Home and Family Week 2020 – Shona

MUSUMO

Kwaziwai zvakare! Tiri kusangana zvakare kucherechedza svondo remhuri panguva yakaita sei Nguva apo nyika yese iri mudambudziko rechirwere cheCOVID’19 icho chakonzera kuvharwa kwezvikoro nemabhizimusi. Kunyange zvakadaro tinofanira kusangana pamwe semhuri kuti tiwane mukana wekutenda huvepo hwaMwari pakati pedu uye nekuvonga kuchengetwa kusvika panguva ino.Hama dzangu ngatitorei mukana uno kuvonga Mwari wakatiita kuti tive vamwe semhuri richitenda rudo nokuva netariro munaKristu.

ai Mwari watisimudza kuti tive pamusoro pemamiriro ezvinhu zvose tichinzwisisa kuti rubatsiriro rwedu rwunobva Kuna Mwari pachake.

Ndatenda

ZUVA ROKUTANGA

MHURI INONYENGETERA NOKUGARA PAMWE CHETE: 1 TIMOTI 5 v 1-16

Mazera ose akagadzirirwa uye anobatsirwa kuwana nzira dzakakodzera dzokurumbidza nadzo Mwari. Uyu mukana wemhuri dzose kuti dzidzidzisane manzwisisiro avanoita Mwari. Muvhiki rino tinorangaridzwawo kuti iyo kereke imhuri. Munhu wese ane kodzero yokupemberera vhiki iyi zvisinei nechimiro chake (vasina kuroorwa kana kuroora, chirikadzi, vakarambana uye vane vana kana vasina), nokuti hapana asingabvi mumhuri.

Nhoroondo yamararamiro anofanira kuita vanhu vose,vakuru navaduku, vanamai nanababa, vakoma navanin’ina, chirikadzi, tsvimborume, vana navabereki, vazukuru vanambuya nanasekuru vavo,tinoiwana kuna I Timoti 5v1-16..Pane zvinhu zviviri zvinobuda muchiverengwa ichi, chokutanga uri musenzekete womunhu muhupenyu hwemhuri. Kana munhu asina hanya novokwake, zvikuru vomumba make, unenge arasa rutendo uye angofanana navasingatendi (1 Timoti 5v8). Nhengo yoga yoga yemhuri ine basa mumba. Mumagwaro tinowana tsananguro yokuti vabereki navana vanofanira kurarama sei.

Baba namai vanotarisirwa kubatsirana kutakura musenzekete zvakafanana apo vanorera mhuri yavo, vachibatsirana kukudza vana vavo pamweya, pamafungiro, panjere napamumhu.

Vanofanira kudzidzisa vana vavo kunamata nokuchengeta mirairo yaMwari. Pamwe chete vana navabereki vavo vano musenzekete wokuumba mhuri ino mufaro, vachiteerera mitemo, vachibatsirana nokuremekedzana.Vana havafaniri kukakavadzana. Mwari vanoraira kuti vana varemekedze vabereki vavo (Kubuda 20 v 12), zvichireva kuvada, kuvaremekedza, nokuvateerera (VaEfeso 6 v 1). Vamwe vana ndivana musoro bandamba vasina rukudzo uye vanonyadzisa mhuri dzavo. Vana vanofaniravo kashanda nokuita mabasa mumhuri, vachichengetedza misha yakachena, ipapo vachidodzidza kugarisana kwakanaka munyika.

Chiga chechipiri ndechokuti kereke inofanira kushanda semhuri, munhu nomunhu achiwana simba kubva kuvamwe. Mumasangano edu nhasi muna vanhu vakarasika, vasingacherechedzwi uye vanovhunduka vakanzwa vara rokuti mhuri (vakashaikirwa, vasina madzimai kana vasina varume vakarambana kana vanorarama vakaparadzana, vechidiki nenherera dzinotambura kuwana hukama hwakanaka). Kereke inofanira kurarama segumbakumba ravanhu vose ava kuti vanzwe kuti vanobva mumhuri.

HURUKURO

• Chii chingaitwa nemunhu woga woga mumba make kuti mhuri ive nomufaro?

• Ndezvipi zvimwe zvagara zvichiitwa nemhuri kuti dziwane mufaro?

ZUVA REPIRI

VABEREKI NAVANA

ZVIVERENGWA : VAEFESO 6v 4, VAKOROSE 3 v21, MAVAMBO 18v19

Ibasa rinokosha ravabereki kurerera vana muchiKiristu, ivo vachive mucherechedzo uye vane hanya nokuponeswa kwavana vavo kupinda mabasa avanoshanda, avanobata mukereke kana zvinzvimbo zvavo munharaunda (Mapisarema 127 v 3)

Tikatarisa ndima zhinji mumagwaro, kufanana nokuna Mavambo 18 v 19, namashoko aPauro kuna VaEfeso 6 v 4 nokuna VaKorose 3 v 21, tinoona kuti ibasa ravabereki kudzidzisa vana kurarama hupenyu hunofadza Mwari. Mhuri ndo inofanira kudzidzisa vana nhau dzomubhaibhiri, kereke nezvikoro zvozongobatsira kusimbisa dzidziso dzavabereki. Vabereki havatarisirwi kuita rusarura asi kuda vana vavo, vachivadzidzisa nokutsiura zvakaipa, vachizviita nemoyo minyoro, yakanaka, mirefu uye vachizvininipisa (VaKorose 3 v 12-14 ne 21).

ZVINHANHO GUMI ZVINGABATSIRA VABEREKI KURERERA VANA MUHUMWARI:

• kuisa vana mumaoko aMwari pavanoberekwa (1 Sameri 1 v 28, Ruka 2 v 22)

• kudzidzisa vana kutya Mwari ( VaHebheru 1v9)

• kudzidzisa vana kuteerera vabereki (Mitemo 8 v 5)

• kudzivirira vana kushamwari dzisina hunhu huMwari (Zvirevo 13 v 20)

• Kuzivisa vana kuti Mwari unovaona achiongorora zvavanoita, zvavanofunga nezvavanotaura nguva dzose (Mapisarema 139 v 1-12)

• Kubatsira vana kuchimbidza kusimudza rutendo, kutendeuka nokubhabhatidzwa (Mateo 19: 14)

• Kupinza vana mukereke dzinotya Mwari (Mapisarema 119:63)

• Kuvakurudzira kusadisa zvenyika. (2 VaKorinde 6: 14 -7:1)

• Kudzidzisa vana kukosha korubhabhatidzo rwomweya mutsvene. (Mabasa 1 v 4-5)

• Kuzivisa vana kuti Mwari unovada. (Ruka 1 v 13-17).

ZUVA RETATU

MHURI NEKUMBUNYIKIDZWA KWAVANA PANE ZVEPABONDE

ZVIVERENGWA : MAVAMBO 34v1 -2,2 SAMERI 13 v 14-15

MuZimbabwe nokune dzimwewo nyika, muzere nyaya dzokubatwa zvibharo, kumanikidzwa bonde uye kumburuzirwa nehama, izvi zvichiitwa kunyange nokuvana vadiki. Ibasa remhuri kudzivirira vana kunyaya dzakadai uye kuve nesimba rokudziburitsa pachena kana dzaitika. Kereke inofanirawo kurwisana nedzimwe tsika dzemhuri namamwe marudzi anorambidza kuburitwsa pachena kokumbunyikidzwa vachiti “Pane zvinhu zvisingataurwe”. Kereke ngaive nourongwa hunokurudzira vatendi vedu kutaura nyaya dzokuchinyirwa kwavana pachena, dzitaurike chiriporipotyo nyaya idzi kwete kudzipa gotsi kana kungodzifushira muvhu.

Kubatwa huyanga pabonde kunoitika kuvana vose vasikana navakomana pasina mukaha asi zvinonyanya kubata vanasikana. Kune mamwewo mafungiro anoita kuti vasikana vabatwe kufanana nokuti “Ukarara nemhandara unopfuma kana kuti unorapika pautachiona hwe HIV/AIDS”. Vakomana hongu vanosanganawo nazvo vachibatwa nedzimwe chembere navamwe varume kana vakomana, asi zvishoma nokuda kwamasikirwo avo.Vakomana navasikana ava vanoda kusimbiswa uye kukurudzirwa kuti vakurumidze kubuda pachena vamhan’are, vasafira mukati sehosho. Vanoenda kubazi ramapurisa rakadzidziswa kumiririra nyaya idzi, kana kunomhan’ara ku Child Line’, kana kuridza runhare runoti 116 rusingabhadharwi chinhu.

Zvakaipa Zvinonyuka pakumanikidzwa bonde

• kuzviraura muvamwe

• kutya

• kusafunga zvakanaka{ Poor concentration}

• kushanduka kohunhu

• kusemwa navamwe

• kukuvara

• zvirwere

• Kuita hunhu hunokuvadza Risky behaviour

Kubatwa huyanga kwavana pabonde

• Vana vachichinyirana pachavo – vana vave zvimhupupu vachichinyira vamwe vana vakuru vachichinyira vana

• Hama dzichichinyirana – Vanababa vachirara navana vavo, handzvanzi nehandzvadzi kana vamwewo pahukama

• Vana vave zvimhupupu vanogona kusangana nokuchinyirwa apo vanofunga kuti vawanawo shamwari dzokufambidzana nadzo.

DZIMWE MHANDO DZEKUMBUNYIKIDZWA

• Kuona mifananidzo yavanhu vari pabonde.

• Kutumira mifananidzo yavanhu vakashama.

• Kuratidza vana sikarudzi.

• nokuvapo kwetekinoroji, kumwe kumburuza kwakanyanya kwavana kunowanikwa pazvivhitivhiti

KUDZIVIRIRA VANA MUKUCHINYIRWA PABONDE.

• Kuvapa simba rokuzvimiririra.

• Kuvadzidzisa kupfeka zvakanaka zvisingaratidzi nhengo dzemiviri yavo.

• kuvakurudzira kusafarira nzwimbo dzingavapinza munjodzi yokuchinyirwa

• Kuteererawo zvavanotaura.

• Kungwarira mashandisiro anoita vana mbozhanhare (mafoni).

• Kungwarirawo kuti vana vasatorwa moyo netekinoroji nokuti vanoinzwisisa kupfuura isu vabereki vavo. Vanoda kubatsirwa nokuti vanozoishandisa nenzira dzinovarunzira kuita humburu nokuti ruzivo rwavanowanapo runovapa simba

• Vana ngavadzidziswe kugona kuramba kushandiswa munyaya dzohuori navasvetasimba.

• Vana ngavakurudzirwe kuramba zvivokomuhomwe uye kuchimbidza kutaura zvinhu zvakadai kuvakuru nokunana muzvinasimba vakakodzera.

ZUVA RECHINA

KUUMBA MHURI INO HUTANO

CHIVERENGWA: ZVIREVO 16v24

Ibasa gukutu ravanhu rokuumba mhuri dzino utano. Nedzimwe nguva kunyange chido chiripo chokuumba hukama hwakanaka mumhuri, zvinogona kukoneswa nokuti savanhu, hapana mutsvene pakati pedu (VaRoma 3 v10). Tinokurirwa nokuipa kwedu, asi semhuri mumisha yedu, tinogona kudzidza kugoverana, kubatsirana nokupedza mabope asati akura. Mhuri dzinofanira kubatana dzichizvipira kuita moyo mirefu uye kuregererana. Izvi hazvisi nyore asi ndizvo zvinobatsira kuunza rufaro, hutano nokugarisana zvakanaka kwemhuri. Kugona kutauriranawo ndechimwe chinokosha muhutano hwemhuri. Izvi zvinoreva kuve nechido chokuti zvinhu bvu pachena, kugoverana pfungwa nezvatinonzwa, kunzwisisana, kugamuchirana, kukurudzirana uye kudanana. (David 1997:6). Vana mazvikokota panyaya dzemhuri vanodaro kuti hukama hwakanaka mumhuri hunotangira pakutaurirana kwakanaka, kunova ndiko sungamusana yohuwadzano. Mhuri dzinokurukurirana dzinobatana kupfuura dzisingataurirani zvinhu pachena, zvichizadziswa na Zvirevo 16v24 painoti; “mashoko anofudza akaita somusvi wovuchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa”.

Mazwi anotevera anoda kufungisiswa nokuti anokosha pakuumba hutano hwemhuri:

• Mazvita

• Ndinokuda

• Ndino vurombo

• Unokosha.

• Makorokoto.

• Waita zvakanaka.

• Uri shasha iwe.

• Ropafadzwa.

• Ndakusuwa / ndinokufunga

• Makorokoto nezuva rokuberekwa kwako.

• Ndiri kukunamatira.

• Mwari vakuropafadze.

Mazwi akanaka anounza rugare saka vavarirai kuashandisa nguva zhinji chero izvi zvisiri nyore. Asi zvipirei kuumba mhuri dzakanaka nokutaurirana zvakanaka kuti mugoona kufashama nohutano kwemhuri.

HURUKURO

Uri kubudirira here kuumba mhuri ino hutano kana kuti nokupindana kwamazuva, unonzwa kukorongonywa, kukundikana uye uchishaya zano?

ZUVA RESHANU

ZVOKUITA MUNGUVA YAMATAMBUDZIKO NEYEZVIWIRAVANHU ZVINOPARADZA

CHIVERENGWA:JOBHO 1v13-22

Nguva dzematambudziko kazhinji dzinozarura miono mitsva. Pane nguva dzatisingagoni kuramba tichingoita garoziva apo tinowana mukana wokudzidza zvitsva, pamwe zvichiitika mushure mokusangana nengwechangwecha.

Zvinhu zvinoparadza hupenyu zvinhu zvinobata upenyu hwavanhu kufanana nedutu remhepo, mafashamo emvura nezvimwe zvakadaro, nezvimwewo zvingaitwa navanhu zvichiparadza kufanana namavivi omoto, humbavha nehondo. Izvi zvinhu zvinoitika zvisingatarisirwi, sezvinongoitika mhuri padzinosangana nezvirwere zvisingarapiki kana ndufu. Munyika medu tasangana namatambudziko akadai akawanda semafashamo eIDAI yakaparadza mazana nemazana avanhu nokusiya vazhinji vasina misha kuChimanimani uko nokuBinga. Parizvino takatarisana neutachiona hweCOVID-19 hunoparadzawo upenyu uye hwaita kuti tishandure maitiro tisina kuzvironga. Patinotaura nhoroondo dzemhuri dzakabuda napaburi retsono mudutu reIDAI, zvinotirangaridza kuti sekereke nesuwo tinosangana netsekwende dzakadai asi tinofanira kuwana nzira yekubuda madziri toenderera mberi noupenyu.

Kuda tingada kunzwisisa kuti zvinorevei kugona kurarama munyika ine matambudziko akafanana neCOVID -19. “Kugadzirisa” ivara nezviito rinoreva kugona kwedu kuramba tichiita mhapatiko dzokurarama panguva yatinowira mumuromo mamupere. Zviitiko zvakadai zvinokonzera kutambura kwakanyanya, kuchiparadza vanhu noupfumi, asi munguva dzerima dzakadai tinowana kudzikamiswa muzita raJesu Kristu. Tinonyaradzwawo namashoko omubhaibhiri kufanana naanotaurwa nomunyori waMapisarema 94 v 19 achiti kuna Mwari, “Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu, kunyaradzwa kwenyu kunofadza mweya wangu.”

Kugona kushingishira ndiro rimwe donzvo ringabatsira mhuri kurarama munguva dzetsekwende nokuedzwa nguva nenguva pasina mabudiro. Zvinhu zvinogona kunyanya kukanganisika pakurasa moyo. Jobho wakasuwa kwazvo paakasangana nokuedzwa asi wakaramba akazvininipisa achizvipa kuna Mwari, akaramba achingovanamata mukuoma kwazvo (Jobho 1 v 20-21).

Izvi ndizvo zvimwe zvingabatsira kana munhu apinda parumananzombe:

• Kushambadzirwa kwezviwiravanhu, zvikonzero zvazvo, zvazvinokonzeresa uye magadzirisirwo azvo.

• Kurangarira kuti Mwari vane hanya nesu kunyange munguva dzamatambudziko. (VaRoma 8 v 35-39)

• Kuongorora kuti zvinhu zvinotambudza vanhu zvirimo here mumhuri dzedu uye zvakamira sei.

• Kuverenga shoko raMwari munguva dzokugungudzika, zvikuru Mapisarema enyaradzo.

• Kutsvaga kuzarurirwa nokunzwisisa zvoupenyu nezvaMwari kuburikidza neminamato, kuverenga magwaro, kujekeserwa nomweya mutsvene uye kutota mazano avatendi vakura muchitendero.

HURUKURO

• Rangarirai nguva dzamakasangana namatambudziko semhuri mukurukure kuti makabudamo sei.

ZUVA RECHITANHATU

KUGADZIRISA NYAYA DZOKUTSAMWA MUMHURI

ZVIVERENGWA:ISAIYA 43v18 ,MAPISAREMA 37v8

Hasha, idzo dzinowanzokonzerwa nokunzwa kunge wabatwa neseri koruoko, induru inokonzeresa mabope, kushaya zano uye kuita zvinhu zvisina maturo. Muvengi unofarira kutinyangira nomuedzo wokutsamwa nokuti kunovhiringa mafungiro namaitiro omunhu wose, mufumi kana murombo, mukuru kana muduku. Vamwe vanhu vanogona kusaba, kusanyepa kusafeva nezvimwe, asi kana vakakorongonywa, vanogona kutadza nokuda kokutsamwa, rinove ndiro dhimoni guru rinogona kuparadza mhuri.

Munhu wakatsamwa unokakavara; uye munhu une hasha une kudarika kuzhinji (Zvirevo 29 v 22). Hasha dzinoita kuti munhu aone sokuti kurwa, kurwadzisa nokuparadza ndo kungagadzirisa zvinhu. Kutsamwa kunodzivirira mavonero, pfungwa namazano matsva, hakuunzi kukudzwa asi kusvoda nokutukwa bedzi. Kunopa mavanga mupfungwa nokugomadza muono. Mhuri dzine hasha dzinozvipa urombo nokuti hadzina shamwari kana huwadzano pachadzo.

Hongu kunyange pano kuwadzana hasha dzinombosimuka asi shoko roti: “Tsamwai musingatadzi, zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa (VaEfeso 4 v 26 -27).” Pauro unoratidza kuti mweya wehasha unoita kuti kunamata kusava nyore uye unoparadza rugare mumhuri. Saka tinoyambirwa kusapa satani mukana mumhuri dzedu nokungosimudzira mhepo zvisina maturo nokuchengeta madaka. Hasha dzinobvuta rudo, mawirirano, rugare nokuuraya upenyu hwakanaka mumhuri. Kana mwana akagumbuka akatsamwira vabereki vake anofanira kukumbira ruregerero nokuti unenge akurirwa nehasha. Pfungwa kwadzo ndedzokunonoka kutsamwa nokusacherechedza zvigumburiso (Zvirevo 19 v 11). Jemisi 1v19-20 inoti: “munozviziva henyu izvozvi hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa, nokuti kutsamwa komunhu hakuiti kururama kwaMwari”.

Kana wagumbuka kumbira Mwari nyasha dzokugona kuzvideredza nokuva nomoyo unoregerera, vabate rurimi rwako nomufungo wako kana wasangana nomuedzo unotsamwisa. Mhuri dzine mweya wokungotsamwa dzinoita zvirwere zvakawanda nguva zhinji. Hasha induru mumuviri inovhiringa mafambiro kwawo eropa mumuviri.

Zvinokanganisika pautano

• Kutsamwa kunokuvadza chiropa.

• Kusuwa kunokuvadza mapapu.

• Kugungudzika kunokanganisa mudumbu.

• Kutambudzika zvakanyanya kunokuvadza moyo nepfungwa.

• Kutya kunokanganisa dundira.

Cherechedza zvinokurwadza mumuviri wako utsvage kuti zvinokonzerwa nei.

HURUKURO

• Unoitei kana watsamwiswa kana kugumbuka zvikuru?

• Unotsamwa rungani pavhiki?

• Unokumbira ruregerero here kana wapungura shungu dzokutsamwa kwako?

ZUVA RECHINOMWE
CHIVERENGWA: MAPISAREMA / NZIYO 133 V 1-3
Gore rino vhiki yemhuri iri muna Zvita apo kune mhemberero dzakasiyana siyana. Rongaiwo mhemberero dzenyu semhuri. Vanogara mudhorobha vanogona kuita mhemberero yekisimusi sekereke vasati vaenda kunoshanyira hama kumisha.
-IVAI NENGUVA YOKUGOVERANA, YOKUSEKA NOKUNYENGETERA PAMWE CHETE SEMHURI