MWEDZI WOHUSHUMIRI
1-31 CHIKUNGURU 2024

Click or tap on the day number of your choice to jump down the page to the notes for that day.
MHENGENURO
Yasvika nguva iya yegore apo tinoungana zvakare savanhu vanodaidzwa kuti maHwisiri kuti tizvigadzirire kakare zvohushumiri hwedu. Tinodada nomukana uyu watakapiwa naMwari kuti tive nechikamu chokuita muhushumiri hwavo. Mukucherechedza izvi, mwedzi waChikunguru wakatsaurwa nekereke kuti uve wokuzvinzvera pachedu savanhu variwo mundima yohushumiri uhu hwenyasha, kuti tiite zvinowirirana nokuda kwaMwari tigobudirira. Hushumiri hwatakawaniswawo kuti tive nechikamu chokuita hunoda kuti titsvage vadzidzi vaKristu, izvo zvinozokudza hunhengo hwekereke. Izvi zvinoreva kuti inguva yokuvhangera nesimba. Inguvawo yatinodaira kuti Mwari ndiani, vakatiitirei, vanotiitirei uye vanoramba vachitiitirei, kupfurikidza nemimhanzi. Takatarisa izvi, tine vhiki mukati menguva ino apo tichange tichirangarira kuimba sechikamu chohushumiri.
Kuti hushumiri huitwe huchibudirira, kuvepo kwezviwanikwa kunokosha. Namamiriro ezvinhu zvedu, panodiwa mari. Izvi zvinoreva kuti nguva ino inguva zvakare yokuisa misoro pamwe chete tichiita nhamburiko dzokutsvagira kereke zvinoita kuti irarame.
Mukuvavarira kuti tinzwe Mwari vachitaura nesu, kabhuku kano kakagadzirwa nenzira inodenha munhu oga oga kuti atsvage, aone patsva chinzvimbo chake mumuviri waKristu.
Misoro yehurukuro yakasarudzwa nokujekeswa nenzira inotikurudzira kuti tive vaiti, kureva kuratidza kutenda kwedu muzviito. Tinoda kupupura zvinobatika kubva mukudzidza. Ngatishandisei zvidzidzo izvi tigobereka zvibereko.
Revd. Dr. K. Paradza
Mission Director
NHENDO
Chinyorwa chino cheBhuku roMwedzi woHushumiri chakagadzirwa navafundisi vanoti O. Chagudhuma, J. Shuga, Dr. C. Mugaviri, M. Matata, G. Run’anga, Dr. K. Muza, Ms Samukange naDr Magadzire. Tinoda kuratidza kutenda kwedu kukuru kuvaranda veWokumusorosoro ava. Mapoka edu emitauro yomunyika yedu anoenderera mberi achiita kuti upenyu hwedu huve nyore pavanoita kuti zvinyorwa zviwanikwe namaKristu ose mundimi dzavo dzaamai. Naizvozvo, chinyorwa chino chakaturikirwa kuChiShona naMai Mavis Chihanga. Mwari ngavavaropafadze nekuzvipira kwavo. Tinoramba tichitenda Connexional Bookshop yedu nokuona kuti pfuma iyi yasvika kumativi ose enyika kunowanikwa maHwisiri, rakadhindwa kana richienda namasaisai. Ngavaropafadzwe zvikuru.
Revd. O. Chagudhuma
Research and Publications Coordinator
ZUVA ROKUTANGA (1)
MUSORO: VAMIRIRIRI VAKRISTU
CHIVERENGWA: 2 VAKORINTE 5:20
Nhanganyaya: Dingindira redu regore rino rinoti, ‘Vamiririri vaKristu”. Takadzidza muzviitiko zvakapfuura kuti mumiririri mutumwa kana nhume yomunhu ane chinzvimbo chapamusoro. Nenzira imwe cheteyo, isu tiri vamiririri vaKristu uye tinopihwa simba rokutevera nokupfuurira mberi nohushumiri hwake pasi pano savanhu vakatendeka mushumiro iyi. Mwedzi waChikunguru wakatsaurwa nekereke kuti uve wokuzvinzvera pachedu savanhu variwo mundima iyi yohushumiri. Kuzviongorora uku kunoitwa nokuziva zvizere kuti hushumiri uhwu hahusi hwedu. NdohwaMwari, isu takangoitawo rombo rakanaka kuti tiwane chokuita. Chinokosha muhushumiri uhwu ndechokuti tinofanira kuziva zvatiri nokukosha kwedu kana tichida kuzobudirira.
Kukosha Kokuva Mumiririri Wechikristu: SomuKristu, zvinokosha kunzwisisa kukosha kwokuva mumiririri wechiKristu. Mumiriri mutumwa unosarudzwa kumiririra boka ravanhu kana nyika. Muchinyorwa chino, mumiririri wechiKristu anomiririra Kristu kunyika. Zvimwe zvezvikonzero zvikuru zvinokosha pamumiririri wechiKristu ndezvokuti:
1 Zvinotibvumira kuzadzisa basa redu rokutumwa Kukuru. Jesu wakaudza vadzidzi vake kuti vaende kunoita kuti vanhu vamarudzi ose vave vadzidzi, vachivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene (Mateo 28:19-20). Hatingaiti izvi kana tisingamumiriri zvakanaka.
2 Kuva mumiririri wechiKristu kunotibvumira kuendesa Shoko reVhangeri kuna vamwe. Kristu vakaripira zvivi zvedu pamuchinjikwa, saka pakugoverana mashoko aya navamwe, tinovabatsira kunzwisisa kuti vanogonawo kuwana upenyu husingaperi.
Savamiririri vechiKristu, tinoparadzira Shoko retariro noruponeso, izvo zvinongowanikwa chete muna Kristu.
Chimwe chikonzero chakakoshera kuve mumiririri wechiKristu ndechekuti:
3 Isu tinoshanda semienzaniso kune vamwe. Nokurarama hupenyu sohwaKristu, tinoratidza vasingatendi zvazvinoreva kuraramira Kristu. Izvi zvinogona kutiwanisa mikana yokugoverana kutenda kwedu navamwe nokuvabatsira kunzwisisa rudo nokuzvipira kwakaitwa naKristu pamusana pedu
Chokupedzisira, kuve mumiriri wechiKristu kwakakosha nokuti:
4 Kuna vanhu vanogona kusangana naKristu kuburikidza nesu. Zviito zvedu nemashoko zvinogona kuva nesimba guru kuupenyu hwavakatipoteredza. Kupfurikidza nokuve chapupu chakanaka chechiKristu, tinogona kubatsira vamwe kuona Kristu matiri, uye vagonzwa kuda kunyatsomuziva.
Pakupedzisa, kuve mumiriri wechiKristu kwakakosha kumaKristu anoda kurarama sokutumwa Kukuru kwavakaitwa, kugoparadzira shoko rorudo rwaKristu kunyika yakarasika uye iri kufa.
ZUVA REPIRI (2)
MUSORO: VAMIRIRIRI VATUNGAMIRIRI VOHUSHUMIRI
CHIVERENGWA: MATEO 28:16-20
Nhanganyaya: Vanotungamirira zvoushumiri vanhu vakazvipira kuushumiri hwesangano rose. Vachitungamirirwa nezvinangwa zvesangano, vanoona kuti zvinangwa zvesangano iroro zvinozadzikiswa nomazvo. Ndizvo zvakanga zvakaita VaPostori, uye ndizvo zvatiriwo nhasi tichifambira mberi nebasa ravaPostori vakare, zvikuru tiri vamiririri vaKristu. Isu tiri vatungamiriri vohushumiri.
Kuona Chinzvimbo Chedu Murugwaro: Kubva muchinyorwa chiri kudzidzwa nhasi tinosangana nechiitiko chapagomo rokuGarariya. Jesu akanga afa, amuka uye azviratidza kuvadzidzi vake. Zvakakonzeresa rufu rwake zvingadai zvakanzwisiswa navadzidzi samagumo ohushumiri, asi handizvo. Hushumiri hwaifanira kuenderera mberi uye vadzidzi vaifanira kuva vatungamiriri vebasa iroro. Jesu uri kuudza vadzidzi vake kuti kereke yake yaizokura sei. Dzidziso yake yaifanana nohurongwa hounyanzvi hwezvinangwa hwakadzama (Strategic Plan). Izvi zvinokosha nokuti vadzidzi havaifanira kuzongoshamisika. Muushumiri hwedu samaHwisiri tinotungamirirwa nembiru shanu. Mbiru imwe neimwe inotsanangura zvainofanira kubata. Sembiru idzodzi, ndiyowo misimboti yakashandiswa naJesu paakatuma vadzidzi vake.
Chokutanga, vadzidzi vanoudzwa kuti “endai”. Uyu murairo waifanira kutevedzwa. Jesu ndiye ane basa rokuraira vadzidzi kuti vafambe vachikudza kereke yake. Vadzidzi panguva iyi vakaziva kuti vaifanira kuzova vamiririri vaKristu vakazara. Chinangwa chedu chikuru savamiririri ndechokushandira kukura kwekereke.
Chechipiri, vakaudzwa kuti vaende munyika, kumarudzi ose vovaita vadzidzi vaKristu. Chinangwa chedu chikuru ndechokuvhangera munguva yezvinorwadza zviri kuitika munyika yedu.
Chechitatu, vadzidzi vanoudzwa kuti vanhu vanofanira kuuya sei kuzova vadzidzi vaKristu. Chokuita kuvabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene.
Chechina, vakarayirwa kunodzidzisa. Jesu unoziva dambudziko rokusadzidzisa nokuti hapana imwe nzira yokuziva nayo Mwari. Munhu anogona kuzoita zvinhu mushure mokupiwa ruzivo. Saizvozvo kereke yakazosimudza mbiru yechishanu pahurongwa hwayo hwezvinangwa zvakadzama, iyo ine chokuita nedzidzo. Nhume dzinofanira kuziva chinangwa chadzo. Makadaidzirwa chinangwa imi.
ZVOKUFUNGISISA
Ngatifungei nezvembiru dzoHurongwa hwekereke.
Chii chinokosha chauri kuwedzera kukereke yakakura kudai iyi?
ZUVA RETATU (3)
MUSORO: KUMBERI NOKUSINGAPERI: KUDZOKERA SHURE KWETE!
ZVIVERENGWA: RUKA 9:59-62; VAFIRIPI 3:13-14
Nhanganyaya: Munhu wose ane nhoroondo yake yazuro nezvakamukomberedza. Nhoroondo idzodzi nezvipoteredzo zvine katsika kokuita ruzha runobudisa mugwara paya patinotanga hushumiri hwokutevera Kristu. Kwatakabva uye zvakatipoteredza hazvitiregedzi nyore. Zvakadaro, kunze kwenhoroondo dzoukasha idzi nezvakatipoteredza, tinofanira kuramba tichienda mberi sezvinotaurwa naMwari muna Ekisodho 14:15.
Kumirisana Nezvidzivaidzo: Kubva murugwaro ruri kudzidzwa, Ruka ari kutiudza nezvedzidziso yaJesu pamusoro pomutengo wokuva mudzidzi. Tinoudzwa nezvavarume vatatu vakapiwa mukana vose wokuita zvakarurama kuti vave vadzidzi vechokwadi. Sezvineiwo, vose vaive nezvikonzero zvavo zvaiita sokunge zvino musoro, sokungovewo nezvikonzero zvingaite sezvine musoro iye nhasi. Asi kunyange zvikonzero zvacho zvaiita sezvakanaka, Jesu haana kuzvigamuchira. Kana wafunga kutevera Kristu unofanira kusiya zvese. Kanganwa zviri shure sezvakataurwa naPauro kuvaFiripi.
Jesu haasi kushora kukoshesa kwedu zvisungo zvemhuri. Asi ari kupikisa zvatinokoshesa kana tikatanga kukoshesa munhu kana chimwe chinhu tisati tazvipira kumuda nokumushumira zvisina muganhu. Inyaya yokuvimba, uye tinofanira kusarudza kuti inzwi raani ratinoisa pokutanga pakuzadzisa zvatinoda. Vazhinji vedu takatangira munyaya dzokurima. Zvoreva kuti zviri kutaurwa naJesu pano zvinowirirana nokunzwisisa kwedu. Hazvibviri chose kurima muforo wakatwasuka iwe wakatarisa kumashure nokuti gejo rinofanira kudzoredzerwa richinangiswa mugwara.
Nedzimwe nguva kereke inotadza kuzadzisa zvinangwa zvayakamisikidza nokuti vanhu havana kuzvipira zvizere kumabasa. Vanoda kufadza Kristu asi panguva imwe cheteyo vachiteerera manzwi noruzha rwezvakavapoteredza. Kuve nechokuita muushumiri hwaMwari kunoda avo vanoshingirira vakatarisa kuchinangwa vachirwisana nezvinodzivaidza zvose, saka mberi nguva dzose, kumashure tsvo!
ZVOKUFUNGISISA
Ndedzipi mheremhere dzenhoroondo yokumashure dzinotitadzisa kuzvipira zvizere kuhushumiri hwaMwari?
Tingakunda sei matambudziko acho?
ZUVA RECHINA (4)
MUSORO: KUSHEVEDZERWA KUTSIGIRA MHINDU DZEKEREKE
CHIVERENGWA: HAGAI 1:1-11
Nhanganyaya: Huvepo hwedu pahushumiri hwaMwari hunosanganisira kutenga zvivakwa, kuvaka makereke nedzimba dzavafudzi pamwe nokudzishongedza. Aya mashandiro haasi edu chete. Zvakanga zvakadaro kubva panguva dzamadzitateguru edu okutenda – nguva yavaIsraeri vakare. Nhasi tinofanira kuronda midzi netsoka dzedu kudzokera kunguva yavaIsraeri vekare, toona kukanganisa kwavo, todzidza kubva kwazviri apo tinotsvaga kugadzirisa nekugadzirisa nzira dzedu savaIsraeri vanhasi vanozvarwa nokutenda kuna Jesu Kristu.
Nhoroondo Yokumashure: Hagai wakashumira pakati pavaJudha vakanga vadzokera kuJudhiya mushure mamakore makumi manomwe (70) outapwa muBhabhironi. Pakudzokera kumusha, vanhu vakaita batai-batai pakuvaka nokushongedza misha yavo vasingatarisi temberi iyo yakanga yaparadzwa naNebhukadhinezari. Mafungiro namaitiro iwayo haana kufadza Mwari zvokuti vakaisa chituko pamusoro penyika yacho. Zvinhu zvomwaka iwoyo zvakatanga kuparara zvichiramba kufamba. Vaishanda nesimba muminda yavo asi vachikohwa zvishoma-shoma. Zvose zvavaiwana zvaipesana nesimba ravaiisa.
Munguva yenhoroondo iyi, ndipo Jehovha vakataura kuvanhu vavo kupfurikidza naHagai, vachivaudza kuti zvose zvavaisangana nazvo chaive chitarafu chokusacheuka kwavo imba yaJehovha. Asi Jehovha vane nyasha. Vakaunza mhinduro yetsekwende dzaive dzosangana navanhu. Vanorairwa kuti vakwire mumakomo vauye namatanda vatange kuvaka imba yaJehovha. Vakavimbiswa kuti zvose zvaizovafambira zvakanaka kana vakavaka imba iyi. Zvinonakidza kwazvo! Matanda akanga achingovemo mumakomo nguva yose asi hapana akanga ashinga kuita basa racho.
Zvinobatika munyaya iyi: Kereke yeHwisiri muZimbabwe (Methodist Church in Zimbabwe) ndeimwe yamakereke makuru ane zvivakwa zvinenge makereke, dzimba dzavafudzi, hambautare nezvimwe. Izvi zvinoyemurika zvikuru. Asi, chinoratidzika sechinoshaikwa kazhinjisa izenze rokuita kuti zvinhu zvifambe zvichipere nenguva pfupi. Zvinotora makore anopfuura makumi maviri (20) kupedza kuvaka kereke imwe chete ine nhengo dzinopfuura mazana mashanu (500), asi zvisingatori gore kuti nhengo imwe chete yapakereke iyoyo ipedze imba yayo zidhandanda (mansion). Zvinotora makore akati wandei kuunganidza mari inokwana kutenga hambautare yakachipisisa mudhorobha asi zvichitora mwedzi mishoma kuti munhu atenge yake hambautare inodhura kwazvo. Mazana mashanu (500) avanhu anokundikana asi munhu mumwe chete achikwanisa.
Kereke yedu iri munguva seyaHagai. Tinoisa simba rakawanda kuzvirongwa nemhindu dzedu pachedu tichifuratira nokuregerera imba yaIshe. Sezvazvakanga zviri kuvaJudha venguva yaHagai, pane nyevero yokuti zvimwe tingangotadza kufara nezvibereko zvebasa rakaoma ratinoita namaoko edu.
Isu pamwe chete ngatiisei simba redu kuzvinhu zvaMwari tigoona kuti vachafadzwa sei nesu.
ZVOKUFUNGISISA
Zvakatora nguva yakadii kuti sangano renyu ripedze zvirongwa zvekereke (kana mune zvamakaita nokuti vazhinji havana) muchienzanisa nenguva yamunotora kupedza mabasa enyu?
Unofara nazvo here?
Chii chauri kuzvipira kuita nhasi?
ZUVA RESHANU (5)
MUSORO: HUSHUMIRI HUNODA VAMIRIRIRI VAKRISTU VAKATENDEKA
CHIVERENGWA: MATEO 25:14-30
Nhanganyaya: Kutendeka kunosanganisira kuita basa kana kuchengetedza chimwe chinhu, zvokuti inozova mhosva yako kana chinhu ichocho chikasafamba zvakanaka. Basa raMwari rekereke rinoda vaiti vebasa vanotirimuka, kureva avo vanonzwa kuipa pamoyo kana vakasaparidza Vhangeri (1VaKorinte 9:16). Nhasi takatarisana nenyaya yomubhaibhiri yavarume vatatu naTenzi wavo. Vatatu vacho vaifanira kuratidza tenzi wavo kuti vaiva varanda vakatendeka kunyange iye asipo. Sezvineiwo, vaviri chete ndivo vakaita zvakanaka umwe akakundikana. Kuti isu tikwanise kuzviona munyaya iyi, ngatinzverei chinyorwa.
Maererano norugwaro rwuri kudzidzwa, Jesu ari kudzidzisa nezvoUmambo hwokudenga akanyanyotarisa zvokutongwa. Anotaura mufananidzo woumwe murume akafunga zvokuenda kunyika iri kure. Murume uyu akasiya pfuma yake mumaoko avaranda vake, achigovera umwe nomumwe maererano nokugona kwake (ndima 15). Izvi zvinoreva kuti murume wacho aiziva uye achinyatsonzwisisa vashandi vake zvokuti wakanga asingadi kuwana waanoyemedza kana waanoremedza. Pfuma yakagovewa zvakaenzanirana.
Maererano namagwaro, vose vari vatatu vane zvavakaita nezvavakanga vapiwa. Zvavakaita waive mucherechedzo wechokwadi wamaonero avaiita tenzi wavo. Mafungiro akanaka anobereka zvibereko zvakanaka, uye mafungiro akaipa anobereka migumo yakaipa. Varanda vaviri vakashandisa migove yavakanga vasiya vachengeteswa muzvakanaka ndokubereka zvakapetwa kazana. Umwe muranda, mundangariro dzake, wakafunga kuti tenzi aida kumushandisa kuti iye awane pfuma. Akafunga kukaurisa tenzi wake ndokucherera tarenda muvhu. Sezvineiwo, iye achifunga kuti zvaaiita zvaizokaurisa tenzi wake, iye ndiye akazokauriswa pakudzoka kwavatenzi. Vamwe vakakomborerwa iye akatukwa.
Kereke nhasi ina vanhu vari pamatanho akasiyana ezvipo, kureva zvemari kana zvimwe zviwanikwa. Sezvineiwo, kereke izere nevanhu vakadai iyoyi ndiyo iri kutatarika kuzadzisa basa rayo nokuda kokushaya zvokushandisa. Kuna vanhu mukereke vanofunga kuti vakapa hupfumi hwavo kukereke vanenge vachiiitira fufuro, kana kuti kereke inoda kuvashandisa. Ishasha pakukumbira kunyengetererwa kuti vawane basa, varoore / varoorwe, kuti mabhindauko avo abudirire, nezvimwe. Asi kana vangowana basa racho kana kuti mabhizimisi avo aita zvakanaka, vanokanganwa kuti ndiyo kereke imwe chete yakanamatira kubudirira kwavo. Maonero avo pamusoro pekereke akaipa zvisingabviri. Chavasingazivi ndechokuti zvose zviri mumaoko avo vakazvipihwa naMwari vanova muridzi wezvose. Kana vakasarudza kutitorera zvose, vanogona kuzviita sokubwaira kweziso.
Panyaya iyi, tinofanira kuziva kuti Mwedzi woHushumiri inguva yokuti tiratidze Tenzi wedu kuti tiri vamiririri vakatendeka.
ZVOKUFUNGISISA
Chii chawakanamatira Mwari vakakupa?
Wakaita sei nenyasha dzaMwari idzi?
Iwe unofunga kuti une chaunacho munyika ino here?
Tinofanira kuitei savamiririri vakatendeka?
ZUVA RECHITANHATU (6)
MUSORO: HUSHUMIRI UHWU HAUDI MBWENDE
CHIVERENGWA: MUPARIDZI 11:4-6
Nhanganyaya: Kana uchifamba mukutya, hauna rutendo, uye Bhaibheri rinoti pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari (VaHebheru 11:6). Soromoni unojekesa pakutaura kwake kuti kutya kunoita kuti munhu atadze kutanga chero chimwe chinhu; kunodzivirira budiriro mune zvakawanda. Kutya kunogona kuuya kuburikidza nemaziso (nokucherechedza) uye zvinogona kubata mupfungwa (kuverenga / kufungisisa). Kana munhu akatarisisa chimwe chinhu kana kuchifungisisa, chinoita chihombehombe pamaonero ake.
Maererano nemashoko ari kuongororwa, igaroziva kuti mhepo inovhuvhuta ichienda chero kwainoda, uye kuvhuvhuta ikoko kunogona kuvhiringidza mudyari. Inogona kunorasira mbeu kunzvimbo dzaasina kumboronga. Zvisinei, mudyari ane nguva yaanofanira kuisa mbeu muvhu kuti azogona kukohwa. Kutadza kuzviita kunovhiringa mwaka wose. Mazuva mashoma okutadza kudyara nenguva anoguma nokushaya goho mumwaka iwoyo. Batisisa pfungwa iyi. Kutya mhepo kunotadzisa munhu kudyara, mugumo wacho wove mwaka wokukwangwaya. Izvi zvinoreva kuti mukushi haafaniri kuisa pfungwa dzake pamhepo inovhuvhuta, asi pambeu yaanofanira kudyara.
Nguva yokukohwa inogara iri nguva yokufara nokupemberera, asi kutya kunogonawo kukonzera tsekwende. Kana munhu akacherechedza kana kumirira makore, haafi akakohwa. Kana goho rikagara mumunda kwenguva refu, rinoora rokanganisika. Kumbofunganya nezvamakore panguva yaunofanira kutanga kukohwa kunogona kuguma nokurasikirwa nezvirimwa zvose.
Pano kuzvipira kunofanira kuitwa, asi kana munhu ari mbwende, kuzvipira ikoko hakubviri nokuti anogara ane chimwe chinhu chinomutyisidzira. Kunda umbwende hwako nhasi. Rugwaro runotiudza kuti, “hatina kugamuchira mweya wourandazve kuti titye, asi mweya wokuitwa vana; yatinodana nayo kuti Abha Baba” (VaRoma 8:15). Patinoita chinhu nokutenda, tine chokwadi chokuve nomugumo wakanaka.
ZVOKUFUNGISISA:
Ndezvipi zvinoonekwa zvingava nesimba rokuvhiringidza kubudirira kohushumiri?
Tingapedza sei umbwende hwedu tichiva norutendo?
7 – 14 CHIKUNGURU 2024
VHIKI YEMIMHANZI / YEZVOKUIMBA
Nhanganyaya: Vhiki rino rakatsaurwa neKereke kuti ticherechedze kukosha kwemimhanzi mukunamata. Naizvozvo misoro yenyaya iri muchikamu chino inoda kuzarura pfungwa dzedu kuti tione kukosha kwemimhanzi mubasa rohushumiri. Manzwisisiro edu ndookuti nhau yokuimba ndeyavashoma vakasarudzwa vatinodaidza kuti “kwaya”. Izvi ndezvavanhu vose nokuti tinorumbidza nokunamata Mwari kuburikidza nenziyo.
Takaropafadzwa isu samaHwisiri nokuti nziyo dzedu dzinobatanidza manzwi nezviridzwa, zvose zvechinyakare nezvamazuva ano. Izvi zvinoreva kuti umwe noumwe wedu une chikamu chake chokuita. Avo vanonzwa kuti manzwi avo haana kunaka vanogona kusarudza chokuridza pane zvirimo mukereke. Vaya vasingakwanisi kuita zvose zviri zviviri kuimba nokuridza vanogona kutamba. Saka, nhau iyi ndeyomubatanidzwa. Ngatiswededzei mwoyo yedu pedyo nechigaro chenyasha apo tinoimba tichirumbidza Jehovha Muiti wedu.
ZVOKUCHERECHEDZA: Mukati mesvondo remimhanzi kereke yaMwari inokurudzirwa kuti iunganidze mari yezvirongwa zvemumhanzi zvakarongwa mumatunhu umo.
ZUVA RECHINOMWE (7)
MUSORO: PANE CHIKONZERO CHOKUIMBIRA JEHOVHA
CHIVERENGWA: EKISODHO 15:1-11
Nhasi izuva rokutanga revhiki yeMimhanzi. Inguva yatinofunga kuti Mwari ndiani, tofunga zvavakatiitira senyika, sekereke, semhuri uye sedungamunhu, zvavanoramba vachiita, tobva tasimudza manzwi edu tichivarumbidza nokuvanamata. Takagara nhaka yetsika namaitiro aya kubva kumadzitateguru edu okutenda (Israeri).
Kubva murugwaro ruri kudzidzwa, munyori webhuku raEkisodho uri kutiudza zvakaitika paGungwa Dzvuku (Gungwa Retsanga) vaIsraeri vari munzira yokuenda kunyika yechipikirwa. Tinoudzwa mumagwaro kuti muvengi wavo (maEgipita) vakanga vari mugotsi mavo vachivadzingirira kuti vavadzosere kuuranda hweEgipita. Zvisinei, Mwari vakavarwira.
Vanhu pavakaona vakapupura kubata koruoko rune simba rwaMwari vachiparadza vavengi vavo, vakatunzwa kunyora rwiyo. Tinofanira kuzvinzwisisa sezvizvi: ndima yokutanga yezvinyorwa zviri pamusoro inoti, “Ipapo Mosesi navaIsraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu …”. Uyu ndiye Mosesi mumwe chete akanga amboratidza Mwari kuti akanga asiri nyanzvi, uye kuti akanga achikakamira pakutaura (Ekisodho 4:10). Zvisinei, munhu mumwe chete iyeye akanga ane dambudziko rokutaura ndiye wava kukwanisa kuimba. Sei? Nokuti paita uchapupu. Uchapupu hunoita kuti munhu akwanise kuimba.
Kupfurikidza nokungotarisa zviri murwiyo rwakaimbwa naMosesi navaIsraeri, tinogona kuona chinhu chaivasunda mukuimba kwavo.
Vakanga vaona Mwari vachiita basa. Namamwe mashoko, vaya vanozviti havakwanisi kuimba vari kuedza kutiudza kuti havana uchapupu. Havasati vaona ruoko rwaIshe muhupenyu hwavo. Asi pane munhu here zvechokwadi asati amboona Mwari vachishanda muupenyu hwake? Handifungi kudaro. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kusimuka tichirumbidza Jehovha nenziyo tichitamba.
ZUVA RORUSERE (8)
NHAURWA: KUNUNURWA KUBURIKIDZA NERUMBIDZO
CHIVERENGWA: MABASA 16:25
MaKristu, savafambi vari kufora vakananga kumagumo ezororo, anosangana namatambudziko akawanda anoparadza kutenda kwavo nesimba nechido chokuenderera mberi. Makomo, mipata, nzizi dzinoyerera dzichimhanya, nenzvimbo dzino rukangarabwe dziri mberi kwedu, zvinogona kutinonotsa kufamba. Asi inhau dzakanaka kuyeuchidzwa kuti avo vanomirira Jehovha vachapihwa simba idzva.
Nyaya yaPauro naSirasi iri muna Mabasa 16 inyaya inosiririsa pakutanga kwayo. Varume vaviri ava vakanga vazumburwa, vakarohwa namatanda, vakaiswa mutirongo vakasungwa nengetani. Misana yavo yakakuvadzwa, kana kudoti yakarimwa navarwi vaive noutsinye navatenzi vaida kuti vaviri ava vafe. Asi unozivei, mumarwadzo makuru iwayo vaPostori vakapa uchapupu hwakasimba hwenyasha dzaMwari dzinoshamisa. Pakati pousiku, vakanyengetera vachiimba nziyo dzokurumbidza Mwari. Chinonakidza ndechokuti yaisava nguva yokunamata asi pakati pousiku, kwete muimba yokunamatira asi mujere, asi kwavari yakava nguva yokurumbidza Jehovha nenziyo, minamato yavo ikagamuchirwa.
Hapana nguva kana nzvimbo inogona kudzivirira minamato nerumbidzo dzinofashukira kubva mumwoyo yevatendi kuna Mwari wavo. Kana mwoyo wasimudzwa kuna Mwari zvakasimba, budiriro inoonekwa muupenyu. Pauro naSirasi vakashandura zvitokisi kuva nzvimbo yakasanangurwa yokunamatira, nzvimbo yokupisa komweya apo Mwari vakataura navo neminana. Tinoudzwa kuti dzakazununguswa kwakava nokudengenyeka kwenyika kwakasimba nheyo dzetorongo dzakazununguswa. Misuo yetirongo yakazarurwa, mangetani avasungwa akadambuka apo vaPostora vaviri ava vakaperera mukurumbidza. Kurumbidza nokunamata kunosunda Mwari kuti vatirimuke. Pakaita huvepo hwaMwari pakudaidzwa kwezita ravo munziyo.
Tiri kufunga nezvehama dzedu dzinodiwa dzinorarama kunge dziri mutirongo. Vamwe vakamanikwa mumatirongo emichato isingaite, ourombo hwakaipisisa neezvirwere zvisingarapiki. Covid-19 haina kutinyenyeredza. Mudzimba zhinji mune gwanza raimbogarwa nababa, amai, hanzvadzi, mukoma mwana kana mubereki. Ichokwadi kuti makumbo angave akasungwa nengetani asi tinokurudzirwa noumwe wanaBaba vedu mukereke, vaTertualian, avo vakati musure mokunge vabuda mungwavaira, “Makumbo haanzwi zvakamasunga kana pfungwa dziri kudenga. Kunyangwe muviri wakamanikwa zvakasimba, zvinhu zvose zvinovhurika mumweya.” Mhuri dzakarasikirwa, kwete navadikani vadzo chete, asi nemhindu nemikana yokurarama. Kurudziro kuvanhu vakadai ndeyokubatirira pakutenda, kumirira Jehovha vachivarumbidza kusvikira mazambara avhurwa zvakare.
ZUVA REPFUMBAMWE (9)
MUSORO: NZIYO DZOMWEYA DZINOMUTSURUDZAA SIMBA REDU MUNGUVA DZOKUTAMBUDZIKA
CHIVERENGWA: MATEO 26:30
“Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi”
Muponesi wangu anove Muponesi wenyika yese anovhara chikamu chisingafadzi nePisarema apo ari kugadzirira kunyadziswa kusakambovonekwa. MuPisarema iri, Mwanakomana womunhu (Mwari pachavo) wazvigadzirira kunyudzwa kuti torododo mukusuwa paari kupinda munzira itsva yerima rinotyisa, achienda kugomo reMiorivhi. Hazvina kujeka kuti rwiyo rwacho rwakanga rwakanyorwa here, rwaive rwokungofunga here kana kuti raiva Pisarema raizivikanwa navose. Chatinongoziva ndechokuti pakaimbwa rwiyo. Tinodemba kwazvo kuti dai kwakanga kwave nenzvimbo dzokutapa manzwi (studio) mazuva iwayo. Tingade chose kuva nendiro (CD) yaJesu achiimba navadzidzi vake. Dzimwe nyanzvi dzinoti ndivo vakaimba Pisarema 136.
Zviri pachena kuti Ishe wedu waive noruzivo rwakajeka rwokunyadziswa nokutambura kose kwaizouya nokuroverwa kwake, ndosaka pakadiwa rwiyo rwokumbovaraidza pfungwa. Vadikani, zvakakosha kuti kana zvaoma tiende kuna Jehovha nenziyo. Kuimba kunozarurira mwoyo yedu kwavari, nyaya yedu yonzwikwa, topiwa chivimbiso. Nziyo dzinotsudurutsa makomo. Kune amwe makomo asina kana basa kufanana namamiriro ezvinhu muupenyu hwedu angangogona kuvhiringa ramangwana redu. Muhondo yeRussia-Ukraine, pfungwa dzokuti nyika idzi dzingangoshandisa zvombo zveNuclear dzakavhundutsa vanhu ikave bataibatai.
Kushaya mabasa, matambudziko emari, Covid-19, urombo, kutsinhaniswa kwavanhu, namamwe matambudziko makuru enguva yedu, zvinoda kuti timirire Ishe tichivarumbidza. Pane rwiyo zveMCZ rweShona runoti “Vamwe vayamuri vokoniwa Ishe muyamuri garai neni” (Hymn 293). Atarisana norufu, Tenzi wedu akasarudza kuimba rwiyo rwokurumbidza Mwari. Haana kushama muromo wake, akanyarara segwai pamberi pomuvevuri waro. Tinodzidziswa kudekara munguva dzokutarisana nenjodzi. MaMoravian akarumbidza Mwari asangana nedutumupengo remhepo. Kuimba kwavo ndiko kwakavasimbisa pavakanga vatarisana norufu. Vazhinji vedu tinonyunyuta tikatarisana nenjodzi, vamwe vachinobvunzira kumaporofita enhema nen’anga. Naizvozvo Isu tose tinodaidzwa kurangarira Mwari tichivarumbidza pose patinotarisana nenguva dzakaoma.
ZUVA REGUMI (10)
MUSORO: SIMBA REDENGA RINOWANIKWA MUZVIRIDZWA PANGUVA DZOKUNAMATA
CHIVERENGWA: 1SAMUYERI 16:14-23
Nguva dzose, panonamatwa Mwari pano musanganiswa wokuparidzwa kweshoko, kuimba, kunamata uye kuwadzana. Mwari vanoziva kuti, takatarisana nemhando dzakasiyana-siyana dzokuvanamata dzatinadzo, tinofanira kuita kuti vanhu vave namatarenda akasiyana-siyana kuitira kuti mhando dzose dzokumanama dzizadziswe zvinogutsa, kuitira mbiri yaVo. Apa ukaita ongororo, uchaona kuti vamwe vanhu vane chipo chokuparidza/kudzidzisa/ kugoverana shoko raMwari; vamwe vane chipo chokunyengetera; vamwe vane chipo chokuimba uye vamwe vane chipo chokuridza zviridzwa, asi zvose izvi zviripo kubatsirana kuburitsa kunamata kwakakwana kune simba. Naizvozvo musoro wanhasi unotsvaka kucherechedza kunamatwa kwaMwari kuburikidza nezviridzwa senzira yekukoka huvepo hwoMweya Mutsvene.
Zviridzwa zvinogona kuiswa mumhando yechinyakare neyechizvino-zvino. Zvechinyakare zvine chokuita zvakanyanya netsika dzomuno, ukuwo zvechizvino-zvino zviri zvokunyikatorwa. Mienzaniso ndeiyi inotevera: Zviridzwa zvechinyakare kana zvechivanhu zvinosanganisira ngoma, hosho, hwamanda, mbira, marimba nezvimwe zvakawanda. zvechizvino-zvino zvinosanganisira keyboards, guitars, flutes, harps, ngoma and tambourines. Kana zviridzwa izvi zvichiridzwa zvakanaka panguva yokunamata, umwe noumwe wedu unosvitswa pakupinda muMweya kuburikidza nechimwe chezviridzwa kana nomusanganiswa wazvo. Apa ndipo panozoita kuti Mweya Mutsvene, sokuda Kwake, udurure simba rawo rouMwari rinoshamisa rokunyaradza, kuporesa, kumutsiridza, kununura, nokuropafadza umwe munhu. Zviridzwa zvinogona kushandiswa kurunga rwiyo rwunoimbwa, kana izvo zvoga kuve rwiyo pasina mazwi. Murugwaro rwanhasi, Mweya waJehovha wakamga wabva pana Sauro mushure mokunge atadza kuteerera inzwi raMwari, mweya wokutambudzika ukatanga kumushungurudza.
Nyanzvi dzedzidzo dzinopokana pakuti mweya wakaipa wakatumwa naShe here kana kuti Jehovha vakautendera kuti uuye. Zvokuti uku kwaive kubatwa nedhimoni here kana kuti kungorwara nepfungwa igakava rerimwe zuva, asi zvinoita sokunge zvaitorera kose. Kurerutsa nyaya, Sauro akange awira mukushushikana kukuru, uye dhiabhorosi chimiro chepfungwa chakadaro ndicho chaanofarira kushanda nacho. Pane tsumo yakare inoti, ‘Satani anofarira kubata hove mumvura yakabvongodzwa”, saka chimiro chendangariro dzaSauro chakapa dhiyabhorosi mikana yakawanda. Varanda vaSauro vakamunyengetedza kuti awane muridzi womudimbwa ane unyanzvi, Dhavhidhi, kuti amuridzire. Nguva imwe neimwe Dhavhidhi paaitora rudimbwa achiridza, Sauro aibva asunungurwa, ogwinya, mweya waimutambudza wotaramuka paari. Hazvina mubvunzo kuti kuporeswa nokununurwa zvakaitika panguva iyi, kwete nokuturika maoko mumunyengetero pachipfugamo, asi nokungoridza chiridzwa. Zvakadaro, ichi chaive chirongwa chepachivande mukati momuzinda waSauro kwete kukereke, saka izvi zvinoreva kuti kunyangwe semhuri tinofanira kuvewo nourongwa hwokunamata kuburikidza nemimhanzi mudzimba dzedu.
Kana chiridzwa chemimhanzi chichigona kuve chombo chechishamiso chikuru chakadaro, zvinokodzera kuti tive nezviridzwa pazvirongwa zvose zvokunamata pasina rusarura kuti simba raMwari rishande kuburikidza nemimhanzi. Kazhinji mumakereke edu mune nyaya dzokusarudzwa nokusiiwa kwezvimwe zviridzwa. Vanhu vanonyanya kurerekera kuzviridzwa zvechinyakare vachisiya zvamazuva ano. Panodove namamwe makereke asina zviridzwa zvachose.
Imbofungai kuti uchapupu hweminana hwakawanda sei huri kutadziswa nokusave nezviridzwa izvi. Zviridzwa zvinofanirwa kupihwa nzvimbo yazvo mukunamata kwedu nokuti Mwari vakanemba vamwe vanhu kuti vanunurwe kana kutendeutswa nazvo. Kereke yedu inofanira kuramba ichigamuchira vanhu vane matarenda okuridza zviridzwa nokusimudzira vamwe vangave vasati vava netarenda asi vane shungu dzokudzidza.
ZVOKUFUNGISISA
Wakaisa mari yakadii pazviridzwa zvemimhanzi kukereke yaunopinda?
Chii chiri kuitwa kupa mikana yakaenzana kumhando dzakasiyana dzemimhanzi pakereke yako?
Kereke yako ingavandudza sei mabatiro ainoita kunamata kuburikidza nemimhanzi
ZUVA REGUMI NERIMWE (11)
MUSORO: MWARI VANOGARA MURUMBIDZO DZAVANHU VAVO
ZVIVERENGWA: PISAREMA 22:3; VAKOROSE 3:16
Kuimba kunofambidzana nokuparidza seimwe yenzira dzinokosha yakatsanangurwa naMwari yokuti shoko ravo rigare noudzamu mukati moumwe nomumwe wedu. Uyu murairo, sezvatinoverenga kuna VaKorose 3:16, saka kana tichiimba tinenge tauteerera. Shoko rokuti “kugara” muna Pisarema 22:3 rinotakura pfungwa yokuraramirapo. Tinorairwa kurarama muhuvepo hwaMwari. Ivo Mwariwo vari matiri uye vanoda kugara mukati memoyo yedu nenzira imwe cheteyo. Vadikani, zvinoninipisa kuona kuti kunyangwe Mwari vakakombwa nerumbidzo dzengirozi, vakagadzirira kuzvininipisa, vachifarira kugara murumbidzo dzavatadzi vanomuda sesu.
Nguva zhinji ndinogumbuka kana kuimba kuchiitwa sokungovaraidza nguva yeshumiro, kana kudziisa dariro remharidzo, asi icho chiri chikamu chokunamata chakakosha kungofanana nokuparidzwa kweshoko. Kana tichiimba tinogobora midzi yakadzika mushoko. Patinoita zvinotaurwa neBhaibheri tichiimba pamwe chete semhuri yekereke tinenge tichinzwa kureurura kwamazana ezvapupu zverutendo. Kuimba pamwe chete kupupura uye kunoratidza kuwadzana kwakasikwa kuri mukati mamaKristu. Zvino zviri pachena kuti tinofanira kurarama uye kufamba pakunamata Mwari sokutaura komunyori waMapisarema kuti Mwari vanogara murumbidzo dzavanhu vavo apo anoti, “Asi imi muri mutsvene, imi mugere parumbidzo dzaIsraeri”.
Munyori waVaHebheru muganhuro 13 ndima 15 unojekesa chikonzero chokurambira parumbidzo achitaura kuti ngatirambei tichipa chibayiro chokurumbidza kuna Mwari, icho chinove chibereko chemiromo inotenda kuzita ravo. Saka kuramba tichirumbidza zita ravo kunokonzeresa huvapo hwavo husina ukoni.
Kana kereke ichirumbidza Mwari, Humambo hwaMwari hunogadzwa sezvahunoitwa Kudenga. Kuuya kwoUmambo kunounza utano hwakanaka, kugadzikana mumweya nomundangariro apo hunobata nhau dzokurukutika; hunouya noupfumi, hukama hune utano, rugare rwakanaka uye kungogadzirika kwezvakawanda.
ZUVA REGUMI NAMAVIRI (12)
MUSORO: SHANDISA TARENDA RAKO KURUMBIDZA MWARI.
ZVIVERENGWA: EKISODHO 14:1-3, MATEO 25:14-30
Mwari vakaropafadza vanhu vavo namatarenda akawanda. Tarenda unyanzvi kana umhizha hwomunhu kana hweboka ravanhu. Kugona kuimba itarenda rakakosha kukereke, kunyanya kuvanhu vanonzi maHwisiri. Mimhanzi rupawo rweHwisiri zvokuti munhu haakwanise kurubvisa pahurongwa hwokunamata muMCZ (MCZ Worship Liturgy). Denda reCOVID-19 rakadzikisa nyaya dzemimhanzi, kereke ikaita seyasiyanawo nazvo.
Mimhanzi Inofanira Kukudza Mwari. Tarenda rose risingakudzi Mwari rakarasika, uye izvi nokuimba hazvina mutsauko. Muna Ekisodho 14, Miriami akarumbidza Mwari kuburikidza nemimhanzi mushure mokunge vaIsraeri vayambuka Gungwa Dzvuku. Mushure mokusunungurwa, mumwe munhu aifanira kukudza Ishe worusununguko.
Mimhanzi Ine Chokuita Nomweya. Nziyo dzinokwanisa kusimudzira mweya nokukwevera vanhu kuna Mwari. Nziyo dzisingakudze Mwari Wemasimba ose dzinokwevera vanhu kune dzimwe nzvimbo. Mimhanzi inoita basa guru mukukura kwekereke. Nziyo dzinoporesa mweya inotambudzika, saka chikamu chinokosha pakunamata kwedu, sezvinotaurwa Mateo 25 kuti Mwari vakapa vanhu chipo chokuimba kuti humambo hwavo hukure. Avo vanogona kuimba vanofanira kuzviita vachiziva kuti Mwari vanotarisira zvibereko pakuguma kwazvo zvose. Vanhu vakawanda vane zvipo vanokurirwa nokuzvikudza, vokundikana kukudza nokurumbidza Mwari.
Mimhanzi Ipfupikiso Dzemharidzo. Tarenda rokuimba rinofanira kuonekwa rakakosha zvakanyanya sezvo nyaya inoimbwa ichicheka ichipinda pakadzika pomoyo, zvinogona kusaitika nokuparidza kwakajairika. Nziyo dzinobaya mwoyo yavakawanda nomutoo wakapomhodzwa. Mutoo iwoyo unobata muteereri kwenguva refu. Vateereri vanogona kudzokorora mharidzo yaimbwa vakavarairwa. Kuimba kunobatanidza uye kunoita kuti vateereri vafambirane navatungamiriri vokuimba. Kuimba hwaro hwakasimba hwokuparidza saka kunofanira kukosheswa kwazvo.
ZVOKUFUNGISISA
Ndiri kushandisa tarenda randakapiwa naMwari kuti vakudzwe here?
Mwari ndibatsirei kushandisa tarenda rangu sokuda kwenyu.
ZUVA REGUMI NAMATATU (13)
MUSORO: NYIKA DZOSE DZINOFANIRA KUIMBA PISAREMA ROKUTENDA
CHIVERENGWA: PISAREMA 100:1-2a
Pisarema iri rino musoro wakangonzi ‘Pisarema rokutenda’, uye ndiro chete paMapisarema ose rino musoro uyu. Rinotaura nezvokukokwa kwenyika yose kuti izive uye inamate Mwari. Pisarema iri rinoratidza kufadzwa nokuda kwepasi rose, richifungisisa nokubwinya kwapasi ipapo, apo vanhu vose vanozviisa pasi pokutonga kwaJehovha.
Kuimba ndicho chimwe chinokoshesesa pakunamata. Mushumiro dzose vanhu vanonamata Mwari kuburikidza nokuimba nziyo vachifara. Nguva dzose patinoswedera pedyo naMwari, patinouya pamberi paMwari, tinofanira kuimba nziyo dzokurumbidza nomufaro. Munyori weMapisarema ari kudaidza munhu wese kuti aite ruzha rwemufaro kuna Jehovha, uye haana waari kusiya asi anodana munhu wese kuti ave mumwe weboka ravaimbi. Kakare, munyori weMapisarema ari kuunzawo pfungwa yokuti Mwari vanofanira kutendwa nezvavanogara vachiitira vanhu vavo. Kana vanhu vakatarisa-tarisa vanoona chikonzero chokuti sei vachifanira kutenda Mwari pose pavanouya pamberi pavo. Zvinosangana navanhu mukurarama ndizvo zvinoita kuti vauye pamberi paMwari nomufaro vachiimbira Mwari wavo uyo wavanoziva kuti maari zvinhu zvose, nokupokana kose zvinoenzaniswa.
Kusiyana naMapisarima akati wandei apfuura, Pisarema rezana (100) haritangi nokuzivisa uChangamire kana hunhu hwaMwari. Rinotanga rakapfava rakanangana nokukurudzira vari munyika kuti varumbidze Mwari vachidanidzira nomufaro. Idaidzo yendudzi dzose kunosvika kure kudarika miganhu yeIsraeri. Uku kudaidzirwa “kushevedzera nomufaro”, izwi iroro richiratidza kushevedzera sokunoitwa navagari vomunyika vakavimbika kana mambo wavo asvika pakati pavo. Izvozvi zvinongotiudza kuti Mwari wedu vanofanira kunamatwa navanhu vanofara, vano mweya inofara zvinowirirana nohunhu hwavo, mabasa avo, uye kuvonga kwatinofanira kukoshesa nokuda kwengoni dzavo.
Nyaya iri pano haisi yokungodanidzira chete asi ndeyamarudzi ose. Munyori wePisarema ari kuyeuchidza marudzi ose kuti anofanira kuziva kuti Jehovha ndiani. Ndiye Jehovha, ane nyasha nemaropafadzo anoraramisa vanhu. Naizvozvo, marudzi ose anokokwa kuti aimbire Jehovha nziyo nokuvanamata. Pasi rose rinokokwawo kuti rishumire Ishe. Munyori weMapisarema anogona kunge aifunga nezvokunamata kana nezvezvimwe zviga zvaitevedzwa mutemberi, asi musimboti uyu unongoshanda pabasa rose rakanangana naMwari. Naizvozvo, vose vanobatira Jehovha vanofanira kuzviita nomufaro.
Vanhu vanokokwa kuti vashumire Jehovha nomufaro. Izvi zvinotiyeuchidza kuti mukana uye ibasa redu kuti tifare mukunamata kwedu. Chitendero chaMwari wechokwadi chine donzvo rokubvisa nhamo dzavanhu, nokuita kuti vanhu vafare. Uyo asina kufadzwa nechitendero chaKristu haachinzwisisi, kana kuti haachishandisi nomazvo. Kuna avo vanodavira zvamazvirokwazvo kuna Mwari, vanosangana paungano huru nokuti mufaro wavo kunamata Wokumusorosoro.
Munyori wePisarema ari kukokawo rudzi rwose kuuya pamberi paJehovha nokuimba. Somunzvimbo dzakawanda muMapisarema, kurumbidza kunoburitswa munziyo. Kuimba haisiriyo nzira chete yokurumbidza nayo Mwari, asi ndiyo nzira huru yokuzviita. Pamusoro pazvo, vanhu vanofanira kuziva kuti Ishe ndivo Mwari. Kurumbidza kunouya kuna Mwari kubva kuvanhu vavo nokunyika dzose kunofanira kuve kwakachenjera. Vanhu vane zvikonzero zvakawanda zvokunamata Jehovha, zvikonzero zvacho zvichitanga pakuziva kuti ndivo Mwari. Kuziva kunoita kuti umire paivhu rakasimba. Tinofanira kugutsikana nazvo. Chimwe chikonzero chokunamata Mwari ndechokubvuma kwakakodzera kubasa ravo soMusiki. Pfungwa yokuti tinogona kuzviita haina musoro, uye tinofanira kunamata Iye wakatisika.
ZUVA REGUMI NAMANA (14): NHASI, KANA ZVICHIGONEKA, MAKWAYA ANOFANIRA KUTANGAMIRA MABASA ROKUNAMATA MUMASANGANO EDU.
ZUVA REGUMI NAMASHANU (15)
MUSORO: KUBATSIRA KUKURA KWEKEREKE KUNGAITWA KUBURIKIDZA NORUDO NOKUBATANA
CHIVERENGWA: 1VAKORINDE 13:13
Nhanganyaya: Munogamuchirwa nomoyo wose pachidzidzo chachembera kunge kereke pachayo – simba rorudo nokubatana mukukura kwekereke. Munyika yazara namakakatanwa, kereke inomira sechiedza chetariro, ichiratidza zvainoreva nokubatana murudo. 1 VaKorinde 13:13 inotiyeuchidza, “Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara, asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo”. Ngationgororei kuti rudo nokubatana, zvakatsira midzi mukutenda kwedu, hadzisi pfungwa dzokungoshuvira, asi zvinhu zvinorarama zvinogona kusimudzira kukura kwekereke zvinobatika.
Simba Rorudo Mukereke: Rudo ndiyo hana yokutenda kwechiKristu, uye ndiro ropa rinopa hupenyu kukereke dzose dzinorarama. Runopfuura chinhanho chokungonzwa kufarira; isarudzo yokutsvaga zvakanakira vamwe. Kana nhengo dzekereke dzichidanana zvechokwadi, dzinogamuchirana nokutsigirana. Mararamiro aya anoitira zvakanaka vose vagara varimo navatsva, ichikurudzira kunzwa kugamuchirika. Kereke ino munembo worudo inova nzvimbo inogamuchira, ichikwezvera vanhu, kwete kudzidziso chete, asi kurudo rwaKristu runoratidzwa mumabasa zvinobatika.
Basa Rokubatana muKukura kwekereke: Kubatana mukereke hakurevi kufanana; kunoreva kusangana kwavanhu vakasiyana-siyana pamwe chete vaine chinangwa nomuono umwe chete. Jesu akanyengeterera kubatana kwavateveri vake kuna Johane 17:21, “kuti vose vave vamwe, semi, Baba, mandiri, neni mamuri”. Kereke yakabatana inomira yakasimba pakurwisa matambudziko, uye inopa uchapupu hune simba kunyika. Nhengo padzinoshanda pamwe chete mukunzwisisana, dzichibatanidza zvipo nematarenda adzo akasiyana-siyana, mukana wekereke wokukura pamweya nomuhuwandu unokurawo saizvozvo.
Rutsigiro Rwamagwaro: Bhaibheri rakazara nendima dzinosimbisa rudo nokubatana. Johane 13:35 inoti, “Naizvozvo vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana muchidanana.” Ndima iyi inojekesa rudo sechinhu chinotsanangura kuva mudzidzi wechiKristu. Rumwe rugwaro rune simba iPisarema 133:1, “Zvakanaka sei uye zvinofadza sei kana vanhu vaMwari vachigara pamwe chete vakabatana!” Idzi ndima, nedzimwewo, hadzingove mazwi ekurudziro chete asi ndedzechokwadi chehwaro chinosimbisa hutano nokukura kwamakereke. Dzinotiyeuchidza kuti rudo nokubatana hazvisi zvokuzongosararudzawo kuita, asi zvinhu zvakakosha zverwendo rwedu rwokutenda takabatana.
Matanho Angashandiswa Kusimudzira Rudo Nokubatana: Kusimudzira rudo nokubatana munharaunda yekereke kunoda sarudzo yokuita basa. Inogona kutanga namapoka maduku akanangana nokuvaka ukama uye kudzidza Bhaibheri pamwe chete. Kukurudzira kutaurirana chokwadi pachena, nokugadzirisa kusawirirana nenyasha nokunzwisisa zvakakosha. Kupemberera kusiyana-siyana mukati mekereke – kusiyana kokwakabviwa, kwezvipo namaonero – zvinogona kusimbisa pfungwa yokubatana. Kuronga mhindu dzamabasa mukubatana kunogonawo kubatanidza nhengo nechinangwa chimwe chete dzichishandira nharaunda. Aya matanho anoshanda anobatsira kuvaka nharaunda yakasimba, yakabatana, uye ino rudo nokubatana kusiri kwapamuromo chete asi kunobatika mukurarama.
Mhedziso Nemibvunzo Yokukurukurirana: Pakupedzisa, rudo nokubatana zvakakosha murwendo rwokukura kwekereke. Ndidzo shinda dzinoruka dzichibatanidza pamwe chete nharaunda yekereke ichive nesimba. Patinogamuchira izvi, tinozarura mikana yekereke inosimbiswa, inokura, isingangotauri nezvorudo rwaKristu chete asi inoruratidza namabasa. Ngatifungisisei nezvorwendo urwu rwekushandura zvinhu tichitarisa mibvunzo inodenha pfungwa.
ZVOKUFUNGISISA
Matanho api anoshanda aungatora kuratidza rudo kune vaunonamata navo mukereke?
Kereke yako ingagadzirisa sei nokukunda zvibingamupinyi zvekubatana?
Funga nezvaJohani 13:35. Ndima iyi inokudenha kana kukukurudzira sei mukereke yako?
Ndedzipi nzira dzokucherechedza kusiyana-siyana kwavanhu dzingasimbisa kubatana mukereke mako?
Kereke yakabatana ingashandura sei nharaunda yayo, zvichizobatsira mukukura kwekereke?
ZUVA REGUMI NAMATANHATU (16)
MUSORO: KUVE NECHOKUITA MUHUSHUMIRI
CHIVERENGWA: 2 VAKORINDE 8:1-5
Nhanganyaya: Kuve nechokuita muushumiri kunodakuitwa nomoyo unoda. Kazhinji tinoona kuti kereke yava kutevedza ‘zvemitemo’ zvokuti vanhu vanonzwa sokuti vari kumanikidzirwa kuve nechokuita munhau dzenyasha, vachitya kuti kana vakasadaro vangasangana nokurangwa. Izvozvo hazvikodzerani neshumiro yedu yechiKristu. Chikristu chinotangira muchitendero chiri mumoyo, saka kubata kwose kunofanira kutanga nomoyo kusati kwaonekwa muzviito.
Kubva muchinyorwa chiri kudzidzwa, Pauro unotipa nyaya yekereke dzeMakedhonia. Maererano netsanangudzo dzakapiwa, makereke aya aipindwa navarombo vokupedzisira. Kunze kwourombo hwavo, vakanga vachisangana nemiedzo yakakomba. Nechimiro chakadai, zvaidoreva kuti kana paiva norubatsiro rwaida kuunganidzwa, rwaifanira kuunganidzwa kubva kune dzimwe nzvimbo rwuchiuya kuMakedhonia. Vaifanira kudaidzwa kuti vapemhi. Vaifanira kubviswa pane vaitarisirwa kupa, vachionekwa sezvinhu zvokunzwira tsitsi. Asi pano Pauro uri kutiudza nhau yakasiyana. Muurombo hwavo hwakanyanya, vaiva vanhu vaizvifarira uye vachipa.
Pavakanzwa kuti vakanga vabviswa muushumiri hwokupa, makereke eMakedhonia akateterera Pauro neboka rake kuti vasasiiwewo— kwete mukugamuchira, asi mukupa. Vaisada kusiiwa panyaya dzokupa. Vaisada kuva ‘vagamuchiri’ asi ‘vapi’.
Tiri kutsvaga hunhu hwekereke dzeMakedhonia mumakereke edu eHwisiri anhasi. Vanhu havafaniri kumanikidzwa kupa asi kuti vanofanira kukumbira vatungamiriri kuti vasavasiya. Tinonamatira nguva yokuti vanhu vawande mumahofisi amakereke vachipa mipiro nezvipo vachisundwa nemoyo inoda. Hurombo hahufaniri kushandiswa sechikonzero chokutadza kwedu kuita zvatinofanira kuita.
Pauro ari kuti ava vokuMakedhonia vakatanga kuzvipa ivo pachavo, zvipo zvavo zvichizotevera. Zvinodaro nokuti pane pfuma yako ndipo pano moyo wako. Kana iwe pachako ukazvipa kutanga, zvinova nyore kuzopa zvaunazvo. Zvichida dambudziko redu guru nderokuti vanhu havatangi vazvipa ivo pachavo, saka zvinovaomera kuti vape hupfumi hwavo.
ZVOKUFUNGISISA
Mamiriro edu akaipa kupfuura vanhu vokuMakedhonia here?
Tinofanira kuitei?
ZUVA REGUMI NAMANOMWE (17)
MUSORO: KUGADZIRISA MWEYA WOKUPIMIRANA
CHIVERENGWA: 2 MADZIMAMBO 6:1-4
Nhanganyaya ‘KUPIMIRANA’ ndicho chinhu chiya chisingazotibvumiri kushanda sokugonesesa kwedu sezvakaiswa naMwari matiri. Mipimo yomweya inoganhurira, yodzora kugona komunhu uye yononotsa kana kukanganisa munhu zvokuti hapana chaanobudisa muupenyu. Zvakadaro, pane tsvakurudzo yakabudisa kuti kukundikana kwedu kwakawanda savanhu hakusi mune zvatinoona kana kuita. Kuri mupfungwa. Pfungwa dzisina kunaka dzinobereka mifungo isina kunaka, mugumoo wacho uri wokungoona zvikoneso pose pose. Nguva ino yegore yakanyatso gadzirirwa kutibatsira sekereke kuti tinyatsoona zvatinogona kuita, tigoita hasha nemweya wokutipimira.
Kuona Chinzvimbo Chedu Murugwaro: Kubva murugwaro ruri kudzidzwa, tinopiwa zvakaitika pachikoro chouporofita paJorodhani. Tinoudzwa nezvokushanya kwaErisha kuvadzidzi vechiporofita vakanga vachidzidziswa paJodhani. Munyori webhuku rechipiri raMadzimambo unotiudza kuti kuvapo kwaErisha pachikoro kwakadenha chimwe chinhu. Asati asvika vadzidzi vechiporofita vaigutsikana nezvavaiva nazvo, asi kuvapo kwaErisha kwakavhura njere dzavo vakaona kuti zvivakwa zvavaishandisa zvakanga zvisisaenderane nechipimo chokukura kwavo napakukodzera Ishe wavo.
Chokwadi kuvapo kwaJesu pakati pedu sekereke kunofanira kutidenha kuti titarise-tarisa tione kana zvatinazvo nezvatinoshandisa sekereke chiri chiratidzo chechokwadi chaIshe watinonamata. Zvinonakidza kuona kuti murondedzero iyi haasi Erisha akasuma pfungwa kana hurukuro iyi. Vadzidzi pachavo. Sezvo zvinhu zvese zvichitanga mundangariro zvisati zvagoveranwa neboka, tinogona kutaura takavara kuti pfungwa dzavadzidzi vechiporofita ava dzakanga dzaona:
Kudiwa kwekutandavadza.
Mukana wokutandavadza.
Nzvimbo yavaizotandavadza vachienda.
Kugona noumhizha hwavaive nahwo.
Pashure pokunge vafunga zvataurwa pamusoro apa, nhanho yakatevera kwakave kukumbira kuvapo kwaErisha apo vaizopfuurira nohushumiri hwokutandavadza nzvimbo yavo. MCZ, mumapazi ayo ose, inoda pfungwa sedzavaporofita vechidiki ava vapaJorodhani kana ichida kuita zvinhu zvikuru. Tinofanira kutarisana nomweya wekupima, kureva izvozvo zvinoita kuti tifunge kuti hatigoni. Kugadzirisa mweya wokupimirana kunovhura umhizha nokugona kwedu sekereke.
ZVOKUFUNGISISA
Ngatitarise-tarisei zvivakwa zvatiri kushandisa sekereke. Tiri kufara here nemamiriro azvo?
Chii chatingaite kuvandudza mhando nokukosha kwezvivakwa zvedu sekereke?
ZUVA REGUMI NAMASERE (18)
MUSORO: HUSHUMIRI HWOKUITA HANYA NAVAFIRWA
CHIVERENGWA: JOHANE 11:20-32
Nhanganyaya: Kereke yeHwisiri MuZimbabwe (MCZ) ndeimwe yamakereke makuru anocherechedza kwazvo nyaya yokuchema navanochema. Mumakereke edu mune humbowo hwavanhu vakauya kukereke mushure mokuona mamiriro atinoita navamwe vedu munguva dzamatambudziko. Isu takatora maitiro aya kubva kuna Ishe wedu Jesu Kristu pachake, zvinove izvo zvinotsanangura zvatiri savamiririri vake.
Mumakwara mamwe chetewo, John Wesley akadzidzisa kuti, “Ita zvose zvakanaka zvaunogona, nepose paunogona, munzvimbo dzose dzaungagona, panguva dzose dzaunokwanisa, kuvanhu vose vaunokwanisa, pose paunenge uchiri kukwanisa. (John Wesley). Rufu ndeimwe yenguva dzinoshungurudza zvakanyanya muupenyu hwavanhu vese. Hazvina basa kuti munhu muKristu akazvipira; kana rwauya runovhiringidza zvinozunguza kutenda kwedu. Bhaibheri rinotiudza kuti Mambo Dhavhidhi akarwadziwa sei nokufa kwaAbsaromu. Rufu rwomwanakomana rwakavhuna mapfupa rukamupedza mongo (2 Samueri 18:32). Izvi zvinoreva kuti hatifanire kutora nguva iyi seyokutamba; uyewo hatifaniri kunyepedzera kuti tinogona kuzvitakura toga.
Kubva murugwaro ruri kudzidzwa, tinoona Ishe wedu Jesu Kristu achinyaradza vana vanyamunhu vaive vafirwa paBhetani, uye achichema navo, kureva Maria naMarita. Kushanya kwaJesu nezvaakaita kuvakadzi ava chimwe chinhu chinofanira kutevedzerwa. Paakasvika, haana kumhanyira kutaura nokudorongodza sezvatinowanzoita isu. Wakarega vasikana vachidurura zvese zvaive mumoyo yavo. Jesu akazosundwa akabatana navo pakuchema mushure mokunge arega vachizvidurura.
Inguva zhinji dzatinowanikwa tichimhanyira kupaumba nokutaura zvinhu zvinotowedzera kurwadza patinoshanyira vakafirwa. Kakawanda tinoda kuparidzira vakafirwa zvakanyanya, asi dzimwe nguva kumwe kuparidza kwedu hakubati mamiriro ezvinhu chaiwo anemge aripo. Chatinofanira kudzidza kuita kudzikama nokuteerera. Jesu Kristu akabvumira vakadzi vaviri ava kutaura zvose zvaiva mumoyo yavo iye akateerera. Wakafamba navo mukusuwa kwavo. Hatifaniri kumhanyira kupanga mazano vakafirwa. Nzeve inoteerera inzeve ine hanya.
ZVOKUFUNGISISA
Nyaya dzamariro dziri kubatwa sei kumasangano edu? Pane kururamisira here pamazivisiro namabatirwo adzinoitwa?
Tingavandudza sei ushumiri hwokuita hanya navafirwa mumasangano edu?
ZUVA REGUMI NAMAPFUMBAMWE (19)
MUSORO: KUVANDUDZA KUKURA KWEKEREKE KUBURIKIDZA NOKUITA BASA RECHIKRISTU MUMAGARIRO
CHIVERENGWA: JAKOBHO 2:17
Nhanganyaya: Munogamuchirwa kuhurukuro inogona kushandura, kwete hupenyu chete, asi nharaunda dzose. Ingofunga kereke, kwete senzvimbo yekungonamatira chete, asi somwenje wetariro namabasa munharaunda. Uyu ndiwo musimboti webasa renyasha rechikristu mumagariro avanhu (CSR). Une chokuita nokutandavadzira rudo rwaKristu mberi kwemharidzo dzeSvondo, kuenda kumabasa anobatika mazuva ese. Sokutaura kunoita Jakobho 2:17, “Kutenda koga, kana kusina mabasa, kwakafa.” Ngationgororei kuti kuita mabasa eCSR hakungozadzisi zvakatemwa mubhaibheri chete asiwo kunobatsira zvakanyanya kukura kwekereke.
Pfungwa Dzebasa Renyasha Rechikristu Mumagariro Avanhu (CSR): Basa rechiKristu mukugarisana kwavanhu rinosanganisira kutora dzidziso dzaJesu nokudzishandisa mukurarama kune zvinodiwa munharaunda. Rinoreva kuva maoko netsoka dzaJesu munyika. Izvi zvinopfuura pakungopa rubatsiro; zvichinobata nyaya dzokukurudzira kururamisira, kuita hanya navanoshaya, uye kuva vatariri vezvisikwa zvaMwari. Inzira inobata zvose, zvinosanganisira kubatsira varombo, kuporesa vakapwanyikwa moyo kusvika pakubatwa kwenharaunda. Nokuita CSR, kereke inonyatsoratidza rudo nedzidziso dzaKristu, ichiratidza kutenda kunobatika uye kune chokuita nenharaunda navanhu vanogaramo. Rutsigiro Rwamagwaro: Bhaibheri rakapfuma nemirairo yebasa renyasha rechiKristu mumagariro avanhu (CSR). Dzidziso yaJesu iri kuna Mateo 25:35-40 inomira seibwe rapakona: “Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni, mukandipinza mumba”. Ndima iyi inosimbisisa zvokuchengetwa kwavanoshaya sokunge pari kuchengetwa Kristu pachake. MuTestamende yakare, Revhitiko 19:18 inorayira kuti, “Ida wokwako sezvaunozviita iwe,” ichisimbisa kukosha kwokunzwira vamwe tsitsi uye kuwana chokuvaitira. Magwaro aya haangokurudziri mutsa wechiKristu chete asi anoraira maitiro aya sechiratidzo chokutenda kwedu. Zvokuita Zvinobatika: Kuita CSR mukereke kunogona kutora mipeta yakasiyana. Tangai nezvinodiwa munharaunda yakatenderedza: kupa zvokudya, zvokupfeka, kana kuzvipira kushanda mumisasa. Utariri hwezvakatipoteredza, hwakadai sekuchenesa nharaunda kana kusimudzira maitiro anosimudzira upenyu, kunoratidzawo kudanwa naMwari kuhutariri hwezvisikwa. Makereke anogona kuita zvirongwa zvokudzidzisa pamusoro penyaya dzokugarisana, izvi zvichizobatsira vadzidzi kuita sarudzo dzine ruzivo uye dzavanonzwa kuda. Kudyidzanawo namasangano omunharaunda kunobatsira kugamuchirwa nokusvika kwazvo kuvanhu. Mabasa aya haangobati chete zvinodikanwa panyama; anozarurawo mikana yehurukuro nehochekoche dzomweya, zvichiratidza kuzvipira kwekereke kurarama rutendo rwayo nenzira dzinobatika.
Zvazvinoita Pakukura Kwekereke: Kana kereke ichishanda nesimba muCSR, inowanzosangana nokukura pamweya nomuhuwandu. Kuburikidza neCSR, kereke inova chinhu chinoonekwa, chine simba munharaunda, ichikwezva avo vanotsvaka rutendo runobata pamisimboti yarwo. Kutarisisa zvokunze uku kunogona kumutsiridza nokukurudzira sangano riripo, zvichisimudzira kukura nokuzvipira kwenhengo dzekereke. Pamusoro pazvo, inozadzisa Kutumwa Kukuru zvakazara, kwete chete namashoko asi nezviito zvinoratidzira rudo rwaKristu. Kuratidzwa kwechokwadi kwakadaro korutendo kunogona kukwezvera vanhu vakawanda kukereke, kuchiwedzera kutandavara nokushandura kwayo nharaunda.
Mukupeta, zviri pachena kuti CSR haisingori sarudzo yokuwedzera basa rekereke; chinhu chakakosha pakuratidza kutenda kwedu. Kuburikidza neCSR, tinorarama vhangeri nenzira dzinoshanda, dzine simba, tichikwevera vamwe kuna Kristu, kwete chete nemashoko edu asi nezviito. Rwendo rwokutenda runobuda kunze koruzhowa rwekereke, rwonobata hupenyu nokushandura nharaunda. Ngatifungisisei pamusoro penzira inoshandura zvinhu iyi tichitarisa mibvunzo inotidenha.
ZVOKUFUNGISISA
Kereke yako inogona kuona sei nokugadzirisa zvinetso nezvinodikanwa munharaunda yenyu?
Ndezvipi iwe pachako zvakakubata zvichibva pakushanda kweCSR?
Funga nezvaMateo 25:35-40. Ndima idzi dzingagona sei kuumba hushumiri nokubata kunze kwekereke yako?
Ndeapi matambudziko anosangana nekereke yako mumabasa eCSR, uye ungaakunda sei?
Ko misimboti yeCSR ingapinzwa sei mukunamata kwenguva dzose nomudzidziso dzekereke?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI (20)
MUSORO: MIBAIRO YOMUNHU INOBVA PAKUITA BASA RENYASHA RECHIKRISTU MUMAGARIRO AVANHU (CSR)
CHIVERENGWA: MABASA 10:1-4
Nhanganyaya: Hushumiri hwaMwari kukereke hunoraira kuti kereke ive chitubu choupenyu netariro. Kureva kuti kereke iripo kushandura nokusimudzira upenyu hwavakazvidzika vasvike panhanho yokugona kugarisana navoumambo.
Hapana kereke painofanira kuwanikwa mumabasa anoita kuti nhengo dzomunharaunda dzionekwe sana chokumarara kumadota. Mbiru yetatu yohurongwa hwezvinangwa zvakadzama hweMCZ (Strategic Plan) inoda kuti titarisire zvakanyanya mapoka avanotambura. Kuburikidza nembiru iyoyo, tinosungirwa kudzorera chiremerera cheavo vakaitwa vana musemwa namamiriro ezvinhu asina kunaka, kana mamiriro apasi pose.
Kudzidza Kubva Kuna Koneriyasi: Kubva murugwaro rwuri kudzidzwa, Ruka unotiudza nyaya youmwe mutendi (Koneriyasi) aive kuKesariya. Bhaibheri rinoti Koneriyasi waiva chipavhurire kune vaishaya kunyange akanga asiri worudzi rwechiJudha. Koniriyasi waipa varombo uye wainyengetera kuna Mwari nguva dzose. Kubva muchinyorwa tinodzidza kuti kupa kwake noupenyu hwomunamato ndizvo zvakasangana zvikadenha masuwo eDenga zvokuti mutumwa paakamushanyira, akataura nezvazvo sezvipiriso zvechirangaridzo pamberi paMwari. Murume watiri kutaura nezvake pano aisava nehundyire.
Zvinosuwisa kuti dzimwe nguva maKristu anovhara maziso kana kusacheukira zvamagariro avanoshaya. Kereke yakaisa zvirongwa zvinofanira kutibatsira kuita chinhu chakanaka nenzira kwayo panguva yakakodzera, somuenzaniso, kuunganidza homwe yorubatsiro vhiki raMathew Rusike. Asi kazhinji mari nezvinhu zvacho zvinounganidzwa zvinonzwisa tsitsi. Hazvipi mucherechedzo wechokwadi wavanhu vanoziva kuti Mwari vedu ndivowo Mwari waivavo vanoshaya. Zvichida ndicho chimwe chezvikonzero cheimwe minyengetero yedu isingapindurwi. Minyengetero yaKoneriyasi yakapindurwa nokuti akaibatanidza nokupa kwake kuvarombo. Kupa kuvarombo kupa kuna Kristu. Achipa mufananidzo wembudzi namakwai, Jesu anopedzisa nyaya yacho achiti: “Mambo achapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, zvose zvamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini. ’” ( Mateu 25:40 )
ZVOKUFUNGISISA
Mwari vanosimudza marombe kubva muguruva. Iwe uri divi raani kana totaura nezvokugara zvakanaka kwavanoshaya?
Iwe unoisa pakadini mudengu rezvipo zvorubatsiro?
Wakambopa chimwe chinhu chakanangana nomusha weMathew Rusike here?
Tingagadzirisa sei nyaya yokugarisika kwavanoshaya?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NERIMWE (21)
MUSORO: MAPINZIRWO ANGAITWA HUSHUMIRI HWEVECHIDIKI MUHURONGWA HWOKUKURA KWEKEREKE
CHIVERENGWA: ZVIREVO 22:6
Nhanganyaya: imboita sounorota kereke ichitinhira nesimba, kuseka kwavana kuchibatana nepfungwa dzebudiriro dzevechidiki. Mufananidzo uyu haungonyevenutsi moyo chete asi chinhu chakakosha pakukura kwekereke. Makereke anowanza hawo kunangana nezvirongwa zveungano dzavakuru, asi kucherechedza hushumiri hwevechidiki nehwavana kwakafanana nokudyara mhodzi dzeramangwana rino hupenyu. Bhaibheri rinosimbisa kurerwa kwedzinza revechiduku, sezvinoonekwa pana Zvirevo 22:6 : “Rovedzera mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi”. Ngationgororei kuti kubatanidzwa uku kungashandura sei kukura kwekereke.
Kukosha Kwehushumiri Hwevechidiki Navana: Basa revechidiki navana mukereke harigoni kuita rokubvunzwa. Havasi kereke yamangwana chete asi chikamu chekereke yanhasi. Kushanda navo mumibato yohushumiri kunosimudzira pfungwa yokucherechedzwa, uku zvichidyara mhodzi yeramangwana rekereke. Pamusoro pazvo, vechidiki ava pavanokura, vanounza maonero matsva nesimba idzva, zvinove zvinokoshakuti kereke irambe ichienderera mberi yakasimba. Hushumiri hwevechidiki nohwavana hwakasimba hunowanzoita sehwezvo inokwezva dzimhuri, zvichikudza hunhengo hwekereke, izvi zvichiwaridza hwaro hwakasimba hwekereke inoramba ichikura.
Rutsigiro Rwamagwaro: Bhaibheri ririnoramba richisimbisa kukosha kwevechidiki muhurongwa hwaMwari. Jesu pachake akati: “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwevakadai.” (Mateu 19:14 ) Ndima iyi haisi kungokoka vana kuti vave pedyo naJesu asi inoratidza kukosha kwavo muungano yomweya. Nenzira imweyo, 1 Timotio 4:12 inokurudzira vatendi vechidiki kuti vasabvuma kuzvidzwa: “Ngaparege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda napakururama. Magwaro aya anosimbisa nhau yesimba riri mune vechidiki muhupenyu nomukukura kwekereke.
Matanho Angashandiswa Pakubatana: Kuvhumbamira vechidiki navana mukukura kwekereke kunotanga nokugadzira zvirongwa zvinoenderana nezera uye zvinobatika. Izvi zvinogona kusanganisira zvidzidzo zvavana vadiki (Sunday school), zvidzidzo zvinoratidza kudyidzana, shumiro dzinotungamirwa nevechidiki, uye kuvapinza muzvirongwa zvezvinoitika munharaunda. Zvirongwa zvokudzidzisa vechidiki zvichitungamirwa navakuru vachitsigira vechidiki zvinogona kusimudza basa zvakanyanya. Kukurudzira vana kuvewo panoitwa zvisungo, kunyanya munyaya dzinovabata ivo, kunoita kuti vanzwe kuti naivowo vanogamuchirwa mukereke. Zvakare, kushandisawo zvigadzirwa zvakavandudzwa (tekinoroji) nezvapamasaisai muhushumiri zvinopindirana zvakanaka namaonero echizvarwa chechidiki, zvichizochengetedza kereke mhenyu inorarama ichifambirana nenguva.
Zvazvinoita Pakukura Kwekereke: Ushumiri hwevechidiki navana hwakasimba haungoreri vatungamiri vekereke vamangwana chete asiwo hunosimbisa ungano yose. Vechidiki vanowanzounza shungu, shanduko, uye chido chokutsvaga nzira itsva dzoushumiri. Kushangazhika kwavo nesimba kunogona kutungamirira kutsika dzekereke dzakasiyana-siyana dzinochenga vose, dzinobata ungano yakakura. Pamusoro pezvo, mhuri dzinofara kupinda nokugara mukereke inokoshesa uye inoita hanya nokukura kwavana vadzo pamweya. Nokudaro, hushumiri hwechidiki navana hwakasimba hunobatsira zvikuru pakukura kwekereke zvose pahunhengo napamweya.
Mhedziso: Pakupedzisa, vechidiki navana havangori vabatsiri mukereke asi ndivo hana yacho inorova. Kudyara murwendo rwavo rwomweya kusakurira kuva nekereke inokura uye ine simba. Rangarirai kuti nhamburiko dzinoiswa muhushumiri hwevaduku nehwevana nhasi dzichaita maungira muzvizvarwa nezvizvarwa. Hazvisi zvirongwa bedzi; kuzvipira kurera vatungamiriri vamangwana vanoita mabhindauko uye vari vatendi. Ngatigamuchirei zvavanokwanisa kuita, tichitungamirirwa nouchenjeri hunobva mumagwaro, tichaona makereke achibudirira achive nezvibereko.
Pari zvino ngatifambei nenhaurirano tichitarisa imwe mibvunzo inotibvura pfungwa.
Tingaita sei kuti kereke inakidze uye ive nechirevo kuchizvarwa chechidiki pasina kukanganisa dzidziso dzebhaibheri?
Makaona kufamba pamwe nevechidiki navana kuchibatsira kereke nenzira dzipi?
Zvipingaidzo zvipi zvinosangana nekereke pakushanda nevechidiki navana, uye izvozvi zvingagadziriswa sei?
Kudzidzisa kungabatsira sei kusimbisa rutendo rwenhengo dzechidiki dzomukereke nokubata pamwe navo?
Funga nezvaMateo 19:14. Zvinorevei kuti “nokuti ushe hwekumatenga ndohwevakadai”, tichitarisa ungano yekereke?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAVIRI (22)
MUSORO: HUMIRIRIRI HUNE CHINANGWA
CHIVERENGWA: JOHANE 3:16
Nhanganyaya: Chinangwa chinonzwisiswa sechikonzero chokuita chinhu kana chohuvepo hwacho. Nenzira imwe cheteyo, savamiririri vaKristu, ushumiri hwedu hunofanira kuva nechinangwa. Tose tinofanira kupindura mubvunzo wokuti sei takaitwa vamiririri. Pavanhu vose vari munyika, sei Mwari vakasarudza isu? Kutadza kuziva chikonzero chouvepo hwedu kune njodzi muushumiri hwenyasha uhwu. Hatingafambi tisina chinangwa nokuti iye wakatisika akatidana waive, uye ane chinangwa.
Kuwirirana naMwari Vezvinangwa: Bhuku raGenesisi rinotiudza kuti Mwari pavakasika nyika, vakanga vane chinangwa nayo, kuti ibereke uye irambe ino huwadzano noMusiki. Mumeso aMwari, zvisikwa zvose zvakanga zvakanaka (Genesisi 1:31).
Mwari vakada zvavakanga vasika uye pamusoro pazvo zvose, murume nomukadzi vakasikwa nomufananidzo waMwari. Musiyano uripo pakati pezvimwe zvisikwa zvose navanhu ndewokuti vanhu vanotakura mufananidzo waMwari (Genesisi 1:26-28).
Kusiyana nezvisikwa zvose, vanhu vakavimbwa navo vakapiwa utongi hwohurongwa hwose hwakasikwa (Genesisi 1:28). Izvi zvinoda kururama komunhu kuti agone kunyatsochengetedza zvisikwa izvi.
Zvisinei, Mwari vachingopedza kusika nyika, rondedzero yomubhaibhiri inoita shanduko yonyangara. Munhu akawa kubva munyasha dzaMwari akapandukira Musiki. Pachinhambo chokuda nokuteerera Mwari, munhu wakatsauka. Mugumo wazvo, vanhu vakaparadzaniswa naMwari zvachose.
Hurongwa hwaMwari hweruponeso hunounzwa norudo rusingaperi. Saka, mumiririri anofanira kuparidza RUDO nguva dzose. Kumiririra Mwari kuvanhu pasina rudo kusanzwisisa hushumiri hwaMwari. Mwari vachiri kungoda vanhu, zvisinei nokutadza kwavo.
Hushumiri hwaMwari hunoonekwa kuburikidza norudo rwaMwari muna Kristu Jesu. Saka, vamiririri vasingaparidzi Rudo rwaMwari havasi vamiririri chaivo vaKristu.
ZVOKUFUNGISISA
Umwe noumwe wedu ngaataure nezvechinangwa chake panyika. Sei uripo?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATATU (23)
MUSORO: VAMIRIRIRI VAREDZI VEVANHU
CHIVERENGWA: MATEO 4:18-20
Nhanganyaya: Nhasi tichatarisa rimwe ramabasa akarairwa avamiririri vaKristu. Vanodanwa kuve ‘Vabati vaVanhu’. Pane musiyano pakati pavabati vehove navabati vevanhu. Muredzi wehove munhu ari kubata hove, asi muredzi wavanhu ari mundima yokushandura vanhu kubva munyika yerima kuti vapinde munyika yechiedza. Zvakadaro hazvo, mabasa ose ari maviri haasi nyore sokufunga kungaita munhu. Pano hunhu noumhizha hunodiwa, nokudaro munhu anofanira kuwana imwe dzidziso. Humwe hunhu hunodiwa kana munhu achizova mubati wehove ndohuya hwekushivirira, kureba moyo, kugona kucherekedza, zvichingodaro. Hunhu humwe chetehwo hunoshandawo mundima yokuredza vanhu kuvaunza kuna Kristu.
Kubva muchinyorwa chiri kudzidzwa, tinosangana nokudanwa kwavadzidzi vokutanga. Varume vacho vaiva nyanzvi savabati vehove asi Jesu akavaudza kuti vasiye zvose kuti vave varedzi vavanhu. Kunyange zvazvo vakanga vane dzidziso yavaiva nayo pamusoro pokubata hove, vaida imwe rovedzero pamusoro pokubata vanhu, nokudaro Jesu akati, “Uya, unditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu”.
Kuvarume ava, kutevera Jesu yaive nguva yokudzidziswa sezvo vaifanira kudzidza maitirwo azvo kubva kwaari. Vaifanira kuva nohunyanzvi uye hunhu hunodiwa kuti vabudirire parwendo rwekuunza vanhu, kana rwokuvaredza kubva munyika. Vaitoda chimwe chiero chomoyo murefu waipfuura wavaiva nawo vachiri vabati vehove, nokuti mhando yeshumiro yavaidaidzirwa kuita yakanga isiri nyore. Yaisavimbisa kubudirira nguva dzose, sezvazvinoita kunyange nanhasi. Tinofanira kuredza vanhu kubva munyika nenzira yaJesu. Kuti izvi zvibudirire, tinofanira kuMutevera, kudzidza kubva KwaAri, uye kugadzirira shumiro iyoyo.
ZVOKUFUNGISISA
Ngatidzokerei tiongorore nzira dzatiri kushandisa kuparidza vhangeri. Dziri kubudirira here?
Tingavandudza nzira dzedu sei kuti tirambe tichifambirana nenguva mu21st century?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANA (24)
MUSORO: KEREKE INOKOSHESA HUSHUMIRI HAIFARIRI MAKAKATANWA
CHIVERENGWA: 1 VAKORINDE 1:10-17
Nhanganyaya: Kereke inokoshesa hushumiri ndeiya inovavarira kubuda kunze ichuya navanhu, kuunganidza, nokuzadzisa zvinangwa zvoUmambo hwaMwari muzvinhu zvose zvainoita. Inoita izvi ichisundwa nokutumwa kukuru (Mateo 28:16-20). Asi kuti izvozvo zviitike, kereke iyoyo inofanira kunge yakabatana. Pane chirevo chinozivikanwa kwazvo chinoti, ‘Takabatana tinokunda; takaparadzana tinowa’. Ichokwadi kuti mukubatana munobuda zvakawanda.
Tichiverenga tsamba yaPauro yokutanga kuvaKorinde 1:10-18, tinotarisana nechiitiko chisingafadzi pakereke yeKorinde, chiitiko chaigona kutadzisa kubudirira kohushumiri hwekereke. Kereke pachayo yakanga isisafambi yakabatana. Zvipoka zvaibva panhau dzakasiyana-siyana sedzokunamata, dzewokutevera nedzezvipo dzakapotsa dzapatsanura kereke. Vanhu vaKloe vakasuma kuna Pauro kuti muzongoza wokupesana vaive vanhu vaizviti vateveri vavaparidzi vakasiyana, asi basa romuparidzi riri rokuunza vanhu kuna Kristu, kwete kumbiri yaka iye. Pano tinoona mamwe maKristu achitopikira kuzvipira kumunhu akavabhabhatidza asi rubhabhatidzo rusiri rwemubhabhatidzi asi rwaKristu.
Pauro akakurumidza kupindira ndokuraira kereke kuti irongeke. Hapana munhu mukereke anofanira kuva mboni yehwezvo kunze kwaJesu Kristu oga anova iye muridzi wehushumiri. Tinodanwa kuti tibatane naKristu kana tichida kuve kereke inobudirira yakanangana nohushumiri. Pachinhambo chokuti titevere vatinofunga kuti vanhu vane simba chero muchinhanho chipi choupenyu, isu tose tinofanira kutsvaga kutevera kuda kwaMwari. Tinopupura kuti takambovaona vanhu vanotevera vamwe vanhu mukereke, vangave vafundisi kana vamwe vatendi.
Kune vamwe vanhu vanoteverera vamwe vaFundisi zvokuti kunyangwe mufundisi iyeye akatama kubva mudunhu ravo, vanoramba vachitumira zvipo zvavo nezvegumi kumufundisi iyeye vachifuratira hushumiri hunenge huchitungamirwa nomufundisi mutsva. Vamwe vanotosvika pakunyeya mufundisi mutsva nouya akaenda. Izvi hazvingoitwi navatendi chete. Kunewo vafundisi vasingatami kubva mumatunhu avari. Vanotama pamapepa asi vopfuurira mberi nokushanda mudunhu iroro, dzimwe nguva kupfurikidza nokushanyira nhengo dzedunhu iroro mumisha yadzo kabisira, kana kuvakoka kumatunhu avo matsva pasina ruzivo rwomufundisi mutsva. Hushumiri hunoshaya simba asi zvishuwo zvomunhu zvichibudirira. Mhedzisiro ndeyekukonana nokupatsanurana mapoka avanhu achizviita vadzidzi voumwe munhu. Vanhuwo zvavo havafanire kuva vateveri voumwe mufundisi, uyewo vafundisi havafaniri kuva navanhu vavo. Tose tiri vaKristu, uye ndiye anofanira kutikwezva. Tinowana zvinhu zvikuru tikabatana muna Kristu semhuri imwe chete, mhuri huru yaMwari.
ZVOKUFUNGISISA
Chii chinoita kuti dzimwe nhengo dzekereke dzifunge kuti dziri nani pane dzimwe; vamwewo vachifunga kuti vakazvidzika kune vamwe?
Tingarwisa nokupedza sei zvezvipoka mukereke?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASHANU (25)
MUSORO: KUREVERERA NDIYO SVUMBUNURO YOHUSHUMIRI HUNOBUDIRIRA
CHIVERENGWA: EKISODHO 32:7-14
Nhanganyaya: Kureverera zvinoreva kuyananisa pakati pamapato maviri. Kunenge kuri kuteterera wakamiririra umwe munhu. Izvi zvinoitwa panenge paonekwA kuti hukama hwaputsika. Mukuda kuona kuti hukama ihwohwo hwagadziriswa, murevereri anomira pamukaha achiteterera kuti mutadzi adzorerwe paushamwari. Ndizvo zvakaitawo ‘vamiririri vaKristu.’ Varevereri.
Kubva pachinyorwa chiri kudzidzwa, tinosangana navanhu veIsiraeri vapanduka, vari muzasi mEgomo pasi pohutungamiriri hwaAroni akanga afana kubata. Mosesi akanga apedza nguva ari mugomo naMwari. Vanhu vakanyengera Aroni vakaramba Mosesi naMwari savatungamiriri vavo. Vakasarudza mhuru yendarama. Zvavakaita hazvina kufadza Mwari, avo vakabva vapindura nokutyisidzira vachiti vaizoparadza rudzi rwose kubva panyika.
Paakanzwa zvakanga zvarongwa naMwari, Mosesi akamira pamukaha pamberi paMwari achimiririra vanhu, akateterera Mwari kuti vave netsitsi navanhu vavo. Izvi akazviita kunyange hazvo vanhu ava vaidovewo dambudziko kwaari, uye kuti Mwari vaive vavimbisa kuropafadza iye oga. Mosesi ainzwisisa kuti hushumiri hwaakanga atakudzwa pamapfudzi naMwari hwakanga husiri hwake oga, asi hwake negungano rose yevaIsraeri nokukanganisa kwavo. Akareverera hama dzake dzaive dzapanduka akabudirira.
Izvi zvinoshandawo kwatiri. Kuti isu tibudirire kuita hushumiri hwatakapiwa naKristu savamiririri vake, tinofanira kukudziridza tsika yokureverera vamwe vatinonamata navo mukereke, zvisinei nokutadza kwavo. Hatifaniri kuvashuvira zvakaipa.
ZVOKUFUNGISISA: Dzimwe nguva vanhu vatinoshanda navo vanotiomesera muushumiri. Tingaita sei kuti tive saMosesi akatarisana norudzi rwake rwaimutambudza rwavaIsraeri?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATANHATU (26)
MUSORO: MOTO NGAURAMBE UCHIBVIRA
CHIVERENGWA: REVHITIKO 6:12-13
Nhanganyaya: Kuvimbika kunotsanangurwa sokusashanduka shanduka. Ichi ndicho chimwe chezvimiro zvinotarisirwa kuvamiririri vaKristu avo vanove vatungamiriri voushumiri. Vanofanira kuva vanhu vanoramba vakavimbika muzvinhu zvose zvakanaka zvavari kuitira Umambo. Kusashanduka-shanduka kuvatungamiri voushumiri kunotungamirira mukuvimbika kwavo.
Kubva murugwaro ruri kudzidzwa, tinopiwa mirairo yakapiwa Mosesi naMwari yaaifanira kupfuudza kuna Aroni navanakomana vake vaizoshumira savaPirisita. Mirairo yacho yaiva nechokuita nezvipiriso zvokupiswa. Zvakawanda zviri kutaurwa naMwari maererano namapfekero namakururiro anofanira kuitwa nomuPirisIta, mafambisirwo namabatirwo anofanira kuitwa zvinhu zvapaatari, nezvimwewo. Asi chinhu chikuru pamirairo yose ndechokuti zvinhu zvose zvinofanira kuitwa moto wapaatari uchibvira. Chirevo ichi chinodzokororwa chinoti, ‘Moto uri paatari unofanira kuramba uchibvira’.
Kereke nhasi uno iri kutsvaga vatungamiri voushumiri vanoramba vachiita zvakanaka. Moto weVhangeri unofanira kuramba uchibvira. Haufaniri kubvumirwa kudzima.
Izvi zvinoreva kuti hatifaniri kuva nenhengo dzinoti dzakaita zvakawanda munguva yadzo, iko zvino dzave kumbosiirawo vamwe basa. Kana tichiri kungofema bedzi tiri vapenyu, hatifaniri kurega kuita zvakanaka.
ZVOKUFUNGISISA
Ndezvipi zvingava zvikonzero zvinoita kuti moto weVhangeri udzime mumaKristu mazhinji?
Chii chatingaita kuti moto urambe uchibvira?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANOMWE (27)
MUSORO: KUNAMATA KUNE ZVINOBATIKA
CHIVERENGWA: JEREMIA 33: 3
Nhanganyaya: Munamato kutaura naMwari. Chinokosha kunzwisisa ndechekuti kutaurirana. ‘Kutaurirana’, i‘hurukuro’. Mumwe anotaura mumwe achiteerera, uye anga achiteerera anopindura mumwe wacho achiteererawo. Kukurukurirana kunobudirira kunoda unyanzvi. Kutaura nomunhu asingakupinduri hakusi kukurukurirana. Ndizvo zvazvakaitawo mukunamata. Kukurukurirana nokuti isu tinotaura Mwari vakateerera, ivo vopindura isu takateererawo. Izvi zvinoreva kuti sokumirira kwatinoita mhinduro patinotaura noumwe munhu, ndizvo zvazvinofanirawo kungoita naMwari wedu. Tinofanira kumirira mhinduro yavo pose patinotaura navo. Tikasadaro, minamato yedu inenge isiri ‘hurukuro’ naMwari.
Kubva muchinyorwa chiri kudzidzwa, Mwari vari kudzidzisa nezveminamato. Maererano naMwari, Vanoti, “Dana kwandiri”. Apa vari kutibatsira kuti tinzwisise kwatinofanira kuendesa minamato yedu. Inofanira kunangiswa kwavari. Ivo havafuratiri minyengetero inonangiswa kwavari. Vakati, “Ndichapindura”. Vanopindura nokuti vanonzwa. Vakataura zvimwe chetezvo kuna Mozisi paMidhiani. Vakati, “… ndakavanzwa vachichema …” (Eksodo 3:7b). Havagumiri pakupindura nokutaura chete asi vanoenda mberi. Vanoti, “Ndichakuratidza …” Mukuratidza uku mune zvinobatika. Zvazvinoreva murugwaro urwu ndezvokuti Mwari vanotivimbisa kupindura minamato yedu.
Kereke isinganamati haizarururwi uye haiiti zvinobatika. Zvimwe chetewo, muKristu asinganamate haazarurirwi. Haagamuchiri zvinhu zvoMweya. Haana ukama nezviri Mwari uye nezvavanogona kupa.
ZVOKUFUNGISISA
Unonyengetera kakawanda sei?
Zvinotora nguva yakareba sei kuti ugamuchire mhinduro yaMwari?
Ndezvipi zvingava zvipingaidzo pakunamata kunodairwa?
Tinofanira kunge tichiitei patinomirira mhinduro dzaMwari?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASERE (28)
MUSORO: KUNAMATA NEKUVHANGERA ZVINOFAMBIDZANA
CHIVERENGWA: MATEU 28:16-20
Nhanganyaya: Kuve nechokuita muushumiri hwaMwari kukereke kunoda vanovaziva. Munhu haakwanisi kuve nechokuita muushumiri hwenyasha uhu kana asingazivi Kristu. Zvichida, ndicho chikonzero chinoita kuti tisangane nezvinetso zvakakomba nemhirizhonga muushumiri macho. Chokwadi Vhangeri nderavose uye navose, asi vose yatiri kutaura nezvayo pano ndeya vakamuziva, uye vanomuziva. Avo vasina kumuona kana kumuziva havagoni kumumiririra.
Maererano norugwaro ruri kudzidzwa, Mateo ari kutitaurira zvakaitika pane rimwe gomo muGarireya. Vadzidzi vane gumi noumwe vakanga vaenda ikoko sezvakanga zvarairwa naJesu kuburikidza navakadzi vakanga vaenda kuguva mangwanani-ngwanani ezuva rokumuka. Mateo anojekesa kuti pavakaona Jesu vakamunamata. Vamunamata, vakabva vatumwa. Izvi zvinotitaurira pamusoro pezvinhu zvitatu zvakakosha pano, zvinoti kuona, kunamata nokubuda.
Munhu haangati unonamata iye asina kumuona. Haagoni kuti unomunamata iye asina kugadzirira kutumwa naye. Savamiririri vaKristu vakamuona vakamunamata, tinofanira kuenda munyika tonodzidzisa marudzi ose.
ZVOKUFUNGISISA: Umboo hunobatika ndohwei hwokuti vanhu vakaona Kristu, uye vanomunamata?
ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAPFUMBAMWE (29)
MUSORO: KUBATSIRA KUKURA KWEKEREKE KUBURIKIDZA NOKUUNGANIDZA ZVIWANIKWA
CHIVERENGWA: ZVIREVO 11:25
Nhanganyaya: Tikugashirei kutsvakurudzo ine udzamu yokuti kuunganidza zviwanikwa kunogona kubatsira sei budiriro yokukura kwekereke. Murwendo rwedu rwokutenda, zviwanikwa – ingave nguva, tarenda, kana pfuma – hazvisingori zvinhu zvinofanira kuchengetedzwa, asi zvipo zvinobva kuna Mwari kuti zvishandiswe noungwaru. Patiri kupinda munyaya iyi, tiyeuke mashoko ouchenjeri aZvirevo 11:25 inoti: “Munhu ane rupo achibudirira………; Ngativhendenyurei tione kuti kuunganidza zviwanikwa zvedu hakungogadzirisi nokusimbisa nhengo dzedu dzamakereke munharaunda, asiwo kunofanira kuunza kukura neshanduko inoonekwa.
Kunzwisisa nhau yokuunganidza zviwanikwa: Murwendo rwedu rwokutenda, kuunganidza zviwanikwa takatarisa kereke kunosanganisira kuona nokushandisa zvose zviripo – mipiro yemari, nguva yokuzvipira, hunyanzvi, kunyange midziyo – pahushumiri nomuono wekereke. Zvinobata kucherechedza unyanzvi hwose huri muvanhu kuvavarira kuzadzisa zvatakatumwa. Kuunganidza zviwanikwa hakusi kungounganidza mari chete; asi kukurudzira tsika yokupa neyoutariri. Iyi nzira inoshandura zviwanikwa kuzviita zvombo zveshumiro, zvichiita kuti kereke itandavadzwe kwainosvika, isimudzire mabasa ayo, uye igadzirise zvinodiwa munharaunda, pakudaro ichikurudzira kukura paudzamu nohuwandu.
Maonero eBhaibheri Pazviwanikwa: Bhaibheri rinopa muono unokosha pakushandiswa kwezviwanikwa noutariri. Muna 2 VaKorinte 9:7, Pauro unoti: “Umwe noumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, asingaiti nokuchema, kana nokurovererwa, nokuti Mwari vanoda munhu unopa nomufaro”. Izvi zvinosimbisa kukosha kwokupa nokuzvidira uye nomufaro. Pamusoro pazvo, mufananidzo wamatarenda uri muna Mateo 25 ndima 4-30 unotidzidzisa nezvomusenzekete uri muutariri. Inotikurudzira kushandisa pfuma yatakapiwa naMwari nouchenjeri uye kuti tisaiviga nokutya kana kuti nokushaya hanya. Magwaro matsvene aya anotiyeuchidza kuti kuunganidza zviwanikwa kunoenderana nemisimboti yomubhaibheri yokupa, youtariri, nokushanda nesimba.
Mazano Okuunganidza Zviwanikwa: Kuunganidza zviwanikwa kunobudirira kunoda kuronga zvine ungwaru uye kuchiitwa pamwe navanhu vomunharaunda. Tangai nokujekesa muono wekereke pamwe nokuti zviwanikwa izvi zvichashandiswa sei. Kubuda pachena munyaya dzemari kunovaka kuvimbana uye kunokurudzira kupa. Kurudzirai mipiro yakasiyana-siyana, kwete mari chete, asiwo unyanzvi nenguva. Simbisai tsika yokugaropa zvegumi nemipiro, uye fungaiwo nezvokushandisa zvigadzirwa zvakavandudzwa (digital) kuti basa iri rive nyore. Pamusoro pezvo, kuronga mitambo yokuunganidza mari nokunyora zvokuzvipira kunogona kushanda. Rangarirai kuti svumbunuro ndeyokubata pamwe chete nenhengo dzose dzekereke, muchive nechokwadi kuti munhu wose anzwa kuti akakosha muushumiri nomukukura kwekereke.
Zvazvinoita Mukukura Kwekereke: Kuunganidza zviwanikwa, kana kwaitwa kukabudirira, kunogona kushandura kukura kwekereke zvinoshamisa. Kunoita kuti kereke iite zvirongwa zvakawanda zvekuenda kuna vari kunze, kuvandudza zvivakwa, kutsigira zvirongwa zvenharaunda, uye kuisa mari kubasa roushumiri. Zvinhu izvi hazvingosimbisi kereke mukati chete asi zvinosimudzira maitiro ayo kunze, zvichikwezva vanhu vazhinji kuti vauye kusangano. Pamusoro pazvo, tsika yokupa kunosimudzira kuzvipira kwakadzama uye kukura pamweya pakati penhengo. Pakubudurira kuunganidza nokushandisa zviwanikwa, kereke inogona kuwedzera mutunhu wayo, kusimbisa hwaro hwayo, uye kuramba ichikura pamweya nomuhuwandu.
Mhedziso Nemibvunzo Yokukurukurirana: Muchidimbu, kuunganidza zviwanikwa chinhu chakakosha mukusimudzira kukura kwekereke. Kunobata zvakawanda kupfuura kungounganidza mari; kunoreva kukurudzira tsika yokupa neyoutariri, zvakatsira midzi mumitemo yeBhaibheri. Apo patinoshandisa zviwanikwa zvedu muUmambo hwaMwari pamwe chete, tinovhura misuwo yemikana mitsva nemikana yeushumiri nokuparidza Vhangeri. Ngationei kuti tingashandisa sei misimboti iyi munharaunda dzedu dzamakereke. Heinoi imwe mibvunzo yokukurukura nokutsvakurudza.
ZVOKUFUNGISISA
Kereke yako ingawedzera sei kujekesa nokutaurirana maererano nokushandiswa kwezviwanikwa?
Ndedzipi nzira dzakavandudzwa dzingashandiswa nekereke yako kukurudzira tsika yokupa nomutsindo?
Funga nezvomufananidzo wamatarenda (Mateu 25 ndima 14-30). Mufananidzo uyu unobata sei pfungwa yokuunganidza zviwanikwa mukereke yako?
Ndeapi matanho angatorwa nekereke yako kuona kuti marudzi ose ezviwanikwa (nguva, unyanzvi, mari) ari kushandiswa nomazvo?
Ko kushanda navanhu vose mukereke mukuedza kuunganidza zviwanikwa kungadzamisa sei pfungwa yomushandira pamwe nokuzvipira?
ZUVA RAMAKUMI MATATU (30)
MUSORO: KUKUKURIDZIRA NHENGO DZEKEREKE KUSHANDISWA ZVIPO ZVOMWEYA PAKATI KUTIPENZVIBATSIRE KUKURA KWEKEREKE.
CHIVERENGWA: 1 VAKORINDE 12:4-11
Nhanganyaya: Inzwai kugamuchirwa murwendo rwokutsvakurudza nokusimbiswa kwekereke. Wakambozvibvunza here kuti matarenda akasiyana ari mukati menhengo anogona kubatsira sei kukura kwekereke? Mubhaibheri, tinowana upfumi hwakawanda hunotibatsira kuona zvipo zvomweya – umhizha kwakakosha hunobva kuMweya Mutsvene nechinangwa chokuvaka muviri waKristu. 1 VaKorinte 12:7 inotaura kuti, “Zvino umwe noumwe anopiwa kuratidzwa koMweya kuti vose vabatsirwe”. Ngatitsvagei kunzwisisa zvipo izvi uye tiongorore kuti kuzvishandisa kunogona kubatsira kubata zvinoonekwa munharaunda dzina makereke edunenzira ipi.
Kunzwisisa Zvipo Zvomweya: Zvipo zvomweya masimba ehuMwari anoiswa muvatendi kuti vashandire nokusimudzira kereke. Zvinosanganisira kudzidzisa, kuporesa, kuporofita kutungamirira, kugamuchira vaeni, zvichienda zvakadaro. Zvipo izvi hazvisi zvokuti munhu akudzwe asi zvakaitirwa kubatsira kereke yose. VaRoma 12:6-8 inotikurudzira kushandisa zvipo izvi maererano nokutenda kwedu. Kunzwisisa uye kugamuchira kusiyana kwezvipo izvi mumasangano edu kwakakosha. Chipo chenhengo yoga-yoga, kunyange chingaratidzika sechakazvidzika, chine basa rakakosha mukushanda pamwe chete nomukukura kwekereke.
Rutsigiro Rwamagwaro: Testamende Itsva, kunyanya mutsamba dzaPauro, inosimbisa kwazvo kukosha kwezvipo zvomweya. 1 VaKorinte 12:4-11 inotsanangura zvipo zvakasiyana-siyana, zvose zvichipiwa noMweya umwe chete kuti zvinakire vose. VaEfeso 4:11-12 inotsanangurazve kuti: “Saizvozvo Kristu amene wakapa vaapostora, navaporofita, navavhangeri, navafudzi, navadzidzisi, kuti vagadzirire vanhu vake mabasa oushumiri, kuti muviri waKristu uvakwe”. Ndima idzi dzinoratidza kuti zvipo zvomweya zvakakosha pakusimbisa kereke, kukurudzira kubatana, nokubatsira kukura zvose pamweya napaunhengo.
Kuvandudza Kukura kwekereke kuburikidza nezvipo zveMweya: Kushandisa zvipo zvomweya inzira yakasimba inobatsira kukura kwekereke. Nhengo padzinoshandisa zvipo zvadzo, dzinobatsira kuti kereke ifambe iri mhenyu uye ine simba. Kudzidzisa nokuparidza zvinosimudzira kutenda, zvipo zvokuporesa uye zvinobatsira pakunyaradza nokutsigira, nepo zvipo zvokuronga zvinosimbisa kushanda kwekereke nomazvo. Izvi hazvikudzi nhengo dziripo bedzi asi zvinokwezvawo vari kunze, pavanoona munhu wose achikosheswa uye ane basa musangano. Munhu woga woga paanoshanda napake paakapihwa naMwari, kereke chinova chinhu chine simba, chinokura chino kuzara kunobva kuna Kristu.
Kukurudzira Kushandiswa Kwezvipo Zvomweya: Kukurudzira kushandiswa kwezvipo zvemweya, makereke anogona kuita misangano yetsvakurudzo kana kungoongorora zvipo zviri muvanhu. Zvakakosha kukurudzira mararamiro okugamuchira zvinhu zvitsva muushumiri, uye kupa mikana yokukura nokudzidza. Vatungamiriri vanofanira kucherechedza nokusimbisa zvipo zvakasiyana-siyana musangano ravo, vachipa nhengo mikana yokuita mabasa anoenderana nezvipo zvadzo. Nguva dzose kudzidzisa nezvezvipo zvomweya kunogonawo kuvhura pfungwa dzenhengo dzichiona kuti dzinokosha. Kuburikidza nezvirongwa zvokudzidzisa, nhengo dzine ruzivo rwakanyanya dzinogona kutungamira nhengo itsva mukunzwisisa nokusimbisa zvipo zvadzo.
Mhedziso: Mukupedzisa, kushandiswa kwezvipo zvomweya nomazvo mukereke kwakakosha pakukura nokusimba kwayo. Paya patinogamuchira nokukurudzira zvipo izvi mumasangano edu, tinovhura mikana yekereke ine simba, inounza shanduko uye inokura. Urwu rwendo rwokutsvakurudza nekushandira pamwe, apo chikamu chinoitwa nenhengo imwe neimwe chinobatsira pakusimbiswa komuviri wose. Ngatirambei tichifungisisa nokukurukura nezvokukosha uye kushandiswa kwezvipo zvomweya mumakereke edu.
ZVOKUFUNGISISA
Ndezvipi zvipo zvamweya zvawakaona mauri kana vamwe, uye zvingashandiswa sei mukereke mako?
Kereke yako ingagona sei kuva nzvimbo inogamuchira zvetsvakurudzo nokushandiswa kwezvipo zvomweya?
Fungisisa nezva 1 VaKorinte 12:4-11. Ndima iyi inokurudzira sei maonero anoita kereke yako zvipo zvomweya?
Zvinetso zvipi zvingatarisana nekereke pakukurudzira kushandiswa kwezvipo zvomweya, uye izvi zvingagadziriswa sei?
Ko kucherechedzwa nokushandiswa kwezvipo zvomweya zvakasiyana-siyana kungabatsira sei kuumba kereke inokura yakabatana?
ZUVA RAMAKUMI MATATU NERIMWE (31)
MUSORO: APA NDIPO PAVAKAKUSVITSA: TENDA
CHIVERENGWA: DHUTERONOMIO 26:1-11
Nhanganyaya: Mwedzi woushumiri inguvawo yokukudza Mwari nezvatinowana mumabasa emaoko edu. Inguva yatinotarisa kwatakatorwa naMwari, kwavakatisvitsa, uye zvavakatipa panguva napachinhanho ichochi. Hurukuro yanhasi yakanangana nokutibatsira kuti tisiyane netsika yokunge pasina chatakaitirwa. Hatifaniri kuzvibata sekunge hapana chatinacho isu tine zvatinazvo. Hatifaniri kuita sokunge tisina kubviswa pane chimwe chinhanho kuenda pane chimwe, ipo chaizvoizvo pano umboo hwakakwana hwokuti Mwari panE pavatisvitsa.
Kuona Chinzvimbo Chedu Murugwaro: Munyori webhuku raDhuteronomi ari kutitaurira zvakaitika kuvaIsraeri vari murenje vachienda kuKenani. Vari kufanonyeverwa naMwari kuti kana vapinda munyika yechipikirwa havafaniri kukanganwa kucheuka shure vaone kwavaiva ivo nemadzitateguru avo Jehovha vasati vavabvuta pashaya dzomuvengi.
Ichokwadi kuti muEgipita vakanga vasina yavo minda yokurima. Vave murenje zvakare vakanga vasina pokurima. Zvisinei, vari kuvimbiswa kuti Kenani inyika yavo uye munyika iyoyo vacharima vachiwana goho rakanaka. Vanoudzwa kuti kana vachinge vakohwa vanofanira kutora zvimwe zvegoho ravo (michero yokutanga), voisa mutswanda, voenda nadzo kunzvimbo yaShe yaishumirwa Ishe navapirisita. Israeri iri kurairwa kuti iende netswanda dzinoperekedzwa neuchapupu hwairatidza zvinotevera:
Madzitateguru edu aiva ane nhoroondo isingafadzi. Rudzi rwacho rwakanga rwuri ruduku zvikuru uye rusina simba.
Muvengi akatora mukana wokusagadzikana kwedu ndokutidzvanyirira.
Mwari Havana kutisiya kunyange muuranda. Vakanzwa kuchema kwedu vakatinunura.
Ndasvika kuya Mwari kwamakandivimbiswa ini namadzitateguru angu. Ndipo pavandisvitsa apa. Munyika umu, handina kushandira pasina. Kubva pamibato yamaoko angu, ndakawana chimwe chinhu chine zita rangu.
Tinofanira Kuitei Iye Zvino? Tichingotarisa kumashure panhaurirano dzaMwari navanhu vavo vaIsraeri, tinoona kuti Mwari vanoita hanya nguva dzose yokuti vanhu vavo vangangokanganwa zvavakavaitira. Vakaramba vachivayeuchidza kuti vasakanganwa kuti vakanga vachimbova muEgipita. Mwari ivava, vaityira kuti vaIsraeri vangakanganwa zvavakavaitira, ndivo Mwari vamwe chete vari kunetseka kuti nesu tingangokanganwawo zvavakatiitira. Kuva nechokubata pamatafura edu nhasi hakufaniri kuita kuti tikanganwe kuti pane nguva yatakanga tiri vachena tisina chinhu. Pakadai pane chikonzero chokutenda Mwari negoho redu.
ZVOKUFUNGISISA
Umwe noumwe wedu ngaafungisise nepaasvitswa naMwari. Tinoonei mumatsimba iwaya?
Mhinduro yedu kunyasha dzaMwari inoti kudini?
You must be logged in to post a comment.