
CHECHI YEMETHODIST MUZIMBABWE
MWEDZI WECHITENDERANO
MISI: 1-31 NDIRA 2023
DINGINDIRA: ISHE WERUMUTSIRIDZO NORUDZOREREDZO
(MAPISAREMA 85:6)
Click or tap on the day number of your choice to jump down the page to the notes for that day:
MHENGENURO
Musi wa25 Zvita 1747 John Wesley akakurudzira zvakasimba maHwisiri kuti vavandudze Chitenderano chavo naMwari. Svondo yake yokutanga yeChitenderano yakaitwa mukereke yomuFrance kuSpitalfields musi wa11 Nyamavhuvhu 1755. Kubva panguva iyoyo kusvika nhasi, vanhu vanonzi maHwisiri vakamisira mwedzi wokutanga wegore senguva yokuvandudza Chitenderano zvavo uye kuita zvimwe zvisungo zvitsva naMwari. Kupinda mu Chitenderano pakutanga kwegore kunokosha kumaHwisiri murwendo rwomweya naIshe nokuti vanoita izvi vachinzwisisa kuti vaviri havangafambi pamwe chete kunze kokunge vabvumirana kuita saizvozvo (Amosi 3:3).
Zvichifemerwa nedingindira redu ra2023 (Ishe weRumutsiriro neRudzoreredzo – Mapisarema 85: 6) kabhuku aka kakagadzirirwa kuti chive chombo chinobatsira kumutsa chidokwadokwa chedu chorumutsiriro nekudzoreredzaniswa, uye kutibatsira kuwona kakare patimire savachengeti veChitenderano vakatendeka. Patinochishandisa, tinodenhwa kutsvaga chiso chaMwari mumunamato nokutsanya patinotanga gore. Chakagadzirwawo nenzira inotibatsira kufungisisa nezveShoko raMwari uye kutizodza kugadzirira zvinetso zvingava mberi kwedu. Kana tazodzwa, zvirokwazvo tichave vakundi pamusoro pezvibingamupinyi zvose zvasatani. Nezodzo yorudzi urwu, hatingokundi vavengi vedu chete asi tichavanyadzisa. Zodzo imweyo yaaiva pana Jesu ndiyo inowanikwa nanhasi, uye inokuhwidza moto uri mukati medu.
Ndinokomekedza zvikuru kabhuku kano Mwedzi weChitenderano kumaKristu ese, kunyanya kunhengo dzeKereke YeHwisiri mu (Methodist Church in Zimbabwe Community), avo vari kufunga patsva nezvokuzvipira kwavo kumutsiridzwa nekudzoreredzwa kwavo, uye nerudaviro rwavo kuNyasha dzaMwari muna Kristu Jesu apo tinotarisisa pana “MWARI WORUMUTSIDZIRORO NORUDZOREREDZO”.
Dai Mwari varopafadza vanhu vanonzi Hwisiri.
Revd. Dr. E. Mashonganyika (Acting Mission Director)
NHENDO
Bazi reTsvakurudzo nekuburitswa kwezvinyorwa (Research and Publications) rinotenda kereke nekurigonesa kuronga nokugadzira zvinyorwa zvekereke, kufanana nechibhuku chino chinove chimwe chibereko chebasa ravo. Izvi zviri kungozadzisa chokwadi chokuti maHwisirii ‘vanhu vanoverenga’, iyi iri tsika yakagarwa nhaka kubva kuna baba vakatanga Hwisiri pachavo – John Wesley. Munhu anogona kungoverenga chinhu chinenge chinyorwa, kureva kuti Mune mamwe mazwi, ‘Pasina Kunyora, Hapana Kuverenga’. Panyaya iyi tinoda kupa kutenda kwedu kukuru kuna Rev. B. Chinhara (akambenge ari Mission Director) pakugadzirira kereke ichi chinyorwa.
Tinoramba tichitenda hutungamiriri hwekereke hunotungamirwa naPresiding Bishop Rev G.T Mawire, the Connexional Lay President VaG. Hanyane, Secretary General Rev. Dr. M. Mujinga, Mission Director Revd. Dr. K. Paradza, maDistrict Bishops nemaLay Presidents, maSuperintendent emaCircuit navafundisi avo vanoita kuti nhaka iyi irambe iri mhenyu. Zvikwata zvedu zveMatunhu namaSeketi zvebazi reTsvakurudzo nekuburitswa kwezvinyorwa zvinoramba zviri maziso edu nenzeve pasi zvinotikoshera. Makomiti emitauro yedu yemuno anoona kuti muHwisiri wose awana mabhuku mururimi rwaamai vake vanoita basa guru kuhwaro uko.
Chokupedzisira, zvisingarevi kuti hachikoshi, tinoramba tichitenda Connexional Bookshop yedu nokugara vachiona kuti pfuma iyi inosvika kumativi ose munharaunda dzamaHwisiri, muno nokune dzimwe nyika, sezvibhuku zvakadhindwa kana zvinotumirwa namasaisai. Chikumbiro chedu chokuti umwe nomumwe wedu atenge kabhuku kake pachake kuitira kuti tigogona kuramba tichibudirira uye kuti moto urambe uchibvira.
Dai Mwari varopafadza vanhu vanonzi maMethodist.
Revd. O. Chagudhuma (Research and Publications Coordinator)
ZUVA ROKUTANGA DINGINDIRA: MWARI WORUMUTSIRIDZO NORUDZOREREDZO.
CHIVERENGWA: MAPISAREMA 85:6
Mapisarema 85 ndima 6 yakanyorwa vaJudha vachangodzoka kubva kuhutapwa hweBhabhironi. Munyori weMapisarema akanzwa kuti Mwari vakanga vada, uye vaita nyasha zvikuru kuvanhu vavo. Iye achirangarira runako rwaJehovha mukuvadzorera kunyika yavo, unoita munyengetero wokumutsidzirwa kwesimba roMweya pakati pavo. Chikumbiro chakadai chinofanira kuva kuchema kwemoyo yeduwo, kunyanya panguva ino yezviitiko zvinotyisa zviri kuitika pakati pedu.
Tinoda rumutsiriro nokuti COVID-19 yakavhiringidza kutenda kwedu uye, tikaita mubvunzo wokuti, ‘Mwari varipi pazvinonyanya kurwadza?’ Takabvunza Mwari pamwe nokubvunza rutendo rwedu mavari. Kumutsidzirwa kunodiwa kuti tiwanezve zvinokosha zvechiKristu chedu.
Tinoda rumutsiriro nokuti vanhu vokutenda vari kutorwa moyo nenyika uye vazodziwa vazhinji vava kutenda kuti Bhaibhiri rine mhosho. Havachina rutendo rwokukwana nohutsvene hwebhaibheri. Bhaibhiri rakanga richingoshanda zvakafanira kwemazana amakore rangoerekana rowanikwa rave nezvinoda kugadziriswa, samaonero evanhu. Mwari vasingakanganisi uye vasingashanduki vanoramba vakatendeka kushoko ravo. Mukuchimbidza kwedu kuda kukwanakwana, takabatirira kunyika yatinoona nameso, izvo taifanira kubatirira kuna Mwari vasingashanduki, avo vanotipa hwaro zvisinei nokusagadzikana kungave munyika yakatipoteredza. Rumutsiriro runodikanwa panguva vanhu yavanonamata zvisikwa panzvimbo yoMusiki. Mwari vasingaonekwi vanoonekwa muzvinhu zvavakasika, saka hapana anofanira kuva nechikonzero chokusavaziva. Zviri pachena kuti kutenda zvisizvo kunotungamirira kutsika dzakaipa. Kana tangotsauka munzira yechokwadi inotungamirirwa naJesu, tinopinda mukunamata zvifananidzo, unzenza nokuteura ropa patinofanira kupa zvibairo zvokuvimbika kuna vamwari verima.
Tinoda rumutsiriro mukereke yaMwari kunyanya iko zvino pazvinoita sokuti mashoko aJohn Wesley ari kuzadzikiswa anoti, “Handityi kuti sangano rinonzi Methodist richashaikwa, asi kuti richavapo risina simba”. Testamende Yakare inosimbisa zvenguva yaBaba, apawo kuuya kwaKristu kuchigona kunzi inguva yoMwanakomana. Kubva pakukwira kwaKristu kuzosvika pakuuya kwake kwechipiri, inova nguva yoMweya Mutsvene. Isu tiri munguva yoMweya Mutsvene asi tichishayiswa nzvimbo yawo mukereke yaMwari.
Ndiani angaramba rumutsiriro panguva apo zvamatare omukereke zvakasviba nokuipa zvokushaya musiyano nezvematongerwo enyika? Ruvengo namakuhwa zviri kutora mukombe uye kushaikwa korudo pakati pehama nehama ndizvo zvadzika midzi. Zvoupenyu hwenyama zvanyanya mukereke uye zviri kukura kunyange pakati pavafundisi. Muromo mumwe chete unoshandiswa kurumbidza Mwari ndiwo umwe chete unopotsera mashoko akaipa.
Mwari havangagoni kungomira vasina chavanoita iyo kereke yavakatenga neropa ravo ichisvibiswa nokupfekedzwa nguo dzine tsvina. Vanotidaidza tose kuti tisuke nguo dzedu muropa regwayana kuti tigoyananiswa navo. Kana mukereke mapinda mweya womunyika, unoratidzwa nokuona vatendi vachifambidzana nenyika mumapfekero, mumafariro uye mumaitiro. Panguva dzakadaro nhengo dzekereke dzinowanikwa dzichiwira muchivi chakakomba, zvobva zvapa vavengi vomuchinjikwa mukana wokutsoropodza.
Kana vatadzi vongoita madiro vonyura mugehena vasina hanya, inguva yokuti vatendi vadanidzire kuna Mwari kuti vawane simba roMweya. Hazvibatsiri kumutsiridza vamwe nokuva vandudza kana hukama hwako iwe naMwari husina kunaka. Naizvozvo, nzvimbo yakanaka yokutanga kugadzirisa nokumutsidzira iri pauri. Ita denderedzwa rakakupoteredza, wopfugama wonamata nomwoyo wose kuna Mwari kuti vatange rumutsiriro mukati medenderedzwa iroro. Ichi ndicho chokwadi chisiri nyore kugamuchira, asi kutozosvikira iwe worarama uchidyidzana naMwari, hazvigoni chose kuti ushandure vamwe.
Isu pachedu tinofanira kutanga taziva nezvohumambo hwaMwari, tahubvumira kutonga upenyu hwedu. Izvi zvinozoratidzwa muhunhu hwedu, maitiro namabasa edu, izvo zvinozoita masaisai anonobata vamwe. Hazvizobai mwoyo uye hazvizovi nechirevo kudzidzisa vamwe nzira yokunyengetera kana iwe usinganyengeteri, kana kudzidzisa vamwe zvokutsanya iwe usina tsika yokutsanya. Daidzira rumutsiriro rwako. Kunyange Pauro akati haaitsvaga kururama kwake iye asi kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Mwari. Naizvozvo tinoshevedzwa kuti tizvipe pachedu kuna Mwari kuti vatiumbe kakare sokuda kwavo. Musiki vachatigadzira sezvavanoda, uye hatisarudzi kuti tinofanira kuumbwa sei. Musoro wenyaya uri kutaurwa penhau yokukurudzira rumutsiriro iri kuda kuratidza kuti Mwari vaunoti vanoporesa, vanoporesa zvechokwadi. Izvi zvinoratidzwa sei? Kana vachiporesa, saka chizviratidza kuburikidza nekuratidzwa kwesimba romuchinjikwa sezvakaita Kristu, kuti vamwe vazive kuti uri kutaura chokwadi, vagotenda zvaunoparidza. Kana vachiponesa, zviratidze! Kana vachigona kupidigura hupenyu, ngationei zvichiitika. Tinomira takasimba nezvatinotenda nezvatinogona kuratidza, nokuti zvikasadaro tiri midziyo isina chinhu inongoita ruzha pamusoro paMwari watisingavimbi naye uye watisingatendi.
Kuna 1 Samueri 17, Mambo Sauro akanga achitungamirira mauto avaIsraeri vachirwisana navaFiristia. Umwe murume ainzi Goriati womumusasa wavaFiristiya akadenha vaIsraeri kuti vawane munhu angamurwisa. Kwamazuva anenge makumi mana vaIsraeri vakaderedzwa kuva kauto kadukuduku kasingabatsiri. Davidi akatumwa naMwari kuburikidza naBaba vake Jese kuti aunze rumutsiriro kumusasa wavaIsraeri. Madzikoma ake naMambo Sauro vakafunga kuti Davidhi nayewo aive muvengi saka vakamutuka nokumutarisira pasi. Vaisanzwisisa mutsauko worumutsiridzo noruvengo. Nguva dzose kereke yaMwari painorwiswa kana painoshanda isina simba, Mwari vanosimudza varume navakadzi, vakomana navasikana kuti vaunze rumutsiriro.
Kana tikasatenda kuna Mwari vatinoti tinonamata, tinorasika tozvidza simba ravo, maitiro iwayo achiita kuti tizvikaurise pachedu. Mwari vanongoramba vari Mwari vanogona asi pakatarisana vaIsraeri naGoriati, chokwadi ichocho chakaita sechisipo nokuti havana kuona Mwari sevaigona. Zvakatora Davidhi, uyo waitenda Mwari waIsraeri, kuti asimuke uye atsvake kuratidza chokwadi chesimba iroro. Mubvunzo woti: unotenda zvechokwadi here kuna Mwari waunonamata kana kuti unopima simba ravo nokukwanisa kwavo kumutsiridza kereke iri kufa?
Patinonamatira rumutsiriro, Mwari vanogona kupindura nenzira yavo kwete yedu. Kereke yeHwisiri muZimbabwe (Methodist Church in Zimbabwe) inogona kunamatira rumutsiriro asi mhinduro yobuda nokune rimwe sangano. Ko Kereke yeHwisiri muZimbabwe (Methodist Church in Zimbabwe) inokwanisa here kutenda Mwari neminamato yakapindurwa nokunzwisisa kuti Kereke yaMwari mutumbi mumwe chete, isingaoni rimwe sangano somuvengi?
Dambudziko rino rumutsiriro nderokuti runogona kutangwa navamwe vanhu vatisingade. Rangarira kuti Mwari vanoshandisa zvakazvidzika kuti zvishayise simba zvinhu zvine simba. Mambo Sauro namauto avaIsraeri havana kumbofunga kuti Davidhi aizokunda. Isu tinotarisira pasi vazodziwa vaMwari nokuti vanowanzotaridzika zvakasiyana nezvatinotarisira.
MUNAMATO: “Baba vari kudenga tinokutendai nechipo chegore idzva. Matipa umwe mukana wokugadzirisa nzira dzedu. Tibatsirei nokutanga rumutsiriro muhupenyu hwedu pachedu uye muMuviri waKristu. Batai moyo yedu zvakare uye mugadzirise hupenyu hwedu muzita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA: Nhasi iSvondo yeChitenderano, zvichienda nemwaka yedu yechiKristu uye setsika yedu. Tinofanira kupinda muChitenderano naMwari. Tinokumbira rumutsiriro, uye isu pachedu tizvipire kune zvinodikanwa zverumutsiriro.
ZUVA REPIRI DINGINDIRA: DZIDZISA MWANA WAKO.
CHIVERENGWA: VAKOROSE 3:18
(Tiri kutsaurira zuva repiri kuti tinamatire vana pasi rose. Tinoita Chitenderano naMwari maererano navana vedu. Ndivo vakanangwa kuti vaparadzwe vari gurumwandira nadhiyabhorosi. Tinochema pamberi paMwari tichitsvaka nyasha dzavo).
Usanzwira tsitsi kana kutya vana vako kana vazukuru vako nokuti nyika yavari kuzokurira haisiriyo yaimbovako. Zvenyika zviri kupararira somoto wesango. Tsika dzave kurasirwa mudura renhoroondo yezvakapfuura. Kusava nohunhu, misikanzwa nokuva muzvikwata ndizvo zvoonekwa sezvakanaka. Zvirongwa zvepamadzimudzangara (materevhizhini) zvakazara nezveganyavhu uye zvapabonde. Hunhu huri kupera munzanga dzedu. Ruremekedzo runofanira kupihwa kuvabereki navamwe vakakosha rwave kutorwa sechinyakare.
Mwari vakasika vana akavadaidza kuti vararame panguva iyoyi yavari. Hupenyu hwavo hahusiri hwemasanga kana tsaona. Varere vakure uchiziva simba ravanofamba naro savana vaMwari, kuti ivo maPirisita eHumambo. Vadzidzise zvesimba riri muShoko raMwari. Vadzidzise kufamba norutendo vachiziva kuti Mwari ndivo vari kutonga. Vadzidzise kuti kurarama kwechiKristu hakumbofi kwakabvuruvara.
Vazivisei simba ravanaro rokugona kushandura nyika, kwete kushandurwa ivo nenyika. Havana chikonzero chokuenzaniswa nechikero chenyika ino. Musavadzidzisa kutya nokuodzwa mwoyo nemamiriro ezvinhu munyika asi vave netariro yokuti vanogona kuita chimwe chinhu nezvazvo.
Munhu wose munhoroondo akararama munguva yaaive nokuda kwehurongwa hwehuChangamire hwaMwari. Mwari vaiziva kuti Danieri aizozvigona zvomugomba reshumba. Vaiziva kuti Davidhi aizogona kumirisana naGoriyati. Vaiziva kuti Esteri aizozvigona zvaHamani. Vaiziva kuti Petro aigona kukurira kutambudzwa. Vanoziva kuti mwana wako anogona kukunda chero dambudziko raachatarisana naro muupenyu hwake. Ndizvo chaizvo zvavakavasikira izvozvo! Dambudziko riri pavana vedu nderokuti vari kukurirwa nezvinhu zvavanosangana nazvo saka havachazivi chimiro chavo chaicho.
Usatyire vana vako asi inzwa kukudzwa kuti Mwari vakakusarudza IWE somubereki wechizvarwa chiri kutarisana nematambudziko makuru muhupenyu. Mirisana nedambudziko. Mwari havasi kumbokwenya musoro vachifunga zvokuita nenyika yakanyangara iyi. Vane hondo yavari kuronga kuti ikunde rima iri igoitawo kuti ivo vazivikanwe pasi rose. Nyengetera kuti mwana wako ave muuto muhondo iyi. Usarega kutya kwako kuchimubira hukuru hwakaiswa maari naMwari. Ndinoziva kuti zvakaoma kufunga mwana wako ari pane chimwe chinhanho chisiri chomucheche usina chaanoziva, saka shuviro yedu ndeyokuvadzivirira kuzvinhu zvingavaomera, asika vakazvarwa panguva yakaita seiyoyi.
MUNAMATO: “Baba vokudenga, dururai Mweya wenyu Mutsvene pavana vedu kuti vapenye sechiedza chakajeka muchizvarwa chakaipa chino unjarinjari. Vakazvarwa munguva yakaita seiyoyi kuti vashandure nyika ino inake. Vafukidzei nokuvadzivirira neropa raJesu. Ameni.” ZVOKUITA:Matambudziko api ari kusangana navana vamazuva ano? Tingavabatsira sei kukunda? Vana vanhasi vasimuke nenzira dzipi kuti vasimudzire mureza wemuchinjikwa waJesu Kristu pamusoro?
ZUVA RETATU DINGINDIRA: KUDZIKISA PFUNGWA
CHIVERENGWA: MAPISAREMA 94:19
Tasara namadota akatsva egore rakapera, iro rasvika kumagumo. Tinogamuchira gore idzva nemuZita raJesu Kristu, tichiziva zvikuru kuti zuro dzangove ndangariro, nhasi ndo rine chokwadi, ramangwana ifungidziro. Tinogara tichiedzwa kuti titarise kune zvakaitika kwatiri kumashure uko. Zvinosuwisa ndezvokuti kuvanhu vazhinji, izvi zvinoreva kugara vachifunga zvokukundikana, zvezvigumbu namamwe matambudziko. Izvi zvinobva zvakonzera kutya nokufunganya nezve ramangwana.
Kufungisisa nezvakapfuura zvechokwadi kune nzvimbo yako yakakodzera muupenyu hwako, asi kunofanira kuitwa zvinovaka nguva dzose. Iwe unofanirwa kukwanisa kudzidza kubva mukukanganisa usingaremerwi nomutoro wacho. Zvakare chenjera kunyanya kuzvipa mhosva nokuti zvinogona kutibikira mazuva ako nerima. Usaisa pfungwa dzako pane zvakabuda muupenyu hwako asi kusimbirira pane zviri kurongwa naMwari. Tarisira ramangwana rizere nemaropafadzo aMwari. Zvatinofunga nezvatinotaura ndizvo zvatinova. Funga kuti zvazuro zvakapfuura wave kutanga patsva.
Panguva imwe cheteyo unofanirwa kuchenjerera kusazvikudza uchigarira maoko, uchizvirova dundundu pamusoro pokubudirira kwawakaita mugore rapfuura. Izvi zvinongofanira kushanda sekurudziro yekuedza zvakawanda mune ramangwana uye kushanda zvakatonyanya mugore rino. Izvi zvinongova zviratidzo zvenyasha dzaMwari dzisingaperi dziri kushanda muhupenyu hwako.
Paunoongorora zviitiko zvegore rapfuura mumunamato, unofanira kushinga kupinda mugore idzva uri pamwe naKristu, uchitungamirirwa noMweya Mutsvene. Rega Kristu ave Muenzaniso noMutungamiriri wako. Rega pfungwa dzako dziteerere izwi roMweya Mutsvene, uye usarudze kuteerera kuda kwaMwari nguva dzose.
Pakufungisisa usina zvawakatarisa, unova nechokwadi chokuti kunyangwe kune zvakaitika kare, unogona kutarisana neramangwana uine chivindi, chivimbo norunyararo. Uhwu hunhu hunogona kukura mauri kana ukagara pedyo naMwari uchiteerera kuda kwavo. Ipapo uchanzwa kunyaradzwa kwavo uko kunounza mufaro kuMweya wako.
Kufungisisa kunoshandawo pakugadzirisa hupenyu kuti huenderane nokuda kwaMwari, uchifamba sezvinorehwa neshoko raMwari. Izvi zvinokubatsira kufunga zvinovaka ramangwana roupenyu hwako hwomweya. Rangarira kuti haugone kushanduka kunze chete asi kutsvaga mhindu dzokushandura munhu womweya kuti agoshandura munhu wenyama. Ndingavandudza sei manamatiro? Ndowedzera sei kufungisisa nezveshoko uye ndingapira sei nguva yangu yakawanda kuna Mwari mugore ratapinda? Iyi ndiyo imwe mibvunzo yaunofanira kugara pasi uchifungisisa sechikamu chokuzviongorora pamweya.
MUNAMATO “Imi, makatidzivirira nguva dzose, imi Mwari vatinovaka pamuri; ndimi utiziro hwedu kana madutu achiuya – tinoziva kuti tinogona kuvimba nemi.” Ndinokutendai Baba vokudenga negore rapera, uye ndinokutendai noumwe mukana wokukushandirai mugore idzva, nemuzita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA: Ita chitsidzo pamberi paMwari iko zvino chokuti uchavatevera chero zvodini. Nyora zvinhu zvaungada kuitira Mwari mugore rino. Ita Chitenderano naMwari.
ZUVA RECHINA DINGINDIRA: TENDA MWARI NOUSHAMWARI
CHIVERENGWA: 2 SAMUERI 1:17-27
Uno ndiwo mwaka watinosimbisa hushamwari hwekare nokuwana hutsva uhwo Mwari vanoshandisa kupfumisa hupenyu hwedu. Pane chimwe chokwadi chokuti chikamu chezvakanaka kana zvakaipa chezvauri chakaumbwa neshamwari. Kufambidzana navakaipa kunoparadza tsika dzakanaka asi kufambidzana navakanaka kunovandudza hupenyu hwako. Shamwari munhu waunoshuva kugara naye muchifara nguva dzako dzose dzokurarama, uye waunoda kuti ave newe paunofa. Ndoumwe munhu waunogona kuvinga usingafungi kaviri kana wapinda pakaoma, uye anogoverana newe mifaro yako nerombo rakanaka achirevesa nomwoyo wose.
Unotsvaka mazano kushamwari yako paunenge uchinetseka, uye unogamuchira makorokoto ake kana dambudziko ragadziriswa. Unogona kugovana naye zvakavanzika zvako, asi iye haafe akaongorora moyo wako, kana kutsvaga kuburitsa zvakavanzika zvisingafaniri kuburitswa. Unogona kutsamira pavari kana mwoyo wako woda kudambuka, ivo vasingazvishandisi muzvakaipa. Shamwari yechokwadi inopfugama newe kana hupenyu hwakuvavira, yokanganwa nezvazvo kana wazomira zvakanaka.
Unogona kuchema papfudzi reshamwari kana wakasuwa uye kuseka naye wakasununguka kana uchifara. Vanove nemisodzi pamatama paunotambura uye kupenya mumaziso kana zvinhu zvakunakira zvakare. Shamwari dzechokwadi dzinoyemura hunhu hwako hwakanaka uye dzinokuda zvisinei noutera hwako. Vanokuseka paya paunomboshanduka maitiro asi vasingatsamwi; vanodada newe kana une zvawakunda, uye havanyare newe kana wakundikana. Shamwari inogutsikana kana waifadza, asi haikupi mhosva paunoigumbura. Inotaura chokwadi kunyange chingakurwadza; uye iwewo unogona kumuudza chokwadi usingatyi kumugumbura.
Shamwari dzechokwadi hadzizengurira kuratidza ushamwari hwadzo, kunyange pane njodzi yokuti unogona kushandiswa zvisina kufanira. Dzinopa rubatsiro dzisingatarisiri kuwana chimwe chinhu. Dzinotaura zvakanaka chete pamusoro pako paya vamwe pavanotsoropodza zvakaipisisa zvako. Chii chawakashandurawo chakanaka muhupenyu hweshamwari yako? Wakaisa ruoko here kuvabatsira kuti vave nani, uye vazvione savanhu vasamhuka, kana kuti ndiwe wakakonzeresa kukoromoka kwavo? Wakamboshandisa zvisizvo kuvimba kwavo newe here kana kuti uri mbiru yavo yakasimba yavanomira nayo? Shamwari inofanira kuwedzera kukosha muhupenyu hwako, uye kuti ukure, unoda chombo chakapinza pane zvaunazvo chokukurodza kana uchinge wodzungaidzwa nezvenyika ino. Simbi inorodza simbi, saka shamwari yechokwadi ichava mviromviro yorukudzo, kudada, kukwidziridzwa nokushanduka kwako.
Tinofanira kusiyana navanhu vanongoda kutora kwatiri nokuti vanokonzeresa kutambudzika uye vanodzimaidza kuisa kwako pfungwa pana Kristu. Pakauya denda reCOVID-19, yakaratidza shamwari dzechokwadi pakati pedu here, dziya dzakamira nesu tabatwa nohutachiona hunotapukira, dzikatibatsira kukunda dambudziko redu? Kuchengeta vamwe kunyange uri woga kwaipfuura kuvapo. Denda rakatiratidza kuti isu tinogona kuitirana zvakanyanya uye kuratidza hanya kudarika kungotaura mazwi ekukurudzira. Takadzidziswa kuita zvinobatika, kutapudza papfuma shoma yatinayo iyoyo tisingaiti kuti vanhu vanzwe savasara nomungava kwatiri. Sokungopa kwakaita Kristu zvisina chiero, shamwari dzechokwadi dzichapa nomweya ‘wokunozviwanira mberi.’Gamuchira rubatsiro ugone kubatsira vamwe vanodawo rubatsiro rwako kuti zvirambe zvichienderera mberi.
Shamwari yako yakakukurudzira here kuti unamate gore rapfuura? Yakakutungamirira kuna Kristu apo zvinhu zvakanga zvamira kuipa here? Makanamata pamwe chete here, mukatsanya pamwe chete; mukadzidza bhaibhiri pamwe chete, uye mukafamba pamwe chete kuenda kunzira yokururama here? Sarudza nhasi kana uchifanira kuenderera mberi muushamwari, uchiongorora kuti zvakanaka kana zvakaipa zvamunoita zvinokanganisa sei hupenyu hwako paunoenderera mberi norwendo rwohupenyu somuKristu.
MUNAMATO (2 Samueri 1:17-27): ‘Mudzikinuri neShamwari’, ndapota ndibatsireiwo nenyasha dzenyu, kuti ndive shamwari yakatendeka. Ndinokutendai kuti munoda kuva shamwari yangu yavamoyo.
ZVOKUITA: Chii chinonyanya kukosha kwauri: kuva neshamwari kana kuva shamwari? Uchaenderera mberi neshamwari dzawaiva nadzo gore rapfuura here? Hongu kana kwete – zvikonzero ndezvei?
ZUVA RESHANU DINGINDIRA: MWARI VAKATAURA NAVANHU VAKASIYANA
KUVERENGA: JOHANE 10:27
Kune mamwe maKristu anoti Mwari vanongotaura nomuBhaibhiri chete. Vanokanganwa kuti Mwari vakataura Bhaibhiri rikabva ravapo. Vamwe vatsoropodzi vanoti Mwari havachatauri mazuva ano, vachitenda kuti vakataura navanhu vari muBhaibhiri uye kuti havachatauri nevanhu vanhasi. Funga nezvemienzaniso yakanyatsojeka iri muBhaibhiri. Vanhu veIsraeri vakagamuchira mitemo ine gumi nokuti Mosesi akanzwa inzwi raMwari. Maria akaziva kuti achatakura Muponesi nokuti akanzwa inzwi raMwari. Gidheoni akanunura vaIsraeri kubva mumaoko avaMidhiani nokuti akanzwa inzwi raMwari.
Vaporofita vomuBhaibhiri, vakafanana naSamueri, vakava vaporofita nokuti vakanzwa inzwi raMwari. Abrahama akabuda muHarani nokuti akanga anzwa inzwi raMwari. Mambo Jehoshaphat vakaenda kuhondo chita chavarumbidzi navanamati chiri pamberi pemasoja chakatungamira nokuti vakanzwa izwi raMwari. Saka mubvunzo hausi wokuti Mwari vachiri kutaura here, asi ndewokuti, tiri kuteerera here? Maraki 3:6 inoti, ‘Ndini Mwari uye handishanduki.’ Kana vakataura kuvanhu munguva yakapfuura, vacharamba vachitaura nanhasi. Jesu Kristu anogara akadaro zuro, nhasi, nokusingaperi.
Jesu akakumbirisa kukereke nomwe dzeAsia kuti vave nenzeve dzokunzwa vadzishandise kunzwa. Tine nzeve dzokunzwa here? Kare Mwari vaitaura namadzitateguru edu navaporofita nenzira dzakasiyana- siyana, sokutaura kwaVaHebheru Chitsauko 1. Asi pamazuva edu nezvizvarwa zvedu, vari kushandisa Kristu. Mwari vakataura nezwi rainzwika kuna Adhamu naEvha, kuna Mosesi kuburikidza negwenzi raipfuta moto, nokuna Sauro munzira yokuDhamasiko. Shoko raMwari rakapiwawo kuburikidza nokushanya kwengirozi, uye vachiri kutaura nesu nhasi kuburikidza nezviroto nezviratidzo.
Mwari vakavimbisa kudurura Mweya wavo pamusoro pavanhu vose kuitira kuti majaya aone zviratidzo, vatana vachirota hope. Mweya uri pamusoro pavose asi havasi vose vanokwanisa kuugamuchira nokuushandisa, uye kugashira zviratidzo kunoenderana nevavariro dzedu. Mwari vanotaurawo nesu neshoko rakanyorwa, shoko rinotaurwa (Rhema), kuburikidza navaparidzi navadzidzisi. Mwari v anoshandisa vanhu semidziyo yokutaura mashoko echiporofita. Vhangeri roushe richaparidzwa munyika yose sechapupu kumarudzi ose. Zvigadzirwa zvamasaisai (Mass media platforms) zviri kushandiswa kufambisa mashoko evhangeri.
Mwari vanotaurawo kuburikidza nezvisikwa uye nezviri munyika, kuburikidza nehana dzedu uye noMweya Mutsvene. Mwari vanozotaura kwatiri kakawanda apo tinodzidza kuziva izwi ravo. Dambudziko nderokuti tinotarisira kuvanzwa neSvondo kukereke asi vanoda kutaura nesu mazuva ose.
Ngatiregei kuganhurira simba raMwari kana kubwinya kwavo. Mwari havaganhurirwe nenzvimbo kana nguva, uye tinofanira kuvatsvaka nomwoyo wose nokuti vakavimbisa kuti vachawanikwa naye. Iva netsika yokunyengetera nokufungisisa zveshoko apo unotsvaga kunzwa kubva kuna Mwari. Zvirokwazvo vachataurirana neavo vanozvipira kuva noukama navo.
MUNAMATO: “Baba vokudenga, muchiri kutaura chimwe chinhu muchizvarwa chedu. Ndibatsirei ndinzwe shoko renyu ndiriteerere. Imi hamuna kunyarara asi dambudziko rangu nderokugona kukunzwai. Baba ndiwedzereiwo kugona kukunzwai.”
ZVOKUITA: Nhasi tiri kutaura nezvenzira dzinoshandiswa naMwari kutaura kwatiri. Dziongororei nokudzivheneka.
ZUVA RECHITANHATU DINGINDIRA: MWARI VAKURU
KUVERENGA: ISAYA 55:8-9
Mwari pavakasika denga nenyika, ivo pachavo vakanga vasiri kudenga kana panyika nokuti zvakanga zvisipo. Vakasika zvinhu zvose vari pachinzvimbo chesimba iro rakanga rakakura kupfuura zvavaisika. Mwari vaingovapo kubva pakutanga. Kuve muvambi wezvinhu zvose kunoreva kuti huvepo hwavo hunopfuura kunzwisisa kwedu. Zvazvinoreva kwatiri ndezvokuti Mwari vari kunze, vachitarisa zvose zvinoitika pasi nokudenga somunhu mukuru. Pane imwe nguva, bhaibhiri rinoti nyika chitsiko chetsoka dzavo. Zvazvinoreva ndezvokuti nyika iri pasi pesimba ravo.
Mwari vane simba pamusoro pezvose zvavakasika, kusanganisira isu. Pavakapa utongi kumunhu, vakanga vachitora kudura rine zvisingaperi. Mwari vakatipa chikamu chomweya wavo; vakabva vatipa chikamu chesimba ravo, rinova ndihwo hutongi hwatinahwo pamusoro penyika. Vanhu vanokanganisa kufunga kuti isu patakangopiwa utongi pamusoro penyika, Mwari vakabva vashaya chokuita kana chokutaura pamusoro pemafambisirwo enyika. Vanoramba vari Mwari vana masimba ose, vanoziva zvose. Vanoramba vachitonga zvinhu zvose. Mwari vakaenderera mberi vachitipa chikamu chouchenjeri hwavo. Vachine uchenjeri hunopfuura hwatinganzwisisa nokure. Zvatinazvo chinongove chikamu chiduku chezvinoitwa naMwari, uye kana tichida kurarama hupenyu hwekutendeka nokugutsikana, tinofanira kubvuma kuti ndivo mviromviro rezvinhu zvose. Tinofanira kupa rukudzo kuna Mwari, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu. Tinofanira kuva nemhando yokutenda inokudza Mwari somupi wezvinhu zvese. Zvatinazvo ndivo vakatipa, zvatinotarisira ndivo vachatipa. Naizvozvo hatifaniri kutsvaga kumwe kunobva zvikwanisiro nokuti Mwari vedu vakakura kupfuura vose vanganyepera kuve nezvatinoda.
MUNAMATO: “Mwari, simbisai mukati mangu zvipo zvamakandipa. Dai zvandinogonesesa muhupenyu hwangu, zvararama kuitira kuti kuburikidza nokutenda, nditore nzvimbo yangu chaiyo munyika ino uye ndiunzewo shanduko yakanaka kwairi.”
ZVOKUITA: Fungisisa pamusoro pechiyero chakashandiswa naMwari vachipa hunhu hwavo kwauri. Ita chisungo chokuvavarira kusimbisa hunhu hwakanaka mukati mako, uchidzura mashawi akadyarwa mauri nadhiyabhorosi kuti asvibise runako rwezvakaiswa naMwari mauri.
ZUVA RECHINOMWE DINGINDIRA: MWARI VANE GODO
CHIVERENGWA: ISAYA 42:8
Kunamata kupfugama uchipa chibairo chokuzviisa pasi. Mwari pavanotaura kuti havazopi rumbidzo kumifananidzo yakavezwa, vari kutaura kuti ivo havazoenzaniswi nezvimwari zvakagadzirwa navanhu. VaFiristia pavakaisa areka yechitenderano yaimiririra huvepo hwaMwari padivi pechifananidzo chavo chaDhagoni, vakawana Dhagoni chakawira pasi pamberi peareka chaputsika. Kuramba tichidzokorora kuvangararisa mwoyo tichinamata nokukudza mifananidzo kunowedzera kuparadza mweya yedu, zvichitikuvadza zuva nezuva.
Vanhu vano unyanzvi hwokutsautsa zvinhu zvaMwari vachizvinangisa kuzvinhu zvavo zvavakagadzira ivo vamene. Patinoremekedza mari kupfuura kuremekedza kwatinoita Mwari, avo vanotipa simba rokupfuma, tinenge tichitsiva Mwari nemifananidzo. Patinopedza nguva nzeve dzedu dzichiteerera nziyo dzomunyika dzinorumbidza nyama, tiri kupa rumbidzo kuzvifananidzo zvavanhu uye tichishumira muchinda werima. Muchinda uyu achaita kuti timbunyikidze mweya tichisimudzira zvenyama zvinoora.
Kana isu tichisimudzira chinhu chakaitwa kunze komuiti wacho, tinenge tichipa mbiri kune mumwe uye tine mhosva yechivi chokunamata zvifananidzo. Kuna 1 Samuel 25 ndima 23, bhaibhiri rinofananidza kupanduka nokuvuka, uye kuvangarara sokunamata zvifananidzo. VaFiristia pavairamba vachisimudza Dhagoni pamberi peareka, ndipo pavairatidza kuoma misoro kwavo kuburikidza nokunamata zvifananidzo. VaIsraeri vakadaidzwa kuti vane mitsipa mikukutu nokudawo kwokusindimara kwavo. Mwari vakasikira munhu kuti avakudze, saka kana tikaendesa kubwinya ikoko kune mumwe, isu toshumira vamwari verumwe rudzi, tiri kutyora musimboti chaiwo wekusikwa kwezvinhu.
Patinoramba tichishingirira muhunhu hwechindini, tinoramba tichitsuduruka kubva pana Mwari. Kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Takapiwa chikamu chomweya waMwari. Takapiwawo kutonga pamusoro penyika uye chikamu chouchenjeri hwaMwari. Kuti tichengetedze zvipo izvozvo, tinofanira kugara takabatirira kwazvinobva kuna Mwari. Kana taparadzaniswa naMwari, tinova varombo pamweya yedu; tinorasikirwa nohutongi nohuchenjeri hwatakapiwa nokuti taramba kunobva simba nokurarama kwedu.
Tinofanira kuramba takabatirira pana Mwari avo vakaisa chirongwa choruponeso kuti tigoyananiswa naMwari uye nokuda kwavo. Kana tayananiswa naMwari, tinofanira kushingaira mukuvapa rukudzo rwakafanira nerumbidzo nokuti ndiMwari vane godo.
MUNAMATO : “O, Ishe, ndibatsirei kuti ndidzokere kwamuri. Ndoda kugara nokukura mamuri kuti mweya wenyu uri mandiri usafe nenzara, uye ndiwedzere pahuchenjeri nohutongi. Ndibatsirei kupedza nguva yakawanda nemi, muzita raJesu ndanamata, Ameni.”
ZVOKUITA: Ngationgororei zvinhu zvose zvatinokoshesa muupenyu uye tiongorore takatendeseka kuti zvinhu izvozvo pane pazvinotora nzvimbo yaMwari napazvinonyanya kukosha kupfuura ivo here. Tinopedza sei nguva yedu? Tingasarudze mabasa okuzvishandira toga here, kana tikapiwa mukana wokusarudza pakati pokushumira Mwari nokuita bhizimisi redu pachedu?
ZUVA RORUSERE DINGINDIRA: KUKURA PAHUCHENJERI
ZVIVERENGWA: RUKA 2 V 52; DANIERI 5:12
Kusvika pari zvino tave nechokwadi chokuti Mwari vakatipa chikamu chohunhu hwavo, vakaisa mweya wavo matiri, vakatipa njere nesimba pavakatitendera kuve vakuru pamusoro penyika. Kana tikafunga nezvezvipo zvatakapiwa nokuda kokuti Mwari vakatisika, tinofanira kuramba tine chikwereti navo.
Zvose zvatinazvo zvabva kuna Mwari zvinongowedzera uye zvinongobudirira kana tikaramba tiri pakuda kwaMwari. Hunhu hwakanaka hwatakawana kubva kuna Mwari patakauya pasi pano hwakakanganisa nechivi asi zano roruponeso riripo kutidzorera panzvimbo. Hupenyu hokuramba tichinamata nokudzeya shoko raMwari hunovaka hunhu hwedu. Saka uchenjeri hunowedzera patinowedzera kufamba naMwari.
Tinoverenga nezvoupenyu hwaEnoki namafambiro aakaita naMwari kusvika pakuti akatorwa akasazoonekwazve. Kana tiine uchenjeri hwaMwari, tinorarama upenyu husina muganhu. Tinokwanisa kuwana maropafadzo anopfuura hwaro hwedu. Tine maropafadzo atakagadzirirwa munyika ino neinotevera. Danieri neshamwari dzake vaive majaya akachenjera zvikuru asi pamusoro pezvose, vaive nomweya waMwari mavari saka vaive vakazadzwa nohuchenjeri hwaMwari.
Tinowana pfungwa dzaMwari patinozvipira kwavari uye tichifamba mukuda kwavo kuti tirege kutadza kufamba mukunaka kwezvipo zvavo. Naizvozvo, kune zvinhu zvine chokuita nokukumbira uchenjeri hunobva kuna Mwari. Rangarira kuti Soromoni akafamba akazvipira kuna Mwari akazadzisa kuvakwa kwetembere sokuraira kwababa vake Davidhi. Aipa zvibairo zvokunamata kuna Mwari asati auya kuzokumbira zvaaida.
Chii chatakaita kuratidza Mwari kuti tinogona kushandisa chipo chouchenjeri nenzira inokodzera mwana waMwari. Uchenjeri hahugoni kuuya patiri kunze kwekunge tagona kurarama upenyu hwomunamato, tichifambawo nenzira dzinosimudzira hupenyu hwavamwe. Soromoni haana kukumbira pfuma asi huchenjeri hwokugona kutonga vanhu vaMwari nokuti aiziva kuti uchenjeri hunokosha kupfuura pfuma. Mwari vachatipa zvipo pavanoona kuti tichazvishandisa zvakanaka. Tinofanira kugona kukurudzira vamwe muzvakanaka, kwete kuva nehundingoveni hwokusunda Mwari kuti vatipe huchenjeri hwatinoda.
Bhaibhiri rinowanzoshora hunhu hwoupenzi uhwo rinoti hunokuvadza kunyange budiriro yomunhu, zvinogona kuwisira pasi vamwe vakakupoteredza. Norumwe rutiviwo, kana munhu akachenjera, unofananidzwa nomuti muhombe unopa huvando kune vamwe vakawanda. Uchenjeri hwaSoromoni hwakaita kuti vakawanda vashanyire nyika yake kuti vawanewo chikamu chouchenjeri ihwohwo. Kana tikachenjera pazvinhu zvaMwari, tinogona kushandisa huchenjeri ihwohwo kuita kuti vanhu vakawanda vauye kuna Kristu.
Chiyero choruzivo nokugona kwatakapiwa kubudikidza naKristu chinova nzira yokutandavadza umambo hwaMwari. Tinokwanisa kusimudzira vamwe nohupenyu hwavo nenzira yakanaka. Uchenjeri hunopiwa munhu anoshivirira, ane mwoyo murefu, navasina udyire nokuti kutakura uchenjeri hwaMwari ibasa guru. Munhu akangozvipira kudzidza nokudzeya bhaibhiri pamwe nokushingairira kunamata, izvozvo zvoga zvinomukodzeresa kugamuchira huchenjeri hwaMwari. Kana taumbwa neshoko tikazvipira kuita zvarinoraira, zvirokwazvo tinowana uchenjeri hwaMwari uhwo hunova upenzi kuna avo vanorarama nemitemo isingadi Mwari. Ihwohwo ndo hupenyu kune vanoziva Kristu nokuti kuziva Kristu ndihwo uchenjeri hwechokwadi.
MUNAMATO: “Ishe ndibatsirei kuti ndikuzivei zvakanyanya uye ndishuve kuzadzwa nohuchenjeri hwenyu nokuti upenzi kune vanoparara, asi chinhu chakakosha muhupenyu hunogara huchishanduka. Huchenjeri hwenyu hunogara huripo huchanditsigira nokundibatsira kuunza vanhu vazhinji kuti vazive Kristu.
ZVOKUITA:Zvipire kudzidza shoko, kunamata nokukumbira kuti uzadzwe nohuchenjeri hwaMwari zuva nezuva kana uchida kushandurwa uye kukurudzira vamwe zvakanaka.
ZUVA REPFUMBAMWE DINGINDIRA: TSITSI DZINOITA KUTI TIPE KUBASA RAMWARI
CHIVERENGWA: RUKA 8:1-3
Tsitsi dzakanga dziri pakati pemoyo waJesu. Kwese kwaaienda ainzwa tsitsi, izvozvo zvomusunda kuporesa vanorwara uye kusunungura nhapwa. Akatomboverenga mubhuku romutemo pane imwe nguva ari musinagogi kuti asimbise basa iri. Kristu akati akazodzwa kuti aunze rubatsiro kune vasina simba uye kuti ashandure mararamiro evanhu vaaisangana navo. Hapana akambouya kuna Jesu akadzokera akadaro.
Humambo hwaMwari hunoda vanopa mari, kwete vanongopa zvinhu zvavo kusimudzira basa raMwari, asi vanhu vanozvipirawo kushandiswa naMwari. Hakuna chinhu chakasimba somoyo unonzwira vamwe nokuti unoita kuti tipe zvizere tisingatarisiri kudzorerwa chimwe chinhu.
Dzimwe nguva huchapupu hunosimba kana hupenyu hwashandurwa zvachose, shanduko iyoyo ichizoguma nokuwedzerwa kwavashandi muzunde raShe remizambiringa. Patinogamuchira Kristu nokunzwa simba rake, tinofanira kuonekwa nokuzvipira zvizere kuunza vamwe kuna Kristu. Tinofanira kuonekwa tichipa, kwete pfuma chete asi nenguva yeduwo kubasa raMwari.
Kereke iyi inomiririrwa navanhu vakaita saMaria Magadharina, Joanna naSusana avo vakaenderera mberi vakava vashandi vakazvipira kuona kuti hapana chinoshaikwa painge pachiitwa basa raShe. Bhaibhiri rinoratidza kuti dzimwe nguva patinosangana nevanoshayiwa, kungotaura shoko rekurudziro kwavari hakuna kukwana asi patinoona kushayiwa, tinofanira kutambanudza maoko edu tobatsira. Saka kereke inomiririra vanhu vanofambidzana nezvido zvavamwe. Zvinotarisirwa kuti izadzise zvinodiwa pamweya napanyama pavaya vanouya kwairi kuzowana utiziro. Munguva dzehondo kana dzenjodzi, makereke anowanzo zarurirwa vanhu vasina pokugara. Hatifaniri kumirira kuzarura mikova yedu kana mwoyo yedu panguva dzematambudziko bedzi, asi tinofanira kunzwira vamwe muupenyu nokungogara takazvimisira kuva vabatsiri zuva nezuva.
Kupa hakutarisirwi kuvapfumi asi avo vane moyo yokunzwira ndo vanotarisirwa kutambanudza maoko. Hama ngatiyerei kuwanda kwetsitsi dzatinadzo mumoyo yedu tichitarisa patakatambanudza maoko edu kusimudza hama yairwara. Chiyero ichocho chichatiratidza kuti tine tsitsi dzakadini dzaJesu matiri. Tikasabatsira ngatisatarisira kubatsirwawo. Kana tichizviti takafanana naKristu, ngationekwei tichiratidza tsitsi sezvaaiita. Mwari vari kutsvaga Kornerio wenguva yedu, vanhu vachazvipira zvizere kubasa raMwari.
Mwoyo unoda ndiwo unodiwa naMwari kuti vaushandise norufaro kuparadzira humambo hwavo uye kuzadzisa kunyange zvatinoda zvatisingataure, ndo kunge bedzi tazozvipira zvizere kuna Kristu.
MUNAMATO: “Ishe, ndinopa kwamuri zvese zvandiri nezvose zvandinazvo kuti ndigone kushandiswa nemi kushandura hupenyu hwavamwe. Humambo hwaMwari ngahuenderere mberi nekuda kokuzvipira kwandinoita nhasi kusimudzira humambo hwenyu. Ameni”
ZVOKUITA:Tarisa nzira dzawakasimudzira umambo hwaMwari nadzo usingatsvagi kupembedzwa navanhu asi kuitira mbiri ya Mwari bedzi.
ZUVA REGUMI DINGINDIRA: UCHENJERI HUNOUYA NOMUSENZEKETE MUKURU
ZVIVERENGWA: 1 MAKORONIKE 12:23, 32; MAVAMBO 49:14-15; DHEUTERONOMIO 33:18-19
Iyi ndiyo yaive ropafadzo yaJakobho pamusoro paIsaka, kuti ave mutakuri wemitoro uye murume anoda hufudzi. Saka Isaka akaberekwa ari muranda, akaberekerwa kushumira asi Jakobho akaona kuti aigona kutakura mitoro miviri: yake neyavamwe.
Nemhaka yokuti vanakomana vaIsaka vaigona kutakura mitoro yavamwe, vakave nouchenjeri hwokuchengeta shoko raMwari mumoyo yavo, hunhu hunove ndo hunotsvakwa naMwari matiri. Kana tikagona kutakura mitoro yavamwe nokuchengetedza zvakavanzika zvaMwari mumoyo yedu, ivo vacharamba vachitivimba nezvakavanzika zvavo.
Naizvozvo uchenjeri hahuna hundyire asi hunodisa kuzvininipisa uye kushanda nokubatana. Munhu anoda kushanda ari ega anoshaya uchenjeri hunobva mukubatana. Mwari pachavo vakatiratidza kukosha kwekuzvipa pavakapa Jesu, Mwanakomana wavo akaberekwa ari mumwe oga. saka zvipo zvedu zvakafanira kugovanwa navamwe, tichiziva zvakare kuti tine zvipo zvatinazvo asi hazvisi zvipo zvese zvinowanikwa pamunhu mumwe chete.
Pane chikonzero Mwari chavanopira vanhu zvipo zvakasiyana. Kuti zvipo zvedu zvive zvakakosha, tinofanira kushanda pamwe chete tichisanganisa zvipo zvedu kuti zvibereke mapudzi. Mumwe akachenjera, mumwe anopa uye mumwe mushandiri. Chipo chimwe nechimwe chinofanira kuunzwa kuimba yaMwari kuti chikwane kufanana nezvidimbu zvomufananidzo. Tikaunza zvidimbu zvese pamwe chete tinoburitsa chinobatika. Naizvozvo Basa guru nderekubatanidza zvatakapiwa naMwari kuti tizadzise musenzekete wokuunza vanhu kuna Kristu.
Zebhuruni naIsaka vakabatanidzwa muchikomborero chaMosesi vachiratidza kubatana nokudyidzana kwavana vanyamunhu. Isaka akanga ari mwanakomana wechishanu waRea, Zebhuruni ari wechitanhatu. Vose vaiva vanhu vomufaro, vachigarofara muna JEHOVHA! Chiratidzo chorudzi rwaZebhuruni chaiva chikepe; vana vaZebhuruni vakanga vari vatengesi, vachishambadza nokuita mabhizimusi. Chimwe chezviratidzo zvorudzi rwaIsaka yaive tende. Vana vaIsaka vaidzika matende kuti vadzidze Shoko raMwari.
Mumwe akabudisa zvikomborero zvapanyama mumwe wacho achiburitsa zvomweya. Kushanda kwavo pamwe chete vakabatana zvakaunza zvikomborero zvakawanda zvaJehovha kunharaunda yavo. Kunze kwokungodzidza Shoko mumatende avo, vanakomana vaIsaka vaicherechedza mafambiro ezuva nomwedzi kuti vagone kuverenga nokuzivisa nguva dzakatarwa dzaJehovha.
Vanakomana vaIsaka vakanga vane ruzivo nouchenjeri rweShoko, zvaive zvouprofita uye zviri zvechokwadi. Vaiziva pakanga pane zvakawanda zvegungwa, uye vaizoudza vanakomana vaZebhuruni, (hama dzavo) kuti vangazviwana kupi uye sei. Vakakwanisawo kuita tsvakurudzo yokwaiva kwakavigwa pfuma mujecha, vanakomana vaZebhuruni vobva vazoichera. Naizvozvo tinoona kushanda pamwe chete koruzivo nouchenjeri hwomweya kuwana pfuma yenyama inobatika, zvichiburitsa rudzi rwaive nohutano, pamwepo nohutungamiri hwomweya nehwomunyika.
MUNAMATO: “Ishe burutsiraiwo zodzo yaIsaka pamusoro pangu kuti ndizive zvokuita. Ndinokumbira mundishandise muumambo hwenyu kuti ndifambise basa renyu uye nditsigire vazodziwa venyu vari mumunda wenyu wemizambiringa, muzita raJesu.”
ZVOKUITA:Ongorora zvipo zvawakapihwa naMwari uye tsvaga mukaha wokuti chipo ichocho chishandiswe chakabatana nezvavamwe kuzadzisa musenzekete wokuunza vanhu kuna Kristu.
ZUVA REGUMI NERIMWE DINGINDIRA: USAREGA KUTAMBUDZIKA KUCHIDZIVIRIRA KUBUDIRIRA KWAKO.
CHIVERENGWA: KUBUDA 16:1-3
Pose patinoudza vamwe nezvemamiriro edu tinofanira kuzvibvunza kuti vavariro yokuvaudza ndeyei. Hapana chakaipa kutaura nyaya yako sezvairi. Kana zvinhu zvashata, hachisi chitadzo kutaura kuti zvakaipa, kunyangwe uchinyanyo kurudzirwa kana ukataura zvemikana inounzwa nenjodzi. Imbozvifunga uri pakati pavana vaIsraeri, vamwe vavo vachitanga kunyunyuta zvikuru pamusoro penzara. Iwe unobva watanga kunzwa nzara zvakanyanya, kunyangwe wambenge uchizvishingisa. Izvi zvinoratidza kuti vanhu vanogarisana saka mamwe maitiro edu anoumbwa namagariro edu.
Bhaibhiri rinoti: “Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka paErimu ikasvika kurenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi neshanu romwedzi wechipiri vabuda muIjipiti. Murenje imomo mhuri yose yakapopotera Mozisi naAroni, vakati kwavari, “Dai takanga tafira hedu muIjipiti noruoko rwaJehovha hedu pahari dzenyama tichidya zvigwa tichiguta, nokuti matibudisira kurenje kuti muuraye ungano iyi yose nenzara. Kubuda 16:1-3) Ndinofunga kuti kunenge kuzvidza kuti vati, “Dai takanga tafira hedu muIjipiti noruoko rwaJehovha! Kana vakanga vakagadzirira kufira muEgipita, nei vakanga vava kutya kufira murenje. Kufa kufa, asi vanorarama vane tariro yeramangwana riri nani. Ndiro dambudziko kana vanhu vakawedzeredza dambudziko ravasangana naro.
Chinotonyanya kuipa ndechokuti izwi roga roga raunotaura rinogona kuve rechiporofita, iwe ugoramba uchive sezvaunotaura. Isu tinoumbwa nezvatinofunga nokutaura. Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu. (Zvirevo 18:21), Ndokusaka kutenda kuchiuya nokunzwa, uye nokunzwa shoko raMwari. Ukuwo, kuwedzeredza kuno wanzoodza mwoyo nokuparadza. Nekudaro, kana iwe uchida kufambira mberi muhupenyu hwako, gadzirira kutambura nekusagadzikana uchiita nepaunogona napo kuti ubudirire. Jesu Kristu unomira newe paunosangana nezvapamusoro pegomo kana nenguva dzaunodzikisisa. Vakaudza Jairosi kuti mwana afa saka hapasisina chikonzero chokunetsera Jesu. Asi Jesu akaudza Jairosi kuti atende chete kuti aizochigamuchira chaive adaidzira Jesu. Hama vadiwa ngativei netariro ipapo pasina tariro.
MUNAMATO: “Baba vokudenga ndibatsirei kuti ndive nemaonero akanaka uye nditende mamuri kana ndiri mumupata wohupenyu hwangu. Pamwe ndinovhiringidzika asi ngandisapererwa nezano mumatambudziko ose andingasangana nawo. Kubva nhasi ndichava netariro pasina tariro nezita raJesu. Amen.”
ZVOKUITA:Nhasi tinoda kupupura zvinoratidza kuti kushingirira kunokunda pakurwisana nematambudziko atinosangana nawo. Vakakunda dhiyabhorosi vakaita nokupupura kwavo muropa raJesu.
ZUVA REGUMI NAMAVIRI DINGINDIRA: KUNAMATA KUNO KORONGONYA AMWE MAKRISTU.
CHIVERENGWA: MAKO 14:3-5
Muna Mavambo 22 tinoudzwa kuti Abrahama haana kukoka Sara mudzimai wake kugomo romunamato kwaaizonopira mwanakomana wake Isaka. Paakasvika kugomo haana kubvumira vashandi vake kukwira naye pamusoro pegomo. Abrahama waiziva kuti kunamata kwaaifanira kuita kuna Mwari kwaizotsamwisa Sara navaranda. Vanhu vazhinji vane zvipo mukereke yaMwari havavengwi navanhu vari kunze kwekereke asi kazhinji navanhu vari mukati mekereke.
Kune vanhu vano ngogumburwa nezvinhu zvisinei navo. Unowana murume kana mukadzi mukuru achishinyira nehasha nokuda kwechinhu chisina basa naye. Zvinonzwisisika kana mumwe munhu akagumbuka nokuti waita chinhu chakaipa, asi vakawanda vanotogumburwa nevanhu vanenge vaita zvakanaka. Shanje chitadzo chinenge gomarara mumuviri waKristu.
Zvazviri mazuva ano ndezvokuti vanhu vakawanda havanetseki kana ukasanamata Mwari nomoyo wose. Kana uchingodziya mukereke hapana unofunga kana kutaura nezvako. Asi kana ukangopisa muna Jehovha, vanhu vazhinji vanogumbuka. Vanotanga nokugunun’una vakavanda kuzosvika vakubudira pachena savaya vakagumbuka nokuda komukadzi wakadira mafuta anonhuwira pamusoro waJesu Kristu. Zvakanyorwa zvichinzi: “Akati ari muBhetani, agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi, kwakauya mukadzi nechinu chearibhasiteri* chemafuta anonhuhwira, ane mutengo mukuru kwazvo, akanga ane naridho, akaputsa chinu akachidurura pamusoro wake.’
Vamwe vaivapo vaitaurirana nehasha kuti, “Seiko vachitambisa mafuta aya kudai? Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa namadenari anopfuura mazana matatu akapiwa varombo.” Vakatsamwira mukadzi uyu zvikuru. (Mako 14:3-5) Usambotya kugumbura vamwe vanhu paunonamata Mwari mumweya nomuchokwadi. Dambudziko nderokuti vazhinji vevanamati vanodzokera shure kana votambudzwa nokuda kokushandisa chipo chavo kuendesa basa raMwari mberi. Kana waziva kuti Jesu Kristu ndiyani kwauri, nezvaakakuitira, ingoenderera mberi uchimunamata sokugona kwako. Hazvinei kuti ndiani kana kuti unogumbuka sei, nokuti chose chavangataura kana kuita ndiwo mutengo wokunamata. Mudzidzi haasi pamusoro pomudzidzisi wake. Ko iye Jesu wakagamuchirwa here mumazuva ake ari pasi pano?
Kana kunamata kwako kusingatsamwisi vanhu vakakupoteredza, zvinogona kureva kuti kunamata kwako hakuna musiyano nokwavamwe. Unogona kunamata ugotamba saDavid, kana kunamata saDanieri, kana kukwira mumuti saZakeo, kana kuita zvimwe zvinokatyamadza, chikuru uchinamata Mwari. Hongu ungasakurumbira kune vakakupoteredza asizve, kunamata kwechokwadi kwagara hakusi kwamakwikwi okukurumbira. Josefa paakavaudza hope dzake, madzikoma ake akagumbuka, asi mangwana acho akavaudza dzimwe. Ingoita zvinorayirwa naShe uye umushandire achiri masikati.
(Ndinoda kucherechedza zvinyorwa zvaDr. F. Mawunganidze paDaily Metro Bulletin umo makatorwa chikamu chechidzidzo chino.)
MUNAMATO: “Ndidzidzisei Baba vokudenga kuti kana zvaoma kuoma kunonyanya. Ndichashandisa chipo changu kukunamatai kuti basa renyu rienderere mberi uye ndichariita zvisinei nokutaura kwavanhu. Ndinopika kusimba muna Jesu paya pandinotambudzwa nokuda kokuita zvakanaka.”
ZVOKUITA:Rondedzera kuti wakatambudzwa sei muKereke nokuda kokushandisa chipo chako chawakapihwa naMwari. Wakakunda sei? Kurudziranai kuenda mberi samasoja munguva dzokutambudzwa.
ZUVA REGUMI NAMATATU DINGINDIRA: TURIRA MITORO YAKO PANA KRISTU.
CHIVERENGWA: MATEO 11:28
Tinoshinga here kupinda mune ramangwana takatakura mitoro yedu inorema? Rugwaro rwataurwa pamusoro apa ndorumwe runonyaradza zvikuru, asi panguva imwe cheteyo ruchinetsa muTestamende Itsva. Mukupindana kwamakore rwakaunza simba nenyaradzo kuvanhu vasinga verengeki. Vatendi vazhinji, vaneta nehupenyu nezvinonetsa zvahwo, vakakwanisa kuwana tariro itsva nekurudziro kubva marwuri. Iwe wagamuchira here hokero iyi yenyasha?
Vanhu vazhinji vanoramba vakatakura mitoro yavo kunyangwe vasina simba rokuzvikunda. Izvi zvinokonzeresa kuvhiringidzika nokuora moyo. Kune vazhinji vave nemiviri mutabvunda nokuda kokufungisisa kana mitoro yoita seinogara nokusingaperi. Asika mumeso aMwari hapana chisingagari.
Kuendesa matambudziko nemitoro yako kuna Jesu nokuwana runyararo runongogona kubva kuna iye oga ndicho chimwe chinhu chinofanira kutarisirwa nechero munhu. Sezvineiwo vanhu vanokweva tsoka pavanenge vachifanira kutura mitoro yavo. Vanoudza Tenzi zvinovanetsa asi pavanosimuka pamabvi, vanotutana zvakare nemitoro iya nezvinetso zviya vachidzokera vakazvitakura.
Vamwe vanhu vanozeza kukanda mitoro yavo pana Jesu; saka chii chavanonyunyuta uye vanhu vangavanzwira tsitsi sei ipapo? Kuisa mitoro yako pamberi paMwari hakungoitiki chiriporipotyo. Zvimwe wanga wakazvitakura kwenguva yakareba zvokuti zvadove chikamu chamararamiro ako zvokuti unofungidzira kuti haungararami zvisipo. Zvinofanirwa kubviswa muhupenyu hwako zvishoma zvishoma kusvika wazvibisa zvachose. Asi chiva nechokwadi chokuti buri rinosiiwa nemitoro yaunorasa iyoyo razadziswa noMweya waKristu. Ipapo bedzi ndipo paunowana rugare urwo Jesu chete, Muchinda woRugare, anogona kukupa Mateo 11:25-30.
MUNAMATO: “Mweya waKristu, ndapota zadzai hupenyu hwangu zvakakwana zvokuti ndinosunungurwa kumitoro yose yapanyika. Ndibatsirei kuti ndibve pakutenda kushoma ndikure pakutenda kuitira kuti pese pandinokupai mitoro yangu muminamato ndirege kuitora kwamuri ndichiramba ndakaitakura.”
ZVOKUITA:Kurukurai chikonzero chinoita kuti zvinetse kuturira mitoro yedu zvizere kuna Kristu, nezvinoita kuti pese patinokanda mapfumo pasi, tinobva tabva kwaari totakura zvakare.
ZUVA REGUMI NAMANA THEME: NDINEWE UYE NDICHAKUCHENGETA KWESE KWAUNOENDA.
CHIVERENGWA: MAVAMBO 28:15
Nhasi izuva rakakosha rokutangira rwendo rwako rwokuenda kune ramangwana. Paunongobvuma kukosha kwezuva roga roga ndipo paunokwanisa kuvaka ramangwana rine chimiro. zvakakosha kuti uve nechinangwa chauri kushandira. Nekudaro, kuti usvike ikoko, zvinoda kuronga kwakatwasuka nokuti unogona kupedza simba rakawanda uchishingaira pasina chinobuda. Ukasaronga zvakanaka chete unenge wangorongera kukundikana.
Kana uchida kurarama upenyu hune chirevo iva nechinangwa chinokugomeresa. chinofanira kukusunda kuti uedze kuita chimwe chinhu chinoita sokuti haungachigoni. Magamba, varume navakadzi, vakaita chinhu chikuru kupfuura zvavaigona nezvavaikwanisa. Vakabvisa shoko rokuti “hazvibviri” vakatenda kuti kuna Mwari zvose zvinobvira. Usambotya kana kuzeza kutanga chinhu chitsva kana chakaoma. Ipapo ndipo paunowana mufaro nokugutsikana, uchikura munjere uye pamweya.
Ungashamisika kuti chinangwa chakakura kudaro chingawanikwepi. Chikamu chemhinduro chinogona kuwanikwa mubasa rako kana zvawakadzidzira. Kana hupenyu hwako huine chinangwa unogara uchiedza kutsvaga nzira itsva uye dziri nani dzokuita kunyangwe mabasa agara achingoitwa, uchinakidzwa uye une chido. Asi basa rako guru pazvose nderokuita kuda kwaMwari avo vakakusarudza kuti uvamiririre. Pakuita kuda kwavo ndipo panobva mufaro wako mukuru nokugutsikana.
Kune vasina ruzivo zvinogona kuita sezvohuMwari zvakanyanya uye zvisingaite zvachose. asi ndicho chinhu chakachenjera uye chinovaka chaunofanira kuita noupenyu hwako. Nzira iri mberi kwako ichakuzarukira nenzira inoshamisa zvikuru. Funga nezvevarume vana vaiva nemaperembudzi vari mubhuku raMadzimambo wechipiri chitsauko chechinomwe (2 Madzimambo 7). Vaive vasina chokwadi ne chimiro chezvinhu asi vakasarudza kuita zvakanga zvisina kujairika.
MUNAMATO: “Mweya Mutsvene, ndapota ndipeiwo chido nenjere dzokuita kuda kwaMwari ndichiziva kwazvo kuti vaneni kwese kwavanonditungamirira. Ndidzidzisei kubvuma kuti kuna Mwari zvinhu zvese zvinogoneka.”
ZVOKUITA:Kurukurai kuti izvi ndezvechokwadi here kana kuti kwete:- “Mwari vanesu nguva dzose asi isu tinogona akusave navo”.
ZUVA REGUMI NAMASHANU DINGINDIRA : RANGARIRA KUTI URI ANI.
CHIVERENGWA: 1 PETRO 2:9
Uri mumwe wamaKristu vasina chokwadi nokutenda kwavo avo vanozosangana nenguva dzokunyunyuta nokurasa mwoyo here? Panguva dzakadaro unonzwa kuda kurega kuedza kuva mudzidzi waKristu kana kufambidzana navateveri vake.
Ndapota nditenderei kuti ndikuyeuchidzei nhasi kuti kune mativi maviri anonyatsoonekwa muhupenyu hwako hwechiKristu: rutivi rwaMwari norwako. Pakutendeuka nokuzvarwa kwako patsva ndiMwari vakakudana kuti urarame mukuyanana navo. Wakatirimuka ukava mudzidzi waKristu. Ichocho choga chikonzero chakakwana chokumira wakasimba mukutenda kwako, nokurarama hupenyu hwomweya negwinyiso noushingi. Uri weMuponesi muupenyu, uyo wakakutenga neropa rake akakugamuchira sewake. Paunotanga kukahadzika kana kuora mwoyo haufanire kupomerwa mhosva, asi chokwadi ndechokuti iwe unenge usisina hukama hwepedyo naye sezvawaimboita.
Garai muchirangarira nhaka yenyu huru norudzi rwoupenyu rwamakadaidzirwa naMwari. Hapana chinogona kutsiva ukama hwakarurama naBaba vako vokudenga. Nyika ino inogona kukupa zviyevedzo zvinoita sezviri nani pane zvauri kuwana kuna Kristu.nyatsofungisisa kuti umbori ani uye uri chii. Waka”sarudzwa” kuve “muPirisita unoera” uye “wakasanangurwa”. Ngwinya nesimba rako rose kuti utendeke pakudaidzwa kwapamusorosoro uku. Kunyange dzimwe nguva zvikakuremera kuramba uchitendeka kuna Mwari, iva nechokwadi chokuti ivo havazombokusiyi!!
MUNAMATO: “Mwari vakarurama ndinokutendai nokundidaidza. Ndipeiwo, kuburikidza naMweya Mutsvene, simba romukati kuti ndirarame sezvakafanira. Handizosuduruki panzvimbo yangu kubva nhasi nezita raJesu. Ameni.”
ZVOKUITA: Nyora pasi zvaunofanira kuita pauripo somusarudzwa uye senhengo yemhuri yaMwari.
ZUVA REGUMI NAMATANHATU DINGINDIRA: FUNGA USATI WATAURA.
ZVIVERENGWA: ZVIREVO 15:28; VAKOROSE 4:5-6.
Kutsinhira mashoko pasina kufunga kazhinji hakuitirwi kunyadzisa kana kurwadzisa, asi ndizvo zvinoitika. Vanhu vakawanda vakasangana nokurwadziwa zvikuru mushure mokunge vataura zvavanofunga kana kuti vangobvotomoka vasina kufunga, vobva vazodemba nezvavaita pakarepo. Shoko kana ratotaurwa haridzosereki.
Bhaibhiri rinotiudza kuti nyika yakasikwa neshoko raMwari. Mwari vakataura zvinhu zvikuvapo, vakasika nyika yakanaka. Isu takasikwa nomufananidzo waMwari saka pese patinotaura tinosika nyika ingava yerunako kana yenyonganyonga. Kutaura kwedu ngakuzare nomutsa. Mumwe muchenjeri akambotaura kuti pane zvinhu zvina zvisingadzosereki: shoko rinotaurwa; museve wapotserwa kubva pauta; hupenyu hwapfuura, nemikana inoregedzwa ichipfuura. Unonzwa vamwe vanhu vachiti, ‘Ini ndiri munhu akarurama; Ndinotaura zvandinofunga.’ Ichokwadi kuti ungava wakatendeseka paunotaura pamusoro pavamwe, asi rudo rwuri muupenyu hwako haruna here parwakamonyoroka? Mupositori Jakobho anotirayira kuti ‘tikurumidze kunzwa asi tinonoke kutaura” (Jakobho 2:19). Chipo chokugona kuteerera chimwe chezvinhu zvakakosha uye zvakanaka pakudzora rurimi.
Mumwe nemumwe anofanirwa kuve nomupepeti mukuru wemuromo wake. Basa roMupepeti mukuru mumakambani ose amapepanhau nderokuverenga bhuku nokugadzirisa risati raenda kuvanhu. Basa rake nderokubvisa zvose zvinogona kusafadza voruzhinji. Tinogara murunyararo tichinzwanana kana tese tikapepeta mazwi edu, kunyanya kana takatsamwa.
Pakunyatsoteerera ndipo panotangira mashoko ouchenjeri. Munhu ane mweya unodyidzana noMweya Mutsvene unoramba muedzo wounjarinjari hwokukanganisira mumwe munhu. Kugara wakagadzirira mhinduro dzinobaya chiratidzo chekusakura munjere napamweya, uye chohunhu husina kugadzikana.
Dzidzawo kusatonga kana kupedza nyaya nechimbichimbi. Wana nguva yokufunga maonero ako mumunyengetero. Kana wamanikidzwa namamiriro ezvinhu anoda mhinduro nokukurumidza, ipa mifungo yako kuna Mwari ugokwanisa kunzwisisa dambudziko zviri nani. Unowana rugare nokudzikama mumoyo, zvokugonesa kutaura nokuita zvinhu zvakanaka uye zvinovaka: Zvirevo 15:23-33.
MUNAMATO: “Ishe ndibatsireiwo kunamata nguva dzose kuti ndigone kutaura zvino hungwaru norudo. Ndinokutendai norubatsiro rwoMweya Mutsvene wenyu. Kubva nhasi ndichataura zvinovaka nezita raJesu Kristu.”
ZVOKUITA:Dzidzisa zano segaroziva nokuverenga kusvika kuguma usati ataura. Ichokwadi here kuti mikaha mizhinji mukereke menyu nemhuri zvinokonzeresa navamwe vedu vanotura mashoko vasina kunyatsofunga?
ZUVA REGUMI NAMANOMWE DINGINDIRA : HAUGONE KUZVIITA URI WOGA.
CHIVERENGWA : JOHANE 15:4
Chinhu chinorwadza zvikuru kwauri somuKristu kuwona kuti simba rako nokutambura kwako zvashaya basa. Unogona kunge uchishanda wakatendeka, asi mugumo wove kukundikana. Kana wakambosangana nazvo izvi unoziva kuderedza kwazvinoita rutendo rwako. Kana zviri kuitika pari zvino, ndiyo inguva yokuti umire umbonzvera moyo.
Pane mibvunzo mishoma yaunofanira kuzvibvunza pamusoro pezvinhu zvawakakundikana: Wakatevedzera here zvirongwa zvemifungo yomoyo wako kana kuti wakatsvaga kuda kwaMwari uchirevesa usati watanga? Wakawana nguva yomunyengetero here, uchibvunza Mwari kana zviri izvo chaizvo zvavaitarisira kwauri, kana kuti zvakangopindirana nohurongwa hwako pauzima? Kana ukadzidza kudyidzana naMwari mazuva ose, uchiisa zvirongwa nemifungo yako kwavari kuti vakutendere nokokutungamirira, unozotanga kuona kuti Mweya Mutsvene unotora zvose wokutungamira munzira yaunofanira kufamba nayo. Kunyatsoteerera kuda kwaMwari kunoita kuti uzive zvinoda Mwari muupenyu hwako. Ipapo hauzongomhanyi kuita zvinhu kana kutora mazano aunofunga namadiro ako okuonera pedyo.
Kuteerera chiratidzo chehupenyu hwokuzvipira zvechokwadi. Mufaro mukuru womunhu unobva pakugaroita kuda kwaMwari. Kana ukaita uchiteerera Mwari, uchitsvaga mbiri yezita ravo chete, nhamburiko dzako dzose dzichapfekedzwa korona yebudiriro. Zvikasadaro, nyange zvinangwa zvako zvakanaka sei, unokundikana chete. Gara uchiyeuka kuti, Muzambiringa Wechokwadi, vakatinyevera kuti: “Pasina ini hamugoni kuita chinhu” (Johane 15 v 5; Johani 15 v 1-8).
MUNAMATO:“Pandinenge ndisisina simba Ishe, ndoda kuti mundiswededze pedyo. Ndiregerereiwo pakutadza kuita zvinhu nesimba rangu. Ndinonamata muzita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Wakaronga kuitei gore rino? Zvidzidzo? Kufamba? Kusimudzira bhizimisi rako? Basa idzva? Wakaisa zvirongwa izvi kuna Mwari here?
ZUVA REGUMI NAMASERE DINGINDIRA : RAMBAI MUCHISHANDA NORUNYARARO
CHIVERENGWA : HAGAI 2:4
Vanhu vanowanza kunzwa kuti havachakwanisi kuenderera mberi nokuti bishi nokushushikana mumabasa avanoswera vachiita zvinenge zvavapedza simba. Kusacherechedzwa kunoita kuti vanhu vanzwe kuda kurasa moyo mukutambura nokushanda vachipedza simba ravo pasina unombozvikoshesa. Zvakanaka, zvakarurama uye zvine ruremekedzo kuti vanhu vakoshese zvaunoita, asi kusacherechedzwa ngakusashandiswa sechikonzero chokurega kuita zvakanaka.
Chinangwa chako chikuru muupenyu nguva dzose ngachive chokutsvaga mvumo nokufadza Mwari mubasa rako. Ukava namaitiro aya mazuva ose, unozova muranda wechokwadi waIshe uye uchafemerwa nguva nenguva. Kunyange ukaora moyo sei, usambokanganwa kuti Jesu anewe pane zvose zvaunoita. Nechimiro ichocho zvichirema, rangarira muenzaniso wakapiwa naJesu Kristu: Akakunda apo akasangana namarudzi ose okudzonyongodzwa nokudzvinyirirwa—kusvikira parufu rwomuchinjikwa.
Kana waedzwa zvokuda kukanda mapfumo pasi, tendeukira kuMuponesi wako nezvaunoda. Anotinunura muzvigumbu nokuora mwoyo. Akavimbisa kuva newe nguva dzose. Anoziva chaizvo zvauri kusangana nazvo nokuti akaemboedzwawo saizvozvo, akapindana nezvakafanana, nezvimwe zvakaipa kupfuura zvako. Unokunda madzipuramoyo nesimba rake. Ramba uri pedyo uye uchivimba naJehovha. Kwavari unozowana kurudziro yekuenderera mberi uchishanda murunyararo kunyangwe paine zvibingamupinyi zvakakomba, uye unozofara uchikunda pabasa rako.
MUNAMATO: “Ndinoisa ruvimbo rwangu rwose mamuri, Ishe naTenzi wangu, kuti ndikunde zvibingamupinyi nokuodzwa moyo navanhu. Mweya Mutsvene ndibatsirei kutarisa kuna Mwari ndikundiswe muzita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Wakarega kuzvipira kwako nemhaka yokusacherechedzwa here? Ndiani anokupa mubairo, vanhu kana Mwari? Kurukurai zvikonzero zvinoita kuti maKristu mazhinji arambe kutora zvigaro mukereke, uye kana vakazvigamuchira, sei vasingazvishandi nomoyo wose sezvavanoita mumabasa avo kana mabhizimisi?
ZUVA REGUMI NAMAPFUMBAMWE DINGINDIRA : SIMBA ROKUNAMATA.
CHIVERENGWA : MABASA 16:24-26.
Murugwaro rwanhasi, tinosangana naPauro naSirasi vakaiswa mutirongo pavakapomerwa zvenhema nevavengi vomuchinjikwa vaifunga kuti vaipesana noumambo hwavo. Patinoshandira Mwari nokutendeseka, tichasangana nokupokana kunoda kuti tinyengetere nguva dzose. Pavakaiswa mutirongo, mikova yakanga yakakiyiwa ivo vakasungwa nengetani, zvichiita sokuti hapana mabudiro.
Vaya vakavaisa mutorongo vakakiya zvakasimba vaiva nechokwadi kwazvo chokuti vakanga vakwanisa kuvamisa kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari, iro raiva dengenyesa nyika. Chinhu chimwe chavaisaziva ndechokuti, unogona kusunga mwana waMwari panyama asi haungasunge anonamata. Kana bedzi muromo nomoyo zvisina kusungwa panove nokuwadzana naMwari kunyange mumatirongo. Pauro naSirasi vakatidzidzisa kuti hapana zvinoitika zvinotadzisa kunamata Mwari. Vana vaMwari havajairiki nokuti vanogona kumunamata muvira romoto rakapetwa kanomwe!!Vana vaMwari vakaoma; vanogona kutsanya saEstere kana Hamani ovatyisidzira!!
Bhaibhiri rinoti, pakati pousiku vakanga vachinyengetera kuna Mwari nokuimba nziyo, vasungwa vachinzwa. Tarirai nguva; – pakati pousiku, nokuti nguva imwe neimwe inguva yakafanira yokunamata Mwari. Pakati pousiku zvishamiso zvakatanga apo nheyo dzetorongo dzakazununguswa, mikova ikazaruka uye mangetani akadambuka. Hama dzangu mumunamato mune simba. Upenyu hwako hungave hwakasungwa nengetani mune dzimwe nzvimbo, dzingava dzemari, utano, muwanano, vana, basa, uye kutengeswa, kungotaura zvishoma; simuka unyengetere. Kunamata ngaave mararamiro kumwana waMwari.
Paunovhura maziso ako emweya woona kuti wakakombwa, vhika nomunamato. Unoziva here kuti vapositora vamwe chete ivava Pauro naSirasi vaionekwa savarume vakapidigura nyika nevaya vaipesana navo? Chombo chavaishandisa munamato chete. Munamato uchazunungusa maatari erima ugokonzera kunyongana muumambo hwadhiabhorosi. Pakupera kwezuva murindi wejeri nemhuri yake vakagamuchira Kristu saIshe noMuponesi wavo. Ngetani dzako dzinofanira kutungamira umwe munhu kutendeuka, ngetani dzichishandurwa kuita chapupu.
MUNAMATO: “Mweya Mutsvene ndibatsirei kuti ndive chombo chokunamata uye kunamata ave mararamiro. Itaiwo nhasi zvamakaitira vanhu vakare vakanamata mukavapindura. Ndinoda kuva nohumbowo hwesimba romunamato muhupenyu hwangu muzita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Nhasi tiri kupupurirana nezve patakanamata Mwari ndokupindura. Tinodawo kukurukura zvinotadzisa imwe minamato kupindurwa.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI DINGINDIRA : ZVATAKANZWA NEZVATAKAONA.
CHIVERENGWA : MABASA 4:20
1 Johane 1 v 1-3 inotanga nokuti, “Tinokunyorerai nezvaKristu watakanzwa nezvake, takamuona gare gare, tikamubata uye tikafamba naye. Naizvozvo tiri kupupurira kwamuri zvatakanzwa, kuona nokusangana nazvo”. Isu tinopupura pamusoro paKristu zvinoenderana nokuti akazviratidza sei kwatiri. Vamwe vanopupura Kristu wavakanzwa kune vamwe asi vamwe vanopupura Kristu wavakanzwa nokuona. Kristu wamunonzwa papurupiti naKristu wamakasangana naye, kunyange vakafanana, vano musiyano.
Chimwe chete chiri kukanganiswa nadhiyabhorosi ndechokuedza kutirambidza kuparidza zvatakaona nezvatakanzwa. Zvakaoma kunyararidza munhu ane humbowo hunobatika hwezvaakaona. Vapositora vakawana mukana wokufamba naJesu kwamakore matatu vakaona kuti Jesu akanga asingori munhuwo zvake. Vakaona kuti akanga aine simba rinoshamisa rokushandura; wose waisangana naye aishandurwa.
Petro pachake aingove mubati wehove, asi Jesu paakasvika panzvimbo yavakapedza usiku hwose vasina kubata hove, ndipo paakaita chishamiso pakabatwa hove dzisinga rondedzereki. Paakaona izvi, Petro akaona kuti akanga ari mutadzi sezvinoratidzwa namashoko ake okuti: ‘ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu anotadza”. Rangarirai kuti Petro akakwidzwawo mugomo pamwe chete naJakobho naJohane (vanakomana veboka romukati) paya pakashanduka Jesu. Varimo mugomo, Mosesi naEriya vakazviratidza kwavari, gore rikavafukidza. Vakataura nezvokuenda kwaJesu kwaakanga achizonozadzisa muJerusarema. Petro akapa pfungwa dzokuvaka matumba matatu, raMosesi, raEriya neraJesu. Chiitiko ichi chakanga chisina kujairika.
Gare gare pashure pokukwira kwaJesu kudenga, vakanga vave kutambudzwa nedare reSanihedrini nokuda kwokuparidza muzita raJesu. Vakashinga kuparidza Kristu kunyange upenyu hwavo hwaiva munjodzi yorufu. Kwavari, pakanga pasisina kudzokera shure nokuti vaive vaona zvese zvakaitwa naKristu.
Hama vadiwa, tine ufakazi hwakasiyana hwatinogona kupa maererano nezvakaitwa naJesu muhupenyu hwedu. Taitirwa izvi naMwari, dhiabhorosi zvino oda kuti tisiyane nazvo tirarame tisina Kristu. Zvizivei hama kuti dhiabhorosi anouya kuzoba, kuuraya nokuparadza. Yeukai kuti Sanibharati naTobhia vakakoka Nehemia kubani reOno paakanga ari mubishi rokuita basa rakanaka, kuri kuedza kumutsausa pariri. Usakanda mapfumo pasi kana kudzivaidzwa namano adhiyabhorosi. Murevi wenhema nomukundikani wongomhemhaira nokuti hondo yakakundwa paKarivari. Dhiyabhorosi ari kurwa hondo yaakakundwa kare. Tinoramba takatarisa pana Kristu, iye muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu.
MUNAMATO:Baba Vokudenga, munguva yandiri kurarama ngazvikufadzei kuti ndisanganewo nechiitiko chekushandurwa pamwe naKristu. Ndinoda kupupura Kristu wandakanzwa nowandakaona. Ndanamata muZita raJesu Kristu Amen.
ZVOKUITA:Tichiri kutambudzwa here mumazuva edu nokuda kwokupupura pamusoro paKristu? Tinotsungirira here kana kuti tinorega kuparidza patinotambudzwa? Kutambudzwa kunobva kunze chete here kana nemukatiwo?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NERIMWE DINGINDIRA : TSVAGA CHISO CHAMWARI.
CHIVERENGWA : 2 MADZIMAMBO 20:1-5
Mambo Hezekiah vakagashira shoko raMwari rokuti agadzirise chimiro chake sezvo aive ave pedyo nokufa. bhaibhiri rinoti akatendeukira chiso chake kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, (2 Madzimambo 20 v 2).
Kana tatarisana nezvinetso, chizvarwa chedu chinotendeukira kumadziro eFacebook, ndipo patinotumira matambudziko edu kuti munhu wese averenge uye azive zviri kuitika muhupenyu hwedu. Kana vamwe vasangana nematambudziko, vanomhanya kunoshandura chimufananidzo chavo paWhatsApp kuti vazivise munhu wese zvavari kusangana nazvo. Vamwe vanomhanyira kutwitter, vamwe kushamwari dzavo.
Handisi kuti aya mapeji esocial media akaipa. AIHWA! Ndiri kungobvunza kana paripo pakakodzera kuti tinanike matambudziko edu. Unogona kuwana mhinduro kuvanhu vezvitendero zvakasiyana, kana kune vasingatendi kuna Mwari.
Zvakadini kuti tidzidze kubva kuna Mambo Hezekia. Paakasangana nedambudziko, haana kufamba-famba achitsvaka rubatsiro kune dzimwe nzvimbo dzisingabatsiri asi akatendeukira chiso chake kumadziro akanyengetera kuna Jehovha, akabva angopindurwa ipapo ipapo. Aiziva kuti Mwari ndiye mhinduro yedu munguva dzekutambudzika.
Tariro yedu haisi paFacebook, WhatsApp kana amwe masaisai. Rubatsiro rwedu harubvi kuvanhu, nokuti dzimwe nguva tinosangana namatambudziko avasingakwanisi kugadzirisa. Tariro yedu iri muna Jesu Kristu, shamwari yavasina shamwari. Ndiye utiziro hwavasina pokuhwanda, baba kunherera, murapi wavanorwara, mudzikinuri kune vakasungwa, uye mhinduro kune vane mibvunzo yezvoupenyu.
Nguva nesimba zvinopedzerwa pakushambadza matambudziko pamasaisai kana pokuudza vanhu inofanira kushandiswa kuudza Mwari muminamato. Zviise kuna Mwari mumunamato uchiziva kuti hakuna munamato unoendera pasina.
MUNAMATO Mapisarema 121:1-2: “Ndichasimudzira meso angu kumakomo; rubatsiro rwangu runobva kupi? Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, wakaita denga napasi.” Ndidzidzisei Ishe kuisa kwamuri majoko ose oupenyu hwangu muzita raJesu Kristu Amen.
ZVOKUITA:Kandira mitoro yako yose kuna Jesu nokuti une hanya newe. Tinokandira sei mitoro yedu kuna Tenzi? Kurukurai nezvokunaka kokutumira matambudziko edu pasocial media.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAVIRI DINGINDIRA : MUENZANISO WAMARIA WOKUPA.
CHIVERENGWA: JOHANE 12:1-11
Mwari vakaona kuti kupa ndiyo nzira chete yokuyananisa vanhu navo. Vakapa Mwanakomana wavo akaberekwa ari umwe chete kunyika senzira yokudzosa mhuri yakarasika paya payakasiya hutongi mubindu reEdheni. Mhuri yechiKristu chibereko chokupa kwaMwari. Vakada, naizvozvo vakapa. Tinosangana naJesu pakudya kwegurumwandira kuBhetani mumba maMarita naMariya. Maria akazodza Jesu mafuta anodhura, pakaita vaive mumba imomo vakanyunyuta nazvo. Kuita kwaMaria kunomiririra muenzaniso kuzvizvarwa zvose wokushandira Jesu. Chii chakanga chakavanzika pakupa kwakadaro?
a) Kupa kwairatidza mweya wakazvininipisa. Mariya anotaurwa muBhaibhiri katatu ari patsoka dzaJesu. Kuna Ruka 10 ndima 39 akagara patsoka dzaShe achiteerera. Kuna Johane 11 ndima 32 uri patsoka dzaJesu achiratidza kutsamira kwake paari. Pataverenga uri patsoka dzaJesu achiratidza kuzvipira kwake. Hapana anoshumira Mwari zvechokwadi asina kuzvininipisa. Tinofanira kuramba tichizvininipisa zvisinei nokuti takaropafadzwa sei.
b) Kupa kwaikonzerwa nemoyo uno muono. Akazodza Jehovha kugadzirira kuvigwa. Akaziva sei kuti kuita uku kwaiva kugadzirira kuvigwa? Aive mudzimai weShoko. Chakavanzika chokunzwisisa kwaMaria ndechokuti aigarogara patsoka dzaJesu achiteerera shoko rake. Nzira yokuve pamoyo waJesu ndeyokuti tipedze nguva tichiteerera kuShoko rake, totanga kunzwisisa pfungwa dzaJesu nokuona kuti tingamushumira sei, kupi uye nenzira dzipi. Tichimhanya-mhanya nohurongwa hwedu, tinofanira kuwana nguva yokuteerera kushoko raMwari. Vanopa muzvokwadi ndevaya vane Shoko raMwari mumoyo yavo.
c) Kupa kwacho kwakaitwa panguva yakakodzera.Zvaive zvakatarwa kuti mafuta aya achengeterwe nguva iyoyi. Kudai akachengeterwa imwe nguva, mukana wacho ungadai wakapfuura. Kune vakadzi vaya vorumuko, vakaenda kuguva musi wesvondo, setsika, kunozodza Jesu asi vakawana guva risina chinhu. Kupa kunoda kushanduka kubva kutsika kuenda pakuzarurirwa. Upenyu hauna chokwadi; hatizivi zvinoitika kwatiri mangwana. Sezvo tine mukana ngatiitei zvakanaka. Ngatishandei achiri masikati, kana usiku hwasvika hapana achashanda. Kupa mukana wokunamata Mwari.
d) Kupa kwacho kwakatsoropodzwa zvikuru.Jesu unogona kutigamuchira asi vamwe voramba. Kupokana kwagara kunongobva kuna vaya vanotevera zvenyika ino, vanoti basa rechiKristu nohushumiri kutambisa nguva. Kupikiswa kungavepo asi tinofanira kusimba pakushumira Jesu.
e) Kupa kwacho kwakapfuuridza.Wakamapa; akamadururira Tenzi wake. Rudo harusi rudo kusvika warupa vamwe. Mukushumira Jesu zvamazvirokwazvo mune nguva yokuchengeta nenguva yokurasa nokuda kwembiri nokukudzwa kwouyo wakafanirwa norudo nokuzvipira kwedu. Paunopa zvechokwadi unonzwa kurwadziwa kuti chipo ichi chiri kuenda.
f) Kupa uku kwakabereka zvibereko nokuti imba yose yakazadzwa nokunhuwira kwechizorwa. Kunyange vaya vaishora vakakomborerwa nokunhuhwirira kwacho. Kushandira Jesu navanhu vaMwari nomoyo wose kunokwanisa kubata nokukomborera upenyu, kunyange hwavaya vanotsoropodza, zvisinei nomwero wokupokana.
Zvizvarwa zvose zvicharangarira mukadzi uyu. Kupa mukana wokusiya nhaka uye wokurangarirwa. Yaiva tsika yekuzodza zvitunha mafuta. Uye munhoroondo hapana akambonyunyuta paidirwa mafuta pazvitunha. Vakangonyunyuta paakadirwa pavapenyu. VaFiripi 1 ndima 21 ‘Hupenyu ndiKristu uye rufu ipfuma. Pasina Kristu pano rufu.’ Patinoshandira zvakafa tinofara asi kana topa kuvapenyu totsoropodzwa. Tinopa kumitambo yechivanhu yevakafa, kudzimba duku, iyi iri mienzaniso yavavakafa pamamiriro nokuti havana Kristu, uye ipapo hatitsoropodzwi. Patinongotanga kupa kuna Kristu, kutsoropodzwa kotanga. Pasawana chino kubvisai pamunoshinaira mubasa raTenzi. Nenguva yakafanira muchakohwa.
MUNAMATO: “Baba Vokudenga, makapa muenzaniso wezvinoreva kupa. Makapa Mwanakomana wenyu mumwe woga. Ndibatsireiwo kurarama hupenyu hwokupa muzita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Iwe unofara here nokupa kwako uye kwenharaunda yako. Ndezvipi zvinetso zvinowanikwa mukupa kwechiKristu? Unofunga kuti chii chinofanira kuitwa?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATATU DINGINDIRA : MUKUZARA KWENGUVA.
CHIVERENGWA : MATEO 2:1-10
Panguva yakaburuka Tenzi unorarama nokusingaperi, nguva yaMwari yakasvika pakuzara kwayo. Zvakaitika panguva napanzvimbo chaiyo munhoroondo. Pane chinhu chakazadziswa nokukwaniswa nokuve munhu kwaKristu, uye kubva panguva iyoyo zvichienda, nyika haina kuzombofanana zve, nokuti yakasvikirwa nohutsvene nokururama kwapamusorosoro.
Munhu haana kungoona nhau yokunyadziswa kwake kwakadzama chete, asiwo kusimudzirwa mukubwinya kwaaigona kuita nokufemerwa naJesu Kristu. Chimwe chinobuda pakuva munhu kwaJesu ndechokuti munhuwo zvake unogona kurarama upenyu hutsvene, hwakacheneswa. Muchizvarwa choga choga tinowana vanhu vanonamata vanozvi patsanura kuzvinhu zvoupenyu huno vachizvipira kufungisisa nezvechokwadi chezvomweya. Zvokuti makore achipindana vanhu ava vakapfumisa rudzi nokubata kwakanaka hazvina ungapikisa.
Muvezi weNazareta wakararama hupenyu hwokuzviisa pasi nokuzvipira kuna Mwari, pakati pavanhu nomumararamiro akazvidzika zvikuru. Pose paunofunga zvokuswedera pedyo naMwari uchienda pamberi pake, unozokwanisa kukunda kunyangwe matambudziko akaomesesa, kukunda miedzo, uye kurarama hupenyu hwakazvidzika uine rukudzo nohushingi. Kana Kristu apinda muupenyu hwako, panoita shanduko yamamiriro ako ezvinhu isinganzwisisiki. Hupenyu hwako hauzofanani zvakare nokuti nokuzara kwenguva yaMwari kunenge kwasvika, uye Mwana weBeterehema anenge azvarwa nokukunda muhupenyu hwako.
MUNAMATO: “Baba Vokudenga ndidzidziseiwo kugamuchira kutadza kwangu, ndione kuti zvinokwanisika kurarama hupenyu hwakarurama pasi pano, nditsvage kuve mutsvene mazuva ose ohupenyu hwangu.”
ZVOKUITA: Sei vamwe vanhu vachinzi vatsvene kupfuura vamwe? Itsanangudzo yakanaka here iyi? Ndoupi musiyano uripo pakati poKururama noUtsvene?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANA DINGINDIRA : MUNAMATO: KUFEMA KOMWEYA.
CHIVERENGWA : MAPISAREMA 102:1-5
MaKristu mazhinji anodemba kuti havatore nguva yakawanda mumunamato asi kereke yokutanga yaive kereke yeminamato. Vanoziva kusakwana kokunamata kwavo asi, pavanoedza kuzvigadziridza, pfungwa dzavo dzichiritaira, mweya wavo yosagadzikana uye zvishoma zvevavariro dzavo huru zvichizadzikiswa. Zvisinei, munamato ndicho chinodiwa zvikuru nomweya womunhu.
Mukatikati momunhu mune chishuwo chisinganzwisisiki kana Mwari vakasiiwa kunze. Paunofungisisa nezvechinangwa nezvakavanzika zvehupenyu haungambowana mhinduro ine musoro Mwari vasipo. Munamato ndiyo hana yomweya. Unogona kusanzwisisa pamusoro pezvikoro zvakasiyana-siyana zvokudzidzwa kwebhaibheri nezveminamato, asi pose paunofunga nezvaMwari, unonzwa chishuwo chiri mukatikati chausingagoni kutsanangura kana kududzira. Iyoyo ndiyo pfungwa yako inotsvakurudza nomoyo une nzara, uchivavarira kusvika pana Mwari nomunyengetero.
Kunyange zvazvo kune minamato yakarongwa nenzira dzokunamata dzechinyakare dzinogona kukubatsira kupinda muhuvepo hwaMwari, chinosvika nokusunda moyo waMwari kuchema kunobva pamweya wakaputsika nowakapwanyika, unoratidza kuvhiringidzika nokupererwa. Paunodana Zita raJehovha pose, vanenge vakamirira kusangana newe. Pose paunofunga nezvavo, pfungwa dzako dzinotarisa pavari, unenge uchinamata, saka usaora mwoyo kana kuita usimbe kana minyengetero yako ichiita seisina kukwana kana isingashandi. Pfungwa dzose pamusoro paMwari munamato unokubatanidza naBaba vane tsitsi vanoda kukupa hupenyu. Muhupenyu huno Kristu ndiye honzeri, munamato kuri kufema.
Ita zviri nyore kwete zvakadzikadzika zvebhaibheri. Tanga nokurumbidza nokunamata, kuchiteverwa nomunamato wokureurura, wobva wasunga mweya unokuteverera nokukuongorora. Rumbidza nokunamata zvakare wozopupura Kristu somuponesi wako. Ita munamato wokusiya zvose nokuzvipira, zvichiteverwa neminamato yako. Namata zvakare wovhara nomunamato wokutenda.
MUNAMATO:“Mweya Mutsvene waMwari, handizivi kuti ndonamata sei kana zvandinofanira kunamata. Ndinokurumbidzai nokusvitsa minamato yangu yandisina kududza kuna Baba. Ndinokumbirawo kudururirwa shungu dzokunamata nguva dzose.”
ZVOKUITA: Unonzwa here kuti iwe nekereke yako muri kunyengetera zvakakwana? Ndezvipi zvinovharidzira munamato?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASHANU DINGINDIRA : KUNAKA KWECHOKWADI (HUTSVENE /HUMWARI).
CHIVERENGWA : MAPISAREMA 44:18-27
Vanhu vazhinji vane pfungwa dzisiridzo dzokuti hutsvene kana huMwari chinhu chisingawanikwe nemunhuwo zvake. Kwavari inoreva mararamiro anoita seakaputirwa nedonje roruremekedzo, zvichiita kuti munhu wacho unonamata asabatsira chinhu zvachose munzanga yaanogara. Saka kunzi wakarurama hakunyatsoonekwi sokurumbidzwa. Nzwisiso iripo youtsvene ndeye minyengetero mirefu, inonetesa; chitarafu chinorwadza chaunopiwa chokugadzirira denga – asi apa usina chaunobatsira pasi pano!
Kuti muKristu awane huMwari kunobata zvakawanda kupfuura kungoteedzera misimboti yakasungwa nemitemo yezvitendero inongoshanda bedzi kune vane nguva nechishuvo chokuitevedzera. Kuva mutsvene zvechokwadi kunoreva kuzarura hupenyu hwako kuMweya Mutsvene, uchimutendera kuzviratidza zvakazara uye wakusununguka muhupenyu hwako. Zvinosanganisira kukumbira Kristu anopa hupenyu kuti auye muhupenyu hwako achitonga zvakazara. Kana wanzwisisa huvepo hwake mukati mako, unotanga kunzwa kusununguka nokurerukirwa kukuru. Paunoreurura zvitadzo zvako, anokupa rusununguko nokunzwisisa chaicho chinonzi hupenyu.
Humwari chaihwo hunoda kuzvipira kwakakwana kuzvido zvaMwari, zvichirevawo kuzvipira kuzere kwemweya, moyo nomuviri zvichiteerera Kristu. Hutsvene chaihwo hunogona kuwanikwa bedzi kana uine simbiso yokuti Mwari vakakuregerera zvivi zvako zvose zvakare, uye kuti uri kuvashumira nomoyo wakachena, uchitungamirirwa noMweya Mutsvene uri mauri. Ipapo huMwari hunobva hwakukoshera zvakanyanya – usingazive.
Dambudziko nechizvarwa chedu nderokuti tinorarama muzvivi uye hatina chido chokuzvirega. Vaya vanopupura nezvoupenyu hwavo hwehuMwari tinotanga kuvapa mazita sokufunga kwedu kuti vanhu vose vakafanana nesu. Pachinhambo chokutsvaga kuziva kuti vanozviita sei tinovaroverera. Kururama nehutsvene zviri kure nechizvarwa chedu.
MUNAMATO: “Mwari Mutsvene, ndapota ndipeiwo kutenda kunoita kuti huMwari hwangu huve hwechokwadi uye hwechokwadi. Ndinoziva mukati momweya wangu kuti zvinogoneka kurarama hupenyu hutsvene hwehuMwari neZita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Nyora zvishoma zvohunhu hwaunofunga kuti hunoratidza hupenyu hwehuMwari. Sei zvakaoma kuchizvarwa chedu kurarama hupenyu hutsvene hwehuMwari?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATANHATU DINGINDIRA : MUUMBI MUKURU
CHIVERENGWA : JOHANI 21:15-22.
Zvakakodzera kufungisisa nhasi pamusoro penzira inoshamisa yakashandiswa naShe, nemaoko oumhizha hwavo, vachishandura upenyu hwaPetro! Petro aionekwa seakabudirira kwazvo. Akanga ane chimiro chakanaka, ane ruzivo rukuru rwegungwa nezvokuredza, uye ane simba guru pakati pavaredzi veKapenaume. Asi muchikoro chaTenzi aifanira kudzidza kuti simba romukati raikosha kupfuura simba romuviri; uye kuti kana ukakundikana mukati, simba romuviri haraigona kukubatsira. Petro aifanirawo kudzidza kuti ruzivo rwaaifunga kuti anarwo rwaingove rwechinhu chimwe chete, uye kuti haaigona kugadzirisa upenyu hwake kana hwaparara sokusonanidza kwaaiita mambure okuredzesa kana abvaruka.
Mhizha huru youpenyu chete ndiyo yaigona kugadzirisa upenyu hwake. Hutungamiri hwake nokuzvida kwakanyanya zvaifanira kushandurwa zvoshandiswa kumuita muranda, achishambidza tsoka dzavamwe. Kwaaimbova mutungamiriri ane simba, aifanira kuva muteveri akazvipira. Kufanana nebhiza idzwa aifanira kudhambiswa. Ichokwadi kuti kunyange aiva nesimba guru, Petro akanga ari dera mumoyo. Kristu paakataura nezve kurwadziwa, kutambura uye rufu, Petro akagungudzika. Pashure pokubatwa kwehove zvinoshamisa, anojekerwa noutadzi kwake okumbira Ishe kuti abve paari. Gare gare, paanoda kufamba pamusoro pemvura, unorasa kutenda kwake Tenzi vomununura. Pazambara reGetsemane anotiza navamwe vadzidzi asi chakaipa kupinda zvose, unopika kuramba Jesu. Naizvozvo shinga iwe mutadzi unonzwisa tsitsi! Mwari vaive vachiona mikana mikuru pana Petro. Mushure mokupupura rudo rwaIshe Jesu, anonzi: “Nditevere!” Achizengurira, asi achiteerera, unotanga kufamba nenzira yokuva mudzidzi wechokwadi. Petro akateedzera mafambiro aakarairwa achizadzisa chinangwa chaMwari choupenyu hwake. Ko iwe neni? Bhaibhiri rinoti, asina simba ngaati, “Ini ndine simba”. Simba redu rinowanikwa muna Jesu Kristu. Ngatiuye sezvatiri iye Ishe wedu achatishandura kuva vadzidzi vechokwadi, vakazvipira kubasa romuchinjikwa wapaKarivhari.
MUNAMATO: “Ndinokutendai Ishe vane nyasha kuti makabata ruoko rwangu. Ndichatevera nechido uye nomunamato ndichitungamirwa noMweya Mutsvene. Ndinozvipira kukushandirai kwehupenyu hwangu hwese nezita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Uri kuramba basa roMuumbi Mukuru muhupenyu hwako here? Ndeapi mabasa nemisenzekete yaunayo muhupenyu hwekereke? Unonzwa here muMweya wako kuti uri kushumira Mwari nomoyo wese?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANOMWE DINGINDIRA : KUKURA KUBURIKIDZA NOKURWADZISWA
CHIVERENGWA : ZAKARIA 13:1-9.
Moto mumwe chete unopisa marasha unonatsawo goridhe. Zvose zvicherwa zvinobva muvhu, asi goridhe rine zvimwe zvinhu zvisingawanikwe mumarasha, zvinove ndizvo zvinoita kuti rikoshe kudarika marasha. Saizvozvowo vanhu vanopinda nomuvira romoto rokuedzwa vanosiyana navamwe. Avo vanovimba naJehovha zvakasimba uye vasina zvibinge vanonatswa uye vanosimbiswa. Vanogashira nyasha dzokugamuchira nokubata misenzekete mikuru yavanopiwa pahupenyu hwavo.
Vanhu vasingavimbi naMwari vanoparadzwa neshungu nokumukirana. Vatendi vanokwanisa kupinda mumoto waMwari noruremekedzo, vosimbiswa nemiedzo yavanopinda mairi; hunhu hwavo houmbwa sokuda kwaMwari, pakupedzisira vowana kukunda.
Kune rumwe rutivi, vanonyunyuta vanosangana nokuvhiringidzika nokuora mwoyo, uye vanonanga kunoparadzwa zvachose. Kuedzwa kunobva kuna Mwari hakuzombotikuvadzi, kunze kokunge tashaya hanya, taita pfundipfundi kana kusava nechokwadi. Mabatiro aunoita njodzi nemiedzo yaunosangana nayo akakosha. Kune vanoshora Mwari vobva vavafuratira. Poita vanoswedera kuna Mwari kuti vagamuchire vagoshanda muruchengetedzo nenyasha dzavo.
Patinotanga kupfura miseve yehasha, kugumbuka uye kutsamwira Mwari, tinenge tichikuvadza mwoyo yedu. Patinovavarira kunamatira kugamuchira rudo rwavo, kurwadziwa kunorerutswa, maronda opora isu tokura pazvinhu zvakanaka zvomufaro nokugamuchira. Ipapo ndarama inotanga kuyerera kubva muvira rinotyisa remvuto. Kune avo vanoda navanovimba naMwari, nguva dzemiedzo inguva dzokucheneswa nokukura pamweya. Patinopinda nomumiedzo tinofanira kufara nokuti pakupedzisira tinova nohunhu hunenge goridhe. Miedzo mizhinji nemiedzo iri mukati moMuviri waKristu. Josefa haana kusimbiswa nevokunze asi namadzikoma ake eropa.
MUNAMATO: “Dai kuedzwa kwandinoita kwandiswededza pedyo nemi, imi munyungudutsi wokudenga, kuti ndiratidze mucherechedzo waKristu muhupenyu hwangu. Sikaiwo mandiri simba rinozondigonesa kupinda nomumvuto yangu ndichiziva zvikuru kuti ndiri Goridhe riri kunatswa, muzita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Edza kuona mikana yokukura mumarwadzo emiedzo. Nei vaKristu vachinyunyuta pavanopinda nomuchoto choupenyu? Ipa huchapupu hweapo choto chako chohupenyu chakaburitsa chimiro chegoridhe mauri.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASERE DINGINDIRA : CHIKOMBORERO CHOMWOYO UNOTENDA.
CHIVERENGWA : MAPISAREMA 50:14-23.
Nyika ino yakazara nevanhu vanongoramba vachingonyunyuta. Dzimwe nguva zvichemo zvavo zvine musoro asi kazhinji zvichikonzerwa nomweya wokusagutsikana. Ngozi yekungogaronyunyuta ndeyokuti unogona kuzova iwo muraramiro. Pakupedzisira unokanganwa kuti kune zvinhu zvakawanda zvokutenda zvinopfuura zvokunyunyutira.
Pauripo kana uchinyunyuta kakawanda kupfuura paunoratidza kutenda, uri kurarama upenyu husina tsarukano. Hazvibviri kuva nomwoyo unotenda kana mweya wako usingaoni zvinhu zvakanaka. Mafungiro akadaro anoita kuti kuwirirana navamwe kuve nyore uye kune mubayiro; kunodzamisa kunzwisisa kwako kwehupenyu, kowedzerawo mufaro wevaunogara nevaunoshanda navo. Usambofa wakarega zuva richipfuura usina kuratidza kutenda kwako.
Onavo zvakanaka zvakakupoteredza urumbidze Mwari nezvaunoona pamwe nezvaunosangana nazvo. Mafungiro akadaro haangopfumise upenyu hwako chete asi anowedzera mufaro nokugutsikana. Inokuzarurirawo pfuma yaMwari nokuti kurumbidza nokupa kutenda ndidzo svombonoro dzedura repfuma yaMwari.
Haisi nyore, kana kuti zvinonetsa kuwana munhu unofara muna Mwari achivarumbidza nguva dzose nokutenda, nguva imweyo achitambura nokudyiwa mwoyo. Mararamiro avanhu anoratidza kuti kazhinji paunotanga kutenda zvipo zvaMwari zvenyasha, ivo vanenge vachitokurongera chimwe chikomborero. Kana iwe ukaisa pfungwa pakudzidzira hunyanzvi hwekurumbidza nokutenda, wawana chakavanzika chohupenyu hwakafemerwa hwokushandura zvinhu.
Vanhu vanofara vanowanzorarama nguva refu kupfuura vanogara vasingafari vachingonyunyuta. Pauro, muna VaFiripi 4:4 unoti: “Farai munaShe, ndinotizve: Farai”. Ishe havafi vakakurasisa. Iva nemufaro wako mavari kupfuura muzvinhu zvenguva pfupi zvinozokugumbura zvechokwadi.
MUNAMATO: “Rumbidza Jehovha, mweya wangu; zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene. Mweya mutsvene ndibatsirei kuti ndifare mumwaka yose yakanaka neyakaipa neZita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA: Nhasi uno ita zvinoratidza kutenda nokurumbidza Ishe pachinhambo chokungopunyaira nokugomera. Unotenda makomborero api? Chii chakaitwa naIshe muhupenyu hwako chausina kuvatenda nacho, uye nei zvakaoma kuti vanhu vatende?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAPFUMBAMWE DINGINDIRA : RATIDZA RUDO – KWETE KUSAFARA.
CHIVERENGWA : 1 PETRO 3:1-12.
Mukurarama vanhu vanoita matsive kana umwe munhu akonzeresa kukuvara kana kutambura kwavo. Chimwe chinhu chakaomesesa chechiKristu chinoda kuti uregerere nokukanganwa. Hunhu hwomunhu kuchengeta shungu, nepfungwa dzokutsiva kusvikira zvabereka ruvengo rwakasimba kana kuti zvaparadza hukama. Kazhinji zvinoita kuti munhu ararame hupenyu hwakamonyoroka. Uchirwadziwa nemhaka yokusaruramisirwa kwawakaitwa, uchirwadziwa zvisakafanira, hazvisi nyore kupa rimwe dama. Chaunongoda kuzvidzivirira nokuzvichengetedza.
Ruregerero chinhu chisingambopindi mupfungwa dzako kana wachengeta chigumbu kana kuti uchiedza kuzvidzivirira kuti usarwadziswe zvakare nomunhu akakutadzira nobwoni. Mhedzisiro yemafungiro akadaro ihondo yokufemerana mugotsi, hukama hwavaviri huchiparara zvishoma zvishoma. Haisi nyore kuita sokuraira kwaJesu Kristu nokuregerera. Asi ukaona rudo rwaMwari muupenyu hwako hapana zvinoramba.
Kana uchifunga kuti zvakunyanyira, funga kwechinguvana maropafadzo anoshamisa aunowana nokuda kokuregererwa kwaunoitwa naJesu. Rudo rwake kwauri rwakakura zvokuti akatora nzvimbo yako pamuchinjikwa – zvisinei nokuramba kwako uchingotadza.
Ukatarisa izvi haungarambi kuregerera vamwe. Kana waramba hako uri kupisa zambuko racho raunofanira kuyambuka naro kuti uwane ruponeso kubva zvino zvichienda mberi rasa zvigumbu urarame upenyu hwokuregerera. Umwe munhu akamboti ukaregerera unozvisunungura muhusungwa nokuti kusaregerera kunorwadza iwe kupfuura uya wakakuitira chakaipa.
MUNAMATO: “Mweya Mutsvene waMwari ndapota ndibatsireiwo kuregerera nokukanganwa kuti ndisunungure mweya wangu. Ndinoziva kuti ruvengo runobereka ruvengo uye kubva zvino zvichienda mberi, ndinosarudza kuda pane kuvenga muzita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Zvinoita here kuregerera nokukanganwa? Iko kuregerera nokukanganwa zvinomborevei? Nei tichifunga zvokukura kwechakaipa kupfuura kurudziro yokuregerera? Zvinotibatsirei kusaregerera?
ZUVA RAMAKUMI MATATU DINGINDIRA : ZVAKAZARURWA ZVORUDO RWAMWARI.
CHIVERENGWA : MATEO 12:38-42.
Vanhu vazhinji havana chokwadi nerutendo rwechiKristu. Panoita mibvunzo yohuvepo hwaMwari kana munhu otandadza akasaporeswa nokukurumidza nenzira inoshamisa. Mwari vanopomerwa mhosva yehondo, yemadutumupengo neyenzara. Vanosvorwa pamusoro penjodzi dzomugungwa, dzapanyika nedze muchadenga. Kazhinji tinonzwa vanhu vachinyomba kuti: “Nei Mwari asina kuzvidzivirira?” Kuti vave ava vave nechokwadi chohunhu hwaMwari rwerudo rwechokwadi nehanya, vanoti vanoda uchapupu hunooneka nezvishamiso. Kuti vatende, vanoda kuona ruoko rwakakokonyara ruchitwasuka, mhetamakumbo ichifamba nebofu richioneswa. Hazvirevi kuti Mwari havagoni kuita izvi, asi kusatenda kwedu ndiyo mharadzi yedu huru.
Zvinhu zvose zvakatipoteredza munyika zviripo kutipupurira nezvesimba raMwari rokuita zvishamiso. Dai rusiri rudo rwaMwari wamasimba ose, tingadai tisina kuona kutevedzana kwemwaka, umwe noumwe nokuyevedza norunako rwawo. Pasina Mwari pangadai pasina miti, maruva, mvura, zuva kana runako rwezvisikwa. Ingoverenga nhoroondo yavanhu ugozoona nyasha nesimba raMwari. Ndivo vakapa munhu zvipo zvoruzivo nohunyanzvi. NdiMwari vanokupa kutenda kunokutakura munguva dzokuedzwa nemiedzo. Vanoporesa munhu womukati vachikubatsira panguva dzekusuwa. Vanopa kushivirira, mwoyo murefu, kunzwisisa norudo. Asi pamusoro uye kupfuura izvi zvose, vakakupa Chipo chikurusa chinova Jesu Kristu (2 VaKorinde 9 v 15).
Rudo rwavo rwakasimbiswa muMwanakomana wavo, Muponesi noMununuri wedu Jesu Kristu. Munhu ungada chiratidzo chikuru chechishamiso chakadini kuna Mwari chingapfuura ichi? Pane imwe nguva muBhaibhiri vaJudha vakakumbira chiratidzo kuna Jesu kuti vagotenda kwaari asi Jesu wakaramba. Kufunga kwake kwaiti pakanga patova nechiratidzo kare chaJona weNinevhe wakanga ari mudumbu rehove mazuva matatu nousiku utatu. Kana tikatadza kutenda zviratidzo zviripo pakati hapana chimwe chiratidzo chatinogona kuzotenda.
MUNAMATO: Baba vokudenga, rudo rwenyu chishamiso nokuti makada nyika zvikuru zvokuti makapa Mwanakomana wenyu mumwe oga. Wakada nyika yakaipa mukatifira isu tichiri vatadzi. Ndidzidzisei rudo rwakazarukira vose muZita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Tarisa shure kuhupenyu hwako uone pano ruoko rwaMwari. Verenga maropafadzo ako, uchashamisika nokuti anokunda matambudziko.
ZUVA RAMAKUMI MATATU NERIMWE DINGINDIRA : MWARI VANORAMBA VAKATENDEKA.
CHIVERENGWA : VAROMA 3:1-8.
Ngatipedzisei mwedzi uno tiine chokwadi chinoshamisa uye chinosimbisa chokuti Mwari vanoramba vakatendeka nokuti ndiMwari vakatendeka. Kuvimbika kwake hakunei namafungiro edu pamusoro pavo asi kunobva pahunhu nechimiro chavo. Vanoramba vakatendeka kumhiko nezvivimbiso zvavo. Zviri kwatiri kuramba tine hukama hwakanaka navo kana kuti kwete. Kana takanganisa vanomirira kudzoka kwedu nomoyo murefu. Kana waivimba nomumwe munhu akakurasisa, unonzwa kurwadziwa zvikuru nokushaya mano. Pamwe unozotaura pachena kuti hauchazovimbizve nomunhu. Panguva iyoyo unenge uchirevesa, asi kashoma kuramba uinazvo nokuti hupenyu hwedu hwakavakirwa pakuvimbana. Muupenyu hwemhuri yako, ushamwari, masangano ebhizimisi uye hukama hwevanhu, kunyange zvematongerwo enyika, zvose zvinongoda kuvimbika. Dai pasina kuvimbana nyika yose yaiparara.
Nemhaka yokuti hunhu hwomunhu hahuna kusimba uye hahuvimbiki, zvigumbu zvino wanzowanikwa muvanhu. Kusavimbika ikoku hakusi kwebwoni nguva dzose; dzimwe nguva hakunzvengeki, asi nokuda kwechimiro chedu chokusakwana chohutadzi, chinhu chatinofanira kugamuchira. Chinhu chete chingashanduki munyika inoshanduka ndiMwari! Havashanduki nokusingaperi. Zvivimbiso zvavo, samarondedzererwo azvo mumagwaro, ndezvechokwadi uye hazvikundikani. Vanhu vanotaura zvokutendeka kwavo kubva kare. Kunyange zvazvo vasina kuita zvaiva muhurongwa nomuzvishuwo zvavo, vakazviratidza nenzira yavo yakasiyana kuti ivo vakatendeka uye vamire pachokwadi. Zvirongwa zvavo vanoita kuti zvibudirire muupenyu hweavo vanovimba navo.
Naizvozvo Mwari vanotarisira kuti uvimbe navo pasina zvibinge. Kana wokwidibirwa nokuvhundutswa namakore okunyunyuta kana kusuwa, zvinoita sokuti munhu wose akufuratira, ipapo batirira zvakasimba pakuvimbika kwaMwari. Makore achanyangarika ugokwanisa kufara nokutendeka kwaMwari zvakare. Ndinoparidza muzita raJesu Kristu kuti vanovimba naJehovha vakafanana negomo reZion risingazununguswi. Vachaona kunaka kwaJehovha panyika yavapenyu.
MUNAMATO: “Ishe wangu naMwari wangu, handigaro nzwisisa zvese, asi ndinovimba nemi zvachose muZita raJesu Kristu Amen.”
ZVOKUITA:Nyora pasi mienzaniso mishoma yokutendeka kwaMwari kwauri, uye kune avo vari muBhaibhiri. Itai minamato yokutenda mupedze mwedzi nekurumbidza nokunamata. Munogona kuedza kuita munamato wohusiku hwese nemhuri dzenyu.
You must be logged in to post a comment.