CHECHI YEMETHODIST MUZIMBABWE
MWEDZI WECHITENDERANO – 2024
1-31 Ndira 2024
DINGINDIRA: Vamiririri vaKristu (2VaKorinde 5:20)

Click or tap on the day number of your choice to jump down the page to the notes for that day:
MHENGENURO
Zvegore ra2023 zvapfuura, isu tiri kufora sehondo ine simba tichienda mberi. 2023 raive gore rakasiyana namamwe zvachose. Panyaya dzezvematongerwo enyika, igore ratakaona nyika ichiita sarudzo dzavatungamiriri venyika, izvo zvakaburitsa mafungiro namaonero akasiyana siyana, zvichienderana nokuti munhu ndewebato ripi. Rakavewo gore ratakaona kusagadzikana kwehupfumi sezvo mitengo yezvinhu yakaramba ichikwira zuva nezuva, uye mari yomunyika ichidzika pakukosha irimo muzvikwama zvavazhinji. Mumagariro evanhu, rakanga riri gore ratakaona kukwira kwemhosva dzoumhondi, zvichiratidza kuti vanhu havachakoshesi kuera koupenyu hwomunhu. Ndimo kakare mugore nyika payakarwisana nokuwanda kwokushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka nezvinokora pakati pechizvarwa chechiduku chamazera achine simba rokushanda.
Kana zvose izvi zvichiitika, vanhu vaMwari vachiramba vachiiswa parumananzombe, vazhinji vanovhiringika pakutenda kwavo vobva vadzokera shure. Panguva dzakadai ndipo patinofanira samaKristu kutarisana neramangwana redu takashinga tichinyatsoziva kuti kunyangwe tiri munyika ino yatekeshera nyonganyonga, isu hatisi venyika ino. Tiri vanhu vechitenderano isu uye tinotanga gore nokupinda muChitenderano naMwari wedu, nokuvandudza zvibvumirano zvatakaita kare zvatinonzwa sokuti hazvina kuzonyatsobudisa chinobatika mugore rapfuura. Kuva vanhu vechitenderano zvinongoreva kuti hatingori vanhuwo zvavo. Nokudaro gore rino rakasiyana namamwe nenzira yaro roga. Tiri kudaidzwa nokuyeuchidzwa nezvorupawo nohushumiri hwedu. Tiri vamiririri vakadaidzwa vakatumwa kumiririra humambo hunogara nokusingaperi uye husingazununguki.
Savamiririri takadaidzwa nokutumwa kuzodzorera vanhu pakuyanana naBaba.
Maonero aya ndiwo akarunzira kugadzirwa kwakabhuku aka kuti katibatsire kuisa hwaro patiri kupinda parwendo naMwari. Misoro irimo inotaurwa nenzira inozotibatsira isu savamiririri vaKristu kuti tifungisise nezvokudaidzwa pamwe nomusenzekete wedu, tichitsvaka kuti Kristu azivikanwe munyika ino. Uyezve, mwedzi waNdira unoisa hwaro hwegore rose, uye ndiyo nguva yatinoitawo zvisungo zvegore rose. Chisungo chimwe nechimwe chatinoita chinomiririrwa nemhodzi, kureva kuti tinotorawo nguva iyi senguva yokudyara mbeu. Naizvozvo, kabhuku kacho kakagadzirwawo nepfungwa iyi, uye vhiki yokupedzisira yaNdira pachange pane misoro inobata nyaya dzokudyara kuti zvitibetsere kuita chinhu chakafanira, nenzira yakafanira, uye nenguva yakafanira, sezvinotaurwa neBhaibheri kuti kana nyika ichingovapo, nguva yokudyara haingagumi (Genesisi 8:22).
Tiri “vamiririri VaKristu”. Dai vanhu vanonzi mahwisiri (Methodist) vave nomwedzi weChitenderano une zvibereko.
Revd. Dr. K. Paradza
(Mission Director)
NHENDO
Chinyorwa chakabhuku komwedzi weChitenderano chakagadzirwa naRev. O.
Chagudhuma navamwe vomudunhu reMarondera, vanoti Revd. L.Panavanhu, Revd. C. Nunu Ndlovu, Rev. S. Gono, Rev. C. Maburutse, Rev. E. Tembo, Rev. N. Mutasa, VaS. Muradzikwa, VaChuma naMai Kusotera.
Tinoda kutenda vatinoshanda navo mumunda wemizambiringa ava nokuzvipira kwavo. Tinoramba tichitenda zvikuru makomiti edu emitauro yemuno nokufambisa kwavakaita kuturikirwa kwakabhuku aka kuti kakwanise kuwanikwa neShona, vana Mufundisi Matemba, Mufundisi Matata, Mufundisi Mashora, Mufundisi Marasha naMai Chihanga. Mwari ngavavaropafadze zvikuru. Chokupedzisira, zvisingarevi kuti hachikoshi, tinotenda boka redu rezvokudhindwa kwamabhuku (Connexional Bookshop) nokuona kuti kabhuku aka kanosvika kumativi ose munharaunda dzina maHwisiri, muno nokune dzimwe nyika, chiri chibhuku kana chiri pamasaisai. Dai Mwari varopafadza vanhu vanonzi maHwisiri.
Revd. O. Chagudhuma
(Research and Publications Coordinator)
ZUVA ROKUTANGA
MUSORO: VAMIRIRIRI VAKRISTU
CHIVERENGWA: 2 VAKORINDE 5:20
2 VaKorinde ndiyo imwe yamatsamba akanyorwa naPauro mukupera kwehushumiri hwake hwamakore angangoita maviri kana matatu munzvimbo yeEfeso (Mabasa 19:8-10; 20:31). Magwaro aya anoratidza pachena kuti kereke yapaKorinde yakanga ine matambudziko aibva kuvadzidzisi venhema avo vaitsautsa vanhu kubva kuVhangeri raKristu. Vakanga vachizvirova matundundu nokugona kwavo nokubudirira kwaizovapinza patsika dzisiri dzechiKristu, chiKristu chamasiyandaita, uye kududzira dzidziso yechitendero zvisiri izvo. Izvi zvakakonzera nyonganyonga pakati pavatendi. Pauro akanga achitsoropodzwa vanhu vasina chokwadi nohupostora hwake. Izvi zvakaramba zvichikanganisa kushanda kwekereke paKorinde vamwe vave kusiya chitendero chavo chechiKristu.
Munyonganyonga dzese idzi, kereke yaida rutsigiro rwaPauro nguva dzese.
Acherechedza nyaya idzi, Pauro akanyora achizvidairira pahupostora hwake pamwe nevhangeri. Akanga asingaite zvehondo asi kutsvaga kuyananisa, achidaro paanoyeuchidza vatendi veKorinde pamusoro porupawo rwake, uye musenzekete wavo mumamiriro ezvinhu aivepo. Kungofanana naPauro pachake, ivo vaive vamiririri vaKristu. Mumiririri munhu anomiririra nyika yake kune imwe nyika. Izvi zvinobva zvaburitsa pachena kuti Pauro aiona nyika mbiri dzairarama muhupenyu hwokunamata hwapaKorinde.
Pfungwa ‘yohumiririri’ yakauya sei mupfungwa dzaPauro nomudzidziso dzake? Pauro akanga achinyora munguva yohutongi hwamaRoma. Nguva iyoyo, kwaive nemhando mbiri dzamatunhu, kubvira matunhu aive navamiririri vaisarudzwa (senators) naaive navatongi. Matunhu aive navamiririri aive navanhu vaive norunyararo, vasingarwisani namaRoma, vakazviisa pasi pavatongi. Kune rimwe divi, kwaitungamirirwa navatongi kwaisava norugare. Vagari voko vaimukira vatongi pose pavaiwanira mukana. Mukuedza kuchengetedza runyararo, vaRoma vaizotumira vamiririri kumatunhu aitungamirirwa navatongi kuti vadzivirire kumuka kwemvongamupopoto.
Vamiririri ava vainogara pakati pavanhu vachiedza kuratidza chimiro chakanaka cheRoma. Achinzwisisa izvi, Pauro anounza mucherechedzo uyu mukereke nokuti pane zvimwe zvaive zvoitika mukereke zvaifanana nezvaiitika munyika mumatunhu avaRoma. Nokuda kwedzidziso dzenhema, vamwe vakanga vave kumukira Mwari. Panyaya dzechitendero, nyika yakanga yangofanana namatunhu aya aitungamirirwa navatongi, ayo aigara achitora dzidziso dzenhema nokumukira Mwari. Muchimiro chakadai, maKristu anotumwa savamiririri vaKristu kuti hupanduki husatekeshera. Vanofanira kumiririra Kristu, kutaura uye kuita zvaKristu. Basa ravo nderokuyananisa nyika naMwari. Shoko rimwe chete iroro riri kutaura kwatiri savatendi vekereke yeHwisiri nhasi uno. Tiri kurarama munyika isinganonoki kupeperetswa nedzidziso dzenhema, uye nyika isingagoni kuzvidzivirira pakusashandiswa zvakaipa kwezvigadzirwa zvamazuva ano (technology), nohumwewo huipi hwakasiyana siyana. Tave munyika yokuti ruzivo rwapamusoro (science) rwave kukosheswa kudarika rutendo. Kunyange zvazvo zvigadzirwa zvamazuva ano (technology) zvichibatsira nyika, dzimwe nguva zvave rugombe/musungo yohupenyu hwomweya, zvichikonzera vanhu kutsuduruka zvishoma nezvishoma kubva kurutendo rwechiKristu. Kunze kwezvizvi zvadomwa, tiri kurarama munyika ine vechidiki vakadzidza asi vakati teshe muhurombo, vachishaiwa mabasa. Zvoreva kuti pave nomubvunzo wezvinoreva kurarama. Vanhu vaMwari vanosangana nenzira dzakamonyoroka uye dzisiri dzechiKristu dzokugadzirisa zvinhu, vachiedza kunzwisisa mamiriro ohupenyu munyika izere namatambudziko. Mumamiriro ezvinhu akadai, maKristu (kereke) ndipo pavanorangaridzwa kuti ndivanaani mukati menyonganyoga idzodzo. Vanotumwa kunoita vamiririri vaKristu. Vanofanira kusimuka kuti nyika iyananiswe naMwari, uye kuti pasave neimwe mikana yokumukira Mwari.
KUFUNGISISA: Humambo hwandinomiririra hwakakura kukunda hwuri kuzviratidza munyika. Kristu ngaazivikanwe.
ZUVA REPIRI:
MUSORO: MUMIRIRIRI ANOFANIRA KUTANGA APIWA SIMBA ASATI ASHANDA CHIVERENGWA: MABASA 1 V 4-8
Vamiririri vanofanira kutumwa nokupiwa simba pavanoshanda kuti pasave nemibvunzo yokukodzera kwavo. Chiitiko ichi hachifaniri kutarisirwa pasi. Mutsanangudzo dzinopiwa mumavhangeri, Jesu akadaidza vadzidzi vake akafamba navo kwamakore angangoita matatu, vachidzidza kubva kwaari. Mumakore matatu aya, aiona pamwe pavaiposha muhunhu hwavo nomumaitiro avo, sapane dzimwe nguva dzavairatidza undingoveni nokuzvifunga pachavo muvavariro dzavo. Somuenzaniso, vanakomana vaZebhedhi vaida kupihwa chinzvimbo chiri pamusoro pavamwe vadzidzi vese (Mako 10:35-44. Ivo vadzidzi vakamborambidzawo vamwe vaive vasiri veboka ravo kubata basa raMwari (Mako 9:38). Apa vaingozvifunga pachavo. Kushaisha kose uku kwaiitika Jesu achifamba navo, obva awana mukana wokuvagadzirsa nokuvadzorera mugwara.
Zvino vadzidzi vaifanira kuzoshumira nokuzomumiririra vave voga iye asisipo pakati pavo. Namaitiro nokungozvifunga nokuzvitsvakirra zvavo uku, hushumiri hwavo hwaizoteremukira kumawere, basa iri rikasazofamba zvakanaka. Vaisazokwanisa kumira pachokwadi savamiririri vakanaka. Jesu akazviziva izvi. Saka kuti adzivirire nyonganyonga, nhau yokusazogamuchirika neyokushaisha kwavo, akavaraira kunogara muJerusarema kusvikira vazogamuchira Mweya Mutsvene. Vaifanira kusarudzwa nokupiwa simba kuratidza kunyika kuti vakasarudzwa zviri pamutemo naMweya Mutsvene kutanga vasati vanomumiririra.
Ndizvo zvazvakaitawo nekereke yanhasi. Haigoni kumiririra Kristu pachokwadi kana kuzvifunga kuchakazara muvavariro nezvishuviro zvenhengo dzayo padzinobata basa. Yave nguva zvino yokuti kereke igadzwe nokupiwa simba naMweya Mutsvene. Zvangodaro, inoshanda zvinobatika ichisvitsa nyika pakuyanana naMwari. Kana Mweya Mutsvene asipo zvinonetsa kuti nyika igamuchire kodzero dzekereke dzokumiririra Mwari.
KUFUNGISISA: Mweya Mutsvene ngauzodze nokupa kereke simba.
ZUVA RETATU
MUSORO WENYAYA: RUREGERERO SECHIRATIDZO CHEKODZERO YOHUMIRIRIRI.
ZVIVERENGWA: 1 VAKORINDE 15:9-10; 2 VAKORINDE 5:17-19
Panodanwa nokutumwa mumiririri, anosvika achibudisa mapepa anova chiratidzo chokuti wakadzidzira uye wakakodzera kubata basa raatumwa. Anoratidza izvi soumboo hwokukodzera kubata basa. Munhu haagoni kuita basa rohumiririri kana kwaakabva ari kutsvagwa namapurisa. Anofanira kunge ane nhoroondo yakachena. SamaKristu, kuregererwa kwatakaitwa ndicho chiratidzo nechisimbiso chokukodzera kwedu kubata basa rohumiririri.
Mumagwaro anhasi, Pauro ari kuti kana munhu ava muna Kristu ava chisikwa chitsva zvachose. Zvakare zvinenge zvapfuura kwauya zvitsva. Iye pachake chapupu chezvinhu izvi nokuti wakave mumiririri waKristu nokuda kokuregererwa. Tose tinoziva matendeukiro aakaita kubva pakunzi Sauro weTaso achive muranda waIshe (Mabasa 9). Kana nhoroondo yaPauro ikanyatsocherechedzwa, haaikodzera kuva mumiririri waKristu. Nhoroondo yake yaive yakaipa zvokurevesa. Asi Mwari vakashandura chimiro chake chazuro, vakamuregerera, vakamupa mukana wokutanga patsva, vakamukodzeresa kubata basa ravo. Akava munhu akaregererwa. Chose chaakazenge otaura, aitaura nesimba nechokwadi chokuti Mwari vakanga vapedza nomufambiro wake wakare, akayananiswa naMwari akave munhu mutsva. Chokwadi ichochi ndicho chakamupa chivindi chokutaura nekereke yapaKorinde pamusoro pokuyanana.
Kereke yapaKorinde yaive ine rusaruraganda, yakavakirwa pamusika apo paisangana vanhu vamarudzi akasiyana patsika namagariro, pane zvamatongerwo enyika, zvitendero nohunhu hwakasiyana nokuda kokusiyana kokwakabviwa namakuriro. Asi mupostora ari kuvatumira shoko rokuyanana. Izvi hazvikwanisiki kana munhu ari kutaura asingararami zvaari kutaura.
Mumiririri waKristu unofanira kushandisa kuregererwa kwake sechiratidzo chokukodzera kwake kurapa kereke yaMwari. Maitiro ake anofanira kunge achibva pakuregererwa kwake muzvitadzo zvaake. Nyaya dzoruregerero kana dzisina kugadziriswa dzinodzosera basa rokurapa kumashure.
KUFUNGISISA: Munhu haakwanisi kuva mumiririri waKristu iye ane nyaya dzokumashure dzisina kupera. Regerewa, uye uregerere.
ZUVA RECHINA
MUSORO: VAMIRIRIRI VANHU VECHITENDERANO
CHIVERENGWA: GENESISI 15:1-20
Pasichigare chitenderano chakanga chakaita sechibvumirano (contract) chinoitwa mumazuva echizvinozvino. Chibvumirano ichi chinoitwa pakati pamativi maviri. Chinova nheyo yohukama, mafambiro ehukama hwacho, zvivimbiso uye zvinozoitika kana chibvumirano ichi chikatadza kuchengetedzwa. Ndizvo zvazviriwo navamiririri.
Vamiririri, savatungamiririri vohumwe humambo, vanhu vechitenderano. Pavanosarudzwa nokugadzwa, pane zviga zvinovasunga pavanoshanda mabasa ravo. Zviga izvozvi zvinoita kuti hukama hwavo navakavadaidza nokuvatuma hurambe hwakanaka. Izvi zviga ndizvo zvinoumba chitenderano. Kudivi reanotuma kune zvivimbiso; kudivi reanotumwa kuno kuteerera.
Mumagwaro anhasi, tiri kuratidzwa chimwe ‘chezvitenderano zvinomwe’ zvomuTestamende Yakare, zvitenderano zvomunguva yaAbrahamu. Abrahama akadaidzwa naMwari kuti asiye veimba yababa vake achienda uko Mwari aizomuratidza. Pakumudaidza, Mwari vakamuvimbisa maropafadzo nokumuchengetedza (Genesisi 12:1ff). Abrahama aizova mumiririri waMwari kose kwaaizoenda sezvo Mwari vakavimbisa kuropafadza vanhu kuburikidza naye. Abrahama akateerera Mwari. Chitsauko15 chinoburitsa kudzama kwechitenderano chakaitwa naMwari kuna Abrahama. Chitenderano ichi chakasimbiswa neropa remhuka neshiri izvo Abrahama akanga arairwa kuti abaye agoisa paAritari/parukuva. Pakumisa Aritari iyi pakave netsekwende yamagora aipenga achida kudya izvo Abrahama akanga agadzirira Mwari, achiitirawo kuti iye agokunda. Asi Abrahama akaramba akashinga achimatandira kure.
Pakupedzisira Aritari yakamiswa ikachengetedzwa. Muchitenderano maive nokusimbisa kwaMwari kuti vaizozadzisa zvavakanga vavimbisa kubva pakutanga porudaidzo rwaAbrahama. Mwari vakavimbisa Abrahama kuti aizove nomwanakomana. Chakanga chasara kudivi raAbrahama paaizenge ofamba achitetereka nenyika kwaive kuteerera kune uyo akanga amusarudza akamupa zvivimbiso. Ndozvazviriwo nekereke yanhasi. Sevamiririri vaKristu, tiri vanhu vechitenderano. Ndicho chikonzero nei nguva ino iri yokuita nokumutsurudza zvitenderano zvedu naMwari. Kuti tikwanise kubudirira savamiririri vaKristu, tinofanira kufungisisa pamusoro pezvakavimbiswa naKristu, isu toita pedu, tichiteerera kuda kwake.
KUFUNGISISA: Vamiririri vanhu vechitenderano. Chii chiri musumbu yechitenderano chatakaita naMwari?
ZUVA RESHANU
MUSORO: VAMIRIRIRI VANOVIMBIKA/HAVASHANDUKE
CHIVERENGWA: NUMERI 13:1-3, 17-33
Mumiririri wakanaka ndouyo anoziva zvido zveanomutuma kuhushumiri. Mumiririri anoitawo zvinhu nokuvimbika kuitira kuti arege kukanganisa hunhu hweakamutuma, kana kukonzera zita raTenzi wake kumhurwa. Haangopeperetswi kana kutsudurutswa pachinangwa kana pabasa rake. Mumiririri anosungirwa kuzadzisa zvinangwa zveuyo waanomiririra, kungave kunyikatorwa kana kunyika isinganakidzi kushandira. Haaiti kuda kwake asi kuda kweakamutuma. Mumiririri wakanaka unovonekwa nokutendeka, kuvimbika, uye kusashanduka, nokuramba achiita zvido zvowakamutuma.
Muchiverengwa chanhasi, tinosangana navasori (nhume) gumi navaviri vakatumwa naMosesi kunosora nyika yeKenani. Zvavakatumwa, vakaenda ndokuunza misumo pashure pamazuva makumi mana okuongorora kwakasimba. Sezvineiwo, ruzhinji rwavasori ava, gumi, vakaunza musumo wakashata kunyange zvazvo zviratidzo zvokuti nyika iyi yakanga yakanaka zvaivepo. Vaviri bedzi, Joshua naKerebhi, ndivo vakapa musumo wakanaka. Mukuona kwedu savanhu, zvaizova nyore kuti avo vakanga vasara kumusha vabvume musumo wevasori gumi nokuti vaive vakawanda, pane kugamuchira musumo waJoshua naKerebhi. Zvisinei, musumo wavamiririri vaMwari vaviri ava ndiwo wakazogamuchirwa pakupedzisira nokuti ndivo vaive nenyaya nechinangwa chaMwari.
Sezvambotaurwa, vasori vose vakasimbisa kuti nyika yakanga ine ivhu nezvibereko zvakanaka zvikuru (nyika inoyerera mukaka nouchi). Kutaura chokwadi, vakanga vauya nezviratidzo zvisingarambike zvezvimwe zvibereko zvenyika iyoyo, asi vamwe vavo vakanga vachiri kuratidza kusagutsikana kuti vazadzise basa raMwari ravakanga vasungirwa kuita. Vakashaiwa shungu dzokunopamba nyika iyi.
Mukutsvaga kwedu kuva vamiririri vaKristu vakavimbika, pane zvidzidzo zviviri zvakakosha zvatinogona kuwana muchiitiko ichi.
a) Nguva zhinji savana vaMwari navamiririri, tinowanzoda kunakidzwa nezvibereko zvevhu asi tisina kuzvishandira. Savamiririri tinofanirawo kuva takagadzirira kutarisana nezvinetso nezvidziviso munzvimbo dzokushandira, kusagamuchirwa mukubata mumabasa, uye dzimwe nguva kunyombwa nokurambwa, asi ngatingotarisai pachinangwa chatakadaidzirwa kuzadzisa
b) Hazvirevi kuti zvinobvumiranwa navakahwanda ndiyo sarudzo iri mugwara. Nguva zhinji kereke inowanzorerekera kuizwi roruzhinji isinganzwi zvinotaurwa nezvinofungwa navashoma. Nguva zhinji isu tinoita sarudzo dzedu nokuvhota kwete nomuono, kazhinji kacho tichinyepa kuti ndizvo zvatapihwa naMwari, tichikanganwa hokero dzakaipa dzinenge dzakaitwa musure uye munguva yokuvhota. Vakaropafadzwa zvavo vaIsraeri vakakunda kubudikidza nomusumo wavarume vaviri, Joshua naKerebhi, avo vakanga vakatarira kuna Mwari kupfuura kuvanhu. Tinofanira kudzidza kunyanya kubvunza Mwari kupfuura vanhu.
Mumiririri wakanaka uye wechokwadi unomira pakutonga kwaMambo wamutuma kuita basa. Savamiririri vaKristu, tinofanira kudzidza kusimba nokuve noushingi zvakakwana kuti tivimbe nokuteerera Ishe wedu, uye tivimbe nesimba rake. Kunyange zvazvo kune hofori dzevaAnaki munyika iri mberi, tina Mwari vakuru vasina kumbokundwa muhondo dzamarudzi ose; tine chokwadi chokukunda. Ngatiite zvose musimba ravo.
KUFUNGISISA: Vamiririri vakavimbika. Isu tinovimbika zvakadini mukuita mabasa edu, tichitarisana nezvinetso?
ZUVA RECHITANHATU
MUSORO: KUZIVA KRISTU ZVIRI NANI
CHIVERENGWA: VAEFESO 1:17-18
Vamiririri vanoziva vaTenzi vavo. Vanofanira kutora nguva yavo vachidzidza Tenzi, kureva kutsvaga kuziva hunhu hwavo, zvavanofarira, zvavanoda nezvavasingadi, vasati vatanga hushumiri hwavo senhume. Kutadza kuziva uye kunzwisisa Tenzi kunoita kuti mabasa omumirirrii nohushumiri hwake zviome, kana kusadotangika zvachose. Mumiririri unofanira kuzivawo zvinotarisirwa naTenzi wake kubva kwaari.
Tasangana netsamba yokuvaEfeso tino kunzwisisa ikoku. Munyori wetsamba yokuvaEfeso unogutsikana nazvo izvi. Unonyatsoziva kuti munhu haangavi mumiririri waKristu kana asingazivi Kristu zvizere. Muchiitiko ichi iye munyori wakanyengeterera vaainyorera tsamba. Tichinzwa murugwaro rwanhasi, unonamatira kereke yapaEfeso kuti ipiwe mweya wouchenjeri nokuzarurirwa kuti ruzivo rwavo rwaKristu rwuwedzere. Wakanyengetererawo kuti maziso emoyo yavo avhenekerwe kuti vagoziva tariro yavakadaidzirwa.
Shoko iri rinoshanda kwatiri nhasi. Munhu haakwanisi kuva nhume yomunhu waasinganzwisisi. Zvazvinoreva ndezvokuti tinofanira kutora nguva yokudzidza Kristu, tichinamatira kuzarurirwa, nezvimwewo. Ngaazviratidze kwatiri kuti iye ndiani uye isu tiri vanaani, uyewo kuti ndokupi uye chii chaakatidaidzira. Tikatadza izvozvo tinopedzisira tava kumumiririra zvisiri izvo. Tinopedzisira toita zvedu pachedu pachinzvimbo chokuita hushumiri hwaKristu, uye ndizvo zvinozoonekwa mumakereke umo Kristu ari kutorwa serimwewo basa rangonyuka. Kuna makereke akati wandei ana maitiro ari pachena okufadza vanhu, vachiteedzera zvinoda vanhu kupfuura zvinodiwa nechiKristu. Kristu haazivikanwi zvachose asi vanhu vanenge vachiti vari kuita basa rake. Ngatidzikamei tidzidzezve. Ngatikudziridzei kuve nenzara nenyota yokuziva Kristu zvakanyanya kuburikidza neshoko rake.
KUFUNGISISA: Kristu unozivikanwa zvizere mumakereke edu nhasi here? Ngatiedzei kuti tive nechokwadi chokuti takazadzwa neshoko raMwari uye tizere naKristu.
ZUVA RECHINOMWE
MUSORO: KURARAMA NEMITEMO YEDENGA
KUVERENGA: RUKA 18:18-30
Misimboti nemitemo inotevedzwa navamiririri inowanikwa mubumbiro reHumambo kana renyika yavakamiririra. Kunyangwe mureza unobhururuka kunzvimbo dzavanogara nokumahofisi avo ndowenyika yavanomirirIra. Havararami kana kushanda vachitevedza mitemo kana mashandiro avanoda. Uye havakanganwi kuti vanotumwa kunomiririra nyika dzavo vasingazobvumi kukanganiswa nokumanikidzwa namaitiro enyika dzavanoenda.
Murugwaro rwanhasi, tinosangana nechiitiko chehurukuro yaJesu nomutongi wechiduku akanga akapfuma asi asina kutendeseka. Murume wechidiki uyu anogona kunge ari iye oga munhu mumavhangeri akauya patsoka dzaJesu akadzokera ave nechimiro chakaipa kupfuura paakauya. Pakutanga murume uyu aive aedza kuita chinhu chakanaka zvikuru. Aivawo nedivi rake rakanaka asati auya kuna Jesu. Murume wacho aiva netsika, achinamata, akasimba uye achirevesa, zvinove zvinhu zvaifadza chaizvo. Asi chinhu chimwe chaicho chisina kunaka ndicho chakamubvisa hunaku hwose chikadzima zvese zvakanaka zvaakanga ararama nazvo kwamakore. Naizvozvo akadzokera kumba asuruvara zvikuru.
Dambudziko rake rakava rokuti waida kuti Jesu atsigire kusavimbika kwake uye ararame maererano nezvaaida iye. Kunyange zvake akauya kumunhu wakakodzera, akabvunza mubvunzo wakanaka uye akapiwa mhinduro yakafanira, akaita sarudzo isina kururama. Akanga abvunza Jesu zvaaigona kuita kuti awane upenyu husingaperi. Kungofanana namamwe maJudha, waidavira kuti munhu unofanira kuita chimwe chinhu kuti awane upenyu husingaperi, asi paakaudzwa zvokuita zvacho akaramba. Iye imhando chaiyo yamaKristu anotaura zvimwe asi oita zvimwe. Havagoni kuita zvavanoti ndizvo zvavari. Ichokwadi Jesu haazotirairi tose kuti titengese zvinhu zvose topa varombo. Asi unonongedza chinhu chiri muupenyu hwedu chaanoona kuti hatina kutendeseka pachiri. Kana angochitendeka, zvave kwatiri kudaira nokutevedzera, uye kuva vamiririiri vechokwadi. Kuramba zvatinoudzwa naJesu kunoreva kuramba zvaanoda tichiedza kuita madiro edu, zvinove zvinhu zvisingatarisirwi kumumiririri wakanaka.
KUFUNGISISA: Dai Jesu aizobata chinhu chiri muhupenyu hwako chausina kutendeka, chaizova chipi? Ramba mafungiro omutongi jaya mupfumi asina kutendeseka.
ZUVA RORUSERE
MUSORO: KANA TICHIFAMBA NOKUTENDA
ZVIVERENGWA: 2 VAKORINDE 5:7; MAPISAREMA 23:4; 1 SAMUERI 17:4547
Savamiririri vaKristu, tinoshevedzwa kuhupenyu hwokurarama nokutenda. Nguva zhinji tinozosangana nemiedzo namatambudziko. Nzira iri mberi kwedu haimbofi yakaita mutserendende, asi tinofanira kuramba tichifamba, kuramba tichienda mberi. Murwendo urwu, maziso mazhinji achange ari patiri, kuda kuona kuti tinokunda sei munguva dzokuoma kwezvinhu, kana kuti tinodonha.
Nguva nenguva, tinofanira kuzviedza pachedu, tione kuti tichakasimba here mukutenda (2 VaKorinde 13:5). Tinoda zviratidzo zvokuti Jesu Kristu anorarama matiri, kuti kana tikakundikana pamuedzo, pane zvatinogona kuita nezvazvo. Rwendo rwuri mberi harungodi simba rokungogwinya pamuviri, asi podawo simba redenga.
Zvinowanzoitika kuti zvinhu zvatinonyanya kutya ndizvo zvinoitika. Tine kamuitiro kokugara tichitya nokuda kwezvibingamupinyi zvinoita sezvakakurisa kwatiri. Mune rimwe gwaro riri pamusoro apo, Dhavhidhi haana kumboona Goriyati sechipingaidzo, asi somukana wokuratidza simba rinoshamisa raMwari wake. Haana kuvimba namaonero ake, asi nesimba rokutenda kwake kuna Mwari, akakwanisa kukunda muvengi. Kana tikafamba nokutenda, hazvirevi kuti hatizosangani namatambudziko, asi zvinoreva kuti tichakunda nokuti Mwari vakatendeka. Kufamba nokutenda hakuiti kuti rwendo rwureruke, asi kunoita kuti rutikoshere apo tinoramba tichikura pakusimba.
Munyori wePisarema anotiudza kuti imwe yemipata yedu ine rima guru ichafambwa, uye vakawanda vachakanda mapfumo pasi vagodzokera shure. Asi chivimbiso chavo ndechokuti mufudzi wakatendeka achatidzivirira nenzira isingagonekanwi noumwe munhu. Tsvimbo yavo nomudonzvo wavo zvichatinyaradza. Dzimwe nguva tinodombofamba toga panyama asi pamweya tinenge tisiri toga. Dzimwe nguva rwendo rwunowanda hondo dzisingaperi pasina kukunda kunoonekwa. Zvakadaro, tinofanira kuramba tichifamba, nokuti kutenda kwedu kuchatikundisa. Mafungiro ako anofanira kunge ari okuti, ‘kunyange ndikatadza kukuonai Ishe, ndinoziva kuti muriko uye muneni.”
KUFUNGISISA: Zvibingamupinyi mikana yokuratidza hukuru hwaMwari.
ZUVA REPFUMBAMWE
MUSORO: KUYANANISWA NABABA
CHIVERENGWA: RUKA 15:11-20
Savamiririri vaIshe wedu Jesu Kristu, tinoramba tichidanwa kuti tiyananiswe naMwari. Hushumiri hwedu munguva namazuva ano ndehwokukunda miedzo yakasiyana-siyana yatinosangana nayo zuva nezuva. Kunyange tingagumburwa, tinofanira kudzokera kuna Baba nokukurumidza.
Mumufananidzo womwanakomama muparadzi, mwanakomana muduku akasarudza kushandisa mugove wenhaka yake mukurarama noutere. Pamwe aifunga kuti hapana chaigona kukanganisika. Sezvineiwo, kwakaita nzara munyika yaaigara ikaparadza zvose zvaaiva nazvo pasina kana tarisiro yokuzviwanazve, hurombo hukati tika. Mukushaiwa kwake, akazvipira kushanda somuranda, asi baba vake chaivo vakanga vari mbozha. Uyu muenzaniso wokukanganisa kushandisa kwatinomboita nhaka yedu muHumambo, pamwe nokumbodzembereka tichitsvaga mafuro manyoro.
Pane dzimwe nguva dzokuti sarudzo dzatinoita dzinoita kuti tibve pamberi paMwari tichitevera zvatinoda. Dzimwe nguva zvinogona kunge zviri zvinzvimbo zvedu zvohutungamiri mukereke zvinotitendera kuita sarudzo dzisingaenderani nokuda kwaMwari. Sarudzo idzi dzinogona kukonzera kushaya mbereko kwekereke, kana kuunza nzara. Kana tikanzwisisa izvi nepfungwa dzedu dzikadzokedzana, hatifaniri kunonoka kudzoka kuna Baba.
Baba vedu vano mwoyo mukuru wokusatisiya munyika yakaoma. Maoko avo anogara akatambanukira kutigamuchira zvakare muUmambo hwavo. Tinofanira kukunda dhimoni rokuzvikudza. Kana kudada kotonga matiri, tingafunga kuti zvinonyadzisa kudzoka pakuita kwakashata, kana kuti kusiya pesvedzero dzakaipa; asi izvi hazvitibatsiri. Tinofanira kudzoka kuna Baba takazvininipisa, tobvuma kudarika kwedu kuti tigone kutanga patsva. Kuzvininipisa hakurevi kurasikirwa nokukosha kwedu, asi kunoreva kuwana icho chakafirwa naJesu Kristu, kuti avo vanotitevera vagozivawo nzira.
Ngatibatisisei pavhangeri rechokwadi kuti tiwane ruponeso savamiririri vaKristu. Vavariro ndeyokugara tiri pedyo navo, kuti kana takadzivirirwa navo savana vavo vanodikanwa, tinogona kukurira zvirongwa namanomano omuvengi.
KUFUNGISISA: Kana tikarega kudada kuchidzika midzi matiri, zvibereko zvedu hapana kana munhu angagona kuzvidya. Asi kana tikazvininipisa zvakakwana tichibvuma kukanganisa kwedu, tinokwanisa kudzoka kuna Baba avo vanotivimbisa hugaro huri nani.
ZUVA REGUMI
MUSORO: KUITA SOKUDA KWAMWARI
CHIVERENGWA: JOHANI 6:37-40
Nyika yatiri kurarama nhasi inoda umwe mwero wokuzvipira kuhupenyu hwokushanda. Vamiririri havasi ivo varidzi vebasa ravanotumwa. Muridzi webasa ndiye wavanomiririra. Ndiyo nyaya yedu nhasi. Basa nderaMwari (Missio Dei). Nokudaro, kuve mumiririri ibasa rakakosha rinoda kusimba, kushinga uye kuzvipira kumirisana nezvinonetsa zvakatikomberedza.
Kubva murugwaro rwuri kudzidzwa nhasi, tinoona Jesu achitaura negurumwandira rakanga ramutevera nzira yose kubva kunzvimbo isina vanhu vachitsvaka kuramba vachiwana chingwa chaaive ambovapa, gare gare vachizokumbira chiratidzo apo vakapfuurira nokukurukurirana. Muhurukuro yake Jesu akajekesera gurusvusvu ravanhu iri kuti zvose zvaaiita zvakanga zvisingabvi mune zvavaida ivoi, kana kusundwa nezvinangwa zvake iye asi nezvaidiwa naBaba. Haana kutsvaka kuvafadza. Haanawo kutsvaga kuratidza kuti aive ani, sezvavaifunga kuti uchaita. Haana kutsvaka pesvedzero yavo.
Wakauya senhume yaBaba akabata hurongwa hwaBaba mumaoko uye akaita zvese sokuda kwaBaba. Wakazviisa pasi pokuda kwaBaba kusvika kumagumo. Achiziva hake zvakanga zvakamumirira paKarivhari, Jesu akanyengetera kuti Baba vabvise mukombe pamberi pake kana Ivo (Baba) vaida asi akasimbisa kuti kubviswa kwomukombe kusave kuda kwake asi kwaBaba (Mateo 26. 39). Haana kuda kuti kuda kwake kuinde pamusoro pokuda kwaBaba nokuti ainzwisisa kuti haana kungouya nezvinangwa zvake pachake asi zvaBaba. Uyewo haana kutaurirana nababa kuti vashandure kuda kwavo. Haaikwanisa kupanduka achishandura hurongwa hwaBaba kunyangwe zvaisanganisira kurambwa kwake, kutambura uye kuuraiwa namahedeni zvine hutsinye.
Izvi zvinopa chidzidzo kukereke (isu) nhasi. Hatifaniri kushandura hurongwa hwaKristu isu tichitsvaga kugarisika munyika ino izere ruvengo. Isu hatisi kuzviraramira asi sokuda kwoUmambo. Dzimwe nguva nzira idzo Kristu anofanira kuzivikanwa nadzo dzinogona kupesana nezvido zvedu. Zvisinei, kunyange zvikaratidza kusafadza zvinengei, kuda kwedu hakufaniri kutora nzvimbo pamusoro pokuda kwouyo wakatidana akatituma. Tinofanira kungoteedzera kuda kwaBaba. Ngatizviongororei.
Mubvunzo unotsvaka kupindurwa nesu tose patinorarama tichishumira nokutsvaga kuve zvimwe zvinhu munyika ino ndewokuti, “kuda kwani kuri kutonga pakati pokuda kwangu nokuda kwababa? Zvinosuwisa ndezvokuti kuda kwedu ndiko kunotora mukombe. Kazhinji kuda kwaBaba kunopesanwa nako apo vanhu navatungamiriri vanoedza kufadza ruzhinji vachitya kuti vakasadaro, vangatadza kusarudzwa vakabviswa pazvigaro. Nhasi kereke iri kudaidzwa kuti iite hurongwa hwayo maringe nokuda kwaBaba. Inguva yokuzviongorora!!
KUFUNGISISA: Kana Jesu akaita sokuda kwaBaba, ko isu tisu vanaanivo zvedu kuti tipesane nazvo tichiita zvakasiyana?
ZUVA REGUMI NERIMWE
MUSORO: KUITA ZVINOBATIKA MUNYIKA YEVATORWA
CHIVERENGWA: MATEO 5:14-16
Pane nzwisiso netarisiro ina vanhu yokuti vanhu vanodomwa kuve vamiririri kana nhume dzamasangano vanofanira kuva vanhu vakavimbika. Makereke [isu] haana kusiyana navamwe pamafungiro aya. Vamiririri vaKristu vanotsanangurwa savanhu vakatumwa kunoshanda savagari vomuUmambo hwaMwari vachimiririra chokwadi nechiedza munyika izere nokunyengera nerima.
Chinyorwa chiri kudzidzwa nhasi chikamu chedzidziso yaJesu kana kuti chemharidzo yake paGomo. Tikanyatsotarisisa zviri murugwaro urwu tinogona kuona kuti Jesu anoziva kuti vateveri vake vari kushanda nokurarama munyika isiri yavo. Kunzwisisa uku kunoenderana nedzidziso yeTesitamande Itsva. MaKristu haasi enyika ino kunyange vachirarama nokushanda mairi (Johane 17:11; 1 Johane 3:1). Zvisinei, ndimomo munyika iyoyo yavari vatorwa mavanofanira kupenya nokuita kuti vanhu vari munyika iyoyo vaone mabasa avo vagokudza Mwari wavo ari kudenga.
Kubva pamazuva omupositori Pauro, vamiririri vaKristu vakaratidza chiedza kuvatendi pamwe nevasiri vatendi. Munhoroondo yekereke tina vanhu vakaita saMartin Luther, John Calvin kunyangwe nowedu John Wesley, vakaratidza zvaimiririrwa navamiririri vaKristu. MuZimbabwe tinokwanisa kutaura nezvavavhangeri vokutanga veHwisiri vakaita saIsaac Shimmin, Owen Watkins, John White, navamwe. Taivawo nevedu vomunyika ino sanaRevd. Andrew Ndhlela, Matthew Rusike navamwe varipo nhasi vanotungamirira kumuzinda, mumatunhu, munzanga nomumisha, vari kunyatsomiririra Kristu zvakanakisisa.
Zvisinei, zvinosuwisa ndezvokuti panowanikwa muchero wakaora nguva dzose uchiedza kukwanakwana pakati peyakanaka. Kuna vamwe vamiriririi vanodzokera shure pavanokanganwa basa ravanofanira kuita vachiita hunhu namabasa asingatenderwi. Panzvimbo yokuva chiedza kunyika, ivo vari mushishi kudzima chiedza chinofanira kunge chichipenya mukereke. Ndivo vamiririri verima vakapinda muzvivanze nomuhurongwa hwechimiro chekereke. Vamwe vanodotora matanho marefu vachizvuzvurudza zita raKristu nekereke yake, iyo yavanofanira kuchengetedza, vachiisvitsa pakuzvidzwa kuburikidza namasaisai anotapa nhau anenge Facebook neWhatsapp. Chiedza chaenda kupi? Vanhu vakadaro vanoyeuchidzwa kuti vakafanira kukurumidza kutendeuka kana vachida kuzoramba vachishanda sevamiririri vaKristu.
KUFUNGISISA: Chiedza chako chiripi? Penya kunyika ukwezvere vazhinji kuna Kristu.
ZUVA REGUMI NAMAVIRI
MUSORO: USATYA, KRISTU UNEWE
ZVIVERENGWA: DHUTERONOMI 31:6; RUKA 10:1-3
Vamiririri havatumwi kunoshanda kusina chiriko. Vanotumirwa kuna vanhu, vachinogara navanhu uye mukati mavanhu. Dzimwe nguva nharaunda dzatinotumwa senhume dzaKristu dzinenge dzisina kumira zvakanaka uye tisingafarirwi, asi ndizvo zvakasanganawo navadzidzi pavakatumwa naJesu vari vaviri-vaviri. Achiziva zvake mhando yavanhu yaizonosangana navadzidzi, Jesu akavarondedzera samapere. Nenzira imweyo, achiziva kusasimba kwavadzidzi vake, Jesu akavarondedzera samakwai.
Izvi zvinoreva kuti savamiririri, kuita basa ratinopiwa naKristu, kunotishashika pachena sezvaakaitwa iye (Kristu). Anoziva njodzi uye kutya kwatinako. Paakatuma vadzidzi vake, haana kumbovavimbisa mitoo yomutambaratede nemifaro asi kuti kuvaratidza kuti kune tsekwende dzaive nechokuita namabasa avo. Jesu wakarondedzera vadzidzi vake samakwayana ari kutumwa pakati pamapere paakavati kuna Ruka 10:3, “Ndiri kukutumai samakwayana pakati pemhumhi.” Izvi hazvidzikamisi asi zvinotyisidzira, nokuti gwayana riri pakati pamapere rinova chikafu chauya choga pachena. Jesu akanga ari kuvanyevera nokuvagadzirira matambudziko ebasa rakanga riri mberi kwavo. Chimwe chikonzero chinoita kuti vashandi vave vashoma (vs.2) ndechokuti basa racho imbindamakombo. Kuna mapere akamirira kudya makwayana kunze uko.
Zvisinei, makwayana anodzivirirwa kubva kumapere nezvimwe zvikara nokuti iwo haakwanisi kuzvidzivirira. Haagoni kurwisa; asi hutera ihwohwo ndiyo svumbunuro yehochekoche iri kuitwa naJesu pakati pavateveri vake namakwayana. MaKristu ari panjodzi yokurwiswa nokutambudzwa pavanenge vari kushumira. Zvinosuruvarisa ndezvokuti pachinzvimbo chokumirisana nezvinetso zvinozivikanwa izvi noushingi, vamwe vamiririri vanotungamidza kutya. Nhasi uno kuna vaparidzi vakawanda vanoita huori hwokutaurirana kuti vapiwe minongedzo yokuparidza kumisha yavanosarudza voga vachitya kuenda kune imwe. Kuna vamwe vafundisi vanoitawo huori hwokutaurirana kuti vaiswe kumatunhu avanoti akanaka nokuti vanotya zvisingazivikanwe. Vanodaro vachigadzirira kuzvichengetedza pachavo. Zvisinei, senhume dzaKristu tinofanira kuva vakasimba uye vakashinga. Kutambura kwavateveri vaJesu hakuna kumbovanzwa; Jesu wakaudza vadzidzi vake kuti vaizovengwa uye vaizotambudzwa sezvaakanga aitwa iye navanhu vamwe chetevo, nokuti muranda haasi mukuru kuna tenzi wake (Johani 15:19-20). Tinogona kutambudzwa sehwayana asi hatisi kuzopedzwa. Nyaya zhinji dzakaipa dzinogona kutaurwa pamusoro pedu asi hapana chazvo chichatiparadza.
Senhume dzaKristu tinomiririra rudzi rukuru uye rune simba. Nhume dzinomiririra nyika dzine simba hadzityi kunyange dzichishumira munyika dzine njodzi nokuti dzinoziva kuti nyika dzavo dzichavadzivirira chero kwavanenge vari. Naizvozvo vanoenda vachivimba nesimba nokugona kwouyo akavatuma. Senhume dzaKristu, Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive vakasimba uye tishinge nokuti Kristu, uyo wakakunda kunyangwe rufu neguva, wakatipa chivimbiso chokuti achava nesu kusvika pakuguma kwenyika (Mateo 28:18-20).
KUFUNGISISA: Kana Kristu ari kurutivi rwedu, ndianiko angatirwisa? Hapana. Tinoita zvinhu zvose musimba rake.
ZUVA REGUMI NAMATATU
MUSORO: KRISTU UNORARAMA MANDIRI, UYE UNOPFACHUKIRA
CHIVERENGWA: VAGARATIA 2:20-21
Mumiririri anomirira umwe munhu. Tiri vashumiri vakatumwa kunoparidza vhangeri kumarudzi ose. Sokutaura kwaPauro, mhupuro yake yokuti ‘Handichisiri kurarama asi Kristu anorarama mandiri’ inotiratidza chimwe chinhu chinokosha. Pauro unogutsikana kuti iye uzere naKristu. Kuzadzwa nechimwe chinhu zvinoreva kuti chinhanho chinotevera kufashukira. Chose chinopfachukira ndicho chinenge chizere mukati. Pauro anogutsikana kuti, zvaazere naKristu, zvose zvaaiita nezvaaitaura zvaive zviri kupfachukira kubva mune zvaive zvakazara mukati make. Nokudaro, matauriro namaitiro ake anoratidza uye achipupura zviri mukati make, iye Kristu pachake.
Kereke nhasi inodaidzwa kuti izare naKristu kuti igofashukira ichifana Kristu. Kugara matiri kwaKristu hakungovi kungotaura nje kwatinoita samaKristu, asi avo vakatipoteredza vanofanira kuona uye kushandurwa nokufashukira kokufana Kristu kunobva matiri. Sokutumidzwa kuti maKristu paAntiokia (Mabasa 11:26) kwakaitwa vadzidzi vokutanga neavo vaivaona, zvimwe chetezvo zvinofanira kuitika kwatiri. Kufashukira kwaKristu anogara matiri kunofanira kubata hupenyu hwevakatipoteredza zvichiita kuti vatende kuna iye wakatituma. Chivi chinofanira kuva mutogwa kwatiri.
KUFUNGISISA: SamaKristu, tine chokwadi here chokuti tiri kumiririra Kristu takatendeka pane zvose zvatinoita nezvatinotaura munyika ino? Inguva yokuzviongorora.
ZUVA REGUMI NAMANA
MUSORO: VAMIRIRIRI VANOFANIRA KUSHIVIRIRA MUKUTAMBUDZIKA
CHIVERENGWA: VAEFESO 6:19-20
“Ndinyengeterereiwo kuti ndizivise chakavanzika chevhangeri ndisingatyi, chandiri nhume yayo mumaketani. Nyengeterai kuti ndizvitaure ndisingatyi sezvandinofanira.” Kutambudzika kwechokwadi kucherechedza mabasa ose okuponesa aMwari munhoroondo yavanhu vavo vaIsraeri. Murenje vakawirwa nenjodzi dzinongouya muhupenyu, vakabatwa nehosha dzamarudzi, asi Mwari wakavaponesa noruoko rwake. Kana munhu asangana nezvipingamupinyi unonyunyuta huvepo hwaMwari, pamwe pacho onobvunza vanozviti vaporofita kuti awane mhinduro, asi kana zvose zvakundikana, ochema kuna Mwari.
Pauro ainyora tsamba ari mutorongo senzira yokuparidzira vanhu nhau dzakanaka. Akatokumbira vamwe vake maKristu kuti vamunyengeterere kuti arambe achiparidza vhangeri asingatyi. Vaporofita nevadzidzi vakaramba vachidzidzisa nokuparidza shoko raMwari kunyangwe kuvavengi vavo, kumadzimambo nokuvaFarisi. VaHebheru 12:7 inoti, “Tsungai pamatambudziko muchirangwa; Mwari ari kukubatai savanakomana. Nokuti ndoupi mwanakomana usingarangwi nababa vake?”
Patinosangana namatambudziko, hatitizi asi tinomirisana nawo takasimba kuti tiratidze simba raMwari. Tiri pamwe chete naMwari, tinoratidza simba ravo. Mubhuku raIsaya; tinonzwa Mwari vachitaurira vana vavo kuti kunyange moto kana mafashamo hazvaizovaparadza nokuti huvepo hwavo hwaizoramba huinavo (Isaya 43:2-3). Tinofanira kuva norutendo rwakadaro pane zvose zvatinoita kuti tikunde miedzo. Takazoona kuti patinosangana namatambudziko akawanda tinoisa vana chipangamazano pokutanga kwete Mwari.
Kana munhu akarwara, chinhu chinotanga kuuya mupfungwa dzake ndichiremba kana kiriniki iri pedyo asati atombonamata kuna Mwari. Mune zvese zvatinosangana nazvo, Mwari vanofanira kupiwa nzvimbo yokutanga. Kuburikidza naivo, tinoshingirira uye tinokunda.
KUFUNGISISA: Dai Mweya Mutsvene watidzivirira nokutitungamirira apo tinoita mabasa edu mumunda wake wemizambiringa
ZUVA REGUMI NAMASHANU
MUSORO: MUMIRIRIRI WAKASARUDZIRWA KUMIRIRIRA MHANDO.
ZVIVERENGWA: VAFIRIPI 3:20-21; MABASA 1:8
Mumiririri wemhando (brand Ambassador) munhu akasarudzwa akapiwa musenzekete wokumiririra chimwe chinhu achireverera kunaka kwezvinhu kana zvigadzirwa (mhando). Pauro, kuna VaFiripi 3:20, unosimbisa kuti ugaro hwedu huri kudenga, uye takatarisira kwazvo nemoyo yose Muponesi anobva ikoko, Ishe Jesu Kristu. Mundima inotevera anosimbisa kuti mumiririiri ane mubairo usina mubvunzo, kureva kuva saTenzi wake. Muchitsauko 3:21 unotsanangura waanoshandira kuti, nesimba rinomugonesa kuunza zvinhu zvose pasi pesimba rake, achashandura miviri yedu yenyama kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.
Mukutaura nyaya iyi Pauro ari kutiudza nezvokusarudzirwa kwake kumiririra mhando. Semiyenzaniso, kambani dzose dzinogadzira, dzinotengesa zvinhu kana zvigadzirwa dzine mhando dzakasiyana nedzavamwe, dzavanofanira kushambadza. Vanhu vano mukurumbira vanoonekwa vachibhadharwa kuti vave vamiririri vemhando, uye nokudawo kounyanzvi nokukurumbira kwavo, zvigadzirwa zvacho zvavanoshambadza zvinopararira kose kose uye zvinoramba zviri pamiromo yavanhu. Panyaya yoHumambo hwaMwari, tine vhangeri rinofanira kupararira richitangira pa “Jerusarema, Judhiya, Samaria napasi pose.” Kristu ndiye mhando yacho, isu tiri vamiririri vemhando iyoyo. Sezvinongoita vamiririri vemhando vachivavarira kuita kuti zita rezvavanoshambadzira risabva pamiromo yavanhu, ndozvakaitawo isu savamiririri vaKristu. Vhangeri rinofanira kusvika kumativi ose enyika uye chiKristu ruve rupawo rwavanhu vose.
Vese vanotenda muna Kristu inhume dzakakosha muHumambo hwaMwari. Vatendi ndivo vanopa uchapupu uye ndivo zvapupu zvakavimbika zveshoko raMwari. Vamiririri vane basa rakakosha rokuona zvinangwa zvezvirongwa. MaKristu vamiririri vemhando youmambo hwaMwari. Vanofambisa hurongwa hwevhangeri raJesu Kristu saIshe noMuponesi wavanhu. Vatendi vanosarudzirwa kuti vamire vachimiririra mhando yeVhangeri, hunova ndihwo ushumiri, kureva kutsvaga mweya kuti ipinde muHumambo hwaMwari.
Chinofanira kuzikanwa nokunzwisiswa nomumiririri ndechokuti iye haazi mugari womunyika yaanotumirwa, asi mumiririri akavimbiwa naye akasarudzirwa kumiririra nyika yake. Nyika yedu isu idenga, uye takatumwa kutaura mashoko okudenga pasi pano kuti titsvage mweya yokuunza kuna Kristu. Isu takadanwa nokutumwa nohushumiri hwokubudisanyukura vanhu mugehena vachinozara kudenga.
KUFUNGISISA: Mhando yandiri kumiririra haisi kubva here pamiromo yavanhu? Ndinofanira kuwedzera mabhindauko.
ZUVA REGUMI NAMATANHATU
MUSORO: DZIVIRIRA RUPAWO RWAKO
CHIVERENGWA: DHANIERI 1:1-21
Kunzwisisa nokudzivirira rupawo kunokosha kumumiririri. Ane hunhu hwokuchengetedza pamwe nohwenyika yaari kumiririra. Muchinyorwa chanhasi tinowana nyaya yamaJudha ari munyika youtorwa yeBhabhironi. Munyori webhuku raDhanieri unojekesa kuti munyikatorwa iyoyo muna mamwe maJudha akakwidziridzwa kusvika panhanho dzokunoshanda mumuzinda waMambo Nebhukadhinezari. Kuvana vanoti Dhanieri, Hanania, Mishaeri, naAzaria, uku kwaiva kukudzwa kukuru. Tinoudzwa murugwaro kuti mukuru mukuru wakaedza napose paaigona napo kushandura ava varume vechiHebheru kuti vave vaBhabhironi nokuvapa mazita echiBhabhironi nezvokudya zvechiBhabhironi, zvaizoita kuti vataridzike zvakanaka nenguva pfupi pfupi.
Asi kunze kwenhamburiko dzose dzakaitwa navakuru vakuru veBhabhironi, Bhaibheri rakajekesa pandima yorusere (8) kuti Dhanieri wakatsunga
akasarudza kusazvisvibisa nezvokudya zvoUmambo newaini. Zvamazvirokwazvo uyu wakanga uri mukana wakapiwa varume vana vechiHebheru ava wokudya zvokudya zvakanaka newaini izvo zvakanga zvisingawanikwi namamwe maHebheru ose, uye hapana aigona kuvabvunza pamusoro pezvokudya izvi, kana kuvakumbira. Zvisinei, ivo vaiva vachinyatsoziva kuti kunyange zvazvo vakanga vari muBhabhironi nomumuzinda wamambo, vakanga vasiri vaBhabhironi. ‘VaBhabhironi ngavadye zvokudya zvavo nokunwa waini yavo vega, kwete isu.’ Ivo vaisagona kutsinhanisa rupawo rwavo nokuda kwezvokudya newaini. Vaiziva kuti vakanga vari vamiririri vaMwari munyika youtorwa, nokudaro vaifanira kudzivirira rupawo rwavo pamwe norwaMwari wavo.
Kana paine chatingatevedzera samaKristu, hunhu namaitiro avarume vana vechiHebheru ava. Isu tiri kurarama munyika inotsanangurwa seyakaoma, asi mukuoma kwayo ikoko, kunewo mikana yatinowana zuva nezuva, kazhinji mikana iyoyo ichitivimbisa budiriro chiriporipotyo, kunyangwe yakaipa. Rupawo rwedu samaKristu runoinda parumananzombe kana tasangana nemikana yakadaro. Dzimwe nguva vamwe vedu vanodzokera shure vakundwa nezviyevedzo zvinouya nemikana iyoyo. Pakupera kwazvo zvose panoshaikwa rondedzero chaiyo yechikonzero chokutsauka. Vanopedzisira vave kupomera mikana saiyo yakavakonzera kudzokera shure. Vanokanganwa kuti varume vana vechiHebheru ava vakapiwawo mikana nemikana asi vakadzivirirwa nokuchengetedza rupawo rwavo norwaMwari wavo. Ngativatevedzerei apo tiri kutsvaka kuva vamiririri vechokwadi vaKristu munyika ino youtorwa.
KUFUNGISISA: Chii chinokukwezva kuti utsinhanise rupawo rwako nechikafu newaini? Dzivirira rupawo rwako mumiririri!
ZUVA REGUMI NAMANOMWE
MUSORO: KUVIMBIKA MUCHITENDERANO
ZVIVERENGWA: DUTERONOMI 7:7-11; JOHANE14:15; 2 MAKORONIKA 19:7
Kuvimbika kuna Mwari kunoreva kutevera nokutevedzera zvakatemwa zvaMwari, mitemo nemirairo yavo. Mukristu akanaka (mumiririri), anofanira kunyatsoteerera mitemo yaMwari. Kuita pfungwa mbiri kwakafanana nokusavimbika uye nokupandukira Mwari. Hunhu hwakanaka hwemumiririri hunoonekwa nemwero wokuvimbika pamberi paMwari. Dhuteronomi 7 v 911 inoti, “Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari, ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna vanomuda nokuchengeta mirairo… murayiro, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokupa nhasi.”
Mwari vedu ndiMwari vakanaka vasingapoperi chavasingagoni kupa ivo pachavo. NdiMwari vakatendeka kuvanhu vavo nezvizvarwa zvavo. Ndima dzinotevera dzinotibatsira kunzwisisa nhau yokutendeka iyi. Dhuteronomi. 32:4 “… NdiMwari akatendeka, asingaiti zvisakarurama; Iye akarurama uye akarurama sei”. KuMapisarema munyori anoti, “Jehovha akatendeka pazvose zvaanotaura; Ane nyasha pazvose zvaanoita.”— Mapisarema 145:13. Kubva pakuvimbika kwaMwari isu tinogona kuwana simba rokuvimbikawo kwavari. Kutendeka kuna Mwari kunokwezva kufukidzwa nechikomborero chaMwari. “Kune vakatendeka munoratidza kuti makatendeka…” (Mapisarema 18:25). Kuvimbika inofanira kuve nzira yokurarama nayo, ive tsika, nohunhu hwavamiririri vaMwari, kwete kungove shoko romuromo. Ian Murray unoti, “pane zvinenge zvisina kumira zvakanaka ukaona mikana ichitora mukombe pamusoro pokutendeuka kwako…… Unoenderera mberi achiti, “kutendeka kuna Mwari ndiwo musenzekete wedu mukuru pamusoro pezvose zvatinodaidzirwa kuita mundima yohushumiri”.
SamaKristu anomiririra Kristu, tinotarisirwa kuchengetedza chitenderano zvakasimba sezvo chiricho chakatsindirwa maropafadzo edu ayo anotsunhurwa achibva muzvivimbiso zvaMwari. Mwari vedu vakatendeka kwazvo; vanochengeta nokuzadzisa zvivimbiso zvavo asi zvodavo kuvimbika kwedu kuti tigamuchire zvikomborero izvozvo. Shoko raMwari rinotiraira kuti tide Mwari wedu, izvi zvichifanira kuonekwa nokuteerera kwedu zvose zvavanoraira. Zviri pachenawo kuti munhu unoda Mwari unovatya, zvisiri zvokugombedzerwa (Johane 14:15).
KUFUNGISISA: Kana tikararama takavimbika kuna Mwari nezvivimbiso zvavo, tiri kuvavarira kuve nohukama hwakasimba navo nokuti kwavari, uku ndiko kuteerera. Kana tikateerera Mwari tinoita hukama hwakanaka navo, uye hukama ihwohwo hunobereka zvibereko zvinonzi ‘Zvikomborero’.
ZUVA REGUMI NAMASERE
NHAURWA: MUMIRIRI WAKANAKA WAKRISTU UNOGARA ZVAKANAKA MUNYIKA.
CHIVERENGWA: JAKOBHO 2:14-17
John Wesley aitarisa maHwisiri (Methodists) akanaka savagari vomunyika vakavimbika. Maonero ake akasimbiswa nedzidziso yake yakakwana yaakaita munguva yake. Dzidziso dzaJohn Wesley dzakanga dzakanangana nedzidziso yakakwana. Mukuedza kwake kwese John Wesley akasima ‘Misangano Yekirasi – Makokorodzano’ sohwaro nembiru dzesangano reHwisiri (Methodist). Mune iyi ‘Misangano yekirasi’ kwaiitwa dzidziso dzakakwana, kuchiongororwawo vanhu zvakasimba. Mukuda kudzidza zvakawanda nezveshoko raMwari, John Wesley akakurudzira zvikuru vanhu veHwisiri (Methodists) kuti vave vanhu ve ‘Bhuku Rimwe chete’ (Bhaibheri). Wesley aitenda zvamagwaro uye aigara achitaura kuti “Magwaro ndiwo mutemo mukuru wokutevedzera pakutenda nomuzviito.” Zvichibva mukunzwisisa kwake kwakadzama kweMagwaro, Wesley aitaura kuti “MaHwisiri (Methodists) akanaka vagari vakanaka vomunyika.”
Mukuda kutsanangura chirevo chipfupi ichi, anoti mugari wakanaka munhu unomira pachinzvimbo chake chakakodzera munyika yake, asave munhu usina hanya kana asingateereri zvinonetsa munharaunda yake.
Mugari wakanaka ane chido chokubatsira kushandura nharaunda yake nenzira dzose dzaanogona. John Wesley aitora mugari wakanaka somunhu unofanira kubatsira kuti nzvimbo yakamutenderedza iri kunze kwekereke ive nougaro hwakanaka. MaHwisiri (Methodist) akanaka haangotarisi mukati moruzhowa rwekereke chete; vanofanira kuita mamwe mabasa okusimudzira magariro avanhu munharaunda (Christian Social Responsibilities). Vanofanirwa kuvhendenyura nokunzwisisa zvinhu uye kuita hanya nokuitawo hurukuro dzokusimudzira nharaunda navamwe. Vagari vakanaka vechiKristu havafanire kugara vakazviravura kuna vamwe, asi munharaunda dzimwe nguva vanofanira kupikisana nohurongwa hwouori.
Nhume dzakanaka dzaKristu dzinofanira kuve nohunhu, izvo zvinoreva kuti ndivo midziyo yokuunza Mwari kunyika yatinorarama, kuitira kuti aonekwe saMwari ane hanya navanhu mumativi ose oupenyu, mungave mune zvamatongerwe enyika; zvamagariro avanhu, zvoupfumi, zvomweya, zvenyama, zvedzidzo, zvohunyanzvi, kana zvomupfungwa, nezvimwe zvakawanda. Vamiririri vanofanirwa kuratidza kuti Mwari vedu vane hanya nezvatine hanya nazvowo isu.
John Wesley, musangano rake, akashanda nesimba munyaya dzezvamagariro avanhu nezvoupfumi, uye zvamatongerwo enyika. Kune zvamatongerwo enyika akakurudzira vanhu kuti vafunge nokunzwisisa kuvhota senzira yokutaura zvaunofunga. “Kusimba kwamafambiro ezvematongerwo enyika kunoendeka kuburikidza navagari vanoita zvavakafanira kuita vachida. Kereke inofanira kuramba ine simba rakasimba patsika dzomunyika, ichitsigira misimboti nezvirongwa zvakarurama, ichipikisana nezvisina kururama.” (The Book of Discipline of The United Methodist Church- 2016)
Kuva muKristu tisina hanya nenyika yakatitenderedza kunze uko humbowo hwokutenda kusina mabasa. Kukundikana kuchengeta avo vakashama (vanoda zvipfeko), vane nzara (vanoda zvokudya), asi kungovashuvira kuti vadziirwe uye vagutiswe nenyasha dzaMwari pasina kuvapa zvavanoshaya kwakangofanana nokutenda kusina mabasa. Chinove chiratidzo chiri pachena chomugari womunyika wechiKristu wakaipa nomumiririri waKristu. Nomweya iwoyo, tinenge tisingamiririri Kristu zvizere, kana kuti tinenge tichimumiririra zvisiri izvo. “Kunamata kwechokwadi kana kwakachena uye kusina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo…” (Jakobo 1:27).
KUFUNGISISA: Kutenda kusina mabasa kwakafa. Nharaunda yakanditenderedza inoda ini kuti ive neshanduko.
ZUVA REGUMI NEPFUMBAMWE
MUSORO: HAPANA MUKANA WORUVENGO
CHIVERENGWA: JOHANE 13:35
Jesu unotiziva tose zvakanyanya. Unoziva kuti nhau yokudanana muedzo mukuru chaiwo. E. Stanely Jones wakanyora nezvomusikana muduku akanga akapfugama pamakumbo ababa vake achivaudza kuti aivada zvakadini, asi panguva imwe cheteyo, akanga akatarisa napamusoro pamapfudzi ababa vake achichonya kahazvanzi kake. Mai vacho vakazviona ndokuti “Iwe munyengeri, uri kuudza baba vako kuti unovada asi uri kunanzvira rurimi rwako uchifinyamira hazvanzi yako.” Vakawanda vedu tinoita izvozvo, tichitaura kuda kwatinoita Mwari, uku tichitsondorana nehanzvadzi navanin’ina vedu muna Kristu. Jesu anozvitsanangura uye Bhaibheri rinojekesa kuti “Dananai”. Harisi zano resarudzo riri kupiwa asi murairo.
Zvinosuwisa kuti kereke yanhasi inoumbwa navanhu vanoimba kubva mubhuku rimwe chete renziyo, vanoverenga muBhaibheri rimwe chete, vanodya chirairo pamwe chete, vanoteerera muparidzi mumwe chete musi weSvondo; kuipisisa kwazvo, vanovhara maziso pamwe chete mumunamato kana muparidzi avakumbira kuti vaite saizvozvo paanotungamira minamato, asi kuna vamwe pakati pavo vasingadanani. Chikero choruvengo nokuwondomorana hunhu mumakereke chiri kukwira zvishoma nezvishoma zvokukunda vari mumapato ezvamatongerwo enyika.
Chinoshamisa ndechokuti vachivengana nomwero wakadai, vanozvidaidza kuti maKristu anotevera Kristu. Vanyengeri! Zvinosuwisa. Vari kutaura nezvaKristu upi? NdiKristu upi wavari kutevera? Kristu mumwe chete wakatumwa naBaba kuti ave Muponesi wenyika iyo yaakafira, akaimisa, ndiye unoraira rudo rusina mwero pakati pavateveri vake. Chokwadi ndechokuti vanhu vanovenga uye vanoponda hunhu hwehama dzavo havasi vateveri vake. Havasi maKristu kunyangwe vangave vashumiri (vafundisi) kana vatungamiriri vekereke. Munembo womudzidzi wechokwadi rudo. Iva nerudo.
KUFUNGISISA: Kereke yapindirwa nedhimoni rakaipa rezvikwata zvinokonzera kuvengana pakati pavana vanyamunhu. Ngatinyengeterei kuti Mweya Mutsvene uparadze dhimoni iri nezita raJesu, rudo rubate matomu.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI
MUSORO: HUSHUMIRI HWOKUYANANA
CHIVERENGWA: MATEO 5 V 9
Kuyanana kutangisazve kuve nohukama hwehushamwari. Izvi zvinogona kungotaurwa nezvazvo mushure mokucherechedza kuti paita huwadzano kana hukama hwakaputsika. Kazhinji nyaya iyi inofambiswa navamiririri. Kureva kuti panoda umwe munhu unomira pamukaha uri pakati pamativi maviri kuti pave nokuyanana. Tariro iripo, kunyangwe tichigara mumhuri isina kusimba, munzanga, munharaunda, munyika uye pasi rose.
Mumharidzo yake yapaGomo, achizazanura mamiriro ezvinhu, Jesu wakataura nezvokukosha uye pundutso inobva pakubatanidza vanhu vasingavonani. Pandima yepfumbamwe (9) unoti, “Vakaropafadzwa vanoyananisa, nokuti ivo vachanzi vana vaMwari”. Zvinokomborera kuve ‘mushumiri wokuyananisa’. Zvinoitawo kuti munhu akodzere kunzi mwana waMwari. Jesu, soMwanakomana waMwari, wakauya kuzoyananisa nyika naBaba, naizvozvo avo vose vanozviti vaKristu vanofanira kuita ushumiri humwe chetehwo munyika ino, kureva hwokudzosa hushamwari panenge paparara huwadzano.
Tinorarama munyika nomunharaunda dzino hukama hwakaputsika. Somuenzaniso, nyika yeZimbabwe ino hurongwa hwokuita sarudzo dzavatungamiriri mushure mamakore mashanu oga oga, uye pane dzichangobva kuitwa gore rapfuura (2023). Zvinoitika sarudzo dzisati dzaitwa dzimwe nguva zvinenge zviri zvoruvengo, kuputsika kwehukama, uye, pane dzimwe nguva, hukama hwakaputsika hunozoramba huripo kunyangwe mushure mesarudzo. Kunze kwezviri kuitika kunze uko mune zvamatongerwo enyika, kereke (MCZ) inoitawo sarudzo dzohutungamiriri hwayo gore negore.
Muna 2023 makasarudzwa Bhishopi mumwe chete nomunyori mukuru wekereke. Mukuitwa kwazvo, matsvakirwo omunhu akakodzera pane dzimwe nguva ari kuitwa nemitovo isiri yechiKristu, yakafanana neyezvamatongerwe enyika, kana yakadopfuura kuipa zvokuti pakupera kwazvo, vazhinji vanosara namavanga uye humwe huwadzano hunosara hwoshabwabwa. Vamwe vafundisi vanopedzisira vasisaonane mushure mesarudzo idzodzi. Chiitiko chinosuwisa nokusiririsa ndechokuti vamwe, kunyanya vafundisi, vanopedzisira vave kushungurudzwa. Kereke inoramba ichirarama navanhu vana mavanga, ivavo nokurwadziwa kwavo, vachitarisirwa kunoporesa nharaunda dzina mavanga. Dai tiri kutaura zvenhabvu taiti uku ndiko kuzvimwisa chibodzwa, kuzvipfura tsoka isu tichiri kutarisira kufamba kuenda mberi. Tinobva tangokundwa mutambo usati wambotanga.
Pakadai apa ndipo panodiwa hushumiri hwokuyananisa. Panzvimbo pokunongedzana nezvigunwe nokuedza kutsvakana navasina kukuvhoterai kana kuvhotera mumiririri wenyu, tsvakai kuunza runyararo nokunzwanana pakati pavakundi navakundwi. Rugare ngarubate ushe. Vakaropafadzwa vanoyananisa.
Jesu Kristu ndiye shoko retariro neyananiso. Kuyananisa hakubudiriri nezvatinoita zvingaita kuti tizvirove matundundu, asi kunoratidza kuti Mwari vari pabasa munyika yedu vachishandura zvimiro zvisina tariro nezvakaipa kuti zvive zvakanaka, kuti “umambo hwavo huuye” uye kuda kwavo kuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” SamaKristu takadanwa kuti tive vaporesi navayananisi munharaunda. Kurudziro tinoiwanepi? Mhinduro iri muhushumiri hwaJesu Kristu hwokuporesa nokuyananisa. Kristu muenzaniso unofanira kuteverwa zuva nezuva nomuKristu wese pakufamba.
KUFUNGISISA: Savamiririri vaKristu, tinofanira kuitawo pedu muhushumiri hwokuyananisa
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NERIMWE
MUSORO: KUGADZIRISA KUSARURAMA KOSE
CHIVERENGWA: MATEO 21 V 12-14
MuTesitamende yekare Mwari vakataura izvi kuvaIsraeri, “Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene…” (Revhitiko 20:26). MuTesitamende Itsva, Pauro otivo kuna vaRoma, “… kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwechokwadi” (VaRoma 12:1). Izvi zvinotiratidza kuti nyaya youtsvene yaive, uye inoramba iri tarisiro yaMwari kuvanhu vavo.
Muchinyorwa chiri kudzidzwa nezvacho tinosangana nechiitiko chaJesu pazuva raakakunda achipinda muJerusarema. Mateo anotiudza pano kuti nzvimbo yake(Jesu) yokutanga kushanyira yaive temberi nezvakaipoteredza; iyoyo temberi yaizivikanwa nokunaka noutsvene hwayo. Asi zvaakaona imomo zvakanga zviri zvimwewo. Kunamata ainge adongova masanga nokuti bhizimusi guru rokutanga rainge rave rokutsinhaniswa mari, vanhu vo munzvimbo iyi vachitora mukana wokuita mari vachibatira vatorwa vainge vabva kunzvimbo nenyika dziri kure vaiuya kuzonamata mutemberi muJerusarema. Jesu wakataura mashoko oukasha kuvatsinhanisi ivavo. Wakapidigura matafura avo achivaudza kuti imba yakanga yasvibiswa namabasa avo. Temberi inofanira kuve imba yokunamatira sezvayaive yamisirwa pakuvakwa kwayo. Imba yaMwari (temberi) inofanira kuchengetwa iri tsvene.
Mukunzwisisa uku, Pauro unoti miviri yenyu itemberi yoMweya Mutsvene (1VaKorinde 6:19). Temberi inofanira kudzivirirwa pakusvibiswa kupi nokupi. Temberi dzomweya Mutsvene dzinofanira kuchengetwa dzakachena. Uyezve, nzvimbo dzedu dzokunamatira dzinofanira kuchengetedza utsvene neropafadzo hwadzinokodzera. Chose chisiri chouMwari chinosvibisa temberi, uye Jesu haana mashoko omutsa pazvinhu zvakadaro. Sezvo uyo watinomiririra ari mutsvene, tinofanirawo kuva vatsvene.
KUFUNGISISA: Kusarurama kose kunoitwa kunze kwomuviri kunosvibisa mukati, kureva temberi. Kana temberi yasvibiswa hupenyu hwokunamata hunokanganisikawo. Ngatichengetei temberi (miviri yedu) yakachena.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAVIRI
MUSORO: KUNZWISISA NGUVA – NGUVA YOKUDYARA MBEU
ZVIVERENGWA: MUPARIDZI 3 V 1-2; GENESISI 8 V 22
Ndira mwedzi wokutanga wegore. Ndiyo nguvawo zvakare vanhu pavanomisa zvisungo zvavo zvegore. Nokumwe kutaura, ndiyo nguva inowaridza hwaro hwechimiro chegore nezvarichaunza kumunhu umwe noumwe. Chakakosha panguva iyi ndechokuti timise hwaro hwedu sedimikira tichifananidza nepfungwa dzokurima. Isu tinoita mitambo yokudyara muna Ndira. Pane gakava rakawanda pamusoro petsika dzamakereke, pachitariswa kuti maitiro aya ndeomuBhaibheri here, kana kuti ane dzitsi muBhaibheri here. Hongu anaro. Chinhu chimwe chiri pakudyara mukurima korudzi rwose ndechokuti hakumanikidzwe. Unodyara nokuti unoda kukohwa ugozadza zviyo mumatura ako. Asi kana ukanzwa sokuti hazvikubatsiri kudyara, zviri kwauri kuregera. Rega vanoda kubatsirwa nomwaka uyu vadyare.
Maererano norugwaro ruri kudzidzwa, tinoyeuchidzwa nezvaMwari vakarongeka avo vatinonamata. Mukurongeka kwavo, Mwari vakaisa mwaka kuti chiitiko chimwe nechimwe chiitwe uye chiitike mumwaka wacho. Pakati pemwaka yakagadzirwa naMwari pane nguva yokudyara. Genesisi 8:22 inodudza pachena kuti nguva yokudyara ichavepo nokusingaperi. Izvi zvinoreva kuti mwaka ichagara iripo. Shoko rokuti mbeu rinowanika kazana negumi nenhanhatu (116) muBhaibheri. Chinonyanya kukosha panyaya iyi ndechokuti vanhu vaMwari vanofanira kuva nouchenjeri hunodiwa hwokuita zvakafanira mumwaka wakakodzera. Kudyara kunoitwa panguva yokudyara kwete panguva yokukohwa.
Pamusoro pazvo, hapana angatarisira kukohwa paasina kudyara. Zvinhu zvokutanga ngazvive zvokutanga, zvichiitwa mumwaka wakakodzera. Savanhu vaMwari, tinodyara ivo Mwari vopa napakuru (Mapisarema 65:913). Mwaka watiri panguva ino ndewokudyara mbeu. Tinokurudzirwa kuita zvakafanira, nenzira yakafanira uye panguva yakakodzera kana tichida kuzowana goho rakanaka mukufamba kwegore.
KUFUNGISISA: Chimwe nechimwe chino mwaka wacho. Zvinenge zvaita sei kuti ndiite zvisiri izvo mumwaka wakakodzera? Ndibatsireiwo Mwari.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATATU
MUSORO: MHANDO/ MUPETA NOHUWANDU
CHIVERENGWA: 2 VAKORINDE 9 V 6-9
Mhando nohuwandu zvine basa pakudyara uye zvinofambidzana. Zvakaita samapapiro maviri eshiri imwe chete. Iwe haugone kusimbirira chimwe woregera chimwe, uchitarisira zvinobatika. Aiwa.
Muchinyorwa chiri kudzidzwa, Pauro ari kupa musimboti wokuwanzurudza unoshanda muhupenyu hwedu mazuva ose munharaunda dzedu savarimi. Mhando yembeu yokudyara chinhu chinokosheswa nomurimi paanenge achigadzirira munda wake. Hapana minana inozoitika pambeu yakaora yakadyarwa muvhu, zvisinei nokunaya kwemvura zvakanaka mumwaka iwoyo, kana ivhu rakanaka. Kunze kwemhando, huwandu hwakakosha zvakare. Murimi anodyara zvakawanda ano mukana uri nani wegoho rakakura. Vafimbiki vemari (investors) vanoisa mazakwatira emari mudura zvirokwazvo vanowanawo goho rakawanda. Pose patinopinda pamuedzo wokukanganwa musimboti uyu, tinofanira kuzviyeuchidza kuti Mwari havana kumboita kanyimiramundiro pakupa kwavo (VaRoma 8:32). Mwari mupi anopavhurira zvose zviviri zvinoti hunhu nenyasha, uyu uchive muenzaniso wezvedenga uri pedyo nesu.
Panyaya iyi, tiri kupihwa mukana wokuita zvakanaka apo tinogadzirira mapindu edu omweya, ohupfumi neepanyama egore rino. Unoda kukohwa chii? Dyara mbeu yacho. Somusimboti wakatsanangurwa naPauro, mhando nohuwandu zvine basa.
KUFUNGISISA: Kana vamwe vachienda kuminda ini ndingasarirei? Usabuda mumwaka iwe uri mumwaka wakakodzera.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANA
MUSORO: KUDYARA MHEPO NOKUKOHWA CHAMUPUPURI
CHIVERENGWA: HOSEA 8:7
Chero mhando (mupeta) yembeu inodyarwa inoburitsa goho rakakura, rakawanda rakafanana nayo. Pfungwa yokudyara nokukohwa, ichifananidzwa nohunhu, inowanzoshandiswa mumagwaro, uye Hosea unoishandisa kaviri, kuna Hosea 8: 7; 10:12-13. Nhoroondo yamagwaro aya ndeyokuti mukunamata kwavo zvidhori nomumibatanidzwa yezvamatongerwe enyika, vaIsraeri vaiedza kudyara mbeu yaizobereka goho rakanaka, asi vaingodyara mhepo uye vachizokohwa chamupupuri. Goho raizova nengozi kupfuura mbeu yacho pachayo.
Nomufananidzo uyu, Hosea ari kutaura kuti munhu wose uchakohwa zvakawanda kupfuura zvaakadyara, kureva kuwanzurudzwa kwembeu yakakushwa. Mbeu ine ngozi ichabereka goho rine njodzi uye goho rakadaro richiva nomugumo wakaipa kumudyari, zvichizove zvinoparadza.
Tichitarisa izvi, patinodyara mbeu yedu, pfungwa dzedu hadzifaniri kungofunga nezvembeu dzoperera ipapo. Kudyara kwedu ngakusundwe nemhando yegoho ratinoshuvira kuzokohwa pakupera komwaka. Tinoshuva kuzokohwa chamupupuri here? Kwete. Saka, ngatidyare mbeu yakanaka.
KUFUNGISISA: Chamupupuri? Kwete, handiroti ndichiwana chamupupuri segoho rangu.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASHANU
MUSORO: DZIKAMA – KUBUDIRIRA KWAKO KURI PAURI IPAPO
CHIVERENGWA: GENESISI 26:1-13
Kereke yomu21st century yakazara maKristu anongodzungaira, anotamatama zvitendero, achigara achibva kune imwe kereke achienda kune imwe achitsvaga kubudirira. Sezvineiwo, pavanowedzera kutama vachitamira kune mamwe makereke mushure mokunge vavimbiswa kana kutarisira kubudirira ikoko, vanoramba vari varombo, kana kudowedzera hurombo hwacho. Havana kugadzikana pachitendero. Pane chidzidzo chakanaka chatiri kuwana murugwaro ruri kudzidzwa nhasi.
Munyori webhuku raGenesisi ari kutipa rondedzero yaIsaka muGerari. Tinoudzwa kuti nzara yakapinda munyika yaigara Isaka navamwe. Pane zvinhu zvakawanda zvaigona kuitwa naIsaka kuti atize nzara. Imwe yesarudzo yaivepo yaive yokudzika kuIjipita sezvakaita baba vake Abrahama kuna Genesisi 12:10-20. Zvisinei, Mwari vakamurambidza kuenda kuIjipita, vakamurayira kuti agare muGerari imomo maiva nenzara. Vakavimbisa kuzova naIsaka munzara iyoyo. Isaka akateerera Mwari akagara.
Pandima yegumi nembiri (12) tinoudzwa kuti Isaka akadyara zvirimwa munyika iyoyo, uye gore iroro akakohwa zvakapetwa kazana nokuti Mwari vakanga vamuropafadza. Kukohwa zvakapetwa kazana munzara!! Hongu! Isaka haana kushandisa nzara yaive munyika sechikonzero chokusadyara kana kusaita zvaaifanira kuita. Mumamiriro okunze iwayo aive asina kumira zvakanaka kunyange pane zvoupfumi, akadyara mbeu akava negoho rakakurisisa.
Kereke nhasi inoda kutevedzera zvakaitwa nomwanakomana waAbrahama uyu, nemhaka yokuti vanhu vanogaroda kupa zvikonzero kana zvasvika pakudyara. Chimwe chezvikonzero zvakajairika chinopihwa ndicho chinonzi ‘Chirwere chaNdira (January Disease)’. Hongu, zvinhu zvakatipoteredza hazvina kumira zvakanaka asi chimiro ichocho hachisi nani pane chaive naIsaka.
Uye kunhenheira kubva kune imwe kereke kuenda kune imwe hakubatsiri, nokuti zvinenge zvangoita sokubva kuGerari kuenda muEgipita. Goho rako harisi kuEgipita asi muGerari imomo munoita sokuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Isaka wakadzikama arimo, akadyara mbeu munyika iyoyo, akaita goho raishamisa. Wakavimba naIye akanga amuudza kuti agare munyika iyoyo.
KUFUNGISISA: Ramba kuva mudzungairi wechitendero. Kubudirira kwako kuri pauri ipapo. Dyara mbeu mumwaka uno.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATANHATU
MUSORO: MBEU INOZORANGARIRWA
CHIVERENGWA: MARKO 14:1-9
Munyori wevhangeri raMako ari kutitaurira nezvechiitiko chakaitika paVhiki yeshungu dzaJesu muBhetani, mazuva maviri Paseka isati yasvika. Jesu akanga ari mumba maSimoni wamaperembudzi. Hatina kutaurirwa nezvezvakaitwa navamwe vadzidzi kuna Jesu mumba imomo. Dai vaive vaita zvino mutsauko taifanira kuudzwa. Fungidziro yedu inogona kuve yechokwadi yokuti hapana chavakaita.
Pabva pasvika mukadzi une musiyano, akapinda mumba imomo. Tinofanira kucherechedza zvinotevera maererano nomukadzi uyu:
Akanga asina hanya nokuti vamwe vakanga vasina chavaita. Kukundikana kwavamwe hakwaifanira kuva chikonzero chokukundikana kuita zvakanaka.
Akauya namafuta okuzora anonhuwira anodhura. Mhando inokosha kana zvasvika pakudyara.
Akadira mafuta anonhuwira ose pamusoro waJesu. Haana kudira kana kuno umwe zvake wavadzidzi. Kupa kwake kwaiva kusinei uye kusingatarisi vamwe vanhu. Haana kupa kana muridzi wemba. Akapa kuna Kristu. Kudyara kwake kwaive pana Kristu.
Vaaive navo mumba umu vakanyunyuta vachiti zvaitwa izvi kwaive kutambiswa kwamafuta anonhuwira, vakamutsiura nehasha. Ndizvo zviri mukereke yanhasi. Mitauro inowanda panosumwa nyaya yokudyara. Kunyange vaya vasingapi chinhu mukereke vanodawo kunzwikwa, apo vachiodza mwoyo yavanopa vachifara. Hazvibvumiki zvechokwadi.
Mukadzi uyu akabatwa zvisina kunaka navanhu vaive mumba vasina chavaita. Zvisinei, Jesu akapindira ndokumudzivirira. Akavaudza pachena kuti zvakanga zvaitwa nomukadzi uyu kwaisava kutambisa, uye kwaisazokanganwika. Akataura kuti zvaakanga aita zvaizoyeukwa pose paizoparidzwa vhangeri, uye nanhasi tiri kungotaura nezvake. Kudyara muna Kristu hakunyangariki bodo. Rimwe zuva zvicharangarirwa, uye kwete kamwe chete, asi nokusingaperi. Asi vaya vanodyara muvanhu vachakanganikwa. Hatitsvaki kudzivirirwa kana kurumbidzwa navanhu, asi Jesu unocherechedza kunaka nokudhura kwamafuta anonhuwira atinomupa sembeu.
KUFUNGISISA: Kudyara kwangu hakunei navamwe vanhu, ndinodyara muna Kristu.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANOMWE
MUSORO: ITA SEZVINOTAURWA NASHE
CHIVERENGWA: 1 MADZIMAMBO 17:7-16
Kudyara kunoitwa norutendo uye mukururama kunobereka zvibereko zvakanakisisa. Munguva yenzara, Eriya wakarayirwa naMwari kuti aende kuZarefati kunochengetwa nechirikadzi yaiva murombo. Kurondorodza zvinyorwa zvenhoroondo iyi kungaita sokunge Eriya ndiye aitarisirwa naMwari kana kuti akanga ayeukwa, asi chokwadi chaicho ndechokuti chirikadzi murombo ndiyo yakanga yarangarirwa. Chikonzero ndechokuti Eria akanga asingadi chirikadzi iyi kuti ararame, nokuti munguva yakapfuura Mwari vakanga vamutumira chokudya namakunguo, asi chirikadzi yaida kuvapo kwaEria mumba mayo kuti irarame. Mukunzwisisa chokwadi ichi, Mwari havambotidi kuti vave Mwari, asi isu tinovada kuti tive vapenyu. Havambodi kana mari yedu kuti vave Mwari nokuti mari yose ndeyavo. Kuna Hagai, Mwari vanoti, “Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu…” (Hagai 2:8). Isu tisu tinovada kuti vatipe mari yavo kuti tirarame.
Zvakakumbirwa naEria kuchirikadzi iyi murombo zvinogona kuonekwa somuedzo kuchirikadzi iyi. Chokwadi aikumbira sei chingwa kuchirikadzi yakanga ine tuupfu tushoma namafuta zvaingokwana kuti iyo nomwanakomana wayo vadye zvokudya zvokupedzisira pasi pano vagofa zvavo nenzara? Tichiteerera kumapinduriro echirikadzi iyi tinogona kufungidzira kuti kwaiva navamwe vanhu munharaunda iyoyo yeSidhoni vakanga vafa nenzara, uye yakanga yatarisira kuti zvimwe chetezvo zvizoitika kwairi nomwanakomana wayo. Zvisinei, kwaingova nechinhu chimwe chete chaizoita kuti igone kurarama. Yaifanira kuteerera shoko romunhu waMwari. Regai vanofa vaende kuguva asi dzidzai kuteerera Mwari mugorarama.
Chirikadzi iyi payakateerera zvayainge yaudzwa naEriya ikabikira Eriya chingwa, upfu namafuta hazvina kuzombopera. Pakave nezvokudya zvaimukwanira iye, mwanakomana wake naEriya mazuva ose. Yakapa hupfu namafuta sembeu ndokukohwa zvaikwanirana nemhuri yayo zvose nomuenzi. Kudai yakaramba kupa upfu hwayo nemafuta echingwa chaEriya, ingadai yakadya zvokudya zvayo zvokupedzisira nomwanakomana wayo vachibva vafa. Muchiitiko ichi tinodzidza kuti nguva yokudyara inguva yokurangarirwa neyokuwana zvakakwana zvezuva roga roga.
KUFUNGISISA: Usanyima mbeu. Ndiyo svumbunuro yokuvhura zvinhu zvinoramba zviripo.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASERE
MUSORO: UNEI?
CHIVERENGWA: JOHANI 6:1-13
Munyori wevhangeri raJohane ari kutitaurira nezvaJesu achikwira nomujinga megomo mushure mokunge ayambukira kumahombekombe egungwa reTiberiasi. Vanhu vazhinji vakamutevera uye akavatarisa akaona kuti vakanga vachida zvokudya. Akabvunza mumwe wavadzidzi vake (Firipi) kuti zvokudya zvokugutsa boka rakakura kudaro zvaizobva kupi. Firipi akakurumidza kupindura samaonero ake somunhu achiti zvakanga zvakaoma kuva nezvokudya zvingakwana gurumwandira iroro, kunyange vadzidzi vaigona kunge vaine zvimwe zvinhu (chingwa) munhava dzavo.
Panzvimbo pokufunga nezvenhava yake, Andreya akatarisa nhava yakamukomana kadiki ndokuunza shoko kuna Jesu rokuti kwakanga kune kakomana kaiva nezvingwa zviduku zvebhari zvishanu (5) nehove duku mbiri (2,), asi achiita nharo kuti zvakanga zvisingakwani vanhu vose. Tinoda kutarisisa mavara anoshandiswa naAndrew kutsanangura zvaive nemukomana uyu. Zvingwa zvaiva ‘zviduku’. Hove dzaive ‘diki’. Uye ndizvo chete zvinhu zvaiva nekakomana aka. Izvi zvaizvikodzeresa kuitwa mbeu. Nguva yokudyara inowanzove nezvinhu zvishoma zvinenge zvasara mumatura, uye kuparadzana nezvinhu izvi kuchirwadza.
Chingwa nehove zvechikomana zvakatorwa zvikapihwa Kristu, akazviropafadza vanhu vakadya vakaguta, pakaunganidzwa matengu gumi namaviri ezvakasara. Vanhu vanopfuura zviuru zvishanu (5000) vakadya zvingwa zvidiki zvishanu notuhove tudiki tuviri, vakazvisiya. Hatitaurirwi zvakaitwa naJesu netswanda gumi nembiri (12) dzezvakasara, asi tinogona kufungidzira uye kufungidzira kwedu kunogona kuva izvo. Anogona kunge akazvipa kukakomana kakanga kazvipira kupa zvokudya zvako zvezuva iroro, kakazvipa sembeu yakashandiswa kugutsa gurumwandira.
Mukomana akadyara zvingwa zvishanu (5) nehove duku mbiri (2) asi akaenda kumba aine tswanda gumi nembiri (12) dzezvingwa nehove. Ndizvo zvinoitawo kudyara. Kunyanya kusada kwavanhu kuparadzana nembeu diki dzavanadzo, ndikowo kushaya kwavanoita tswanda dzokuenda nadzo kumba. Kudyara kunotanga nezvidiki zvaunazvo.
KUFUNGISISA: Chii chaunacho? Chidyare.
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAPFUMBAMWE
MUSORO: KUENZANA MUHUSHUMIRI HWENYASHA
CHIVERENGWA: GENESISI 1 V 26-28; ZVIREVO 22 V 2
Kana pane chinhu chakakwanisa kuitwa nenyika kugadzira mapoka avanhu zvichienda nokuti vanhurume kana vanhukadzi here, uye nezvimiro munharaunda. Mapoka akagadzirwa akaita kuti vamwe vafunge uye vanzwe sokunge vari pamusoro pavamwe, nenzira imwe cheteyo vamwe vachinzwa vakaderera. Asi izvi handizvo zvaidiwa naMwari. Kuve munhukadzi/ munhurume kana kuve nechinzvimbo hazviiti kuti umwe akoshe kupfuura umwe.
Chimwe chinhu chinokosheswa noHurongwa Hwezvinangwa Zvakadzama (MCZ Strategic Plan) kuita mbandanyire/Chengaose (Inclusivity). Uku ndiko kutenda kwatinako kuti isu hatina musiyano pakati pedu uye mashandiro edu haana mukana wokusiya umwe munhu kana nzvimbo kumashure. Hakuna chimiro chomunhu chinogona kushandiswa kuti ashayiswe chokuita pachikamu ichi chohushumiri hwenyasha.
Tinoudzwa mubhuku raGenesisi kuti pakutanga Mwari vakasika munhurume nomunhukadzi, uye vose vakakomborerwa vakapiwa simba pamusoro pezvisikwa zvipenyu zvose. Simba rakapiwa pamusoro pezvisikwa kwete umwe pamusoro poumwe. Izvi ndizvo zvatinotenda sekereke uye zvinofadza Mwari kutiona tichivhura mikana yokuti umwe noumwe wedu awane chokuita zvizere muhushumiri hwenyasha uhwu, zvisinei nezvimiro nezvinzvimbo zvakasiyana. Hapana chingatiparadzanisa; Kunyange pfuma haingagoni kuumba mapoka pakati pedu. Haigoni kana kushandiswa kudzivirira vamwe kushanda muchikamu chohushumiri hwenyasha.
Zvinosuwisa kuti mune mamwe makereke edu zvigaro zvohutungamiriri zvinopihwa vanhu zvichienderana nokuti vane hupfumi hwakadii. Avo vasina dzimba nemotokari havavhoterwi muzvinzvimbo zvohutungamiri, zvisinei nezvipo zvavo nezvavanogona. Mazano avarombo namapoka avazvidziwa haanzwikwi kana kuonekwa saangashandiswa pamatare okuita zvisungo. Izvi zvakaipa chaizvo. Munyori webhuku raZvirevo ari kuunza mushonga wechirwere ichi. Varombo navapfumi vose vakafanana pakuti Mwari ndiye Muiti wavo vose. Saka, isu tisu vanaani kuti tisarudzane? Tose takaenzana muUmambo. Kereke inoshandisa zvimiro nezvinzvimbo mumagariro pakugadza vanhu mumabasa avamiririri inobva yangotsuduruka pakuva kereke yakavambwa naKristu uye akaifira.
KUFUNGISISA: Isu tose takafanana pakuti Mwari ndiye Muiti wedu tose.
ZUVA RAMAKUMI MATATU
MUSORO: KEREKE YAKAVAKIRWA PARUWARE; MUMIRIRIRI WORUDZIKINURO CHIVERENGWA: MATEO 16V13-20
Isu takaitwa vamiririri mushumiro yorudzikinuro. Munyori wevhangeri raMateo unovavarira kutisvitsa pakuziva nokunzwisisa patimire, pamwe chete nenzvimbo yaKristu muumiririri apo iye (Jesu) anobvunza vadzidzi vake kuti akanga ari ani. Pandima yegumi nenhanhatu (16), Petro akapindura achiratidza zvinhu zviviri zvine chokuita norupawo rwaJesu. Kutanga, akati Jesu ndiye Mesiya, zvinoreva kuti ‘muzodziwa’ waMwari. Chechipiri, akati
Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari mupenyu. Ipapo Jesu akapindura achiratidza humiririri hwavadzidzi vake. Mukudaro, akadotanga kuratidza vadzidzi vake chinzvimbo chavo muushumiri.
Pandima yegumi nesere (18), Jesu akaudza Simoni [Petro] kuti “… ndiwe Petrosi”. ‘Petrosi’ muchiGiriki zvinoreva dombo kana ibwe. Akaenderera mberi achitaura nezvokuvakwa kwekereke yake. Tinofanira kucherechedza zvaanotaura ipapa. Kunyange zvazvo akati Simoni (Petro)aiva dombo kana ibwe (Petrosi), haana kuti ‘pamusoro pako ndichavaka kereke yangu’ asi akati ‘padombo iri’. Vara rechiGiriki rakashandiswa naJesu achireva ‘dombo iri’ harisi ‘Petrosi’ asi ‘Petra’. ‘Petra’ idombo risingatsuguduki. Haana kunongedzera kuna Petro asi kwaari mbune seDombo Rakarekare; ibwe rakarambwa asi rikazova musoro wekona (Pisarema 118:22). Izvi zvinoreva kuti kereke yaive isina, uye haina kuvakirwa pana Petro, nokuti aive munhu, asi pana Jesu Kristu. Hakuna kereke ingavakirwa pavanhu. Kukanganisa kukuru kufunga kuti kereke yakavakirwa patiri.
Hongu, tinogona kuva nesimba paungano dzapamisha pedu asi kereke haina kuvakirwa patiri. Vanhu (Petrosi) vanongori vamiririri vaKristu. Pandima yegumi nepfumbamwe (19), akabva avapa basa rokushanda rinova rorudzikinuro, uye mucherechedzo webasa iroro rokudzikinura dzaiva svumbunuro. Petro, achimiririra kereke, akapiwa simba rezvinhu zvokudenga kuburikidza nesvumbunuro. Izvi zvinoreva kuti kereke ine svumbunuro dzokudzikinura vanhu kubva kumasuwo egehena kupinda mumasuwo edenga. Musenzekete wekereke kuona kuti vanhu vose vadzikinurwa zvisinei nohupfumi, zvimiro, munhurume kana munhukadzi, rudzi, mamiriro ewanano, dzinza, nezvimwe. Hapafaniri kuva nemitemo inoiswa pakusunungurwa komunhu. Pane pfungwa yakatsveyama pamusoro pa ‘Petro’ mudzidzi na ‘Petra’ dombo dzakonzera chitsama chavanhu kurasika mukereke vachifunga kuti ivo vakuru kupfuura vamwe panhau dzokudzikinura. Vanofunga pachavo kuti vanogona kudzinga madhimoni zviri
nani kupfuura vamwe vose. Uku
kukanganisa. Kunze kwaizvozvo, Jesu akaudza Petro kuti zvaakanga ataura zvakanga zvisingabvi pauchenjeri hwake, asi zvakazarurirwa kwaari naBaba vari kudenga. Hapana anofanira kuzvirova dundundu mukereke. Isu tinongove vana ‘Petrosi’ vanoungana pa’Petra’. Chinokosha haasi ‘Petros’, asi ‘Petra’.
KUFUNGISISA: Svumbunuro dzokudzikinura dzinofanira kushandiswa kwete kushandiswa zvisizvo.
ZUVA RAMAKUMI MATATU NERIMWE
NHAURWA: KUZVIISA PASI
KUVERENGA: 1SAMUERI 3:1-10
Kuzviisa pasi chinhu chakanaka kana zvasvika pahumiririri. Zvinotangira pakuona chokwadi chokuti kuna vamwe vanhu vane zvigaro zvikuru pane changu. Kusanzwisisa izvi kunoita kuti kushanda kwedu kuve nenyonganyonga nenjodzi.
Munyori webhuku rokutanga raSamueri ari kutitsanangurira chiitiko chakaitika kuShiro. Samueri achiri mukomana mudiki aishumira ari pasi paEri, kureva kuti aishanda achitariswa, kurairwa nokuchengetwa naEri. Panguva iyoyo yokushumira ari pasi poumwe munhu ndipo Mwari pavakadana Samueri usiku. Zvino Bhaibheri rinotiudza kuti mukomana wechidiki uyu akamhanyira kuna Eri achifunga kuti ndiye waimudana. Asi, Samueri akakanganisa akazwa izwi raMwari seraEri here? Kwete handizvo.
Ndima yechinomwe (7) inogona kutibatsira kunzwisisa zvakaitika. Tinoudzwa pano kuti Samueri akanga asati aziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari. Panyaya iyi, izvi zvaive zvisina kuvanzika kuna Mwari. Mwari vaiziva kuti Samueri akanga asingazivi inzwi ravo, saka vakashandisa inzwi raEri raizivikanwa naSamueri. Mwari vakataura nezwi raEri. Dzimwe nguva Mwari vanotaura nesu kuburikidza nevatinoziva. Saka, Samueri haana kukanganisa. Akanzwa inzwi raEri richimudana, akamhanya akananga kuna Eri.
Mwari vakaita izvozvo nobwoni kuti vadzidzise Samueri chidzidzo chikuru pamusoro pokuzviisa pasi. Hongu Samueri aive no ‘rudaidzo nesimba, asi aive asina ruzivo rwezvinhu zvaMwari. Eri akanga asina ‘rudaidzo’ panguva iyoyo asi akanga ane ruzivo, uye Mwari vaiziva kuti Samueri haaisagona kuva mudziyo wavo asina kubatsirwa naEri. Aida ruzivo rwaEri kuti azive kuti ndiMwari vakanga vachimudana, uyewo kuti opindura sei uye oita sei kana Mwari vachidana. Izvozvo zvaigona kuzongoitika chete musure mokunge Eri ataura naye.
Kereke yanhasi inoumbwa navanhu vamazera navane zvipo zvakasiyana. Chizvarwa chechidiki chakazara nesimba uye chinoita kuti zvinhu zviitike nokukurumidza, chinove chinhu chakanaka chaizvo. Chizvarwa chakare chinoti nonoke, uye kazhinji chinobatirira kutsika dzakare. Mhedzisiro yacho ndeyokuti chizvarwa chechidiki chinopomera chizvarwa chakare kusava nomweya waMwari, chisina shungu yokufambirana nenguva uye kugamuchira shanduko.
Norumwe rutivi chizvarwa chakarewo chinopomera chizvarwa chechidiki kutsauka kubva pamitemo yakarurama. Izvozvo zvinosuwisa. Hatifaniri kupomerana mhosva asi kubatsirana. Vechidiki, kufanana nomukomana Samueri, vanogona kunge vaine simba zhinji, nomweya, norudaidzo nezvimwe, asi vanoshaya chinhu chimwe chete chine chizvarwa chakare, sezvakaita Eri, icho chinove ruzivo.
Tinoda kudanwa nokuve nesimba saSamueri, pamwe noruzivo rwaEri kuti tibudirire. Vechidiki vanofanira kuzviisa pasi pavakuru, uye vakuru vanofanira kubatsira vechidiki kunzwisisa kuti ndiMwari vari kushanda mavari. Batsirai chizvarwa chechidiki kunzwisisa izwi raMwari, uye mapinduriro namaitiro kana Mwari vachidaidza.
KUFUNGISISA: Kuzviisa pasi chinhu chakanaka. Kereke inoda vose vechidiki vane simba, uye vakuru vane ruzivo kuti ishande nomazvo.
You must be logged in to post a comment.