VHIKI ROKUCHERECHEDZA MUSHA NEMHURI 2024

DINGINDIRA: VAMIRIRIRI VAKRISTU (2 VAK. 5 V 20)
Click or tap on the day number of your choice to jump down the page to the notes for that day:
MHENGENURO
Munyori weMapisarema unotidzidzisa nezvokunaka kwazvinoita kana mhuri yakabatana (Mapisarema 133). Mhuri yakabatana idambiro ramakomborero. Zvinofadza Mwari kutiona tichigara tose murudo,
murunyararo nokunzwanana. Zvakadaro, upenyu hwemhuri hahugoni kunzwisiswa kana kuraramwa kunze kumutemo. Tinofanira kuramba tichidzokera kuna Iye wakavamba hurongwa hwemhuri.
Mukunzwisisa uku, tiri kusangana zvakare sekereke kuti tirangarire uye tikoshese icho chakasimikwa chikatsveniswa naMwari pachavo, kureva mhuri. Bhuku rino rakagadzirirwa kutibatsira kuve nenguva yokufungisisa nokudzeya apo tinotsvaga kuchengetedza mhuri dzedu dzakasimba pahwaro husingazununguki hweshoko raMwari. Misoro yacho yakasarudzwa ikarongwa nenzira ichabatsira nhengo imwe neimwe yemhuri kuti ione nzvimbo nebasa rayo musangano rinoyera iri. Bhuku iri
riri kuuya panguva yakakodzera kunyanya nokuti tiri kurarama munyika ine zvinhu zvakawanda zviri kunyuka, izvo zvaunza tsananguro itsva yechimiro chemhuri. Tinoshuvira kuve nesvondo rakaropafadzwa mudzimba nomudzimhuri dzedu tose.
REVD. DR. K. PARADZA (MISSION DIRECTOR)
NHENDO
Ichi chinyorwa chevhiki rokucherechedza misha nemhuri (Home and Family Week) chakagadzirwa naMufundisi G. Hokonya. Tinoda kupa kutenda kukuru kumudzimai wakaitwa naMwari uyu nokutandavadza kuburikidza nokugovana njere dzaanadzo navamwe. Dai Mwari vamuropafadza. Zvinyorwa izvi zvakapepetwa naRevd. W. Machirori.
Tinovatenda nokuzvipira. Makomiti edu emitauro yomuno anoramba ari mbiru yedu yesimba apo anogara achiona kuti tawana mabhuku aya mundimi dzanaamai. Chinyorwa chino chokucherechedza misha nemhuri chakaturikirwa kuisa kururimi rweShona namai Mavis Chihanga.
Tinonamatira kuti mubvumbi wamaropafadzo udururirwe pamidziyo inozvipira zvakadai.
Dai Mwari varopafadza mhuri dzamaHwisiri muvhiki rino rokucherechedza Misha neMhuri.
Revd. O. Chagudhuma (Research and Publications Coordinator)
ZUVA ROKUTANGA – SVONDO
CHIVERENGWA: VAHEBHERU 10:25
“NGATISAREGA KUSANGANA PAMWE CHETE, SAVAMWE VANE TSIKA YOKUITA, ASI
NGATIKUDZANEI UYE KUNYANYA SEZVAMUNOONA ZUVA RIRI KUSVIKA.”
MaKristu anokurudzirwa kuungana nguva nenguva kuti varambe vakasimba muna Kristu. Tinosangana neSvondo tichipinda svondo kukereke namamwe mazuva akatarwa atinopinda masangano oruwadzano.
Ngaive tsika yako kuti uvepowo paungano dzakadaro.
ZVIKONZERO:
Ndezvipi zvikonzero zvinowanzopiwa namaKristu anokundikana kuva pamwe chete nevamwe?
Zvikonzero zvacho ndezvechokwadi here?
Zvinokurudzirwa kuzviwanira nguva yokunamata nokuti unopedzisira wava nezvikonzero zvinokutadzisa kuita zvose
HURUKURO: Unonzwa sei paunorovha kukereke?
Zvakakosha kutendeka pakupinda svondo, kudzidzira kuimba kukwaya,
misangano yekokorodzano neimwe misangano yaunopinda yokuwadzana.
Kurudziraiwo vana venyu kupinda maruwadzano avo nguva dzose.
Ngatidzidzisei nhengo dzomumhuri, shamwari navavakidzani kuti vave maKristu, tivakoke kukereke nokuti inhengo dzemhuri.
Masvondo edu anowanzotanga namakokorodzano. Aya akakosha uye inofanira kuve tsika yedu kumapinda. Kana tine makokorodzano apakati pevhiki, ngatiedzei kuvapo.
Nzira yatinopa nayo zviziviso zvedu ingangoda kugadziriswa.
Somuenzaniso, Gosa vanoti, “Musi weSvondo tinotanga namakokorodzano na10am tozopinda svondo huru na11am”. Zvinhu izvi zviri zviviri zvakakosha zvakaenzana. Svondo yedu inotanga na10am
kuitira kuti timbove pamwe chete tichidzidza Bhaibhiri. Izvizvichavandudza mapindiro edu senhengo, pamwe navaya vanoshanyi.
KUZVIONGORORA/KUONGORORA: Tarisisa mapindiro ako masangano uye zvibvunzurudze uzvipime uzvipe zvibodzwa. Pane dzimwe nguva dzaunopa zvikonzero zvisina kumeso zvokusavapo here?
Ngatisarega kuungana pamwe chete kuti tikurudzirane uye tikure pamweya.
ZUVA REPIRI: MUVHURO
DINGINDIRA: KUKOSHA KWEMINAMATO YEMHURI
ZVIVERENGWA: VAFIRIPI 4 V 66; NUMERI 6 V: 24-26
Semhuri tinoda minamato yokudzivirirwa, kutungamirirwa, kusimbiswa panguva dzokusuwa, runyararo, kuporeswa. Tinonamatirawo zvinenge zviri kuitika, sebvunzo, nzendo, michato nezvimwe zvizhinji zvatingafunga nezvazvo.
Mhuri inonyengetera pamwe chete inogara pamwe chete sezvinotaura Pisarema 133:1 inoti: ‘Zvakanaka uye zvinofadza sei kana vanhu vaMwari vachigara pamwe chete vakabatana’.
Kubatana kunounza rugare mumhuri, saka tinofanira kunamata pamwe chete nguva dzose. Izvi zvichatipa simba rokurwa nadhiyabhorosi tiri pamwe.
Semhuri tinofanira kuva nenguva yeminamato yemhuri pamwe chete tichisanganisira vabatsiri vemhuri navaenzi. Minamato yezuva nezuva inoita kuti tigare takasimukira pamweya. Kazhinji zuva risina munamato izuva risina simba.
Tinoda maropafadzo emhuri muhupenyu hwedu. Numeri 6v24-26 inotidzidzisa nzira yokutsvaga nokunamatira maropafadzo enhengo dzemhuri dzedu. Verengai ndima iyi zvakare.
Tsigiranai namashoko ekurudziro nguva dzose.
Pauro unopa mazano, kurudziro nomunamato achiti: “muzvinhu zvose nokunyengetera nokuvonga mikumbiro yenyu ngaizikamwe kuna Mwari”. Pamwe pacho tinotadza kutenda Mwari namakomborero avo tichingopa zvikumbiro.
Pauro unotidzidzisa kubata mativi ose muminyengetero yedu. Kutenda kunoratidza kukoshesa zvatinoitirwa naMwari. Ngativatendei nguva dzose.
Ipai nhengo yemhuri imwe neimwe mukana wokutungamira panguva yeminamato yemhuri. Iyi inzira yakanaka yokudzidzisa vana kunamata.
Tsigiranai mumunamato.
ZUVA RETATU: CHIPIRI
NHAURWA: MABHINDAUKO NEZVIRONGWA
ZVOKUVANDUDZA MISHA NDEZVEMHURI YOSE
CHIVERENGWA: DHUTERONOMI 8 V 18; MAVAMBO 2 V 15
“Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mubindu reEdheni, kuti aurime nokuuchengeta”
Iwe shanda panzvimbo pauri. Hupfumi munguva yatiri kurarama hahuna kugadzikana. Tine mihoro yakaderera zvikuru uye vamwe vanhu havatorina mihoro yokutaura nezvayo. Mhuri dzakasarudza kutsvaga zvimwe zvokuita, zvose panguva yebasa nepaunowana mikana yokuita mamwewo
mabhizimisi namabhindauko. Musha wako ngauve nzvimbo yako yaunoshandira.
Muvhiki rino rokucherechedza misha nemhuri, kurukurai kuti mungavandudza sei mabhindauko amuri kuita izvozvi. Edzai kukurukura muri pamwe mose semhuri. Zvakakosha kutsigira zvirongwa – kungave
kurima, kubika, kuita zvitoro nezvimwewo.
Kurukurai nezvemagwaro matatu aya:
Zvirevo 10:4: “Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi ruoko rusina usimbe runopfumisa.”
Zvirevo 11:1 “Iva akatendeseka muzviyero zvebhizimisi rako”.
Zvirevo 16:3 “Nyengeterera mabasa ako”.
Kana waita mubereko (profit), chengetedza kuti ugone kuenderera namabhindauko ako. Vose vana navazukuru mumhuri vanofanira kufarira mabhindauko anoitwa pamba uye kushanda pamwe sechinhu chimwe.
Zivai mabhindauko amunogona kuita semhuri, mogona kutanga nezvidiki zvoenda zvichikura.
Dheuteronomio 8:18. Ishe vanokupa simba rokubereka pfuma.
John Wesley – akati:
Wana zvese zvaunogona
Chengetedza Zvese zvaunogona
Ipa zvese zvaunogona”.
Anoenderera mberi achiti ‘kwete nokurasikirwa nohupenyu kana hutano’.
Izvi zvinoreva kuti tsika dzechiKristu dzinofanira kucherechedzwa patinoita mabhizimisi edu. Zviedze nokuti ndiwo mukana unogona kuunza shanduko muupenyu hwako.
ZUVA RECHINA – CHITATU
MUSORO: KUREGERERA NDIYO SVOMBONORO YOHUKAMA HWOSE
CHIVERENGWA: VAKOROSE 3 V 3
Kazhinji, kuregerera chinhu chaunosarudza kuita uchiitira kubisa ukasha nokuda kutsiva munhu kana kuti boka rakakurwadzisa, zvisinei nokuti vakakodzera kuregererwa kana kwete.
Kuregerera chiratidzo chorudo. Nguva yese yatinoita munamato waIshe tinovimbisa kuregerera vamwe sokuregererwa kwatakaitwa naIshe.
Ngativei Tinorevesa patinoregerera nokuti mutoro mukuru kune asingaregereri.
Tinogara pakati pavanhu voukama navatorwa. Vanotitadzira asi inofanira kuva tsika yedu kuregerera.
Regerera ugamuchire kukanganisa kwavamwe
Kuda vanokutadzira kupupura kune simba.
Kunodzoredzera hukama sokungoregererwa zvitadzo zvedu kwatakaitwa naIshe.
Isu tiri mhuri, uye vanoregerera vanotakurirana mitoro. Ngatidzidzei kukumbira uye kugamuchira vanotikumbira ruregerero.
Mateo 18 v 21-22 ihurukuro inoratidza kuti haufaniri kuverenga kuti unoregerera kangani. Kusaregerera kunodzivirira minamato yedu Mako 11:25.
Mateo 5v23-24 inopa pfungwa yakasimba yokuti haungaendereri mberi kupa mupiro wako usati waregerera nokutsvaga kuyanana. Ndiko kusimba kwakaita nyaya iyi. Ruregerero runouya pokutanga pasati paitwa mapira.
Ngatitangei kuzviregerera utera hwedu pachedu tozoregerera vose vakatitadzira nokukumbira ruregerero. Nyika inove norugare kana tikave varegereri
ZUVA RESHANU : CHINA
MUSORO: ZVITEMA MUSI WECHINA (BLACK THURSDAY)
Kupfeka zvitema nomusi weChina kuratidza kuti uri nhengo yesangano rapasi rose rinoshanda richivavarira kuve nenyika isina chibharo nemhirizhonga.
Munyika yose zvayo, mhirizhonga (Gender- Based Violence (GBV) chinhu chakaipisisa chinoitika asi chinogara chakavanzika nokuti vanenge vasangana nazvo vanonyarara nokutya kuitwa chiseko kana kuramba vachishungurudzwa. Tose tino musenzekete wokutaura tichitsiura mhirizhonga.
Mavambo 1v27-28 inopa chiratidzo chokuti vanhu vakasikwa nomufananidzo waMwari uye vakapiwa chikomborero choUmambo pamusoro pazvose. Ngationei munhu wose ari mufananidzo waMwari;
hatizombofi takashungurudza chero munhu akasikwa nomufananidzo waMwari.
Varoma 12 v 9-10 – “Rudo rwenyu ngaruve rwechokwadi, vengai zvakaipa, asi namatirai kune zvakanaka. Dananai norudo rwehama, muchiisana pakutanga uye muchikudzana.”
VaGaratiya 6v10 inotiudza kuti tino mukana wokuitira munhu wose zvakanaka. MaKristu haafaniri kukanganisira vamwe nokutyora kodzero dzavo.
Naizvozvo, kupfeka zvitema kunopa chirangaridzo zvipfeko zvinoshanda seyeuchidzo yokuti ini ndiri muchengeti wehama yangu. Ngatimhan’arei nyaya dzokubatwa chibharo nedzimwe nyaya dzokushungurudzwa. Isu pachedu ngatizvipirei kumisa kushungurudzwa pamuviri, pamafungiro
namamwe marudzi emhirizhonga. Verengai Tito 3v2
Jakobho/Jemisi 1v 19 inoratidza kuti vanhu vanokwanisa kuzvidzora kunyange pavanenge vakododzvorwa kana kudenhewa. Ngatiregei kubata chibharo nokuita mhirizhonga, tishandise nhamba dzamahara dzinoti 08080 551.
ZUVA RECHITANHATU: CHISHANU
MUSORO: KUCHENESA NHARAUNDA YOMUSHA
Ngatikumikidzei zuva ranhasi rive rokutarisa zvakatenderedza misha yedu.
Bvisai marara pamusha penyu, muchekerere uswa nokurangura miti zvakanaka.
Dheuteronomio 23v12-14. Tinokurudzirwa kuva nezvimbuzi zvokushandisa semhuri.
Paita dambudziko munharaunda pamusoro pokuraswa kwamatevera/mitambo. Kurukurai kuti tingaita sei kuti munharaunda mushaikwe matevera ane tsvina. Tinokwanisa kuisa marara munzvimbo
dzakakodzera; ngatizviitei zvakanaka.
Numeri 35 v 34: hatigoni kusvibisa patinogara; vanhu havacharemekedzi nzvimbo nenharaunda dzavo; kutengeswa nokuraswa kwezvinodhaka kwave kungoitwa pachena munzvimbo dzose kunyangwe kunogara nokunopfuura navana. Izvi zvinopa vana mikana yokuedza kuzvishandisa, zvinove zvakaipa.
Muparidzi 3 inodzidzisa kuti chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye ndima yechitanhatu inoti pane nguva yokurasa. Ngatitangirei mubikiro (kicheni). Ngatirasei midziyo yasakara isingachakodzeri kuchengetwa; pinda mumba mako wobvisa chikafu chapfuura nguva yokudyiwa urase, urege kuchipa vamwe vanhu.
Handei matinochengetera zvipfeko (mumawadhiropu) tinobvisa dzimwe mbatya topa vanoshaya.
Tinogona kukurukura nevana vedu vane zvipfeko zvave zviduku tozvigova.
Endai kumagaraji nomumatura timurongedze muchene.
Ngatitarisei zvakatenderedza zvivakwa pamakereke edu. Titarise kuti pazvinhu zvatinazvo hapana here zvingangoda kutengeswa kuti tibise zvisisina basa. Tarisai mu”vestry” matinonamata navaparidzi.
Ngatiitei kuti nzvimbo dzedu dzigare dzakachena dzichigarika. Tichanzwa tichifarira nzvimbo dzine mweya mutsva nenharaunda dzakachena.
ZUVA RECHINOMWE: MUGOVERA
MUSORO: KUPA KUBASA RAMWARI
Mhuri dzose zvikamu zvohurongwa hutsvene hwaMwari. Mhuri dzine misenzekete yokuvandudza mwero webasa raMwari.
Zvegumi nezvipo chikamu chakakosha chokuzvipira kwechiKristu.
Patinopa, tinoisa rudo rwedu kuna Mwari pamusoro pokuda mari. Kupa kunotsigira kereke kuti iparadzire vhangeri rokuwanzwa kwamakomborero kuna vanopa. Kutendeka kwako kunoiswa pakuedzwa kuburikidza nokupa chegumi. Kereke nemhuri zvinofanira kubata pamwe zvisingakwikwidzani.
Mabasa 20 v 35: kupa kune mufaro kune maropafadzo kupfuura kugamuchira. Tose tinoda makomborero anobva kuna Mwari saka tinopa zvipo kana zvimwe zvinodiwa mumasangano pabasa raMwari.
Vana vanofanira kupawo mukereke. Vana vedu veSunday school navanoenda kuchikoro mitezo yekereke saka vanopawo mipiro.
Tinobva takurudzira vana vedu vanoshanda kuti vatendeke pakupa kuna Mwari nokuti munhu wese mupi. Vanopa zvakawanda vanozoona vapfumiswa nepfungwa dzakadzama dzine chinangwa, kubatana uye kugara zvakanaka.
Kupa kune vanoshaya (Mateu 6:2-4)
Saizvozvo, kana uchipa varombo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumisha, kuti vazivikanwe, vakudzwe nokurumbidzwa navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vatowana mibairo yavo yakakwana.
Asi kana wopa zvipo zvokubatsira, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi.
Kuti mabasa ako orubatsiro avanzike, uye Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubairo pachena.
Ndima iyi inotaura nezvokupa kuvarombo; ngatirege kutsvaga kushamisira Kurukurai mhando dzemipiro yatinopa kuna Mwari motsanangura kukosha kwazvo? Tarisai kuna Mavambo 14:19-20, Eksodo 35:22, Dhuteronomi 14:28-29.
Kupa munguva dzakaoma: 2 VaKorinte 8:1-5 Tinopa zvakawanda kunyangwe zvisiri nyore nokuti kuzvipira kwako kunoenderana namaropafadzo ako. Chinonzi chipo chakaenzanirana nguva yose yaunouya kuAtari. Tinopa norudo tisinganyunyuti 2 VaKorinte 9:7.
Takapiwa maoko maviri achimiririra kupa nokugamuchira.
You must be logged in to post a comment.