Mission Month 2022 – Shona

KEREKE YEHWISIRI MUZIMBABWE
MWEDZI WOHUSHUMIRI: 1 – 31 CHIKUNGURU 2022
DINGINDIRA: KUMIRIRA JEHOVHA (Isaya 40: 31)

MUSUMO
Kereke yeHwisiri muZimbabwe yakamisa mwedzi waChikunguru somwedzi wohushumiri, zvichireva kuti zvose zvinoitwa zvinofanira kuve nechokuita nekushumira. Asi samaKristu tinonzwisisa kuti hushumiri ndohwaMwari, saka hatitauri nezvohushumiri hwekereke asi zvohushumiri hwaMwari kukereke. tobva tanzwisisa kereke inongobatsirawo muhushumiri hwaMwari senzira yokuratidza rutendo. Chose chinoitwa nekereke, zvaingataura kana zvaingaita zvinofanira kutsira midzi pana Mwari. Kuvhangera ndechimwe chikamu chinokosha mukushumira Mwari, saka senhengo dzemhuri yokutenda, gore rino tinocherechedza mwedzi wohushumiri tichinzwisisa basa ratakapiwa naJesu Kristu pakutuma kukuru kuna Mateo 28 v 16-20 -” Endai saizvozvo….”. Munhu woga woga unodenhwa kuzvioongorora kuti achine nhunha here dzokutsvaga vadzidzi kana kukokera vamwe kuna Kristu.
Kereke iri kutevera gwara rokutumwa uku, ndo saka mbiru yayo yokutanga pahurongwa hwayo hune udzamu (Strategic Plan) iri yokukudza hunhengo. Zvasarira isu vanhu kuti umwe noumwe abude anounza kukereke chero mweya umwe chete hawo wakarasika. Mwedzi uno mukana mukuru wokuvavarira kuita Izvozvo. Kuti tibudirire muhushumiri hunokosha uhu, chibhuku chino chakagadzirirwa kubatsira kukura pachiKristu nokuti mabasa omweya anongogonekwa chete navaya vakakura pamweya. Chakagadzirirwawo kubatsira nhengo yoga yoga yeHwisiri muZimbabwe kuti iwane chokuita pahushumiri hwaMwari kukereke. Basa nderomunhu wose saka gore rino, tose vakuru navaduku tinofanira kumira umwe noumwe panzvimbo yake achiita chikamu chake kuti mwedzi uyu usangopfuura segaroziva.
Patiri kupinda muhushumiri ngatitendei nokuziva kuti hushumiri hwaMwari inzira yokuratidza rudo. Mwari pavakada nyika vakaipa Mwanakomana wavo umwe chete. Rudo harusi rudo kana pasina ‘kupa’, saka mwedzi uno ngauve wokuunganidza zvikwanisiro nokuti ndiyo chete nzira yokuve nechokwadi chokuti hushumiri hwaMwari kukereke hubudirire. Ino ndo nguva yokubudikira nokuonekera nokuti hwaro hwawaridzwa; ngatisimukei tiverengwewo pakati pane vakatendeka pakuzadzisa hushumiri hwaMwari kukereke.
Revd. B. Chinhara
(Mission Director)

NHENDO
Bazi reTsvakurudzo neNhepfenyuro rinotenda kereke nokuwaniswa mukana wokutungamirira kuburitswa kwezvinyorwa zvine chokuita nekereke. Chinyorwa chino ndo chimwe chezvibereko zvebasa iri, iro rinoitwa nokunzwisisa kuti maHwisiri “vanhu vokuverenga”, iri nhaka ina masvuvuriro kuna baba veHwisiri pachavo – John Wesley. Asi munhu anogona kungoverenga kana paita zvakanyorwa, kureva kuti “Pasina Kunyora Hapana Kuverenga.”
Nokudaro tinopa kutenda kukuru kuvafundisi vanoti Revd. Dr. Chigova, Revd. Andrew Chiyanike na Revd. Nyembesi Goredema avo vakagadzirira kereke chibhuku chino. Mwari avaropafadze napakuru.
Chibhuku chino chakazoshandurirwawo kumutauro wechiShona navanotevera ava:
Revd. M. Matata
Revd. E. Tembo
Revd. M. Munikwa
Revd. G. Chanakira
Rikapepetwa na Mrs. M. Chihanga
Tinocherechedzawo kwazvo basa rakaitwa naMufundisi L. Mtendzwa pakupepeta chinyorwa ichi pakutanga. Ngavaropafadzwe kwazvo pamwe chete navakabatsira kuzochishandura. Zvikwata zvedu zveTsvakurudzo neNhepfenyuro kumatunhu nokunharaunda zvinotikoshera nokuti ndizvo nzeve nameso edu kumisha uko. Pakupedzisira tinoramba tichidzorera nhendo kuhofosi yedu yamabhuku kumuzinda uko iyi inoramba ichivavarira kuti hupfumi uhwu husvike kumaHwisiri ari kumativi ose enyika (muno nokunze) zviri pamasaisai kana semabhuku. Tinokumbirisa
Page 5 of 68
kwazvo kuti nhengo yoga yoga izvitengere chibhuku ichi kuti nesuwo tigone kuramba tichimhanya mundima uye moto urambe uchibvira.
Mwari varopafadze vanhu vanonzi maHwisiri.
Revd. O. Chagudhuma
(Research and Publications Coordinator)

ZUVA ROKUTANGA
MUSORO WENYAYA: NYIKA YAKAMIRIRA! KEREKE INE CHIDOKWADOKWA!
ZVIVERENGWA: VAEFESO 4 V 17-18; 2 PITA 2 V 20
Donzvo raKristu rinodana Kereke kuti ipinde munyika iitendeutsire kwaari. Kereke iri kutumwa kunyika yakateyiwa nemiedzo, yakasungwa, yakapofumadzwa, isina ruzivo, uye inoramba huvepo hwaKristu nesimba rake rekuiponesa. Nyika yatinorarama tiri yakamirira tariro, iyo inongowanikwa muna Kristu chete. Mweya mizhinji munyika yakamirira, uye inoda kunzwa nhau dzakanaka dzeVhangeri. Vanhu vari kusarudza nzira dzinovaparadza, namararamiro anovatsudurutsira kure nenzira dzaMwari dzinopa hupenyu. Naizvozvo vave nenzara nenyota yeshoko rezvokwadi.
Zvinoda moyo unoda kugamuchira kushandiswa naMwari pakutsvaga nokuponesa vakarasika. Zvinoda moyo unoda kuzvipira kubuda kunotsvaga vaya vasina chiedza chaKristu munyika ino ine rima. Kereke ine moyo unoda inofanira kuva nechishuvo chokuparadzira rudo munyika yakazara noruvengo nokufarira kukuvadzana, uye kuita kuti vatendi vave norutendo rwusina kunyengera muna Mwari. Kereke inofanira kunzwa kuda kusvika kune vanorwara ichivarapa, uye inofanira kunetseka nekurarama kusina tsarukano kwazara munyika munguva ino. Kereke ine moyo unoda inogadzirira kutambudzikira avo vasingatende (2 Timothy 1 v 11-12), kuti naivowo vagoponeswa.
Kushumira kweKereke inoda kunofanira kuva kwekuzvipira, kureva kuti vatendi vanofanira kuve vakagadzirira kurasikirwa nehupenyu hwavo nokuda kwavamwe, sokungopawo kwakaita Kristu hwake hupenyu nokuda kwedu pataive tichiri vatadzi (VaRoma 5 v 8). Zviitiko zvinoparadza hupenyu nekukuvadza vanhu vazhinji, hondo, nzara, kupondwa kwevanhu nezvirwere, zvaita kuti nyika ishaye tariro asi ichiramba yakamirira kuponeswa kwayo. Kereke inofanira kunzwa kuda kubuda mumidhuri yayakavaka ichinogadzirisa zvinetso zvevanhu vari kutambudzika. Haina undingoveni asi ine hanya nemitoro nokutambuzika kwevamwe.
Kuva kereke ino moyo unoda munyika ine zvayakatarisira kunoreva kugadzirira kuenda kunoponesa nyika ina manyongori (1 Petro 2 v 20). Kunorevawo kuzvipa kuhushumiri hwaMwari sedungamunhu, kwete nokumanikidzwa asi kubudikidza norudo kuvanhu.
HURUKURO
a. Kereke inofanira kuitei pamusoro penyika yakaberekekwa nembereko yechivi?

ZUVA REPIRI
MUSORO WENYAYA: KUKODZERESWA KUPARIDZA
ZVIVERENGWA: 1 VAKORINDE 3 V 12-15; 2 TIMOTIO 2 V 14-18
Kubata pamwe chete navamwe pakuparidza nhau dzeruponeso kuti titsvage vakarasika munyika ino mukana mukuru unowanikwa nevashoma. Pauro unotsanangura kuti rimwe zuva basa redu richaongororwa, ipapo vamwe vachapihwa mibairo asi vamwe vachirasikirwa nayo, zvichienderana nemavakiro avakaita (1VaKorinde 3 v 14-15). Izwi rechiGiriki rinoreva “kukodzereswa” raishandisirwa mhizha dzokupfura simbi pakuongorora kunaka / kukodzera kwebasa radzo. Nenzira imwe cheteyo, kutendeka kwedu kushoko raMwari kuchaedzwa, vamwe vachagamuchirwa vamwe havagamuchirwe. Vamwe vachanzwa kuti “wakaita zvakanaka muranda wangu akanaka uye akatendeka,” asi vamwe vachinzwa kuti “muranda akaipa, uye ane nungo” (Mateo 25 v 23, 26).
Avo vakakodzereswa kuparidza nhau dzakanaka dzaKristu vanoramba vachiparidza dzidziso dzinokosha. Pauro anoudza Timotio kuti arangaridze vanhu pamusoro ‘pezvinhu izvi’, achireva zvinokosha zvevhangeri. Pakuparidza vhangeri raKristu pane muedzo wokuda kuvamba zvitsva zvisati zvambonzwikwa, asi ipo pane zvinhu zvinofanira kuti vanhu vaMwari vagare vachinzwa nguva nenguva. Kereke, painobuda neVhangeri kuenda kune vari munyika, inofanira kurangarira kuti vanhu vanofanira kunzwa dzidziso dzinokosha dzeVhangeri, kuzara kwehuMunhu nehuMwari hwaKristu, kuripirwa kwamatadzo, kukosha kokurarama nokururama nokuzvibata pane zvemweya.
Vabati vakakodzereswa sevakatendeka vane chokwadi nehuvepo hwaMwari, kureva kuti vanoziva kuti Mwari vari kuona mabasa nezviito zvavo. Naizvozvo, vanofanira kuchenjerera mufambiro wavo, uye zvose zvavanoita muhupenyu. Chimwe chinhu chavanofanira kuita kunzvenga makakava. Munyori wetsamba yekuKereke yekuEfisasi anovayambira pamusoro pokuita nharo pamusoro pezvinoreva mashoko nokuti izvi zvinotungamirira pakuparadzwa, kunyange kwavateereri. Vakakodzereswa vanhu vanodzidzisa Bhaibhiri nokutendeka, vasinganeti pakuita basa raMwari. Vanoedza nepose pavanokwanisa kudzidzisa chokwadi cheVhangeri, vachinzvenga dzidziso dzenhema. Tinopihwa mienzaniso yevadzidzisi vaviri venhema, Haimeniyasi naFiretasi avo vakadzidzisa kuti kumuka kwaKristu kwakanga kwatodarika kare, nokudaro vachitsautsa vazhinji pakutenda kwavo.
HURUKURO
a. Mushandi akakodzereswa anofanira kuve nechimiro chipi uye anofanira kugona zvipi kuti akwanise kududzira magwaro nomazvo?

ZUVA RETATU
MUSORO WENYAYA: SIMUKA UENDE KUNOPARIDZA
CHIVERENGWA: JONA 1 V 1-2
Bhuku raJona rakasiyana nemamwe ese emaporofita pakuti iro harina chiporofita chine shoko asi ngano yacho ndiro shoko. Bhuku neshoko raJona zvinotidzidzisa kuti Mwari vanoda vanhu vose uye vanoshuvira kugoverana navo ruregerero rwavo. Sezvakangoitwawo Jona, Mwari vari kutidana kuti tisimuke, tipinde munyika, iyo yakamirira ruponeso kubudikidza naJesu Kristu. Asi zvakakosha kuziva kuti chinhu chokutanga kuwana mvumo yaMwari yokuve vabati tisati tasimuka kuenda kunoparidza Nhau Dzakanaka kunyika. SaIsaya, uyo akatanga acheneswa nekugamuchirwa asati azvipa achiti ‘ndiri pano nditumei’ (Isaiah 6 v 1-8), kereke namaKristu vanofanirawo kugamuchirwa sevakatendeka uye kugamuchira kunatswa vasati vaenda nevhangeri mumigwagwa nemumisika.
Mwari vakadanira Jona chimwe chete chokuti asimuke aende kuNinivha. Nenzira imwe cheteyo ane mabasa akanangana nesu aanotidaidzira nhasi kuti tisimuke tipinde munyika yakazara nezvivi. MuTestamende Itsva, Jesu anodana vadzidzi vake kuti vasimuke vaende munyika kunoparidza vhangeri kuzvisikwa zvose, nokubhabhatidza vanotenda nokugamuchira vhangeri, nokutonga vasingarigamuchiri (Mariko 16 v 15-16). Muporofita Jona ainyatsoziva chaizvo kuti Mwari vaida kuti aitei, asi akaramba kuteerera. Mwari vari kutinyengetedza kuti tivashumire, asi dzimwe nguva, saJona, tinoramba kuzadzisa mabasa akaiswa pamberi pedu. Patinoramba kuteerera kuraira kwavo kana vatituma kuhushumiri hwavo, tinobva pahuvepo hwaMwari, toenda kure naye saJona uyo akasarudza kuenda kuTashishi kwaakanga asina kutumwa. Tine basa sevateveri vaKristu. Tinofanira kuteerera kudana kwake kuti tiende kunoshumira vanhu vari kusangana nezvakasiyana siyana vanoda rudzikinuro kubudikidza nenyasha dzaMwari, norudo rwaKristu.
Dzimwe nguva samaKristu tinotya kutora mabasa akasiyana siyana atinodanirwa naMwari kuti tizadzise nokuti tinofunga kuti hatina kukwana uye hatina kugadzirira. Dzimwe nguva tinotya zvinetso zvatinosangana nazvo mukushumira. SamaKristu tinofanira kunzwisisa kuti hatisarudzi kupinda muhushumiri asi Mwari ndivo vanotituma nokuti basa iri nderavo kudarika kuve redu. Mwari vanotipa simba, kutsunga nezvekushandisa kuti basa ravo rese ravanotidaidzira rizadziswe.
HURUKURO
a. Sei maKristu nhai achitadza kuteerera kudana kwaMwari kuti vaende kunoshumira?

ZUVA RECHINA
MUSORO WENYAYA: KUDANWA KWAMARUDZI OSE PAMBERI PECHIGARO CHOUSHE
CHIVERENGWA: ZVAKAZARURWA 7 V 9-17
Kereke inodanwa kuti ive mbandanyire yomunhu wose pabasa rayo rokuvhangera. Inofanira kutsvaga kuponesa vese, nekuvaunza kuna Kristu, pamberi pechigaro chaBaba. Kudaidzwa kuva vadzidzi ndekomunhu wese, vadiki navakuru, vapfumi navarombo, varume namadzimai, vanonamata navasinganamati, kuti vasiye nzira dzavo, vanamate Mwari mumwe chete wechokwadi, akaratidzwa nomuna Jesu Kristu. Mwari wekereke yechiKristu vakatambanudza maoko avo, kuti vagamuchire vanhu vese zvisinei nokuti ndivanaani kana kuti vanobva kupi. Jesu wakawana nguva yokuve navanhu vose, pasina waanosarudza. Wakagara nevaiitwa vatorwa, akashamwaridzana nani zvake aida. Kunyange vana vadiki vaifungwa nevamwe kuti vanyanya kuita vadiki, wakavafungata vari pamakumbo ake. Jesu aizikanwawo nokutandara navaya vaisafarirwa neruzhinji, vairwara vatadzi, kwete nechimwe chikonzero asi chokungoti aivada.
Ndima yokuna Zvakazarurwa 7 V 17 inoratidza zviri mberi kokutambudzika kukuru. Inotaura pamusoro pevaJudha navahedheni vasingaverengeki vakavimba naKristu. Vazhinji zhinji ava vanomiririra nyika dzose, marudzi ese, vanhu vese, mapoka ose nemitauro yose. Ndima iyi chirangaridzo kuKereke ChiKrisu kuti vanhu vese vanokosha kuna Mwari, uye hapana vanhu verimwe ganda rudzi kana dzinza vasingadiwi naMwari (VaGaratiya 3 V 28). Mwongo weVhangeri unoramba kusarudzana nokuda kweganda kana kuvengana nokuda kwemarudzi (1 Johane 4 V 20). Gurumwandira ravanhu rinotsanangurwa mundima iyi runopa mbiri kuna Mwari nokuGwayana. Johane haana kukwanisa kutaura kuti gurumwandira iri rakanga rwabvepi, asi mukuru uyu unoricherechedza savaya vakaponeswa vakabuda mukutambudzika kukuru. Unoenderera mberi achitsanangura kuti zvino vachengetedzeka muhuvepo hwaMwari, uye havachazonzwa nzara, kana nyota, kana kupiswa nezuva zvekare. Hazvisi pachena kuti gurumwandira iri riri kudenga here kana kuti panyika. Asi avo vanotenda kuti riri kudenga vanocherechedza kutaurwa kwechigaro chaMwari chiri kudenga nehuvepo hweGwayana (Zvakazarurwa 5 V 6).
SemaKristu, chinangwa chedu ndechekuunza vanhu vose kuna Kristu. Tinofanira kuzvipira kuti tiunze vese kuna Kristu, uye Vhangeri ratinoparidza rinofanira kutsvaga kuponesa vakarasika. Dzimwe nguva semaKristu tinobata vamwe vanhu sevasemwa, sevasina kukodzera, uye savasina nzvimbo mumaKereke medu. Chidzidzo chanhasi chiri kuvavarira kuti zvigare mumisoro yedu seKereke kuti basa redu guru nderokutsvaga vakarasika pasina kusarudza, nokuti Mwari vanovada vose. Pane nguva zhinji dzatakaita kuti vamwe vanhu vanzwe kusagamuchirika uye kusakodzera kuve mukereke. Tiri kutumwa kune vakarasika, nokuti muridzi wavo, Mwari, vari kuvada mudanga. Hatitarisirwe kurasira kure avo vatinofunga kuti havana kukodzera. Mwari vakatituma kuti tiparidze Vhangeri rerudo kwete rekupa mhaka.
HURUKURO
a. Kereke ingaitei nhasi kuti kunamata kusanganisire munhu wese?

ZUVA RECHISHANU
MUSORO WENYAYA: KUPEDZA BASA RATAKAPIHWA TICHIRI KURARAMA
CHIVERENGWA: JOHANE 9 V 4
Ivo Mwari vakatisika nokutidana ndivozve vanotipa zvatinofanira kuita kana kuzadzisa, mabasa nemisenzekete mizhinji. Nguva yedu zhinji pahupenyu ndeyekuzadzisa zvatinofanira kuita tichiri kurarama, tichine hupenyu nesimba. Dzinza roga rinodanwa kuita basa raMwari, richibata zvinoenderana nemararamiro evanhu panguva yavo. Vamwe vanodaidzwa kushumira Mwari panguva inoitika tsekwende dzinoparadza vanhu kana panguva inosimuka matambudziko makuru, nezvimwewo zvinogona kusvika pakuda kuparadza hupenyu. Mwari vanotarisira kuti mabasa aya aitwe vanhu vachiri kukwanisa. Kereke yanhasi inodanwa kuti iparidze tariro munguva yekutyisidzirwa nehutachiona hweCorona, kuparidza rudo rwaKristu munguva yehondo dzinoparadza nenzara zvakatekeshera pasi rese. Dzinza redu rinofanira kudaira nokupedza basa rarakadaidzirwa panguva yokurarama.
Jesu anoshandisa vara rokuti “isu”, achizviisa mumukumbu mumwe chete navadzidzi vake pabasa rake rohushumiri hwokudzikinura. Vadzidzi vakanga vakatarisana nekuzviratidza kwemasimba ewakaipa. Jesu navo vaifanirawo kuratidza simba raMwari vachimirisana namasimba echakaipa nerima. Vaifanira kumira vakasimba pabasa iroro. Mhinduro yaJesu paakabvunzwa kuti ndiyani akatadza, vabereki here kana kuti murume aisaona, inoratidza kuti waiva nehanya nokuti chii chingaitwe kuti murume uyu aponeswe, kwete kupedza nguva nokutsvaga kuti akatadza ndiyani. Isu semaKristu anhasi, tichine nguva, tinofanira kuva nehanya nekuburitswa kwevanhu mumadhaka anoparadza avari kurarama vari.
Jesu paanoti, “Tinofanira kuita basa reakandituma, achiri masikati; nokuti husiku hunouya, pasina ani anogona kuita basa”, aingoshandisa mazwi okuti husiku nemasikati achireva hupenyu norufu. Rufu ndiwo magumo okubata kose kunoitwa navanhu panyika. Kunyura kwezuva kumavirira chakave chirangaridzo chokuti masikati oupenyu hwake akanga ave kupfuura, husiku hwave kuswedera. Akanga asisina nguva refu ari munyika (Johane 9 v 5). Husiku hwakanga hwouya hwaitaura kupera kwenguva yake yekushanda, uye mimvuri yorufu yakange yave kutosvika paari. Tiri kukurudzirwa seKereke yanhasi kuti tishande tichakwanisa, nokuti nguva ichauya patinenge tisisagone kushanda, kana husiku hwatisvikira (Johane 21 v 18).
HURUKURO
a. Kuverengera imbavha yenguva. Tsumo iyi inorevei?
b. Ndezvipi zvikonzero zvinoita kuti vanhu vaverengere pakuzadzisa mabasa avakapihwa naMwari samaKristu?
c. Ngatikurukurei tichipa mienzaniso yavanhu vatinofunga kuti vari kukungura mikana yavakarasikirwa nayo nokuda kokuverengera.
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
Mwari ngavandibatsire kuti ndigadzirise ndishande husiku husati hwasvika.

ZUVA RECHITANHATU
MUSORO WENYAYA: SHAMBADZIRA KUBWINYA KWAKE KUMARUDZI OSE
ZVIVERENGWA: 1 MAKORONIKE 16 V 23-24, MAPISAREMA 96 V 3-13
Kereke yaMwari inokura kana vakaponeswa vakashambadzira zvakanaka zvakaitwa naShe kune vari pasi rose vasingatendi. Kugoverana zvatinoziva nokunaka kwaMwari navasingatendi ikurudziro yokuti vadevo kuvanamata. Kuparidza kubvinya kwaMwari kuvanhu vapasi rino hakusi kungotevera murairo aiwa, asi imwe nzira yokufashukira komufaro wokurumbidza ivo Mwari. Kana Mwari vatiropafadza nokutisimudzira, vanotarisira kuti tigoverane nhau dzakanaka idzi navanhu vapasi rose. Izvi zvinobatsiravo vamwe vanhu vanenge vakatarisana nezvakasiyana-siyana muupenyu hwavo kuti vazadzwe netariro yokuti Mwari vachavadzikinura. Hukuru hwaMwari uhwo tinogoverana navamwe hunotaridzwa pachena mazuva ose pasi rino, munharaunda dzatigere, munyanza, kunyangwe nomuchadenga. Mwari vari kubata basa panyika kuburikidza nezvishamiso zvinoonekwa pakati pavanhu vavo, uye zviito zvinoshamisa zvaShe ndizvo zvinofanira kuparidzwa pasi pose. Musenzekete wamaKristu sevamiririri vaJesu kuudza nyika nezvemabasa ake ane simba.
Kuburikidza nokushambadza kubwinya kwaTenzi, tinenge tichitotaurira vanhu kuti Tenzi woga ndiye Mwari wechokwadi, musiki wedenga napasi, muregereri wezvitadzo uye hakunazve mumwe kunze kwake. Tinofanira kuudza marudzi ose kuti iye ndiyani, ndezvipi zvaanotiitira uye mabasa ake ose anoshamisa. Tinoshambadza kunaka kwaMwari apo tinoreururawo zvivi zvedu, uye patinoburitsa pachena kubwinya kwake nokururama kwake. Tinofanira kuregerera vamwe vanotitadzira, zvichiratidza kuti nesuwo tiri vatadzi vakaregererwa. Tadero tinenge tichiratidza kuti Mwari wedu ndiMwari vanoregerera. Pamusoro pokuudza vamwe nyaya dzokuponeswa kwedu, tinofanirwa kubereka zvibereko. Tinofanira kurarama upenyu hunoratidza kuti takaponeswa uye hatichararami muzvakaipa. Kubereka zvibereko kunoonekwa apo nyika yotarisa kwatiri kuti iwane gwara rokufamba naro pachiKristu.
MaKristu tinofanira kupa kutenda kuna Mwari nguva dzose nokuti, kuburikidza nokutenda kwatinoita, tinoshambadza kunaka kwake kune vanotinzwa. Kuvimba naMwari nguva dzose pane zvatinosangana nazvo (zvakaipa kana zvakanaka) kunopupura kuti Tenzi vakatinakira panguva dzose uye kuvimba kwedu navo kwakasimba hakuzunungutswi. Kuvimba naMwari kunoreva kuti hatinyari kuti tiri vake. Ruvimbo rwatinoratidza kunyika runobva mune zvatakasangana nazvo paaive nesu tichifamba mumipata yomumvuri werufu, napose pataida kunyudzwa mumatambudziko nokupiswa nemoto yepasi rino. Tinofanira kutaura nezvorutendo rwedu takasununguka nokuti tinoziva rwendo rwoupenyu rwatakafamba navo vasingatisiyi toga. Kuburikidza nokurarama upenyu hwemunamato, tinoshambadza kubwinya nokunaka kwaMwari pamberi penyika yose. SamaKristu tinofanirwa kunyengetera nguva dzose takaperera nokuziva kuti mhinduro inobva kuna Mwari. Hativimbi nesimba redu pachedu asi nenyasha dzavo dzinoponesa.
Nedzimwe nguva samaKristu mukurarama kwedu munoonekwa nhafu, ruchiva, kuzvikudza, upombwe, kusarongeka, hasha, kudzvinyirira vamwe, nezvimwe zvizhinji zvakaipa, pane kuti muonekwe kubwinya kwaMwari. Mutauriro wedu nezvatinoita pakushambadzira kubwinya kwaMwari zvinoita kuti vamwe vashumirewo Mwari, asi norumwe rutivi kana kutaura nokuita kwedu kwakaipa kunosudurutsa vanhu kunyasha dzaMwari dzinoponesa.
HURUKURO
a. Ngatipupuriranei zvatakaitirwa naMwari muupenyu hwedu.
b. Tiri kushambadzira ruponeso rwavo here kana kuti kururama kwedu pachedu?
c. Tingaita sei kuti kupupura kwedu kusvike kuvanhu musimba raMweya Mutsvene kwete mumazwi edu?
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
Upenyu hwangu hunopupura rudo rwaMwari here? Tenzi Ndibatsirei!

ZUVA RECHINOMWE
MUSORO WENYAYA: KUDAIDZWA KUVE ZVAPUPU ZVAKRISTU.
ZVIVERENGWA: MABASA 20 V 23-24 NAMABASA 26 V 16-18
MuKristu umwe noumwe chapupu chaMwari kuburikidza naJesu Kristu, kunyangwe zvazvo vamwe vakazogadzwa sezvapupu zvakakosha. Tose tinofanira kupupura Mwari nguva dzose, pazvinhu zvose napanzvimbo dzose. Mwari vanogonesa vasina simba nevanozvininipisa kushambadza vhangeri. Chishuvo chaMwari kuti munhu wose ataure muzita ravo neroMwanakomana Jesu Kristu. Chapupu munhu akanyatsoona chinhu chichiitika ozotaurira vamwe zvaakaona. Takadaidzwa kuva zvapupu zvaJesu, kupupura chokwadi chakaitika kwatiri nezvatakanzwa. Takatumwa kuparidza Nhau Dzakanaka nokutsvaka varashiki (Mateo 28 v19). John Wesley waitenda kwazvo kuuPirisita hwavatendi vose, saka nanhasi uno vanhu vanonzi maHwisiri pasi rose, vanotenda kwazvo kudzidziso iyoyi kuti munhu wose anogona kuva muPirisita waMwari, zvisinei nokuti mufundisi wakazodzwa here kana kuti unongove mutendi.
Sezvapupu zvaKristu tinotarisirwa kuramba takavimbika pabasa iri, zvisinei nezvipinganidzo nokutyisa kwatingasangana nako. Mukutumwa kupupura Kristu uku, Pauro anotsinhira achiti haana hanya nezvipinganidzo zvaanosangana nazvo asi kuti anotsungirira kuti apedze basa rake rouchapupu nomufaro (Mabasa 20 v 24), basa raakatumwa kuita naKristu pachake (Mabasa 26 v 16-18). Mwari vanoda kuti tive zvapupu zvavo kuitira kuti vanhu vatinopupura vanzwe simba ravo, simba rinoshandura hupenyu hwavo. Vanhu vatinopupura vanofanira kunzwa runyararo norudo rwaMwari, vagamuchire kuda kwaMwari mukurarama kwavo, vaine chivimbo chokuwana upenyu husingaperi. Uyu ndiwo mubairo unowanikwa navanhu vatinopupura kana vagamuchira nokutevera nzira dzaMwari. Chinangwa chedu ndechokuti vawane uyu mubairo nokuva vana vaMwari vachichengetedza miviri yavo setembere dzaMwari.
Pauro unoti unogutsikana kana vanhu vaaanoparidza vachiwana mibairo yokutenda kuna Mwari. Anoti iye akagadzirira kuzopemberera pamusoro pemweya yakaponeswa nokuparidza kwake. Sechapupu unoti haana hanya nokurwadziwa kwake, asi unoda kuti vanhu vaponeswe, richiva ndiro basa guru raanenge agona. Kereke yanhasi haifaniri kuita hanya namavanga nokunyadziswa kwaingasangana nako mukuita basa rokuva zvapupu zvakavimbika zvaKristu; asi kuita hanya nokudzoka kwavakarasika kunzira dzoruponeso rwaMwari. Tinokwanisa chete kupemberera sezvapupu kana tine rudo navakarasika, kana vawanikwa nesu tove nomufaro, kana vana mavanga vorapwa topemberera uye tochirika kana vatadzi vatendevuka. Pauro sechapupu chakatendeka aiva norudo nehanya nenyika yaakatumwa sechapupu. Akanga asina godo nokudzoka kwavatadzi kumusha. Vazhinji vedu tinozadzwa negodo kana vanhu vakatendeukira kuna Mwari vachiuya mukereke. Tinoona sokuti vauya kuzokwikwidzana nesu zvigaro zvomukereke yatinopinda. Izvi handizvo zvaiva mufungwa dzaPauro nokuti iye waitambira vauya nemufaro mukuru.
HURUKURO
a. Tinopemberera here kana vanhu vatsva vauya zvachose kukereke kuburikidza nokupupura kwedu?
b. Tinonzwa kusununguka here kana vatendi vatsva mukereke vakaratidza kubata kukunda isu tagara tirimo?
c. Takambosangana nazvo here vatendi vatsva mukereke vachibata basa kukunda vanozviti zvidza zvepo?
d. Tingakunda sei mweya wekunzwa godo pamusoro pokuuya kwavatendi vatsva?
MUNAMATO.
Mwari Tenzi ndibatsirei ndive nohunhu hwokugona kupemberera kunyangwe kukaponeswa mweya umwe chete.

ZUVA RORUSERE
MUSORO WENYAYA: MWARI VANODA NYIKA
ZVIVERENGWA: ISAYA 4 V 29-31; JOHANE 3 V 16
Pasi pose pazara nenhau dzakashata dzakaita sohutsinye, hondo, zvirwere, kurwadzisana, kutarisirana pasi, njodzi norufu. Zvose izvi zvichiitika, vanhu vazhinji, kusanganisira maKristu, vanosara vaine mubvunzo wokuti Mwari vachiri kuvada here? Mwari vakaratidza rudo rwavo kwatiri kuburikidza nokufa kwaJesu pamuchinjikwa, ropa rake rikaerera kutiponesa isu. Munhu wose anogona kungotaura nomuromo kuti anokuda, asi Mwari vakaratidza rudo rwavo kwatiri. Mwari vanotida norudo rusina magumo. Kune vanhu vakawanda vanonzwa sokunge vakatorasika zvachose asi Mwari vanovadzosa; vamwe vanonzwa kuti vakaremerwa chose asi Mwari vanogona kuvadzorera rufaro rwavo; uye kune vakapwanyikwa asi Mwari imhizha pakubatanidza marunda akadambukanya. Vanhu vazhinji vakarasikirwa noruvheneko nezvivimbiso zvakakosha zvaMwari nokuda kwenhamo namatambudziko zvakavakomberedza. Chavasara nacho mubvunzo wokuti kana zvichinzi Mwari rudo, sei vachitendera vana vavo vavanoda kuti vatambudzike?
Kana matambudziko achiwanda muvanhu kudarika nzira dzokuapedza, vanhu vanobva vofunga kuti Mwari vavafuratira uye havachavadi. Isaya 40 v 12-31 inotsanangura zvesimba raMwari rokusika, zvokupa vanhu zvakavakwanira, uye zvokuvapo kwavo sokubatsira. Mwari vakuru uye vane masimba ose. Vane hanya nomunhu umwe neumwe, uye hapanazve chimwe chinhu kana munhu angaenzaniswa navo. Munhu kunyangwe akasimba seyi anosvika pakuneta, asi simba raMwari hariperi. Kuva netariro munaShe zvinoreva kuvimba nesimba rake rinotidzikinura pamadzudzo nenhamo dzose muupenyu. Kunyangwe zvedu vanhu tichimbokahadzika nezverudo rwaMwari kana tawirwa nezvinorema, Johane 3 v 16 inotidudzira pachena pakananga vhangeri. Rudo rwaMwari haruperi, haruna chindini, rwunosvika kumunhu wose uye ruchikwezva vose. Mwari vakatipa muenzaniso worudo kuti isu tigodananavo pachedu sokutida kwavakaita. Kana uchida munhu zvechokwadi, unogona kumupa nokumuitira zvose zvaunokwanisa kusvikira pokuzvipira upenyu hwako.
Mwari vakatiripira zvakakosha norufu rwoMwanakomana wavo, unove mutengo mukurusa wavakaita. Jesu vakatora kurangwa kwedu vakakuita kwavo, vakaripira zvivi dzedu, nokutipa upenyu hutsva hwavakativigira. Kana tichigoverana Vhangeri navamwe, rudo rwedu ngarwuve serwaKristu. Tinofanira kuzvidurura chose kuti vamwe vawadzane nesu murudo rwaMwari. Martin Luther, muGerimani akanga akadzidza nezveshoko raMwari anoti, “Dai ndirini Mwari, vanhu vachiita moyo mikukutu sezvizvi, ndingadai ndakapwanya pasi rose kuita zvidimbu-zvidimbu” Asi Mwari vanoda nyika, vakapa pose pavakanga vanapo, zvisinei nokurunduka nokutadza kwenyika. Sei Mwari vachitida zvakadero, ivo vari sezvavari, isu tiri sezvatiri? Chinhu chinonetsa kunzwisisa kuti sei vasingatifuratiri. Rudo rwavo kwatiri haruna chatingarufananidza nacho nokuti vanotida zvakadaro kunyangwe dzimwe nguva zvoupenyu zvichinge zvamirisana nesu.
HURUKURO
a. Unogona kuratidza here kuti Mwari havana kunyarara kunyange munguva dzokutambudzika?
ZVOKUFUNGA
Mumatambudziko ose, vanoramba vari Mwari uye rudo rwavo rwunogara nokusingaperi. Mbiri nokubwinya kuna Jehovha, Hareruya!

ZUVA REPFUMBAMWE
MUSORO WENYAYA: MURI CHIEDZA CHENYIKA
ZVIVERENGWA: ISAYA 49 V 6; MATEO 5 V 13-16
Savatendi tiri muenzaniso wakanaka munyika yatigere. Vatendi havafaniri kutodza nokutevera mugariro nezviito zvenyika ino. Paaifananidza vadzidzi vake nechiedza chenyika, Kristu vaireva kuti pane kuti vavige kana kuhwandisa mwenje, vanofanira kuvhenekera nyika ine rima pamwe nokudzinga rima. Chiedza chinobva kuvatendi hausiwo mwenje wavo. Mwari havasi kutarisira kuti tive mhinduro kumatambudziko apasi pano, chiedza chedu isu chadzera chechiedza chenyika chinove Jesu Kristu (Johane 9 v 5). Kana tichirarama upenyu hwedu tiri muna Jesu Kristu, vanhu vagere nesu vanoona kupenya kwaJesu kuburikidza nematiri. Vanhu venyika ino kana vachitiona vanofanira kuona Kristu, anova ndiye Chiedza. Savatendi tisu nhungamiri dzokuinda kuna Jesu.
Kana tichirarama saKristu, tinopenya sezviedza tichiratidza vamwe kuti Kristu ndiyani. Tinoviga mwenje yedu kana tichinyarara patinofanira kutaura uye kana tichingoita gudzadungwe tichitevera kunoinda nyika. Nedzimwe nguva savatendi tinorega zvivi zvichidzikatira kupenya kwemwenje yedu. Kana tichirarama tiri muzvivi, chiedza chedu hachipenyi uye tinotadzisa vamwe kuuya kuna Kristu. Tinofanira kutsanangurira vamwe nezvechiedza chedu, uye kuti chinobvepi. Kristu ndiye manyuko okururama kwedu, uye nyika inofanira kuziva mavambo oupenyu hwakarurama uye hwoutsvene. Chiedza chomutendi chinodzikira kana asina hanya nezvinoraramisawo vamwe vanhu. Mabasa edu akanaka anofanira kuonekwa navagere murima rezvivi romunyika yatinorarama; Kupenya kwechokwadi kwechiedza chenyika chiri matiri kobva kwakwezvera vanhu vose kuna Kristu.
Kana tichirarama upenyu hwedu sedzidziso yemharidzo yaJesu pagomo, tiri kusvitsa chiedza kuna vamwe. Kana vanhu vaMwari, varume namadzimai, vachimiririra chokwadi, vamwe vanokurudzirwavo kusimuka vachirwisana nerima. Mukukura muna Kristu zuva nezuva tichitevera gwara rake nhanho nenhanho, tinobatira pamwe naye kuparidza Vhangeri. Kana chiedza chavapo rima rinotiza, vanhu vokwanisa kuona zvavanoita. Savamiririri vaKristu panyika, tinopenya kunyangwe isu tisingazvivoni. Vanhu vanoona mabasa edu akanaka anova akafanana nokupenya kwechiedza, vopa mbiri kuna Mwari. Mwenje uri mumaKristu unopenya kuitira kuti vatadzi vauvone, vasiye mabasa ose akaipa vatevere Kristu.
HURUKURO
a. Ungagoverana seyi rutendo rwako navamwe zvisinei nezvaari kusangana nazvo?
ZVOKUFUNGA
Ndinopenya here? Tenzi ndibatsirei ndibatire kudzitsi rechiedza.

ZUVA REGUMI
MUSORO WENYAYA: MINAMATO INOZARURA MISUWO YOHUSHUMIRI
ZVIVERENGWA: VAKOROSE 4 V 2-4; 2 VATESARONIKA 3 V 1-2
Hushumiri hwekereke hunoreva kuenda kwekereke kose kose kune vanhu vaMwari. Mukuenda neVhangeri kuvanhu, vanofamba naro vanosangana nokurambwa nokupikiswa, saka vanoda simba rokumira vakasimba vasingatsukunuki. Tinoshumira Mwari wamakonhi akazaruka, saka pavanozarura hapana wakaipa unokwanisa kupapfiga. Kuburikidza nomunamato, tinokumbira Mwari kuti vatichengete nokutipa simba mubasa rohushumiri; munamato unobvisa kutya kune avo vanonosangana navanhu vakasiyana-siyana. Munamato unopfavisa moyo, uye unounza kuzvioongorora kuitira kuti umambo hwaShe huonekwe navanhu vomunharaunda dzatinoshandira. Kuzarurwa kwamasuvo kunopfuura kungogamuchirwa mumisha nomumapoka avanhu, moyo yavanhu inofanira kuzarurwavo. Kuzarurwa kwemisuwo yohushumiri hakufaniri kutorwa sedambe sezvambotaurwa, asi vashumiri nedzimwe nguva vanosangana nezvakaoma, pamwe pacho vanhu vanoramba kugamuchira nhau dzakanaka dzeruponiso.
Kunze kwekuoma kwezvimwe zveupenyu, kune kudziviswa nemweya yerima isingaonekwi nemeso enyama. Chombo chedu chikuru munamato kuti Mwari vatichengete nokutipa simba. Pauro unokumbira kunyengetererwa paanoparidza nhau dzakanaka dzaKristu, uye nesuvo tinokwanisa kukumbira minamato kuti tikwanise kuita zvimwe chete. Nzira dzose dzatinoshandisa dzokuparidza Vhangeri, kungava kutsikirira zvamararamiro, kana kuvaka ukama, hadzifaniri kudzikatira shoko reVhangeri. Kereke yanhasi inofanira kunyengeterera kupiwa simba rokukunda kutya, nenyadzi dzokukundikana, nokudzinga mweya yose ingadzivisa kuparidzwa kweshoko. Zvipingaidzo zvinofanira kubviswa kuti shoko raMwari ripararire nokukurumidza uye zvakasununguka. Kumira zvakasimba mumweya kwakakosha kuna vanoparidza Nhau Dzakanaka nokuti ushingi uhu ndo hunokonzera kuzarurwa kwemoyo.
Tinofanira kunyengeterera mweya wekusindimara wakazara mubindu reushumiri. Misuvo yeushumiri inozaruka bedzi kana vanonoparidza Nhau Dzakanaka vakava nesimba reushingi kunyangwe zvikada kuratidzika sokuti hushumiri hwakundikana kubereka zvibereko. Kushingirira kunobatsira kuzarura misuvo, saka kereke inofanira kunamata kuti igone kuva neushingi. Kereke ngainyengetere kuti Mwari vadzikinure vanoparidzirwa Vhangeri vabve muupofu hwomweya vapinde muchiedza cheNhau Dzakanaka. Kuwedzera pakunyengeterera kuti moyo yavanonzwa Vhangeri ipfaviswe nokugamuchira shoko, Kereke ngainamatirewo kuparadzwa kwezvose zvingapiringisha vanhu kuti vatevere Jesu. Zvipingaidzo zvingakonesa kugamuchirwa kweVhangeri zvinosanganisira zvepauzima, mhuri, kana zvemagariro. Moyo yavakarashika, moyo isingatirimuki kuVhangeri inogona kushandurwa neshoko raMwari, kuburikidza neminamato.
HURUKURO
a. Tingavandudze seyi ushumiri hwedu kuti misuvo izarurwe?
ZVOKUFUNGA
Kana Mwari vazarura musuvo, ndiyani angauvhara? Chokwadi hapana. Mwari ndiyamureyi ndivone misuvo yakavhurika nguva dzose.

ZUVA REGUMI NERIMWE
MUSORO WENYAYA: KUNZWISISANA NEDZINZA IDZVA MUNGUVA YAKAITA SEINO.
ZVIVERENGWA : JOHANI 4 V 1-26; JEREMIAH 1 V 7-8
Nhau dzeruponiso dzinofanira kuve dzomunhu wose nokuzvizvarwa zvose kundudzi dzose. Murwendo rwechiKristu rwatinofamba kunowanikwa mukaha pakati pevaKristu vakuru navadiki, zvimwe zvacho zvichigona kukonzeresa kusanzwisisana munhau dzerutendo.
Vanhu vechikuru vanopomera mhosva kune vechidiki vachiti vounza tsika nenzira dzechimanjemanje vachiedza kutsikirira tsika nemagariro ekare mukereke. Vechidiki vane nzira dzavo dzavanoda kuti kereke yanhasi irarame mazviri, semuenzaniso, vanofarira nziyo dzechizvinozvino kuti dziimbwe mukereke, kubvisa nziyo dzagara dzichiimbwa dzirimo mumabhuku enziyo dzemukore wekare. kunyange kutaura chaiko vanofarira kamutauriro kechizvinozvino kavanonzwanana ivo pachavo.
Makristu edzinza ranhasi vakaisa mabhaibheri nenziyo dzavo mumambozhanhare. Zvese izvozvo vezera revechikuru havazvidi asi vechidiki ndozvinovaitira, uye vanofanirawo kunge vachisvikirwa nenhau dzakanaka dzeVhangeri vari zvavari Izvozvo.
Mushure mokunge Humambo hwenyika yokukumusoro neguta rayo guru reSamariya zvapambwa navaAsiriya, vaJudha vazhinji vakatorwa ndokuendeswa kuAsiriya, kukabva kwaunza vatorwa kuzochengetedza nyika norunyararo (2 Madzimambo 17 V 24). Kuroorana kwavatorwa navaJudha vaivemo kwakabva kwaunza rudzi rwomusanganiswa, zvakaonekwa sezvisina kururama namaJudha aive muHumambo hwenyika yekuzasi. Nekuda kwaizvozvo maJudha chaiwo akavenga rudzi rwemusanganiswa urwu rwainzi vaSamariya nokuti vakaona sokuti vamwe vavo vechiJudha vaive vapandukira rudzi nenyika yavo vachiita chisionekwi chokuroora vanhu verumwe rudzi.
Panguva iyi vaSamariya vainge vatozvigadzirira shongwe yokunamatira Mwari wavo mugomo reGerazimo (Johane 4:20) VaJudha vakaedza nepavaigona napo pese kusapfuura nemuguta reSamariya asi Jesu Kristu haana kutevedzera tsika dzaive idzodzo. Haana kuda kutevedzera makakatanwa aive aripo pamazuva iwayo asi wakatarisana bedzi nekushandura hupenyu hwavanhu kuti vararame zviri maringe nezvinofadza Mwari. Mukadzi muSamariya waakasangana naye patsime chaive chifeve asi Jesu haana kutarisa izvozvo. Wakacherechedza zvaaifanirra kuzove mukadzi uyu mune ramangwana rake, akaona rakajeka. Namaitiro iwayo wakabva apa dzidziso huru kuvadzidzi vake pamusoro pemibvunzo yavainge vainayo pamusoro petsika nemagariro echiJudha uye pamusoro pehunhu hwechifeve.
Kana kereke ikava nevechidiki panofanira kuratidzwa chimiro chokunzwisisana pane kuita masimuka tienzane. Jesu ari kutidaidza kubata nokushandura hupenyu hweavo vatisingatenderani navo papfungwa dzedu; kereke inofanira kutarisa vechidiki savanhu vano mukana wokuva maKristu echokwadi. Pakaitika hurukuro pakati paJesu nomukadzi muSamariya zvizhinji zvakapinda mugwara. Tinonamata tiri mukereke here kana kuti mugomo (Johane 4 v 22) Kereke yanhasi inofanira kuedza nepaanogona napo kuzadzisa zvido zvevechidiki. Inofanira kuvagamuchira vechidiki nekuvaunza kuna Jesu. Jesu haana kushora mukadzi muSamariya nokuva chifeve asi chinangwa chake chakave chokuti mukadzi uyu ave munhu kwaye. Vechidiki vane pfungwa dzinopinza kudarika vechikuru, nokudaro havafaniri kuraswa asi vanoda kudzidziswa rudo rwaKristu. Jesu nderwevanhu vose nendudzi dzose.
NHAURIRANO
a. Samaonero ako, kereke iri kusvika kune vechidiki here mudzidziso dzayo?
b. Ko ivo vechidiki vakagadzirira kugamuchira Jesu somuponesi wavo, uyezve nekubvuma kushandura hupenyu hwavo here?
ZVOKUFUNGA
Jesu anoda munhu wese. Ko ini ndinoshorereiko vamwe nokuda kwemazero avo? Ndibatsireyi Mwari ndigone kuona munhu wese semudziyo unokosha muimba yenyu.

ZUVA REGUMI NAMAVIRI
MUSORO WENYAYA: SINGWISINGWI YESHUMIRO
ZVIVERENGWA : 1 VAKORINDE 6 V 9; JEREMIYA 20 V 9
Rudo rwaMwari weshumiro rwunoonekwa nababa nokupa Mwanakomana wavo oga achirarama somunhu, Mwanakomana achipa hupenyu hwake kuve chibairo, achiguma nokufira vanhu vose pamuchinjikwa (Johane 3 v16; Varoma 8 v 32.) Chii chinotuma muKristu wanhasi kundotsvaga chakarasika? Hushumiri hwaMwari huri muhurongwa hwavo hwekuratidza marudzi ose nendimi nenyika dzose kuti dzione kubwinya kwavo nenyasha dzavo. Avo vanofamba nevhangeri yaJesu vanofanira kuzvipira kunyangwe nemiviri yavo, zvese nezvavainazvo kuti humambo kwaMwari
Kudaidzirwa kundoshumira kumarudzi ose nekunyika dzose zvakataurwa naJesu pachake pana Mateo 28 v 18-20. Saka kunyangwe vaKristu ava vakarambwa nokusangana namatambudziko mubindu raMwari, vanofanira kupfuurira mberi nekushumira nokuti vanenge vatumwa naiye muridzi webasa. Iko kungotumwa bedzi saiyo kusvudziro yohushumiri hakuna kukwana. Chinhu chakaisvonaka kwazvo kuti kereke iratidze rudo kuvatadzi neavo vakarasika pane kungofamba nevanhu vashumirwa vhangeri chete. Kereke inofanira kuziva kuti ruzhinji rwavanhu harusati rwagamuchira ruponeso, uyezve kuti rwunofanirwa kudzidziswa pamusoro perudo rwaKristu. Kana tikaverenga bhaibhiri nemaziso emweya muna Kristu, zvinosunda kereke nedungamunhu kunzwisiswa kuita rudo rwaMwari kunyangwe kune avo vasingatendi. Hushumiri hwakanaka hunoumba rudo kumuvakidzani. Kana vaKristu vakava nerudo rwaMwari muna Jesu vanopupura nokuita basa raMwari nekuzvideredza, vachirwadziwa uye nesimba rakaperera. Jesu wakapfuurira mberi nebasa rehushumiri panyika nokuti waive norudo kuna Baba.
Hongu kereke inofanira kukura asi vaKristu havafaniri kungotarisa bedzi kukura nekubudirira kwekereke, nokuti hausi iwo mucherechedzo wekereke yechokwadi. Kereke inofanira kushushikana nomugumo waavo vakarasika, yovatsvaga nokuti vakasaziva Mwari kubudikidza nesu zvirokwazvo tichatongwa (Ezekieri 33). Moyo wemuKristu unofanira kunzwa kutsva kana achifunga nezveavo vakarasika vasingazivi rudo rwaMwari. Izvi ndizvo zvinotidzidzisa kuti vhangeri ibasa remunhu wese panyika.
Chidokwadokwa chekushumira ngachisundwe nezvinoda kugadziriswa muvanhu nokusaenzanisa kurimo munyika dzose kunosanganisa kutapwa kwevanhu, nzara, kushaya zvekudya zvakanaka zvine hutano, pamwe ndokushaya mikana yokudzidza.
NHAURIRANO
Ndedzipi dzimwe singwisingwi dzeushumiri dzatingafunge?

ZUVA REGUMI NAMATATU
MUSORO WENYAYA: HUMAMBO HWENYU NGAHUUYE
CHIVERENGWA : MATEO 6 V 9 —15
Nyaya yohumambo hwaMwari ndiyo imwe yemifananidzo yaishandiswa naJesu mudzidziso dzake zhinji. Vadzidzi vake izvi vakazvinzwisisa mashoko anoti “Humambo hwenyu ngahuuye” anowanikwa mumuteuro walshe uyu unove ndiwo wakapiwa kuvadzidzi naJesu pavakakumbira kudzidziswa kunamata. Haisi nhau bedzi yekuti vatarisire kuuya kwehumambo mune ramangwana, asi kuti vadzidzi neruzhinji rwese rwavanhu vaone kukura kwehumambo hwaMwari pari zvino, mumazuva ose anouya, pasi rose nekundudzi dzose.
Kana tichiti “Humambo hwenyu ngahuuye” tiri kumira pamukaha tichikumbira kuponeswa kwemweya yavanhu. Zvinobva zvaita sokunge vaKristu vari kukumbira Mwari kuti vazarure moyo yavadikani vavo, yeshamwari yavashandidzani, pamwe nevavakidzani kuti vagamuchire chipo chokuponeswa muna Jesu Kristu.
Ruzhinji rwavanhu rwuri kusangana namadzudzo namatambudziko mazhinji muhupenyu nechikonzero chokuti havana kugamuchira hurongwa hwaMwari hwokuti Jesu ndiye muvambi nemukwanisi wokutenda kwedu. Kutadza kugamuchira Jesu semuponisi kwabva kwakonzeresa hondo pakati pevanhu zvimwe kushaikwa kwemikana yakaenzana, nezvimwe zvinetsva zvakawanda- wanda. Humambo hwaMwari hwakanakisa, hune tsiye nyoro, hwakazara uchenjeri uye hunoponesa nokutambura kunoita avo vanoramba kugamuchira hurongwa hwaMwari hweruponiso. Kuda kwaMwari ndekwekuti munhu wese aponeswe kuti kunyangwe avo vari muwanano vagarisane murunyararo. Shoko iri nderazvokwadi rokuti vanhu vakoke hurongwa hwaMwari avo vane simba muzviitiko zveupenyu hwavanhu. SamaKristu, tinofanira kukoka humambo hwaMwari muhupenyu hwedu uye kusununguka kwazvo kuita kuda kwaMwari. Tinofanira kukumbira rubatsiro kubva kuna Mwari kuti tive nerutendo uyezve nekutenduka kuti zvirokwazvo tive vaKristu vazvokwadi. Tinoparidza humambo hwaMwari, kwete neshoko bedzi asi namabasa nehunhu hwedu.
Saka kereke ine musenzekete mukuru wekunamatira kuti kuda kwaMwari kurarama pasi rose, uye kurarama nehutsvene kuratidza kuti huvepo hwaMwari huripo panyika. Patinonamata kuti humambo hwaMwari huvepo panyika tinenge tichikumbira Mwari kuti varape marwadzo atinosangana nawo panyika, nokugadzirisa makakatanwa anowanikwa pasi rino, vounza rudo pakati pevanhu, kutonga kwakwaenzana, rugare pamwe nebudiriro kumunhu wese panyika pano. Tinenge tichinamatira zvinhu zvose zviri munyika zvisina kurapika kuti zvive zvakaringana, tichikumbira Mwari kuti vasunungure nyika kubva kuzvitadzo nezvakaipa zvose, uye kuchenesa nyika yose.
Humambo hwaMwari hunoramba huchikura kana vanhu vagamuchira Jesu seMuponisi wavo. Chishuwo chomunhu wose kuti nyika inge ichitongwa muhumambo hwaMwari, hunova ndihwo hunounza zvinhu zvakanaka. Patinonamata kuti humambo hwaMwari huuye tinenge tichida kuona munhu wese achiponeswa, vachiwadzana nevamwe nerukudzo, nerudo, munyika isina hutsinye nemakakatanwa.
NHAURIRANO
a. Ndezvipi zvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika zvinoratidza kuti humambo hwaMwari hausati hwave pano?
b. Zvii zvatingaite samaKristu uye sedungamunhu kuti tiverengwewo muhumambo hwaMwari?

ZUVA REGUMI NAMANA
MUSORO WENYAYA: KUPEMBERERA KUBWINYA KWAMWARI
ZVIVERENGWA: MAPISAREMA 24 V 7; MAPISAREMA 145 V 11; 1 SAMERE 2 V 8a
Chinangwa chikuru chevanhu panyika ndechokuti mwari, kuvapa mbiri uye kuratidza kubwinya kwavo panyika. Izwi rekuti “Kubwinya” rinoreva kuti kugona kuziva munhu sezvaari chaizvo. Kubwinya kwaMwari kunoreva kuwanda kwehupfumi hwavo, rukudzo noruremekedzo, hunaku hwavo, kutsvinda uyezve nokunaka kunobva pahunhu hwavo. Kubwinya kunobudisa pachena zvese zviri Mwari, zvese zviri munyika nekuzara kwayo, kukosha kwehunhu hwavo, kukosha kwembiri yavo nezvose zviri muhuMwari hwavo. Kubwinya kunosanganisa kunaka, huchenjeri humambo, kukosha, mbiri nokushamisa kusingaenzaniswe. Makarekare pasi pasati parohwa nenyundo, vanhu pavaikomberedzwa nokubwinya kwaMwari vaiwira pasi nezviso zvavo votanga kunamata nekurumbudza Mwari murudo (1 Madzimambo 8:10-1). Mubvunzo unobva wati, zvino ndiyani mambo wokubwinya kwauri? Ndiyani chaizvo pakati pezvinhu zvinokutambudza muhupenyu hwako, mumhuri munhau dzehutano nemumatambudziko enyika inongopidiguka?
Hannah chaiye wakapembera kubwinya kwaMwari apo Mwari vakamurangarira paakabereka mwana mukomana mushure mekurarama nguva ndefu asina mbereko. Anocherechedza hupenyu hwake paainge asati ave nomwana, wozvifananidza nemudzimai murombo. Patiri kupemberera kubwinya kwaMwari muhupenyu hwedu tinofanira kutanga kufunga zvakanyanya zvatakambenge tiri Mwari vasati vatirangarira. Hannah paanopemberera unocherechedza hupenyu hwake paaive asati ave nomwana wozvifananidza nemudzimai murombo. Munhu murombo ndeuya unopemha zvekurara muguruva asi Mwari ndiMwari vanosimudza marombe kubva muguruva. Patiri kupemberera kubwinya kwaMwari muhupenyu hwedu tinofanira kutanga kufunga zvakanyanya zvatakambenge tiri Mwari vasati vatirangarira. Hannah paanopemberera kubwinya kwaMwari muhupenyu hwake anorangarira kusvitsa kwaaiitwa somudzimai wechipiri pabarika. Paanopemberera anodzosera mbiri yekubwinya kwaMwari kuna Jehovha nokuti anonzwisisa zvakanyanya kuti deno anga asiri Jehovha angadai asina kubuda mudambudziko raaive anaro. Vazhinji vedu nhasi takaponeswa nenyasha dzekubwinya kwaMwari saka patinopemberera tinofanira kuziva kuti tiri zvatiri nhasi nekuda kwenyasha.
Ngatipemberere kubwinya kwaJesu kusangana nokubwinya kwaMwari kunosanganisira hukuru hweumambo hwake husingaenzaniswe mukati mehupenyu hwedu. Patinoona hukuru hwavo hatifaniri kuramba tinyerere asi kupemberera nokufara VaIsraeri vaiimba nziyo dzekurumbidza, vakanyora Mapisarema nenhetembo vachikudza zita raJehovha nokubwinya kwavo. Pose pavaikunda muhondo, kana kungoona nyika nekuzara kwayo, vairumbidza Mwari. Musenzekete wemuKristu wese kufara nekurumbidza kubwinya kwaMwari mazuva ose ehupenyu hwake. Kupemberera kubwinya kwaJehovah kunosanganasira kuziva kuti Jehovah ndiJehovah wamasimba ose zvokuti pasina iye hatisi chinhu panyika.
Kunaka kwaMwari hakuna rusarura kunokwana pose. Kurumbidza nokupemberera kunaka kwavo kunobvisa pfungwa dzedu kumadzudzo enyika ino tichishamiswa nokunaka nenyasha dzaMwari worudo dzisingaperi.
NHAURIRANO
a. Ndedzipi nguva kana kuti ndapapi patinofanira kupemberera kubwinya kwaMwari?

ZUVA REGUMI NAMASHANU
MUSORO WENYAYA : MUVAKIDZANI WAKO NDIYANI?
ZVIVERENGWA : ZVIREVO 2 V 28; MARIKO 12 V 28-34
VaKristu vazhinji vanogarotaura pamusoro pokukosha kokuita rudo kuna mwari nokuna vamwe vanhu, zvinove zvakanaka nokuti kunyange naJesu pachake wakati ndiyo mitemo mikuru (Mariko 12 v 28-34). Nhau yokuda muvakidzani wako inhau inogarotaurwa kuti ida wekwako sekuzvida kwaunozviita iwe. Saka mibvunzo ungabvunzwa apa ndeunoti, “Muvakidzani wako ndiyani?” VaJudha mumazuva aJesu vainzwisisa kwazvo kuti muvakidzani wavo waive muIsrareiri. Mwari vane kunzwisisa kukuru kwazvo pamusoro penhau muvakidzani kudarika manzwisisiro edu isu vanhu. Jesu anoti muvakidzani wedu ndeuya ari pedyo nesu watinogoverana naye rudo rwaMwari. Vadikani hatifaniri bedzi kuda uyo ari pedyo nesu kana uyo anotiitira zvakanaka asi tinofanira kuda munhu wese pasina rusaruro.
Kuda muvakidzani wako zvinoreva kucherechedza zvaanoda zvose panyama nepamweya. Tinofanira kuda muvakidzani wedu sezvakaita muSamariya wakanaka mumufananidzo wakapihwa naJesu, tichivaitira tsitsi nokuvabatsira sokugona kwedu. Tinoda vavakidzani vedu kunyangwe vaye vanoita savavengi vedu, tovaratidza rudo rwaMwari. Tinoda vavakidzani vedu kuburikidza nokufashukira korudo ratakaitwa isu naMwari. Kuda muvakidzani wako sekuzvida kwaunozviita iwe kunosanganisira kugoverana nevarombo nevatorwa nemoyo wehuMwari, nokutendeka, nekutongera zvakaenzana muhukama nevamwe uye kunzwirana tsitsi. Tinofanira kusapinda mumapoka emakuhwa, kusawanikwa panoitwa zvemapopoto, kusaita madaka nevamwe, kusapinza hupenyu hwavamwe mumatambudziko uye kusava nenhongwa nevamwe vanhu. Mubhuku raZvirevo 3 v 28 tinodzidziswa kuti muvakidzani wako anoda rubatsiro anofanira kubatsirwa nechimbichimbi.
Kuda muvakidzani sekuzvida kwaunozviita zvinoreva kuti tinofanira kuziva munhu wacho topedza nguva yedu tiinaye, tichivavarira kumunzwisisa zvaanoda chaizvo. Zvakagarawo hazvo hatigoni kuve nehanya noumwe munhu kunze kokunge tazvipira kumunzwisisa nokumubata sezvatakaitwa isu naShe. Rudo rwedu kumuvakidzani harufaniri kuva nemiganhu sekunyorwa kwazvakaitwa nemunyori ane mukurumbira anonzi iye H.W. Hunter paanoti ‘Tinofanira kurangarira chinhu ichi kuti kunyangwe tichiita shamwari zhinji, Jehovah vakatigadzirira muvakidzani kose kose. Rudo harufaniri kuva nemiganhu, hatifaniri kuva nerudo rwekumanikidzira “VaKristu vanofanira kuparidza rudo rwaKristu kana vachinge vatambanudza rudo rwavo kumuvakidzani. izvozvo zvinonyanyisa kuva nesimba pane kungotaura shoko nomuromo kubva pachikomo mukereke, zvekare zvinotendeutsira vazhinji kuna Kristu. Ngativavarirei kuita zvakanaka kunyanya kubatsira muvakidzani anoshaisha; vanoona nyasha dzaMwari mukubata kwedu kana tikavaratidza rudo rwedu.
NHAURIRANO
a. Ko kereke iri kupa zvikwanisiro here kubatsira muvakidzani anoshaiwa.
ZVOKUFUNGA
Ko ini sedungamunhu ndine wanguwo muvakidzani wandiri kubatsira here?

ZUVA REGUMI NAMATANHATU
MUSORO WENYAYA: KUSHANDURA NYIKA KUIITA IRI NANI
ZVIVERENGWA: 1 PETRO 4 V10; VAHEBERU 13 V 16
VaKristu vanodaidzirwa kuunza shanduko huru kwazvo kuhupenyu hwavanhu vavanowadzana navo, nekuedza kushandura hupenyu namagariro avanhu kuti zvive nani. Duramanzwi rinonzi The Merriam- Webster Dictionary rinodudzira nhau yekuunza shanduko sokukoshesa zvinhu neimwe nzira, kuita chimwe chinhu chinokosha, kuita chimwe chinhu chinobatsira hupenyu hwavanhu, kana kuti kushandura pasi rose kuti ive nzvimbo iri nani inogarika. saka kubva padudziro iyoyi wapihwa, chinangwa chemukristu wese chinofanira kuva chokushandira magariro evanhu nezvakavakomberedza, iye pachake achirarama nokutaura somuenzaniso. Rutendo rwavaKristu rwunopararira munyika nokubatsira hupenyu hwavanhu kuburikidza nokupa gwara kumunhu wese ari panyika. VaKristu vanofarira kurarama nenzira yokuti asina rutendo vaone mabasa avo akanaka netsika, vaone mutsauko uripo pakati pedu navo. Kana isu vaKristu tikatadza kugara, kufunga nokuita zvakanaka seavo vasingazive Kristu tinenge tichitadza. VaKristu havafaniri kunyura mune zvinokosheswa nenyika kana kudzinganisana nemufaro yenyika kana vachida kuishandura.
Mwari vakapa muKristu woga woga zvipo zvinoenderena naye kuti zvibatsire vanhu vari munyika. Petro unoti muKristu woga woga anofanira kushandisa chipo chaakapihwa naShe kubatsira vamwe. Kune vamwe vanotoziva kuti vane zvipo asi havagoni kugoverana navamwe. Vamwe ndivo vanozvitarisira pasi vachiti panda havazvigoni. nokuda kwaizvozvo Petro anobva adzidzisa mapoka ose kuti munhu woga woga anofanira kuziva chipo kana uti tarenda rake worishandisa kubatsira vamwe kwete kuzvibatsira iye pachake oga. Zvipo namatarenda atinopihwa na Mwari haazi okuti tishandise toga tichinyima vamwe, asi kuti tizvishandise kuti hukuru hwaKristu hugoonekwa. Zvipo zvedu zvakasiyana siyana zvichienderana nokupihwa kwatinoitwa naMwari, zvekare tinodzidziswa kuti tinofanira kuzvishandisa maringe nokupihwa kwatakita. Kutaura kwaPauro kuna 1 Petro 4 v 10 kwakabatsira kuti maKristu ekereke yokutanga, sedungamunhu uye segurumwandira, vararame nenzira yaiita kuti mbiri yaMwari ionekwe.
Munyori wetsamba yavaHebheru anotaurira kuvateereri vake kuti kuzvipira kwerumbidzo nomuromo chete hazvina kukwana (VaHeberu 13 v15). Tinofanira kuita zvakanaka uye kufambisa nekugoverana nyasha dzaMwari. Munyori uyu anocherechedzawo imwe mhando yekuzvipira kwakaperera, kuzvipira kokupa uko kunofanira kuenderera mberi kunyange nekuvavengi vedu, kushamwari, kuhama nokuvarombo. Munyori anotaurira vatenderi kuti havafaniri “kukanganwa”, kuratidza kuti inzira yokupa inokosha. Kana vaKristu vagona kubatsira nekupa kuvana vaMwari, Mwari vanofadzwa nazvo. Kuita kwakadai kunounza shanduko muhupenyu hwavanhu. Kune vabereki, kutaura kuno, vari kukundikana kubhadhara vana vavo vanogona chikuru, saka muKristu akagona kubhadhara mwana iyeyu mari wechikoro zvinoumba shanduko kumhuri iyoyo zvese nokunharaunda. Vanhu vazhinji vari kuziya nenzara, naizvozvo vane tarisiro yekubatsirwa neavo vanazvo, saka kana vatendi vakagona kubatsira pakadai zvinobva zvashandura nyika. Simba rekuunza shanduko riri mumaoko evanotenda.
NHAURIRANO
a. Nemhaka yei zvichikosha kuunza shanduko muhupenyu hwoumwe munhu?

ZUVA REGUMI NAMANOMWE
MUSORO WENYAYA : KUSVIKA KUNE VAKARASIKA
CHIVERENGWA : VAROMA 10 V 13-14
Hushumiri kushandira Mwari. Patinoparidza vhangeri kundudzi dzose, tinenge tichibatsira kuparadzira humambo hwaMwari. Vadzidzi vaJesu pavakamubvunza pamusoro penguva yokuguma, wakati kwavari vhangeri rinofanira kutanga kuparidzwa sechapupu kunyika dzose (Mateo 24 v14.) Inzwi rekuti “rudzi – Nation” rakakweretwa kune rechiGiriki rinonzi “Ethnos,” rinoreva vanhu vendudzi ne mitauro, zvisingatarisi kuti vanogara kunzvimbo dzipi. Vanhu vazhinji vane chivimbo chokuti kubudikidza nemichina yechizvinozvino pamwe chete nohushumiri hwamaMishinari, vanhu vakawana mukana wekunzwa vhangeri. Tine hurombo kutaura kuti hapazipo pane nyaya. Vanhu vanogona kubvunza kuti sei tichitaurira vari kure iko kune mabhaibheri anopihwa vanhu, zvekare mazuva ano kwazara masaisai nemharidzo dzemumhepo dziri kushandiswa kupararira kwevhangeri. Nyika dzatinofanira Kuparidzira ndedziya dzakarashika dzinoda nyasha dzaMwari, idzo dzinofanira kusvikira kuruzhinji rwevanhu kubudikidza neavo vanodaidzwa kuparidza vhangeri zuva nezuva. Shoko raMwari rinofanira kusvikira vose vasingatendi neavo vakarashika kuitira kuti Mwari vagogara muhana dzavo.
VaKristu vanotambura kusvitsa vhangeri kuvavakidzani neavo vagere munharaunda dzavo. chavo vanongopfuurira mberi nehurongwa hwemakereke avo vachikundikana kuvhangera avo vakavakomberedza vasingasvikirwi nekereke. Vamwe vavo vanogona kuva vakambonzwa nezvaJesu achitaurwa asi vasingazivi kuti Jesu wacho ndeupi zvamazvirokwazvo, uye kuti anomboita nezvei. Zvekare kune vamwe vanhu vasati vamboona vatenderi nekuda kwenzvimbo dzavanogara dzisina kereke zvachose. Vazhinji havana kana mukana wekusiyana netsika nemagariro avakajaira nemitauro yavo. Zvakare kune vanhu vazhinji vakanzwa vhangeri richiparidzwa asi havana kuwana mukana wekukura mukutenda kwavo nomuruzivo rwaKristu.
Tinofanira kuparidza nhau dzeruponiso kune vamwe kuti vanonzwa vhangeri raKristu. Mupostori Pauro anobvunza gungano raaiparidzira kuti vadikanwi nevavakidzani vavo vaizonzwa sei nhau dzakanaka dzeruponiso kana ivo vasina kuenda naro. Apa waireva kuti hakuna kuva nerutendo muna Jesu kana usina kumbonzwa nezvake, uye hapana kunzwa kana pasina kuparidzirwa. Pauro anosimbisa kuti ruponiso rwunowonekwa bedzi kuna vose avo vanodaira kuzita raJehovha mundima 13. Nekudaro vanhu havagoni kudaidza zita raJehovha kana vasingatendi maari. Vanhu havagoni kutenda kuti kuna Mwari kana pasina anovaparidzira nezvaJesu, nevhangeri racho harigoni kunzwikwa kusvikira umwe munhu ariparidza. Regai kurasiswa neshoko nokuti ruzhinji rwunongofunga bedzi zvavanhu vana madhigiri ekudzidza zveshoko (Theology), kana kuti vanomira pachikomo mukereke vachishamatata kuvatendi. Inzwi iri rinongovera kuti uyo anoparidza nhau dzakanaka dzeruponiso anoriita kuti ripararire kwose –kwose. Zvinongoda chero munhu hazvinei nematsamba ekudzidza asi kuti zvinofanira kubva pasi-pasi pemoyo. Tese tinogona kuparidzira nyika ikapona nokuti tiri vamiririri vaJesu
NHAURIRANO
a. Zvii zvingagona kudzivaidza kupararira kweshoko?
b. Ko tingazvikunda sei zvibingaidzo izvi?

ZUVA REGUMI NAMASERE
MUSORO WENYAYA: MUVIRI MUMWE, MITEZO MIZHINJI
CHIVERENGWA: 1 VAKORINDE 12: 12-27
Mupostori Pauro unofananidza Jesu nomuviri umwe une mitezo mizhinji. Nokuda kwaizvozvo ungava muJudha kana muhedheni, muranda kana wakasununguka, takabhabhatidzwa mumuviri mumwe womweya. Mitezo iyi ine mashandiro akasiyana siyana asi zvakadaro inofanira kushandira pamwe. Mukereke mune ndudzi nendudzi dzavanhu dzakasiyanawo zvekare asi zvipo nemikana zvavanazvo hazvifaniri kuvapatsanura sezvaive zvoita kereke yeKorinde. Vatendi vose vane chinangwa chimwe chete chekutarisira kuva nerutendo muna Jesu Kristu, saka kereke inobatanidzwa muzvokwadi yaKristu. Hatigoni kurasikirwa nehunhu hwedu asi tiri vakundi nekupfuurisa muna Jesu semhuri yokutenda muna Mwari, tine zvido nezvipo zvakasiyana siyana asi tiine chinangwa chimwe chete. Panzvimbo pekuti tiite sokunge tinoita makwikwi pachedu, ngatishadisei matarenda iwayo kuparidza nhau dzakanaka dzeruponeso.
Mupostori Pauro unoshandisa muenzaniso womuviri kuedza kuburitsa pachena kukosha kwakaita nhengo yekereke imwe neimwe, kuti mutezo mumwe chete ukabviswa muviri wose unoshaiwa basa. Kufunga kuti chipo chako chinokosha kupfuura vamwe vose mucherehedzo wokufa pamweya. Hatifaniri kutarisira vamwe pasi kana kuitira shanje avo vane zvipo zvavo zvakanaka. Tinofanira kushandisa zvipo zvedu zvatakapihwa naMwari tichikurudzira vamwe kuti vashandisewo zvavo sekupihwa kwavakaitwa. Kuva mutendi zvinogoreva kuti uri wenyika yose hakuna chinonzi ichi chiKristu ndechanhingi kana kuti chakavanzika. Hatifaniri kumira kufara semhuri muna Mwari, tingwarire kuzvitutumadza nezvipo zvatakapihwa naJehovha mukereke, zvakare tirege kunyima vamwe zvatinazvo. Munhu wese ane zvaanogona saka izvozvo tinofanira kuzvishandisa muimba yaMwari.
Semuviri mumwe, kereke yaMwari ine mitezo mizhinji inoshanda mabasa akasiyana – siyana. Muviri unodawo mitezo kuti ishande zvakanaka. Tinofanira kukudzana nekuremekedzana nokukosha kwose kwatiinako muimba yaMwari. Kuti basa raMwari rifambe zvakanaka zvinoda kuti munhu wese ange ane chaanoita senhengo yekereke yaJesu. Magwaro anokurudzira kushandira pamwe kuti hukuru hwaMwari huonekwe panyika. Sedungamunhu muimba naMwari tinofanira kusimudzirana pane kuti tiite sokunge tinoita makwikwi. Muviri ndoumwe uye ndiwo unobatanidza mitezo yose yomuviri. VaKristu vanofanira kudanana somuviri mumwe vachibatsirana nekusimudzirana. Kana tikadanana nekuratidzana hanya semaKristu tinovaka kereke yakasimba, zvinogona kuzoyemurwa nenyika yose
NHAURIRANO
a. Zvii zvatinowana pakukoshesa zvipo nematarenda oumwe noumwe muimba yaMwari?
ZVOKUFUNGA
Ini ndine chipo; uyo ane chipo. Pamwe chete nezvipo zvedu tinovaka muviri wakaimba waKristu.

ZUVA REGUMI NAMAPFUMBAMWE
MUSORO WENYAYA : HUSHUMIRI – HUNOBVA KUTSI KOMOYO
ZVIVERENGWA: 2 VAKORINDE 25 V 2; 1 VAKORINDE 9 V: 16
Mission work is an extension of God’s love for the world through the Church the people, following the example of Christ. Hushumiri kutambanuka kwerudo rwaMwari kunyika kuburikidza navanhu vomukereke, vachiteedzera muenzaniso waJesu Kristu. Hushumiri hazvirevi bedzi kutambanuka kwehumambo hwaMwari kana kukura kwekereke muhuwandu kwete. Kukura kwekereke muhunhengo nekutambanuka kwehumambo hwaMwari zvinongorakidza rudo rwaMwari kuvanhu vavo. Tinofanira kushumira nokuti tinoona mhodzi yegehena yakakombedreza mweya yavanhu nezvinoshungurudza hupenyu hwavanhu. Rudo rwaMwari rwunofanira kufungatira moyo yedu savaKristu kuitira kuti tigone kuparidza nhau dzakanaka kuvanhu vose. Rudo rwunofanira kutituma kuenda kunze uko kundoshumira, kunotsvaga vanhu vekudzidzisa nokuparidzira. Kuda kwatinoita Mwari navanhu ndizvozvo zvinofanira kutipa tsungiriro kutsvaga avo vakarasika vari munyika. SavaKristu tinofanira kuva nerudo nekugona kuregerera avo vanotitadzira vakatikomberedza. Chinhu chokutanga ndechokuti tinofanira kudzidzisa vanhu kuti vagoziva rudo rwaMwari, uye z kuti isu tiite hanya navo zvisinei nezvinenge zvichivamanikidzza muhupenyu.
Tinoverenga mubhuku raJonah pamusoro pemuporofita wakaenda kuNinivha sekutumwa kwaainge aitwa naMwari asi mwoyo wainge usingarevesi, akaenda achigunun’una. Ngano raJonah unotidzidzisa isu kuti mwoyo yedu netsoka dzedu zvinofanira kudyidzana kana tichiita basa raMwari. Rudo rwechokwadi rwunozarura masuwo emikana muhupenyu. Tinofanira kuita kuda kwaMwari zvichibva pakadzikadzika pemoyo. Mwari havatarisi zvatinoita namaoko asi vanotarisa zvinobva kutsi komoyo. Muna 2 Makoronike 25 v 2 Amazaih wakaita zvakanaka samare asi zvisiri kubva pasi pemoyo. Kuteerera kwake kwaive kuri gasva. Tinofanira kuchenesa mwoyo yedu tobvisa kufunganya kose tigoteerera kuda kwaMwari. Kuita nokutsutsumwa handiko kuteerera kokurevesa.
Kuparidza nhau dzakanaka ndiwo wakava musimboti wamupositora Pauro, uyezve rudavidzo rwake rwaive rwakasimba zvokuti unoti haaizogona kuregedza kuparidza kunyange anga achida. Mupositora Pauro wakava nechidokwadokwa chokuita kuda kwaMwari saka wakashandisa chipo chake kuti umambo nokubwinya kwaMwari zvionekwe. Wakadzidzisa kuti ruponiso rwaMwari harunei nezvatinoita asi kuti rwunowanikwa kubva pana Jesu bedzi. Chinangwa chake muhupenyu chaive chekuparidza nhau dzakanaka saka wakadzidzisa kuti Jesu wakafira zvivi zvedu, akafa, akavigwa, akamuka nezuva retatu. Nekuda kwerutendo rwedu muna Jesu, zvivi zvedu zvinoregererwa saka tinowana hupenyu husingaperi. Mupositora Pauro haanzwe kumanikidza pakushumira vhangeri. Gwaro iri rinokurudzira kuti vaKristu vave nokuzvipira kuzere kubatsira avo vakaneta. Kana tichida Mwari neavo vatinoparidzira tinenge takagadzirira kupa kodzero dzedu dzose, uye kutamburira avo vatinoparidzira. Kana tadai tinenge tafadza musiki
NHAURIRANO
a. Unozvipira here nemoyo wose nehunhu hwako hwose kuita basa raMwari?

ZUVA REMAKUMI MAVIRI
MUSORO WENYAYA: BASA RAMWARI MUNYIKA YANHASI
ZVIVERENGWA: MAPISAREMA: 102 V 25-27; VAHEBHERU 13 V 8
Mwari ndivo muridzi wezvinhu zvose pasi rino. Mboni yeziso ravo iri pazvinhu zvose zvenyika ino, hatigoni kuvabvisa pamabasa makuru avakaita. Tinoti Mwari vari pabasa vachirishanda nohumhizha, vachishanda zvinoshamisa uyezve nenzira dzatisinganzwisisi – asi zvove nyore kunesu vanhu kutarisa nokubvunza kuti, “Nhai Mwari munomboshanda sei chaizvo? Kunyange zvazvo zviri nyore kuona Mwari vachishanda muzvinhu zvidiki sekupindura minamato yedu, dzimwe nguva zvakati gozhei kuona mashandiro aMwari pasi rose, zvikuru kana tichiona kurwadziwa nokutambura kuri munyika. Mwari vari mubasa guru kwazvo pasi rino uye varipo kupa mhinduro kuzvinhu zvidiki zvinotishungurudza nokushandura nyika yose. Madzudzo akafanana neCOVID-19, hurombo, nehondo zvinogona kutishungurudza uyezve zvisingagoni kudziviririka, asi kwete tikangorangarira kuti Mwari vakabata matomu. SavaKristu tinotenda kuti Mwari vakasika denga nenyika zvokuti vanoramba vachicherechedza mabasa avo. Mwari varipo panoitika zvese munyika, sokutaura kunoita mupositora Pauro kuti, “Vari pamberi pezvinhu zvose zvekare zvinhu zvose zvakabatana naMwari,” (Vakorose 1 v 17)
Mwari vanoramba vachishanda mubasa ravo rerudzikinuro vachishandisa vatendi. Vanoramba vachitishandisa kuti tiparidze rudo kunyika. Vanoshandisa mazwi edu. Tisu tinofanira kusimudzira semidziyo yokuchengetedza kodzero dzavane mavanga, vanorwara navane nzara. VaKristu vanobata muhushumiri hwaMwari kubudikidza nezvavanoita muupenyu zvinoratidza humhizha hwaMwari. Nokudaro vanochengetedza zvisikwa zvaMwari, vachibatsira mubasa ravo rorudzikinuro. Ibasa rekereke kuparidza nekushumira hukuru hwaMwari, saka maKristu ose ndiwo mitezo yekereke. Paya patinoona vatsva vanotendeuka mukereke, chiratidzo chokuti Mwari vari pabasa munyika. Kunyange hazvo vanhu vachitendeuka nokuda kwavatendi avo vanoita basa rokuparidza runako, Ruka unoti iye ndiMwari vanoita kuti vanhu vaponeswe. “Mwari vanowedzera huwandu hwavanhu zuva nezuva kune avo vanenge vaponeswa”, Mabasa AvaPositori 2 v 47. Paya patinoona kereke ichikura muhuwandu, muzvibereko kana kupinda muna amwe matunhu, zviratidzo zvokuti ruoko rwaMwari ruripo.
Kana munyika mukaita madzudzo, Mwari vanotumira vadzidzisi, vaparidzi, vana chipangamazano nevavhangeri, izvi zviri zviratidzo zvinotiudza kuti zvokwadi Mwari variko kunyangwe munguva dzematambudziko. Jesu wakati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vacheki ndivo vashoma kukumbira kuna Mwari kuti vakupei vashandi mubindu ravo,” Ruka 10 v 2. Ibasa raMwari kutumira vashandi kwavanodiwa, uyewo ibasa redu isu vatendi kunamata uye kubvuma kutumwa mumunda. Mwari vanoshanda kubudikidza nezvisikwa zvavo. Vanozvishongedza zvakafanira kuti zviite basa ravo. Kunyange tikasangana naMwari nenzira yokuporeswa nomunana, kana kuporeswa nokufemerwa kwachiremba, Mwari vanenge vachingova pedyo nesu nokuti “mavari tinorarama uyezve tinofambira mberi zvekare tinova nehunhu hwedu “Mabasa AvaPositori 17 v 27-28. Kereke inofanira kukurudzirwa nezvinoitwa naMwari muhupenyu hwedu, kuvadikani vedu, kushamwari dzedu nepasi rose, zvekare tinofanira kugoverena nevamwe zvinhu zvose zvakanaka zviri kuitika izvi.
NHAURIRANO
a. Mwari vanobata sei munyika ino nhasi?

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NERIMWE (21).
MUSORO WENYAYA: KUVAKA HUMAMBO HWAMWARI MUSENZEKETE WEMHURI.
ZVIVERENGWA: ZVIREVO 6 v 20; VAKOROSE 3 v 20.
Kushanda kwaJohn Wesley kwakasimudza kereke yeHwisiri. Wakafamba muBritain nekune dzimwe nyika achiparidza vhangeri nokupupura kushanda kweMweya Mutsvene kereke ichikura. John Wesley waidavira kuti rumutsiriro harwaizobudirira kunze kokunge mhuri dzonamata pamwe chete nokuverenga magwaro, uye zvaive zvakanaka kuti aratidze izvi. Mhuri dzikasawana nguva yokudzidza bhaibhiri nokunamata pamwe chete vana havangavimbi naKristu kana kumutevera. Kunamata pamwe chete navana hazvina kutanga nedzinza rino. Ku Testamende yakare chitenderano chaMwari chaibatawo vana (Mavambo17), vabereki vachipiwa musenzekete wokuti vana vakure vachiziva Mwari nokuziva mitemo (Mitemo 6). Vana, pamwe chete nevabereki vaiungana pamitambo yekunamata muIsraeri, vana vachidzidza kunamata kuvakuru. (Exod 12:21-28). Testamente itsva inosimudza tariro yokuti vana vakudzirwe murutendo navabereki vachibatsirana nekereke.
Munyori wetsamba yaVaEfeso 4 v 6 unoraira vana baba kuti varerere vana vavo mudzidziso nokuraira kwaMwari, achizoratidzawo, kune dzimwe tsamba dzake, basa ravabereki rakakosha mukurerwa kwavana vari muna Mwari. (1Vakorinde 7 v 14; 2 Timotio1 v 5; Titus 1 v 6). Kunamata kwemhuri iri pamwe chete kwaikosheswavo kubva kare. Martin Luther anoti kubatsira vana kunamata nekushandira Mwari ndicho chinhu chikuru muupenyu hwewanano. Kunamata kwemhuri pamwe chete kunobatsira kuvaka humambo hwaMwari pano pasi, izvo zvinoda kuti munhu nomunhu mumhuri aite chikamu chake. Izvi zvinokurudzira mhuri kufunga nezvohumambo hwedenga, dzichitungamidza mwari pazvinhu zvose, uye dzichiziva nokunzwisisa kuti nyika hausiwo musha wedu. Nhengo dzemhuri dzakadai dzinodzidza kugovana zvavanazvo nevamwe vari kunze, uye dzinokoshesa basa raMwari kutanga.
Mukuvaka humambo hwaMwari, nhengo yega yega yemhuri inokurudzirwa kuita kuda kwaMwari musarudzo yedungamunhu kana zvisungo zvemhuri, mumwe nemumwe achizvibvunza kuti, ‘ Semhuri, tingava vamiririri vohumambo hwaMwari nenzira ipi? Kuwana humambo hwaMwari semhuri zvinoda kuti tiende kukereke semhuri. Zvinoda kusangana semhuri pakunamata, kurumbidza nokunzvera shoko raMwari. Kuvaka humambo hwaMwari kunotangira mumhuri yakura pamweya inogona kushandura chimiro chenyika, nhengo yoga yoga ichigonawo kushandiswa naMwari kusimudzira humambo
HURUKURO
a. Mhuri yechiKristu ingaunza shanduko ipi munyika ina madirativhange?

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAVIRI (22).
MUSORO WENYAYA: TARISA ZVAKAITWA NAMWARI
ZVIVERENGWA: MITEMO 6 V 12; JOHANE 4 V 5-30.
Mwari vari kubata mabasa anoshamisa muupenyu hwavanhu. Vazhinji vasandurwa upenyu hwavo uye vakadzikinurwa neropa roMwanakomana wavo. Vazhinji vedu takanga takarasika uye takafa muzvivi vakatiponesa. Mwari vakatora nherera kuva vana vavo, vasina tariro vakapihwa, tsvina yaive muupenyu hwedu ikasukwa. Chidzidzo chanhasi ndechokupupura zvatakaitirwa naMwari. muupenyu hwedu, sokumhanya kwakaita mukadzi weSamaria achidaidza vanhu kuzoona murume waive amuudza zvoupenyu hwake. Kurangarira zvatakaitirwa kunosimudzira rutendo rwedu nokutiswededza pedyo naMwari. Dzimwe nguva kana zvakatinakira tinokanganwa zvatinenge takaitirwa naMwari. Sokuudzwa kwakaitwa muSamaria uyu zvaakanga aita zvose, nesuwo tinazvo zvizhinji zvatakaitirwa naMwari.
Nyaya yekurangarira zvatinenge taitirwa naMwari inyaya yakakomekedzwa kunyange kuTestamende yakare. Pavaive vave kuzonopinda munyika yechipikirwa, Mwari vakaudza vaIsraeri kurangarira zvose zvavakavaitira pavakavanunura kubva muutapwa muEgipita vakamboritaira vari murenje.
Mwari vaiziva zvavo kuti zvaive nyore kuti vakanganwe Mwari wakavabudisa muranda, akavachengetedza murenje kusvika vanopinda muKenani. Zvakakosha kugara tichirangarira zvatakaitirwa naMwari nokuti paya patinozvikanganwa, tinotanga kunyunyuta. Tinobva taona Mwari savasingatiruramisiri uye savasinganzwi kana kupindura minamato yedu. Ipapo tinobva taona sekodzero yedu kuwana nyasha netsitsi dzaMwari. Kukanganwa kunogona kuita kuti tigodoke nezvinoitwa Mwari muupenyu hwavamwe vanhu, Pachinhambo chokuti tifare navo. Tinozoita dambudziko rekunyunyuta, kukanganwa kubata kwaMwari muupenyu hwedu kunoita kuti tifunge kuti tinokodzera nyasha netsitsi dzaMwari. Izvi zvinoita kuti tisanzwisisa kuti sei minamato yedu isiri kupindurwa kukanganwa zvatakaitirwa naMwari kunoita kuti tive negodo pane zvinoitirwa vamwe naMwari.
Kana upenyu huri kufamba zvakanaka, tinogona kuita dambudziko rokuzvikudza tozvipa mbiri. Tinotanga kuzvifunga panze pokufunga Mwari. Zvirevo 19 v 21 inoti,” Mumoyo momunhu mune ndangariro zhinji; asi kurarira kwaJehovah ndiko kuchamira.” Shoko iri rinobva rabvisa chindini, toona kuti zvose zvatinazvo zvakabva kuna Mwari. Ndivo vanoronga nhanho dzedu uye zvose zvavanotaura zvinoitika. Kana tavimba naMwari tinobva taona zvikomborero zvavo muupenyu hwedu, tobva tavapa mbiri. Kutenda kunofanira kubva mumoyo wakapingudzwa nokunaka kwaMwari.
Kunzwisisa nekugamuchira kunaka kwaMwari kunoita kuti urambe uchipa nhedzo kuna Mwari nguva dzose. Tose Tinosangana nokunaka kwaMwari nenzira dzakasiyana. Vamwe vakapihwa mabasa akanaka, vamwe hutano hwakanaka, vanwe njere, vamwe dzimba vamwe mhuri dzakanaka. Vose ava vakafanira kutenda Mwari nokutakura zvokunaka kwavo.
ZVOKUITA
Nhasi dzamisa ndangariro uchirangarira zvawakaitirwa naMwari muupenyu. Takadanirwa kuti tidzokere kunyika sevamiririri vaKristu.

ZUVA REMAKUMI MAVIRI NEMATATU (23).
MUSORO WENYAYA: DENGA RIRI KUVIMBA NEWE
CHIVERENGWA: 1 PETRO 2 V 9-2.
Makristu vamiririri vaIshe Jesu pano pasi, saka basa rokuparidza Shoko kusvika kumugumo wenyika riri mumaoko avo. Vamwe vedu vanozviona sevasina kukosha pabasa raMwari. Vanozviona sevasingakodzeri kushanda mubindu raShe. Zvakakosha kuti uzive kuti semaKristu. tose takakosha kuna Mwari nomubasa ravo. Nguva dzose vatendi ndivo maoko aShe mukubata basa. Isu tiri dzinza rakasarudzwa naMwari uye vanovimba nesu mukufambiswa kwebasa ravo. Zvakakosha kuti mumwe nemumwe wedu aite basa raMwari. Petro anoti Mwari vakatidana kuti tive vana vavo nokuti takanga takarashwa, tikagamuchidzwa nyasha dzedenga. Tave vakakosha pamberi paMwari. Mwari vanovimba nesu, nesuvo ngatichivimbika mukuvabatira.
Sehondo yedenga, Mwari vanotarisira kuti tirwisane nezvido zvenyama. Zvakakosha kuti titize zvose zvingatibvisa pana Mwari. Ngatirwisei kuti vanhu vave vatsvene pamberi pechigaro chenyasha, vagamuchire shoko. Takadanwa kubva murima tichienda kuchiedza. Ngatibvei mukuchiva kwenyama kuti vanotitevera vagoona kunaka kwaMwari. Ngativei muenzaniso nemucherechedzo wakanaka sezvinotaurwa naPauro pakati, “Tevedzerai ini nokuti ndinotevedzera Kristu” (1VaKorinde11).
Kufambisa shoko ndiro donzvo rekereke, iyo inosungirwa kurarama ichiita izvi nguva dzose. Hatimiriri kuti nyika iuye kwatiri asi tisu tinofanira kuenda munyika. Kereke inosungirwa kuita izvi kusvikira ivo Kristu vachidzoka. Kusakasira kwavo Kristu kudzoka, zvinoreva kuti kereke haisati yasvika kumugumo wenyika kwatakanzi tisvike. Nyaya yokuenda kunoparidza haisi yekuenda kune dzimwe nyika chete asiwo kutotangira mumba chaimo tichienda munharaunda. Vamwe vanogonavo kutora musenzekete unokosha wokutsigira basa raMwari nokunamata, kukurudzira vari kufamba vachiparidza, uyewo kuwanisa vari kufamba zvikwanisiro.
HURUKURO
a. Unotenda here kuti wakakosha pamberi paMwari?
b. Zvii zvinoita kuti vatendi vazvitarisire pasi?
c. Tingabvisa sei kuzvitarisira pasi nokuzvidzikisira muvatendi?
ZVOKUFUNGA
Denga riri kuvimba neni, naizvozvo ndinofanira kunyatsogadzirira kumira panzvimbo yangu.

ZUVA REMAKUMI MAVIRI NEMANA (24).
MUSORO WENYAYA: KURAIRA KWAKE KOKUPEDZISIRA NDIWO MUSENZEKETE WEDU WOKUTANGA
CHIVERENGWA: MAKO 16 V 15_20.
Mumashoko avo Kristu vanopedzisira nekutituma kuenda kunzvimbo dzose tichiparidza vhangeri. Mutemo wokuti tinoparidza shoko unofanira kuramba wakabatwa. Ndicho chikonzero chehuvepo hwekereke kumiririra Kristu muhubasa hwevhangeri ravakaparura. Chido chaJesu ichi anochitaura pamashoko ake okupedzisira ava kukwira kumusoro kudenga kuna Mwari Baba. Mashoko aya ari kuna Mako 16 v 15-29 kana Mateo 28 v 18-28 anozikanwa zvikuru sokutumwa kwekereke kuenda nevhangeri kunyika dzose. Basa iri rinoda kuti vanhu vazvipire mukuriita. Chinotisimudzira samaKristu kuona vamwe vachiwana upenyu husingaperi hunowanikwa nokutenda bedzi. Kutumwa kwatakaitwa naKristu kunofanira kuva sarudzo yokutanga uye yakakosha pamusoro pezvimwe zvose zvatinoita kuitira kuti vamwe vose, kundudzi dzose, ndimi dzose nenyika dzose vagamuchire ruponeso.
Hudson Taylor anoti maShoko aJesu aya haafanirwe kutorwa sechinhu chinogona kusarudzwa asi kuti murairo unotofanira kutevedzerwa. Kuenda kunze ndiwo murairo wekupedzisira waKristu kukereke uye unofanira kuramba uchikosheswa zvakadzama nekereke. Murairo uyu unotipa musenzekete wokufamba. Mune mamwe mazwi, hatisi kuudzwa kuti timirire nyika kuti iuye kwatiri asi kuti tiende kunyika. Kusvikira Jesu achidzoka, kereke inotarisirwa kuita zvinorehwa nomurairo uyu waJesu kuvadzidzi. Musenzekete uyu unofanira zvakare kusunda chidokwadokwa chakange chiripo pawakataurwa makore zviuru apfuura, kutisunda kuti tide vakarasika nokugoverana nhau dzakanaka dzaJesu kune vanhu vepedyo nevekure. Vanhu vakawanda vanofunga kuti hushumiri (mission) hunoitirwa kunyika dzekure. Kunyange zvazvo izvi zvakakosha uye zviri chikamu chehushumiri, tinofanira kuziva kuti zvinechokuita nokushumira kuvanhu vemunharaunda. Kuzadziswa kwemurairo waJesu uyu kunosanganisira kutsigira, kunamata, nokukurudzira avo vari mundima.

ZUVA REMAKUMI MAVIRI NEMASHANU (25)
MUSORO WENYAYA: VHARA GWANZA
CHIVERENGWA: VAEFESO 5 V 33
Mitswe inobuda muhukama hwavanhu. Vamwe vanotanga vachiwirirana kwazvo asi kana mutswi wavapo, vopedzisira vasisaonane. Nyaya yekuvhara mukaha muukama hwavanhu inoda kukosheswa. Mikaha inokonzerwa nekudambuka kwehukama hwanga huripo. Izvi zvinogona kukonzerwa nekurambana, kurwara kana kufirwa. Magwanza muhukama anokonzerwa nekurambana anobata murume nomukadzi uye vana vanenge varipo. Mhuri dzine mubereki mumwe chete dzinogozherwavo nemagwanza aya. Rufu runotitorerawo vadikanwi vedu. Vamwe vacho vanenge vari ivo vanga vachiriritira mhuri nokushanda. Vanhu vazhinji vanobatwa nemagwanza muhukama; magwanza pakati pemurume nomukadzi, pakati pevabereki navana, pakati pavanhu vanoshanda vese, pakati pavavakidzani kana pakati pavana. Magwanza aya anowanikwawo mukereke kana pakati pamapato ezvematongerwo enyika.
Magwanza ekusanzwisisana anowanikwawo kunzvimbo dzakawanda mukurarama. Magwanza aya anogona kuva pakati pavapfumi nevarombo, pakati pavatema navachena, pakati pavakadzi navarume kana pakati pavakuru navadiki. Pane gwanzwawo rinowanikwa navakuru pamweya, pakati pavanhu naMwari. Mwari pavakaona kuti gwanza pakati pavo nevanhu rakurisa, vakatsvaka angamira pamukaha (Ezekiel 22 v 30). Mukaha uyu pakati pavanhu naMwari wakazovharwa naJesu Kristu (Mabasa 4 v 12) Panewo rimwe gwanza rinoda kuvharwa, rinova gwanza riri pakati pedenga negehena. MaKristu vakadanirwa kushanda mukuvhara gwanza iri kubudikidza nekuparidzira vanhu vose kuti vabve muupenyu hwekuparara (gehena) vaende kuupenyu husingaperi (kudenga). VaEfeso 4 v11ne12 inoratidza kuti Mwari vakaita kuti vamwe vave vadzidzisi, vamwe vaporofita, vamwe vaapostora, mumwe nemumwe amire pake mukuvaka mutanho wokuvhara gwanza pakati pavanhu naMwari. Mukaha uri pakati pavanhu naMwari unovharika chete kana vatendi vakaparidza Shoko kudzosa mweya yakarasika. Jakobo 5 v 20 “_ unodzora mutadzi panzira dzokutsauka kwake uchaponesa mweya pakufa nokufukidza zvivi zvizhinji.” Vatendi vanofanirwa kuvhara gwanza pakati pegehena nedenga kubudikidza nokuponesa mweya yevatadzi vose. Mukumira pagwanza, vatendi vanofanirwa kusiya mabasa ese erima vova mucherechedzo wakanaka. Tsamba kuvaHeberu inoti, kusatsiura zvakaipa kunogona kureva kuzvigamuchira. Zvakakosha kuti vatendi vamirire chokwadi nezvose zvakarurama. Vatendi ngavapewo tariro kune vose vane magwanza muupenyu hwavo kana pamweya.
HURUKURO
a. Tingabatsira sei savatendi kuvhara gwanza pakati pavapfumi nevarombo. Ko pakati pamapato ematongerwo enyika?
ZVOKUITA.
Vharai magwanza mumapoka apakereke penyu.

ZUVA REMAKUMI MAVIRI NEMATANHATU (26)
MUSORO WENYAYA: KUTI VOSE VAZIVE
CHIVERENGWA: JOHN 13 V 31-35
Kristu vakatipa murairo mutsva wokuti tidanane sezvavakatidawo isu. Kana tichidana nenyika ichaziva kuti tiri vake. Mwari rudo, rudo runofashukira ruchibva mavari. Kristu vakatiratidza rudo kubudikidza noupenyu, rufu nokumuka kwavo. Chinhu chakakosha chatingaita savatendi kudanana. Munyika muzere unyangadzi (godo, shanje, kurwisana nezvimwewo zvakaipa zvakawanda). Vanhu vanonetsana mukereke, mune zvamatongerwo enyika kana mudzimhuri chaimo. Kuparidzira Kristu munyika kuparidza rudo. Vatendi vanosungirwa kurarama murudo rwavanoparidza.1John 4 v 20 anoti, “Kana munhu achiti ndinoda Mwari achivenga hama yake yaanovona murevi wenhema. Unogoda seiko Mwari waasina kuona achivenga hama yake yaanovona?
Murairo wokuti tidanane pawakataurwa naKristu kakanga kasiri kokutanga. Naizvozvo wakanga usiri mutsva. Mozisi aive ataura izvi kare (Revhitiko. 19 v 1). Murairo uyu, wakasandurwa kuve mutsva nokuti takanzi tidane sokuda kwatakaitwa naKristu. Ivo Kristu vatida vakatifira, saka isu tidananewo saizvozvo. Rudo rwakadai kana tave narwo runounza vanhu kuna Jesu uye tinova norutendo rwakasimba. Rudo runobudisa zvakanaka zviri mumoyo kubudikidza nekuda vamwe, kumira navo tichivayamura, kupa kunyange zvichirwadza, nokuisa nguva yedu nesimba redu mukubatsira nokufunga vamwe. Kudanana kwechokwadi kubisa marwadzo kune vamwe tisinganyunyuti. Vanhu vanoona Mwari nokukudza Mwari mumabasa akadaro nokuti ndivo chitubu chorudo.
Jesu vakadzidzisa vadzidzi vavo kuti rudo rwakaita serwavo, runoita kuti vazikanwe nenyika kuti vadzidzi vavo. kuti rudo rwakadai ruvonekwe mukereke yanhasi, vanhu vanosungirwa kuzvipira nguva yavo, simba ravo, nohupfumi hwavo mukubatsira vamwe kuti vararame zvakanaka. Zviri nani kuita upenyu hwekubatsira vamwe saTabitha (Mabasa 9). Ngatinamatei Kuna Mwari vatipe rudo rwakadai, tive vanoitirana tsitsi nemoyo murefu, tichiremekedzana kunyange tisingabvumirane. Tinofanira kubatsirana kuti munhu wese awane zvakakwana panyama nepamweya. Haisi nyaya yokuziva Shoko raMwari, yorutendo rwakasimba, kana zvimwevo inoita kuti tizvikanwe kuti tiri vadzidzi vake, asi nyaya yokudanana chete, kuzvipira kubatsira nokuyamurana, kwete nokuti munhu anokodzera asi nokuti tine rudo.
HURUKURO
a. Kereke yanhasi inoratidza rudo here kune vasingatendi?

ZUVA REMAKUMI MAVIRI NAMANOMWE (27)
MUSORO WENYAYA: MUKANA UNOWANIKWA KAMWE CHETE – UBVUTE. ZVIVERENGWA: MABASA 14 V 27; 2 VAKORINDE 2 V 12
Pauro naBarnabas paAndioki vakaunganidza sangano vachivaudza mabasa akaitwa naMwari nokuvhura kwemisuwo yorutendo kuvahedheni. Apa Pauro ari kutaura zvemukana wokuparidza Shoko. Pauro anoti nguva yakwana yokuparidza Shoko. Mukana inguva kana chiitiko chinoita kuti zvinoda kuitwa zviitwe, saka apa Pauro unotaura nezvomukana wakakodzera kuparidza shoko nokuita basa rekuvhangera. Anotaura nezvomukova wakazarurwa kakawanda, sokuna 1VaKorinde 16 v 19 kwaanotaura zvemukana waakawana paEfeso kusvikira panguva yokudururwa koMweya Mutsvene (Pendekosita). Mukana uyu, Pauro anoti mukova wakazaruka kuita basa raMwari nokuparidza Shoko. Mukana unopfuura usingarambi uripo nguva dzose, naizvozvo unoda kushandiswa uchipo. Mwari vanotipa mikana yakasiyana siyana yokutaura nezvaJesu norudo rwake kuvanhu vose, uye kuratidza rudo irworwo nenzira dzakasiyana kuvanhu vemhando dzose.
Mukova wakazaruka mukana wekushandisa zvipo zvatinazvo kuti vanhu vakure murutendo. Pauro akawana mukana wekuparidza nhau dzakawanda kuvanhu vakawanda. Vanhu vazhinji vaienda kunonzwa mharidzo dzake. Izvi zvakapa Pauro tariro achiona kuti misuwo yemoyo yavo yaive iri kuvhurwa. Pauro waitenda kuti Mwari ndivo vanovhura mikana yokuti basa ravo riitwe, chinhu chisingagonekwi nomunhu. Sekereke yanhasi, tinofanira kukumbira kuna Mwari nokuzvininipisa vativhurire misuwo tisaite zvechisimba. Ngativadetembei vativhurire misuwo yokushumira pasina zvibingamupinyi kuti vhangeri riparadzirwe.
Kazhinji mikana yokuti basa raMwari riitwe inowanikwa asi hatiishandisi. Zvimwe zvinoita kuti tisakasika kushandisa mikana inosimuka kuverengera; hatina nguva vadikani. Ngatiitei karikiriki kumhanyira kuita basa raMwari. Paul anoramba ari kuAntioki achishandisa mukana kuita basa raMwari.
Dzimwe nguva tinozvitarisira pasi toona setisingakodzeri kuita basa raMwari. Izvi zvinoita kuti tishaikwe pamabasa enyasha. Ngatinzwisisei kuti Mwari ndivo vanotipa zvikwanisiro, simba nehushingi hwekuita basa ravo. Mwari havadani vanokwanisa, asi vanopa simba rokukwanisa kune vavanenge vadana. Chimwewo chinoita kuti tisashandisa mukana wekushandira Mwari inyaya yokuzvida. Basa raMwari harishandiki kune vanotsenga mvura, vanofunga kuti havangaiti tumabasa twese, kana kuenda kunzvimbo dzose. Mafungiro nemaonero akadai anotadzisa kushandisa mukana watinenge tawaniswa naMwari
HURUKURO
a. Ndezvipi zvikonzero zvinoita kuti tisashandisa mikana yatinowana yokuita basa raMwari muupenyu hwedu?
ZVOKUFUNGA
Mwari zaruraiwo maziso angu ndione misuwo yamakandizarurira.

ZUVA REMAKUMI MAVIRI NEMASERE (28)
MUSORO WENYAYA: PADOMBO IRI NDICHAVAKA KEREKE YANGU
CHIVERENGWA: MATEO 16 V 13 – 20
Jesu paakasvika nevadzidzi vake panzvimbo inonzi Caesarea Philippi, akavabvunza kuti vanhu vanoti iye Jesu ndiyani uye ivo vadzidzi vanoti ndiyani. Vadzidzi vakapindura mubvunzo wake vaine pfungwa yokuti aiva mumwe wevaporofita vakuru akadzoka kuzobatazve basa. Pfungwa iyi inogona kunge yakabva kuna Mitemo 18 v 18 Mwari pavanoti vachamutsa muporofita pakati pavanhu. Petro unopupura Jesu soMutsvene uye Muponesi wakavimbiswa uye waive akamirirwa. Petro unorumbidzwa naKristu nokuti waive ataura chokwadi chohunhu hwaKristu, uye nokuda kwaizvozvo waizowana makomborero makuru muupenyu hwake. Dombo kana kuti hwaro hwaizovakirwa kereke yaMwari ndicho chokwadi chokupupura kukuru uku. Petro waive apupura kuti “ndivo Kristu, Mwanakomana waMwari muupenyu,” chinove ndicho chokwadi chinovakirwa chiKristu.
Jesu akamupindura akati, nyama neropa hazvina kukuzivisa kuti ndini ani asi Baba vokudenga. Jesu anoenderera mberi achiti paruware urwu ndichavaka kereke yangu. Kereke inonzwisisa kuti Jesu wakataura nenyaya yokupupura kwaPetro, kwete kuna Peter pachake. Jesu haana kuti Peter, asi akati, paruware urwu. Ruware ruri kutaurwa naJesu inyaya yekuvhurwa kwerutendo kwakaitwa naPeter. Kristu vanovaka kereke yavo kubva muchokwadi chavo.
Vatendi vari muna Kristu, naKristu ari mavari. Izvi zvinoita kuti vatendi vararame muchokwadi nokuti Kristu ndivo zvokwadi (John 14:6). Kubudikidza nokuparidza Kristu vanova chokwadi, izvi zvakavaka kereke nenzira inoshamisa. Kusimudzwa kwaKristu muupenyu hwavanhu, saIshe noMuponesi wavo, kunovaka kereke yakasimba, kereke yakatengwa neropa raJesu (Mabasa 20:5). Kereke yakanzi ichavakwa naJesu imwe chete kwete kereke dzakawanda. Masangano anosimuka akawanda, masangano ekereke imwe chete iyoyo yakavimbiswa naIshe Jesu Kristu. Ivo Ishe Jesu ndivo dombo rehwaro hwekereke yacho (1Petro 2 v 6-7). Vatendi ngavave norutendo rwakasimba muna Kristu Jesu.
HURUKURO
a. Unoti kudii navanhu vanoti kereke ndedzavo? Tingati kereke idzodzo ndedzaJesu here?
MUFUNGO WANHASI
Jesu anovaka kereke yake kubva murudaviro rwekuti ndivo Kristu, Mutsvene waMwari. Rudaviro urwu runoitwa nokutenda. Ngandivewo norutendo rwakadai.

ZUVA REMAKUMI MAVIRI NEMAPFUMBAMWE (29).
DINGINDIRA: ISHE VEGOHO
CHIVERENGWA: MATEO 9 V 36-38
Ishe Jesu pavaifamba vachiparidza, kudzidzisa nokurapa, vanhu vazhinji vaivatevera kubva pane imwe nzvimbo vachienda kune imwe. Jesu vaitarisa vanhu vazhinji vaivatevera segoho rakamirira kukohwiwa. Vaiona vazhinji vaneta nokufamba asi pasina mufudzi. Izvi zvaivarwadza. Mashoko ari kuna Mateo 9 v 36-38 anofanana neanowanikwa kuna muporofita Zakariya 34 v 12, anotaura nezvehwai dzakavanda murima kuine makore, apa dzakuvara. Mashoko aya anotidziszisa kuti tione vanhu savanhu, tinzwirane nokubatsirana, uye anotiudzawo kuti hatina nguva, ngatibatei basa.
Goho risingakohwiwi nenguva yaro, risingagoni kuzadza dura, rinoratidza huyanga hwokutadza kuchengetedza. Muridzi wegoho ndiMwari. Ivo Mwari semuridzi ndivo vanodoma nekugadza vashandi. Vanovapawo kodzero yekushanda mubindu ravo. Mwari vanotarisa vashandi ava kuti vashande zvinogutsa. Goho rinokohwiwa ndivo vanhu vanounzwa kuupenyu husingaperi. Ishe Jesu pavanoona vanhu, vanonzwisisa kukosha kwekuuya kwavo kuupenyu husingaperi. Ishe vegoho havatitumi toga kuenda mumunda mune goho ratsvuka, vanoenda nesu. Vakavimbisa kuva nesu kusvikira kumagumo enyika. Vasipo Ishe vegoho, hatina simba rokuwana goho mubindu iri. (Johane 15 v 4)
Tinofanira kunyengeterera zodzo nesimba kubva kuna Mwari. Jesu pavakaona goho ratsvuka, havana kutanga nokumhanya kunokohwa asi kukumbira vabati mubindu. Tirangarire nguva dzose kuti musenzekete wokupinda mubindu kunokohwa hausiri wedu asi ndowaMwari pachavo. Naizvozvo tinofanira kutanga takumbira mvumo nesimba kubva kwavari. Ishe Jesu vanotipa simba rokubata basa mubindu ravo kubudikidza nohuvapo hwavo, vanotigonesawo kuzadzisa murairo wavo mutsva wokuti tishande. Mubasa umu munoda kuti tive nomoyo munyoro, tichinzwirana saivo Kristu. Patinoona vanhu vakaremerwa tigone kuvanzwira. Vanhu vaiungana munguva yaJesu vaida kudya kwemweya. Huwandu hwavo hwaida vabati vakawanda. Kunyange nemunguva yedu ino, vakawanda vanoda kudya kwemweya. Ngatikumbirei kuna Mwari vawedzere vabati.
HURUKURO
a. Wakamboona here vanhu vanozvituma mubindu raMwari vasina mvumo yavo? Sei?
b. Tinofunga kuti zvii zvingakonzera kuzvituma uku?
ZVOKUFUNGA
Mwari wegoho vanotuma vanhu mubindu ravo vachivimbisa kuva navo nguva dzose. Saka kana ndinavo parutivi rwangu handina chokutya.

ZUVA RAMAKUMI MATATU
DINGINDIRA: TARISIRA ZVIKURU KUBVA KUNA MWARI; EDZA KUITIRA MWARI ZVIKURU.
ZVIVERENGWA: RUKA 19 V 1-27; VAEFESO 3 V 20-21.
Mashoko okuti “Tarisira zvikuru kubva kuna Mwari, edza kuitira Mwari zvinhu zvikuru,” akataurwa na Wilham Carey (1761-1834). Murume uyu ainyunyuta nechimiro chekereke chokuti yakanga isina basa nokuenda kunoparidza kuti Shoko risvike pasi rose. Waitenda kuti kungonamata chete kuti vhangeri rifambe hazvina kukwana; vakadaidzwa vaifanira kufambisa nhau dzekunaka kwaIshe Jesu. Nerutendo rwake urwu Carey akatanga kufamba achiparidza Shoko kunzvimbo dzose zvikuru dziya dzainzi dziri pasi, akabatirira paShoko rokuna Mateo 28. Aivawo norutendo rwokuti Mwari vanogona kuita zvikuru kudarika zvatingakumbira kana zvatingafungira. Chokwadi Mwari vanogona kutiitira zvinhu zvikuru muupenyu hwedu. Mwari ndivo vanopindura minamato yedu, ndivo vanotiyambutsa pakaoma. Dambudziko rinouya pakuti dzimwe nguva tinoona sokuti Mwari havasi kunzwa minyengetero yedu, havasi kutipindura. Izvi zvinoita kuti tisava netariro, uyewo tisamirira. Shoko raMwari rinotiudza kuti tive nekutsungirira mukutevera Kristu, nokunamata, tine tariro, kuita zvakanaka, kuva nerudo, kukanganwira / kuregerera nokugoverana nhau dzakanaka.
Mufananidzo wamatarenda, unobudisa pachena kuti tinofanira kushandisa zvipo zvatakapihwa naMwari mukuvashandira (Mateo 25 v14-30). Mufananidzo uyu unodudzira kuti kuparidza, kurapa nokuvhangera handiro roga basa rakatumwa vanhu kuti vaite naMwari.
Havasi vanhu vose vanogona kudyara mari kuti iwande, asi Ishe vakatuka uya akanga aviga tarenda. Vamwe vaviri vakatora matarenda avo vakaenda kunomashandisa, vakarumbidzwa. Nyaya iri pano ndeyokuti kugamuchira Jesu saIshe noMuponesi kugamuchira kuenda kunomushandira, mumwe nemumwe kwaanobata ari. Vakatendwa nedenga vakashandisa matarenda avo zvakanaka. Muenzaniso uyu unodzidzisawo kuti kunyange zvichinetsa, zvichishungurudza, zvichirwadza, ngativei mazviri tiitire Kristu zvibereko. Vakashandisa matarenda ava vakanga vakatarisana nematambudziko mazhinji, mamwe acho okuti zvibereko zvinogonà kutadza kuwanikwa, kana kunyudzirwa mari yadyarwa nematsotsi.
MaKristu anhasi vanoteta kutanga zvinhu zvavanoitira Mwari nokuti vanotya kuzonyara zvakundikana. Vanotyawo kurasikirwa nezvavanazvo apo vanenge vachishandira Mwari. Kristu havana kutiudza kuti zvaizofamba sei kune vakadyara mari dai yakanyura isina kuita pundutso, asi zvinoratidza kuti chose chadyarwa muhushumiri hwaMwari chinovafadza zvisinei nokuti zvazoburitsa zvinotarisirwa here kana kwete. Patinoedza kuitira Mwari zvinhu zvikuru tinenge tichidodyara simba, ziya nezviroto zvedu munyasha dzaMwari neminyengetero. takapiwa zvikwanisiro zvakawanda uye Mwari vanotarisira kuti tizvishandise zvibereko zvitandavadze Humambo hwaMwari. Mwari vachazoda kuti umwe noumwe adavirire zvavanoita namatarenda aakapiwa.
HURUKURO
a. Ndezvipi zvikuru Mwari zvavari kuda kuti uedze kuvaitira?
ZVOKUFUNGA
Kutadza kutarisana nenjodzi inodove njodzi pachayo saka ndakamirirei? Ngandidopinda pabasa Izvozvi!

ZUVA REMAKUMI MATATU NERIMWE
MUSORO WENYAYA: PENYA SENYEREDZI MUNYIKA YERIMA.
CHIVERENGWA: VAFIRIPI 2 V 12-16.
Manyuko etsamba yaPauro kuVaFiripi ari pahukama hwakaitwa naPauro navamwe vake pavanovamba sangano paFiripi ari murwendo rwake rwohushumiri rwechipiri (Mabasa 16 v11-40). Kereke yaive yatumira imwe nhengo nechipo kuna Pauro (4 v 18) Panguva iyo Pauro anonyora tsamba ari mujeri kuRoma, achivatenda nechipo chavo uye achivakurudzira murutendo. VaFiripi vanofanira kubatirira pana Kristu zvakanyanya, zvikuru panguva iyi Pauro asisipo pakati pavo kuti avakurudzire. Pauro anoti, havafaniri kuita mukana wokuti venyika vagovatsiura kuti vakanganisa. Izvi ndizvo zvinotaurwa naKristu pavanoti,” Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga, (Mateo 5 v 16). Nesuwo tinofanira kungwarira mararamiro atinoiita pakati vasingatendi. Tiri munyika ino asi haisi venyika ino. Tava vadyi venhaka yedenga.
Kana tikavimba naMwari nguva dzose nokubatirira paShoko rezvokwadi, tinova vana vaMwari vasina mhaka. Ngatiraramei tisina chipomerwa munyika yazara nehunyangadzi. Izvi zvinoita kuti Mwari vakudzwe. Pauro anovapa murairo wokuti vashandire ruponeso rwavo. Izvi zvinoreva kuti kuzvarwa patsva muna Kristu kunovapa simba rokubatira Kristu. Moyo yedu irege kuva kuzvinhu zvenyika asi zvemweya asi kuva saKristu, kufunga saiye uye kuti zvido zvedu zvive sezvake. Upenyu hwedu huve hwakarurama, tine moyo minyoro, nokurarama, norunyararo. Izvi zvinoita kuti tipenye senyeredzi munyika yerima.
MaKristu vanokwanisa kupenya chete senyeredzi kana vakava nepfungwa sedzaKristu. Kristu vanoratidza hunyoro hwavo, kuzvipira kwavo, kushandisa vanhu, moyo murefu, tsitsi nokuregerera (VaEfeso4:32). Kufanana kwamaKristu naivo Ishe Jesu kunoita kuti vave vanopenya senyeredzi inopenya usiku. Shoko redu, upenyu hwedu, namaitiro edu, zvive chiedza munyika yerima. Rutendo rwedu muna Kristu ndirwo rwunotipa simba mumaonero, mararamiro nemabatiro. Kereke ngaive nevatendi vakura pamweya, vanoshingirira kuva saKristu.
HURUKURO.
a. MaKristu angararama sei kuti vapenye senyeredzi?