanga chichiti, ―O Ishe, ndichadana kusvikira rinhiko ndichikumbira rubatsiro?” Uku kuchema kuchemera kubatsirwa pakati penhamo huru. Mashoko aHabhakuki kunyunyuta; ane nyaya huru dzaanofanira kutaura naMwari. Ndinofunga nesu tinadzowo, kana tichida kutaura chokwadi. Habbakuku akanga akateerera zvaiitika kumativi ake. kunyange ainyengetera, akaramba achiona mhirizhonga, kusaruramisira uye kuitwa kwezvakaipa kwose kwose. Mutemo waMwari unoita sousingabatsiri chinhu; unoita sousingashandi, uye vaiti vezvakaipa vanoratidza savari kukunda. Kururamisira kwaMwari, kunove ndihwo hurongwa hwakanaka hwainge hwapiwa vanhu vaMwari, rudzi rwaJudha, kunoratidza sokuri kuporongwa mumagariro avo ose. Tikacherechedza tinoona kushandiswa kwezviero zvisina kuenzana, kuda muripo mukuru pakutengesa, kudzwinyirirwa kwavarombo pamwe nokusaenzana pamberi pomurau. Nesuwo nokuvharirwa mudzimba uku tinoona matambudziko makuru akafanana nemhirizhonga mudzimba, Huori, kusavimbika, nezvimwe zvakawanda zvokusaenzana pamberi pomurau. Sekereke, tinotarisirwa kusimudzira kururamisira apo takamirira Jehovha. MUFUNGO WANHASI: Fungisisa kuti tingapedza sei kusaruramisira mumhuri dzedu, mukereke, munharaunda uye munyika yose. MUNYENGETERO : ― Ishe wangu, ndibatsirei kuti ndive mumiririri wekururamisira kwenyu nguva dzose.”
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATATU: MUSORO WENYAYA: YAVA NGUVA YEKUZVIWONGORORA PACHAKO
CHIVERENGWA: 1 VAKORINDE 11 V 28-34 Mwedzi weChitenderano inguva yakakosha muhupenyu hwechiKristu yatinofunga nezvehukama hwedu naMwari. Tinofungisisawo nezvehukama hwedu nemamwe vaKristu. Vazhinji vedu tinopedza nguva tichaongorora vamwe pane kuzviongorora pachedu. Kereke yeKorinde yakanga ine dambudziko rimwe chetero, izvo zvaizokonzera kupesana nokukakavadzana pakati pamaKristu. Nguva zhinji maKristu anotarisa vamwe zvakanyanya, nekuongorora zvisina kukosha asi achikanganwa chinhu chikuru chinove chokuzviongorora. Hupenyu hwechiKristu hune chokuita nokugara uchiongorora hukama hwako naMwari sekusimbisa kwaPauro murugwaro, zvikuru apo tisati tadya chirairo chashe. Zvakakosha kugadzirisa ukama hwedu hwakaputsika naMwari uye nevaKristu vatinonamata navo tisati tauya patafura kuti tigamuchire Chirairo Chitsvene. Kana tikareurura iye anotiregerera otichenesa pakusarurama kose Kuzvinzvera kunoreva kuzvitarisa pachako uchisiyana nokutarisa upenyu hwevamwe kana kutadza kwavo. Mwari vanotidzidzisa kuti tisatonga vamwe sezvo isu pachedu tisina kufanira kumira munzvimbo dzokutonga. Mwari ndivo chete mutongi wakarurama. Saka ngatiregei kuva nemifungo yakaipa pamusoro pevamwe vanhu asi tizvitsvakire ruregerero kune zvatinotadza . Ngatibvei pakuona kapazi kari muziso rehama dzedu isu tine zidanda muziso redu. MUFUNGO WANHASI: Tora nguva yekuzviparadzanisa nevamwe uye uwane nguva yekuzvitsoropodza. Ongorora uye kumbira Mwari kuti vakuregerere paunotadza. Namatira kuvandudzwa kwemoyo wako. MUNYENGETERO: “Tinokutendai Baba vokudenga nokutipa Mwanakomana wenyu Jesu Kristu kuti tikanganwirwe zvivi zvedu. Tipei, Ishe vanodiwa, mweya wekuzviongorora tisati tadya patafura yenyasha.”
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANA: MUSORO WENYAYA: NGUVA YOKUREURURA
ZVIVERENGWA: DHANIERI 9v5; VAROMA 3 vs 23-24. Chidzidzo chedu chezuva rapfuura chaitsvaka kuti tiwane nguva yekuzviongorora pachedu. Nhasi tiri kutaura pamusoro pekureurura, uko tinofanira kuramba tichiita nguva dzose. Nokudaro, Ndira mwedzi wakakosha apo munhu wese anofanirwa kufungisisa nezverwendo rwake rwechiKristu pamwe nokuwana mukana wokurevurura. Mwari vanogara vakagadzirira kugamuchira nokutanga rwendo rutsva nomunhu oga oga. Danieri anoita munamato wokurevurura achigamuchira kuti iye nevanhu vose vakatadza pamberi paMwari. SemaKristu tinofanira kuita munyengetero mumwe chetewo tichibvuma sezvarehwa naPauro, tichibvuma kuti takatadza naizvozvo takakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari. Nguva zhinji hatikoshese kureurura nekuda kwekuzvikudza nokufunga kuti tiri vatsvene. Munhu wose mutadzi, nokudaro kureurura kunodikanwa. Tinogona chete kumirira Tenzi kana tine hukama hwakanaka naye. Hama houno mukana wokuti titarise kumashure tione kufamba kwatakaita naMwari kusvika nhasi. Kumbira Mwari kuti vaite chitenderano newe patsva. Zvinoda muKristu akashinga kuti areurure uye apfidze. Iva neushingi utendeuke. MUFUNGO WANHASI: Wakambova nenguva yekuzviongorora pamberi paMwari here? Kana uchiti ‘Hongu’, rumbidza zita Rake uye kana zvisirizvo, tanga izvozvi. Reurura utendeuke utange rwendo rutsva naMwari. MUNYENGETERO: “Ichokwadi Jehovha kuti isu tose takakutadzirai. Tigamuchirei apo patinouya kuzoreurura nokutendeuka pamberi pechigaro chenyu chenyasha.”
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASHANU: MUSORO WENYAYA; NGATICHEMEREI RUREGERERO
ZVIVERENGWA: VAEFESO 4 V 31-32; VAKOROSE 3 V 13. Mutsamba mbiri dziri pamusoro, Pauro anoziva hasha nokupesana kuri pakati penhengo dzekereke. Zvinyorwa zviviri izvi zvinopindirana uye zvinotaura nyaya imwe chete. Kusawirirana uye kusanzwisisana zvinowanzoitika pakati pavanhu vanobva kwakasiyana-siyana nekuda kokuti havaoni nokufunga zvakafanana. Pakupedzisira, kupesana mukufunga kuri nyore kwazvo. Zvakadaro hazvo, chakakosha kuziva nzira dzakanaka dzokugadzirisana, imwe yacho iri yokuregererana. Nemhaka yokuti takakanganwirwa naMwari kupfurikidza naJesu Kristu, nesuwo tine musenzekete wokukanganwirana. Tose tiri vanhu tinokanganisa; tisatendera kupesana mupfungwa kuchitiparadzanisa. Kuna Mapisarema 51, Davhidhi anozvidurura achichemera kuregererwa naMwari – achichemera – kuchema kuti aitwe mutsva zvakare. Kureurura komurume aremerwa nomutoro mukuru wemhosva dzake. Mumwe munyori anopfupikisa zvainzwika naDavidi seizvi: Chivi chakange chamusvibisa saka waida kuchena. Mhosva dzakanga dzamurwarisa saka aida kupora. Kusateerera kwakamuita kuti asurukirwe saka aida kuyananiswa. Kupanduka kwakanga kwamuita kuti atye saka aida kuregererwa.‖ Mashoko anoshandiswa kutsanangura Dhavhidi pano anonongedzera nokutiratidza nzira yatinofanira kutaura nayo naMwari kana tatadza. Tinofanira kutsvaka ruregerero rwechokwadi nokuti chivi chinotiparadzanisa naMwari wedu Mutsvene, sezvinotaurwa Isaya 59 v 2 ichiti chivi chedu chakativanza pamberi paMwari. Mwari havazoshiviriri mwanakomana asingatendeuki, saka, kana mumwe munhu akasarudza kupanduka uye kuramba akabatirira kuchivi chake, zvirokwazvo ari kuisa runyoro parugwaro rwake rwokuti azvibvise pakusangana uye muhuvepo hwaMwari. MUFUNGO WANHASI Umire sei mukufambidzana kwako naMwari nhasi? Unokwanisa here kugadzirisa nyaya murunyararo uye kuregerera sezvatakaregererwawo? MUNYENGETERO: “Tinotenda Mwari nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi zvedu naKristu. Tinonamata kuti mutigonese kuregererana.”
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATANHATU: MUSORO WENYAYA: KUTSVAGA KUVANDUDZWA NOKUMUTSURUDZWA PAMWEYA
CHIVERENGWA: VAFIRIPI 4 v13 VAGARATIYA 5v7 Wakambotanga basa ukaona zvakaoma zvikuru kuripedza here? Zvinowanzoitika kuti vanhu vanotanga chinhu nokushingaira, vobva vasiyira panzira nokuda kwematambudziko avanosangana navo. Saizvozvowo isu semaKristu kazhinji tinoona hupenyu hwedu hwemweya huri pamateru, huchidzikira, pamwe huchitodzima totsvaga kutanga patsva. Vanogona kusvika pakuora mwoyo zvichiendawo nokushaya rutsigiro rwavamwe, zvoita kuti vakande mapfumo pasi. Kupererwa nokushaiwa simba kunouya zvikuru munguva dzenhamo. Muna Mwari chete ndimo matinowana simba rokufamba kunyange napamusoro pemvura dzakabvongodzeka dzoupenyu. MuMapisarema, mune dura reminamato kuna Mwari, mizhinji yacho ichikumbira kubatsirwa apo hupenyu hunoratidzika kunge huri kutarisana nematambudziko. Kune zvakare magwaro apo munyori weMapisarema anoona kuti akange arasika kubva munzira dzaMwari uye anoda kuve nemoyo mutsva kuti adzokere kunzira dzekare. Somuenzaniso: Mapisarema 51 vs 10-12: ―Sikai mukati mangu moyo wakachena Mwari, muvandudze mukati mangu mweya wakasimba. Regai kundirasha pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri. Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; mundipe mweya unoda.‖ “Jehovha ndiye mufudzi wangu; handingashaiwi. Anondivatisa pasi pamafuro manyoro. Anondisesedza pamvura inozorodza”. MaKristu haatambudziki nokushaya chinhu nekuti ana Kristu somufudzi wavo akanaka. Kunyange paya zvitoro zvikuru zvisisina zvinhu zvinokosha zvomumba, zvipatara zvopererwa nemibhedha yavarwere nemishonga, vana vaMwari vanogona kuzorora vakadzikama muna Kristu nokuda kokuziva kuti zvavanoda vanozviwana. Izvi zvinogoneka bedzi kana vapfuurira mberi noukama hwakarurama noMusiki, hukama hunogona kungowanika chete pakuvandudzwa nokusimbiswa pamweya. MUFUNGO WANHASI: Nyatsofungisisa nezvamararamiro ako. Uri kushanda nesimba kuti ufare, sei kushingaira kwako kuchiratidza sokusina chimuko kana kusasimuka? Imhaka yekuti uri kubatikana nezvinhu zvisiri izvo, uchitsvaga mufaro panzvimbo isiri iyo here? MUNYENGETERO: “Haiwa Jehovha, ndibatsirei kuti ndivandudze simba rangu mamuri.”
ZUVA REMAKUMI MAVIRI NAMANOMWE: MUSORO WENYAYA: ZVIMWE TINGAKANGANWE
CHIVERENGWA: DHUTERONOMI 8 V 11-18 Itsika yerudzi rwevanhu kukanganwa zvavakaitirwa naMwari kana zvinhu zvichivafambira zvakanaka. Zvinhu pazvinenge zvashanduka uye zvorema, munhu wese, kusanganisira vasiri vaKristu, vanotanga kudana kuna Mwari. Ichi chinyorwa chakasarudzwa nhasi chinowanzotaurwa nezvacho munguva yokukohwa, asi chakaunzwa pakutanga kwegore kuitira kuti vanhu vafungisise zvavakaitirwa naMwari kusvikira nhasi, uye vagotenda. Tora nguva yekutarisa maropafadzo asingaverengeki awakagamuchira kubva kuna Mwari uye ugone kutenda Mwari nazvo. Munyori wechinyorwa anoita seanofanotaura kana kufanoona vaIsraeri vachikanganwa Mwari wavo wakavanunura kubva muEgipita. VaIsraeri vakasangana nematambudziko akawanda murenje pavaienda kunyika yechipikirwa. Mwari akavapa mvura nezvokudya (mana) kuti zvivararamise parwendo rwavo kuitira kuti pavanosvika kuKenani, vakarima minda, vakaunganidza zvokudya uye mombe dzavo nemakwai zvakawanda….vasazokanganwa Mwari wavo. Nenzira imwe cheteyo, kana vanhu varopafadzwa uye vaine zvese zvavanoda havafaniri kukanganwa kuti vari zvavari nokuda kwenyasha dza Mozisi, mumwe wemhare dzokutenda, anotaura kuvanhu vaIsraeri zvikurukuru pamusoro penhau nhatu dziri muna Dhuteronomi. Mukudzidzisa kwake kwokutanga, Mozisi anorondedzera makore makumi mana okudzungaira murenje, zvishamiso izvo Mwari akazviratidza kupfurikidza nazvo vanhu vake uye kugamuchidzwa nokuzarurirwa mitemo yake. Mukudzidzisa kwake kwechipiri, Mozisi anoyeuchidza vaIsraeri nezvekukosha kwokunzwa inzwi raMwari uye kuteerera zvavakarayira. Mukudzidzisa kwake kwechitatu, Mozisi anopa vimbiso yokuti kunyange apo vaIsraeri vakakundikana, kupfidza kwavo kwechokwadi kuchadzoredzanisa ukama hwavo naMwari. Kungofanana nevaIsraeri, mumwe nemumwe wedu anofanira kurangarira Ishe Jesu netsitsi dzake paakanzwa kuchema kwake akamukanganwira zvivi zvake, nokurangarira kunaka kweRuponeso rwake uye kurangarira kuti vakaponeswa kubva muuranda hwechivi chakavaita nhapwa munguva yapfuura. Munhu anofanira kurangarira zvaakanunurwa—nokuti zvimwe vangakanganwa simba rokusunungurwa kwavo. Vanhu vanofanira kurangarira zvavakaitirwa naMwari, kunaka kwavo, tsitsi norudo rwavo rusina magumo. Kupfuura zvose, vanhu vanofanira kurangarira chishamiso chorudzikinuro rwavo—kutyira kuti zvimwe vangakanganwa icho chavakatengerwa norufu rwaKristu!! MUFUNGO WANHASI Ingofungisisa pamusoro pezvinhu zvakawanda zvakaiswa pauri kuburikidza norudo nekuzvipira kwaJesu. Tarisa shure kurwendo rwehupenyu hwako uye rondedzera maropafadzo ako – uchiadoma rimwe nerimwe. Kangani kaunokanganwa unyoro hwake uye uchitadza kutevera tsoka dzake mukufamba kwako? Uchaita sei nazvo? MUNYENGETERO: “Isu kuti imi Ishe vanodikanwa nezvatiri nhasi. Hongu, tine matambudziko mazhinji akatitenderedza, asi tinotenda nenyasha nerubatsiro rwenyu. TIDZIDZISEI KUSAKANGANWA CHIBAIRO CHENYU CHAKAUYA NERUDZIKINURO RWEDU.
ZUVA REMAKUMI MAVIRI NEMASERE: MUSORO WENYAYA: NDIWE MUCHENGETI WEHAMA YAKO!
CHIVERENGWA: GENESISI 4 v9; MABASA 2 v 37-42 Mubhuku raGenesisi, mune nyaya apo tinoona Mwari achibvunza Kaini kuti Abheri aripi, mushure mokunge amuuraya. Anopindura kuti: “Handizivi. Ndini muchengeti womunun‟una wangu here? (Genesisi 4 v 9) Asi mubvunzo iwoyo unobva kuna Mwari wakanga usiri mubvunzo wokutsvaga mhinduro; mubvunzo waitsvaga kureurura. Mhinduro yaKaini kuna Mwari yafananawo nedzatinopa, kwete mukutaura chete asi nezviito zveduwo. Vanhu havachina hanya nezvomumwe munhu kana nokufarira zvakanaka zvinenge zviri kuitika kwavari. Koi we ungati uri muchengeti womunun‘una wako here? Uyu mubvunzo wauya panguva yakakodzera. Saka, mhinduro inoti kudii? Nokuti zvino tiri kurarama munguva dzisinganzwisisiki apo vanhu vakawanda vave kungoda kuenda mberi nohupenyu vasingacheukire vamwe vanhu. “Ndinoda kuchengeta musoro wangu pasi pemvura uye kwete kutarisana nevanhu chiso nechiso. Handidi kupinda mazviri‖. Kuuya kwakaita COVID 19 kwakasiya mhuri dzakawanda dzavhiringika mumagariro, mune zveupfumi uye mupfungwa. Kereke yakazviona yave nemisenzekete mitsva iyo nhengo dzayo dzisingagoni kufuratira. Kereke yokutanga mubhuku raMabasa yainzwisisa kukosha kwekutarisa vamwe vanhu; nokudaro vanhu vaigoverana chero chavaiva nacho. Mukuita uku, mweya worudo wakatanga kudyarwa, zvichitungamirira mukukura kwekereke pazvose mumweya nemuhuwandu hwevanhu, mhodzi yokukura uku yadyarwa kuburikidza namabasa, okuve nehanya uye okugoverana. Mazuva ano vanhu vari kuita savari kuita hudyire uye hukama hwemhuri hauchakosheswi zvakanyanya. Zvinorwadza kuona mhuri dzichiparadzana, vana vachishungurudzwa, uye pwere dzichirasikira kumabasa ehutsvina kutsvaga kurarama. Ino inguva yakafanira yekuti kereke yaMwari ikurudzire nhengo dzayo kuti dzive ―vachengeti vehama dzavo‖ , kuti vaitirane hanya, kukoshesa hukama uye kungwarira maitiro anombunyikidza pwere pamwe chete neramangwana ravo. Panguva apo kereke inotyisidzirwa nokuderera kwehuwandu hwenhengo, zvichirevawo kuderera korutsigiro kubasa rayo, maKristu anoshevedzwa kuti arambe achiitirana hanya nokudzivirira, pamwe nokutsvaka kuchengeteka komunhu wose. ChiKristu chinoreva kuwadzana, uko kunoreva kuitirana hanya nguva dzose. . Kana vadikanwi vedu vachifara tinopembera pamwe navo, kana vachichema tinochema pamwe navo. Tinofanirwa kutakurirana mitoro nokuve nohumwe. MUFUNGO WANHASI Wakagadzirira kuva muchengeti wehama yako here? Uchazadzisa sei basa iroro? Kereke ingadzivirira sei vechidiki vayo nevana kubva mukushungurudzwa nezvinetso zvemagariro nehupfumi uye zvemupfungwa, zvinosanganikwa nazvo munharaunda nhasi? MUNYENGETERO: “Ishe neMuponesi wedu, tinokutendai nokutipa chiedza kuti tinofanira kuva nehanya, kugoverana uye kudzivirirana, kusanganisira vaya vamakadaidza kuti vave vafudzi vedu. Tinokutendai Mwari nebasa guru ravanoita pakati pedu.”
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAPFUMBAMWE: MUSORO WENYAYA: RUDO NGARWUVE NDIRWO RWUNOTONGA
ZVIVERENGWA: 1 VAKORINDE 13v1-13; 1JOHANI 4v20. Hupenyu hwechiKristu hwakavakirwa parudo. Nhoroondo yoruponeso inobva parudo rwaMwari kuvanhu. Vhangeri raJohane rinoisa pachena nyaya iyi yokuti Mwari akada nyika nokupira mwanakomana wake waanoda Jesu Kristu kuti atifire. Rudo rwaMwari harwuna zvimiso sezvinoratidzwa muna Johane 3v16. Vanhu vanofanira kutanga vada Mwari, vozoda vamwe sokuda kwavakaitwa naMwari. Mwari akapa kereke yake chikomborero chikuru muna Kristu. Akapa vanhu ruponeso uyewo RUSUNUNGUKO. Saka vanhu vakasunungurwa kubva kuchivi vakapiwa murairo mutsva wemweya: kuva norudo. Kristu akazvipa nokuda kwevanhu kuti parege kuva nomunhu anoparara. Vana vaMwari vanofanirwa kungwarira kuti vasaite kuti hama dzavo dzisina simba muna Kristu dziparare. Vanofanira kudanana nomutoo mumwe chetewo wokusava noudyire uyo Jesu akapa nawo upenyu hwake hwose nokuda kwedu, mutoo uyo Mwari baba akanga akagadzirira kurega mwanakomana wake mumwe bedzi achiita gwayana rechibairo nokuda kwokudzikinurwa kwomunhu. MaKristu anomirira Jehovha anoda Mwari; rudo rwavo kuna Mwari ruchizadziswa nokuva norudo pakati pavo. Rudo urwu runofanira kutanga mumba uye rworatidzwa nemunhu wese, angave mudzimai, murume, mukomana kana musikana, pamwe nomuvakidzani zvichienda zvakadaro. Tinofanira kunzwisisa kuti munhu wese anoda kudiwa. Rudo runosimudzira ruwadzano netsika, uye rwunoumba kuvimbana pakati pavanhu, zvinova zvinotarisirwa pamaKristu. Munhu haagoni kutaura kuti anoda Mwari kana asingadi vamwe vanhu zvisinei hazvo nokuti ndivanani, vanei paupenyu hwavo, vanobvepi, vane ruvara rwupi kana kuti chitendero chavo ndechipi. Rudo rwakadzika midzi muna Mwari runobatanidza vose: vaduku navakuru, vakadzidza uye vasina, vapfumi nevarombo, vatema nevatana, vahedheni kana vaKristu. Urwu ndirwo rudzi rworudo urwo vaKristu vose vanotarisirwa kuratidza mukubata kwavo kwose navanhu, mukudaro vachizadzika izvo Jesu akaraira avo vaakaponesa, pakutanga. Johane 13v34: “Ndinokupai murairo mutsva; kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti nemiwo mudane”. Hama dzangu kana tiri vaKristu, uye tichida kupinda muhupenyu takamirira Ishe, tinofanira kuramba tiri murudo rwaKristu. MUFUNGO WANHASI : Kuda vamwe kunotimanikidza kuitei? MUNYENGETERO: “Mwari tibatsirei kuti tidanane sezvamakatida zvisingaenzaniswii.”
ZUVA RAMAKUMI MATATU: MUSORO WENYAYA: IVO NDIMWARI -ISU TINONGOVE VARINDI!
ZVIVERENGWA: EKSODHO 14V13; MAPISAREMA 46:10 2MAKORONIKE 10 V 15: EZ 33:7). Mubhaibheri, kareko, nharirire dzairinda maguta, dzichirinda vavengi vanogona kurwisa usiku, vakangwarira kuti kana vakashevedzwa, vokurumidza kuita ndima yavo. Vaivawo nebasa rokuridza hwamanda dzavo kuti vayambire vanhu nezvehondo dzaiuya. Vanhu pavaingonzwa kurira kwehwamanda yomurindi, basa raiva pavari kuteerera nyevero uye kutiza kurwiswa, kana kugadzirira kurwa. Asi kana murindi akaona hondo iri kuuya akasanyevera vanhu, ropa ravo raiwira pamaoko ake. Munguva ino, vaKristu vose vanoshevedzwa kuti vadzidzise vatendi pamusoro pebasa guru ravanaro rekusvikira vakarasika nevhangeri kuti munhu wese, angave murume, mudzimai, mukomana nomusikana, awane mukana wokuponeswa kuburikidza nokutenda kuna Jesu Kristu. Vana vaIsraeri pavakaiswa parumananzombe nehondo yaFarao vakavhunduka, asi vakaudzwa kuti vadzikame vakatarisa kuna Mwari vagoona sununguro yavo. Kudai vakaedza kurwisana vari voga, kana kuti kuyambuka gungwa vari voga, vangadai vakaparara vakawanda. Tiri kuona kuti ibasa renharirire kudzidzisa vamwe kukosha kwekuva nerutendo pamwe nekunamata senzira yokukunda wakaipa nekugoverana rudo rwuri muna Kristu. Sezvinotaurwa muPisarema 95 v8, vanhu sezvavanonyengetera pamwe chete kuna baba, mwoyo yavo inopfava zvokuti vanokwanisa kunzwa inzwi raMwari pamusoro pokudanidzira kwehondo. Senharirire, tinoridza hwamanda yokunyevera kuti tibatsire vamwe kuona ruchengeto, tsitsi nengoni dzaMwari. Rimwezve basa romurindi kuburitsa pachena nzwisiso yekuti matambudziko anofanira kutisimbisa kwete kutiparadza MUFUNGO WANHASI: Kurukurai zvamunofunga nezvebasa romurindi nhasi MUNYENGETERO: “Mwari Wamasimba ose, tibatsirei kuti tivimbe nemi senharirire dzakatendeka, kunyange patinenge tatarisana nematambudziko anoita seasingakundiki.
ZUVA RAMAKUMI MATATU NERIMWE CHETE: MUSORO WENYAYA: NDIEMANUWERI – MWARI VANESU!
CHIVERENGWA: MAPISAREMA 23 v 1_6 Makore anopfuura zviuru zviviri apfuura, Emmanuere akashandura nyika apo Mwari vakave nyama. Jesu Kristu, Emmanuere wedu, akapa tariro yokuti chivi norufu zvichakurirwa nokusingaperi uye vanhu vaisazova nechikonzero chokuzvitya, asi kutsungirira pakurwadziwa kupi nokupi. Mwari Vakapa vanhu Mwanakomana wavo mumwe chete, ainzi Emanuweri, zvinoreva kuti, ―Mwari Vanesu.‖ Vakasika vanhu kuti vave nehukama navo asi ivo vakavapandukira. Kunyange zvazvo Mwari vakaramba vainavo, chivi chomunhu chakaparadza ukama ndokuvaparadzanisa, zvikatuma Mwari kutora matanho. Kuburikidza nekacheche, Emanuweri, Vakavaswededza pedyo zvisinei nechivi chavo, vachiratidza rudo rwavo kunyika rwaisambofungidzirwa. Chokwadi, Mwari vari pose pose, zvinoreva kuti vari kwose kwose nguva dzose uye vanogara vari pakati pavanhu. Achitaura nezvaMwari, munyori wePisarema wekare Dhavhidhi akanyora kuti, Ndingaendepi ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kudenga muripo; kana ndikawarira mubhedha wangu pakadzika, muripo. Kana ndikasimuka pamapapiro amambakwedza, kana ndikagara kumugumo wegungwa, kunyange ipapo ruoko rwenyu ruchanditungamirira, ruoko rwenyu rworudyi ruchandisunga (Pisarema 139:7-10). Uye muna Jeremia 23:23-24, Mwari vakati, “Ini Mwari chete ari pedyo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye kwete Mwari ari kure? Ndianiko angavanda panzvimbo dzakavanda kuti ndirege kuvaona? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko ini handina kuzadza denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura Jehovha”. Mwari ndiMwari vasingaonekwi. Mwaka wehupenyu unoshanduka uye dzimwe nguva vanhu vanozviwana vari murima gobvu sekereke uye nharaunda. Vanobatwa nedenda rinenge Covid 19, pakati pemamwe matambudziko emagariro neehupfumi. Panguva dzakadai, zvakaoma kuti muKristu atende kusimba uye kuhuvepo hwaMwari, kuti vanotarisa vanhu vavo nguva dzese zvose mumifaro nomukusuwa. Sekutaura kunoita Dhavhidhi, ―kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, handityi zvakaipa, nokuti uneni.” Kana zvose zvaparara uye tariro yose yarasika, vaKristu, sevana vaMwari, vanofanira kunzwisisa kuti kuvapo kwaMwari nesimba hazvina kuganhurirwa, uye nokudaro vagokwanisa kumira vakasimba mukusimbisa kuvapo nesimba Kwa Emanuweri wavo ari kwese-kwese, Mwari anesu. MUFUNGO WANHASI: Tingaziva sei nechokwadi chokuvapo kwaMwari muhupenyu hwedu? Nei dzimwe nguva tichinzwa sokunge tiri toga murwendo rwedu rwechiKristu? MUNYENGETERO : Mumwe nemumwe anofanira kunamata kuti Mwari avabatsire kuti varambe vakatendeka kune chero zvibvumirano zvavakaita muna 2022.