
Select:
Musumo
Yasvika zvakare nguva apo seMethodist Church in Zimbabwe tinozvitsaurira kupembererera nokucherechedza upenyu nedzidziso yemhuri yokwaWesley, inova mhuri yokuti nesuwo parutendo tiri maburika kubva kwairi. Gore roga roga tinozviongorora tichitarisa nhoroondo youpenyu hwaJohn Wesley nevose vakanga vakamupoteredza kusanganisira mai, baba, vakoma, hanzvadzi neshamwari dzake parutendo, kuti tiwane zvinotikuridzira kubva pahwaro dzechihwisiri idzi. Munguva imwecheteyo tinoshandisawo zvidzidzo izvi kuti zvitibetserewo isu paupenyu hwatirikurarama semaKristu nemaHwisiri anhasi. Nhoroondo iyi inotibatsira kuti tizive kuti ndisu vanaani, uyezve kuti tibate zvakakosha zvinoita kuti tirambe tichizvikanwa semahwisiri. Tichitungamidza mberi dingindira redu ‘Kuvimba naMwari muna zvose’, tine chivimbo chizere kuti chibhuku ichi chichatisimudzira pakunzwisisa kwatakabva, zvatiri ikozvino nekwatiri kuenda, sechechi iri kufamba ichienda mberi.
Mwari varopafadze vanhu vanonzi maHwisiri.
Rev Dr D. Muzenda.
(Acting Mission Director).
Nhendo
Bhuku rino rakanyorwa naRev. O. Chagudhuma (Connexional Research and Publications Coordinator)
Zuva Rokutanga
Musoro Wenyaya: Kuvimba naMwari muna zvose
Chiverengwa: Habhakuki 3: 17-18
‘Chikuru pazvose, Mwari vanesu. Regerai kutya nokuti ari kurutivi rwedu mukuru kudarika avo avnoda kutirwisa’ – John Wesley, Journal, 17 Chikumi 1739.
Kunyange zvazvo mashoko ari pamusoro apo achinyanyozikanwa semashoko okuoneka anotaurwa naJohn Wesley ari panhovo yorufu muna 1791, mukuru uyu akange anyora mashoko aya muJournal yake musi wa17 Chikumi 1739. Panguva iyi ainge achiramba achidzamisa pfungwa nenyaya dzokuda kukura pachinamato cahke uye kuvimba naMwari zvachose.Mashoko aya anokuridzira vanamati vechiHwisiri kuti vasakurire nokutya nokuda kwokuwanda kwematambudziko/ njodzi muupenyu hwavo. Chakakosha hakusi kunaka kwemamiriro ezvinhu asi huvepo hwaMwari muna zvose zvatinoita.
Nhasi izuva rokutanga muvhiki raHwisiri. Toda kumboongorora dingindira redu regore iro takaparura muna ndira. Habakuki anoporofita mazuva ehutongi hwaJehokimu, muna 7th C B.C. Munguva iyi pakange paine kusagadzikana munyika dzokumabvazuva (ANE) apo Asiriya yakange yatotapa Isirairi, zvino Babironi ndiyo yakange yave nesimba kudarika dzimwe dzose, yaipupawo kuda kumedza Judha.Kusimuka kweBabironi hakuna kuitira Habakuki zvakanaka. Kunyange aiziva zvake kuti vanhu verudzi rwake vakange vatadzira Mwari, aisazvifunga kuti Mwari vangashandisa rumwe rwemarudzi okusatenda seshamhu kuvanhu vake,zvaaifunga kuti zvaipa mufananidzo usina kururama wokukundwa kwevanhu vaMwari. Zvikamu zviviri zvokutanga mubhuku yaHabakuki inhaurirano iri pakati paHabakuki naMwari, apo muporofita aibvunzurudza pamusoro pokutonga nokururamisira kwaMwari apo zvakaipa nokutambudzika zvairamba zviri pakati pevaJudha. Chikamu chetatu Habakuki anoita munamato ave kuratidza kunzwisisa maitiro aMwari uye hukama hwavo nevanhu vake, uyezve obva ataridza vimbo izere kuti Mwari vanogona kusunungura vanhu vake kubva kune zvakaipa.
Achiziva zvake kuipisisa kwematambudziko aizosanganikwa nawo nokuda kwokuuya kweBabironi pamararamiro evaJudha, Habakuki ndipo paanoparidzira kuti acharamba achivimba naJehovha muna zvose. Muporofita anodonongodza matabudzika aizosanganikwa nawo, ayo aigona kuzunungutsa rutendo rwavo. Mukuoma kwazvo imomu ndipo Habakuki arikugiya kuti, ‘ndichafara muna Mwari, ndichawana mufaro muna Mwari mudzikinuri wangu’. Sei achifara munhamo dzakadai? Nokuti nyakusika mionde, miorivhi, nepfuma yemumatanga mupenyu. Kana Mwari achiri kurarama tichatarisana neramangwana tisingatyi. Zvatiri nhasi,
tingava munhamo nematambudziko handiwo uchava mugumo wedu, Mwari vachatiisa panzvimbo iri nane.
Tichitora kubva mumavara edingindira redu, tinoona kuti Habakuki ari kutipa uchenjeri hwokugadzirisa matambudziko ehupenyu:
~Gamuchira kuti une matambudziko, kwete kunyepera sokuti zvinhu zvakanaka izvo zvisina kumira mushe.
~Taura naMwari matambudziko akoo. Chero zvedu tichiziva kuti Mwari vanoziva zvose zviri zvedu tisati tazvitaura, usanyarara.
~Mirira nomoyo murefu mumunamato nokudzamisa pfungwa pashoko rake. Mwari vachazviratidza kwauri, newevo uchaona chikonzero chokufara muna Mwari kunyangwe wakatarisana nematambudziko.
~Kana Mwari vataura iwe terera.
~Usatiza matambudziko oupenyu nokuti Mwari vanoda kuashandisa kusimbisa rutendo rwako.
~Usapokana nezvawakaudzwa naMwari muchiedza nokuda kwekuti wava murima.
Rangarira kuti Habakuki haasi kufarira matambudziko, asi kuti ari kufara munaMwari. Zvoreva kuti haasi kupemberera matambudziko asi kuti ane vimbo neuyo anesimba pamusoro pematambudziko.
Pokupedzisira, mutauro unoshandiswa naHabakuki, anoti ndichafara haati tichafara, zvinoreva apa aitaura akazvimiririra. Ipapa tinobva taona kuti Habakuki akanga asinei nokuti vaiona sei nyaya iyi, mhiko yaingova yake iye amene. Vadikanwi nyaya dzokuvimba naMwari idungamunhu, vimba naye muna zvose.
Zuva Rechipiri
Musoro Wenyaya: Anondivatisa pasi norugare
Chiverengwa: Pisarema 23: 1-2
‘Rugare rwaMwari harungorevi kushaikwa kwematambudziko, asi kuvapo kwerudo uye huvepo hwaMwari muupenyu hwomunhu’ – John Wesley
Nhasi izuva rechipiri musvondo yokurangarira mhuri yokwaHwisiri. Nhaurirano yedu iri pmusoro parugare runounzwa naMwari kwatiri kana tavimba naye. Sezvatakaona muchidzidzo chakadarika uye muchirevo chaJohn Wesley pamusoro apo, rugare harurevi kushaikwa kwematambudziko, asi kuti zvinoitwa naMwari kwatiri apo tiri pakati pematambudziko.
Pisarema 23 rakanyorwa naDavidi mazuva aaiva mambo waIsirairi. Mupisarema umu, Davidi anotaura hukama hwake naMwari achinyanyo hutoredzera kuukama hwemakwai nemufudzi, sokudzidza kwaakanag aita ari kumafuro achifudza makwai ababa vake Jesse. Chero zvazvo vanhu vazhinji vaiona Davidi somufudzi wavo, iye pachake aizviona ari hwai yaitofudzwawo naMwari. Davidi anobudisa pachena zvinhu zvinoita kuti Mwari vave Mufudzi anorehwa nezita zvakasiyana nevamwe vafudzi vose, ‘anondivatisa pasi norugare’.
Mumwe munyori anonzi Philip Kuler anoti iye masikirwo akaitwa makwai anoita kuti atadze kurara pasi norugare kusiya kwokuti zvinotevera zvaitika kana kuzadziswa.
i) Kutya. Hwai imhuka inotya/ kuvhunduka zvakanyanya, kazhinji haibvumi kurara pasi kusiya kwokuti hapana zvachose chingaivhundusa. Kana pasina kudaro, hwai dzinotoswera dzichimhanya kutsvaga pangachengetedza upenyu hwadzo. Hwai dzinemazamu dzinotonzi dzikavhundusirwa dzinogona kutosvodza pamusana pkutya. Mufudzi akanaka anozviziva izvi saka anotungamira makwai ake nzvimbo dzakachengetedzeka dzisina zvikara zvingaavhundusa. Izvi zvinoratidza kuti makwai haagoni kuzvirwira, asi yakachengetedzeka mufudzi anogona kuarwira, ogadzira nzvimbo yemakwai yaanokwanisa kurara norugare. Ndozvimwechete nesu vanhu, hatigoi kuzvirwira toga tichibudirira asi Mwari ndivo vanotirwira zvakakwana. Ikoko kuziva kuti Mwari vanotirwira kunoita kuti tiwane rudekaro mundangariro dzedu chero tichiziva kuti kune zvakawanda zvinorwa nesu. Kurwa nevavengi vedu handi kwedu asi ndekwaMwari vanova mufudzi wedu.
ii) Kukwesherana. Makwai haarare pasi norugare kana paine kukwesherana/kunetsana nemamwe awo. Makakatanwa, kunetsana kana godo pakati pemakwai, church kana mhuri zvinogona kukonzeresa zvinetwa zvikurusa. Zvose zvinokonzeresa pave nemapishapisha, mhidigari nekusagadzikana pakati pemakwai. Mufudzi anozviziva zvose izvi saka anozvigadzirisa kuti zvisazokonzeresa. Saka dzimwe dzenguva harisi basa redu kugadzirisa vane godo, vaiti nevaitisi venharo, vanokonzeresa vhongamutopoto nezvimwe zvakadaro, Mwari pachavo vanovaziva uye vanogadzirisa nyaya idzodzo nenzira yakakodzera kuti tiwane rudekaro mundangariro dzedu.
iii) Zvisvetasimba. Kana paine zvibhururukwa zvinoruma, nhata kana zvikwekwe, makwai haarare pasi.Izvi zvinosveta ropa remakwai, zvireva kuti hazvina zvimwe zvazvinobatsira kusiya kwokutora zvakakosha zvemakwai. Makwai pawo haagoni kudzinganisa zvisvetasimba izvi. Rinobva rave basa romufudzi kupfapfaidza zvisveta simba izvi kuti zvibve pamakwai, makwai orarama hupenyu hwakasununguka, hunoita kuti agone kurara pasi.
iv) Nzara. Makwai haarare pasi kana aine nzara achinzwa kuda kutsvaga chikafu, kurara hunge akaguta. Asizve makwai ega haangazivi kunowankwa mafuro manyoro. Mufudzi ndiye anoziva kune mafuro amnyoro aya saka ndiye anotungamirira ikoko. Mwari ndivo vanotipa zvose zvatinoda nezvakafanera seboka rake remakwai. Hatizivi ramangwana redu asi Mwari ndivo vanoziva (Pisarema 37:3, Isaya 30:23, Johani 10:9, I Petro 2:25) Izvi zvinotirangaridza pamusoro perudo noruriritiro rwaMwari kuvanhu vake.
Sokuona kwataita panyaya ina dzabuda pamusoro apo, rwendo rwechiKristu tinosangana nezvikara panyama uye pamweya; tinosangana nokukwesherana kunyange kubvakune vamwe vedu (tine vamwe vasingazorori kusvika vakonzeresa muupenyu hwedu); tinotenderedzwa nezvisveta simba, kureva avo vakamirirra kutipedza simba nokuita kwavo kwokusagamuchira zvakanaka zvatinoita. Nyaya dzose idzi hatigoni kudzigadzirisa pachedu. Mwari anova mufudzi wedu ndiye anogadzirisa nyaya idzi.Mwari, anova mufudzi wedu ndiye anogadzirisa zvose zvigumbuso/ nyatwa idzi, vogadzira nzvimbo yakanaka yatinodekara tiri pairi, nokudaro ngatovimbei naye munazvose.
Zuva Rechitatu
Musoro Wenyaya: Rudzi rwakaburwa mumoto
Chiverengwa: Mavambo 45: 1-15, Zakaria 3: 2
‘Iwe chokwadi, uri rudzi rwakabvutwa mumoto’ – Susanna Wesley.
Musi wa 9 Kukadzi, 1709, apo John Wesley akange ave nemakore matanhatu, imba yavaigara munzvimbo yeEpworth yakatsva nemoto pakati pohusiku. Vabereki vaJohn Wesley, vashandi uye vamwe vana vose vakakwanisa kubuda mumba umu zvisina njodzi asi John akadzokera pahope mumba makere mushure mokunge anzi nemuranda famba unditevere. Baba vake vakaedza kumubastira kakawanda asi zvichiramba nokuda kwoukasha hwemirazvo yomoto. Mhuri yose yakagamuchira kuri John ainge ave kuzofa ndokubva vaita munamato kunaMwari kuti vagamuchire mweya wake. Vapedza kuita munamato, ndopanoonekwa John ari pafafitera
yemupanda waairara. Vamwe vevavakidzani vavo (murume nemudzimai) vanokurumidza kufunga, mumwe achiisa mumwe pamufudzi, sezvo paiva pasina manera, ndokuvhomora mukomana nepafafitera paye, chiripo-ripocho denga remba richibva rawira mukati. John Wesley akararama muchishamiso ichi, zvichizoita kuti mai vake vange vachimuti rudzi rwakadzurwa mumoto muhana yavo vachifunga zvakanyorwa kuna Zakaria 3:2, zve vachitarisa kuti iye John pachake aitsvira sei kuparidza vhangeri. Chikonzero chomoto wakapisa imba hapana anonyatsoziva, chero zvavzo zvichifungidzirwa kuti vanhu vaisafarira mufundisi Samuel Wesley vakaronga zano kti vavauraye nenzira yokuvapisira mumba varere pamwe nemhuri. Chinozofadza panyaya iyi ndechokuti Mwari vakachengetedza vanhu vavo sevzo iri tsika yavo kuchengetedza upenyu kuti huzadzise chinangwa chitsvene.
Kubvawo kuchiverengwa chedu kuna Mavambo, tinoona Mwari vachiita tsika yavo kuchengetedza upenyu kuti huzadzise chinangwa chakasarudzika. Chikamu 37 chaMavambo chinotiratidza Josefa achivengwa nemadzikoma vake nokuda kwokudiwa nababa uye zviroto zvake. Izvi zvinoita kuti varangane kumuuraya, zvichizoguma vamutengesa kuvanhu verudzi rwaIshimairi ogomuma ave igipita mumba maPotifa. Anombotambudzika hake asi chipo cahke chokududzira hope chinozomusunungura oguma ave mutongi munyika iyi.
Tipabate kuti Mavambo 45 panenge pave nemakore makumi maviri kubva mukutengeswa kwake nemadzikoma. Asi zvakadaro pane zvinhu zvinonakidza panyaya iyi. Chokutanga ndechokuti chero madzikoma akange akanganwa nezvaJosefa, Mwari Havana kukanganwa nezvake. Chechipiri ndechokuti pamakore ose aya, hapana kana mumwe wemadzikoma ake akafa, Mwari akvachengetedza kuti vaone zvavaiti hazviitike zvichiitika, zvakafanana nokuti vazomuona Josefa achivatonga. Itsika yaMwari kucheneta vadzivisi vedu kuti vagoona zvedu zvichiita asi ivo vari mhiri kwerwizi.
Chetatu, papera makore mamkumi maviri, hapana cahakange chashanduka paupenyu kana chiremerera chemadzikoma a Josefa, achingovaona anobva angovaziva nokuti vakaramba vachingove vakomana vokumafuro. Norumwe rutivi madzikoma anotadza kuziva Josefa nokuti zvake zvakange zvasanduka, ave nechimwe chimiro chakasiyana nechaaiva nacho makore makumi maviri apfuura. Zvobva zvatidzidzisa kuti munhu kana usingadi pundutso muupenyu hwako venga kana kuita godo nevamwe, nokuti itsika yaMwari kumira nevanodzvanyirirwa. Josefa serudzi rwakaburwa muchoto akange ave mhiri kwerwizi asi madzikoma ndokurambira vari zvavaiva, vachingova vafudzi vemakwai (mavambo 47: 3).
Tingatenderanawo tose kuti kunyange Potifa nemudzimai wake, vokumboonesa josefa pfumvu vakange vopfugamirawo zvokudya kaari nguva iyi. Mwari vanoshandura zvinhu kuita mhidigari. Iyi ikurudziro kune avo vari kutambudzwa vevaya vaneruvengo negodo kana zvimwe zvakadaro, kuti moto zvawo uri kupisa asi hausi kuzokuparadza, ucahbuda mumoto imomo wave mukuru kudarika zvauri ikozvino. Mwari vanokuchengetedza pachinangwa chavo, kunyange vavengi vako vachachengetedzwa kuti vagopupura kusimudzwa kwako nedenga. Chako vimba naMwari muna zvose.
Zuva reChina
Musoro Wenyaya: Kuvimba na Mwari panguva yokurwiswa naSatani.
Chiverengwa: Mabasa 28: 3-6
‘Mumba medu muri kuitika manini mini. Ndinotendera kuti mabasa emano aSatani. Ini handityi nokuti ndinoziva kuti Mwari vane simba kudarika Satani’ – John Wesley, 11 Zvita 1716.
Takanzwa nezvedzimba dzinoitika mashiripiti nemaminimini akafanana nokuti vanhu vanofuma vakarara panze ivo vakarara mumba usiku hunenge hwakapfuura. Zvimwe zvinosanganisira kunzwa midziyo yakaita sendiro zvichisuka nomunhu asingaoneki kana kunzwisisika. Izvi zvakaitikawo kuna mufundisi Samuel Wesley vachigara paimba yesangano reEpworth kubva muna Zvita 1716 kusvika muna Ndira Mhuri yaHwisiri iyi yakabvuma kuti pane zvipoko zvaivashungurudza panguva yousiku. Painzwikwa mutsindo wemunhu aifamba panze uye kugogodza misuwo nwmadziro. Dzimwe nguva vaiona mumvuri womunhu waipinda nokubuda napamitswi yemba. Nokujairira zviitiko izvi vana vakatumidza chipoko ichi kuti ‘Old Jeffrey’. Mufundisi vakatsvagawo mazano kune vamwe vavo mukuda kupedza matambudziko aya. Mamwe eavakapiwa anosanganisira kuridza hwamanda, kutsvaga imbwa yaizohukura chipoko chiya uye minamanto pakati pohusiku. Zvose iszvi hazvina zvazvakabatsira asi kutoti maminimini akatowedzera kuitika. Ndipo Mufundisi Samuel Wesley akazorangarira kuti waakatendera maari mukuru kudarika chipoko chaivashungurudza. Nemuzita raJesu wakadzinga chipoko ichi zvikabva zvapera.
Vamwe vanoshandisa munyu kudzinga Satani, asi zvazvinoreva ndezvokuti kana munyu ukashaikwa Satani unodzokazve kwavari. Vamwewo vanorara vakabatidza mwenje asi wakaipaanokurwisa mwenje wakabaka kudaro. Pose paunorwiswa naSatan unofanira kurangarira kuti mukati mako mune simba rouyo wawakatenda maari Jesu kristu anova anesimba kudarika Satani anokurwisa.
Pauro unosangana nokurwiswa kwakaipa mukuita basa rekuparida vhangeri. Pokutanga anopotsa anyura nechikepe mugungwa. Aburukira pachitsuwa cheMarita anorumwa nenyoka yaive neuturu hwakaipisisa. Pauronhaavhunduki asi anongozunzira nyoka mumoto achibva aenderera mberi nezvaaiita. Vanhu vepaMaita vaifungidzira kuti pauro acharatidza kurukutika ozopedzisira afa asi hazvina kuitika saizvozvo. Mwari vakamuponesa panjodzi yechikepe ndiyezve vakauponesa pauturu hwenyoka. Naizvozvo maKristu vanofaera kuvimba naMwari muzviedzo zvose zvaSatani.
Nakristu tiri vakundi nokupfuurisa. Hatishaiswe hope nemano aSatani muhupenyu hwendu. Tine mukuru anemakiyi ehupenyu, paavhura hapana anovhara, paavhara hapana anovhura (Zvakazarurwa 3:7). Kana Mwari ari kurutivi rwedu hapana angapokane nesu, zvechokwadi hakuna. (VaRoma 8:31).Nokudaro tinovimba naJesu Kristu pamazuva ose pazviitiko zvose.
Zuva ReChishanu
Musoro Wenyaya: Kugona kudarika zvipingaidzo zvose kuti tisvike pachigaro cheNyasha.
Chiverengwa: 2 Madzimbo 4: 18-37
‘Chigaro chamwari Chinosvikika nguva dzose. Tinosvika kwachiri nezvichemo uye nezvinetso zvedu’ – John Wesley.
John Wesley akataura zvenyasha dzaMwari dzakazarurirwa kuna vose. Nyasha idzi dzinoshanda muvanhu dzimwe nguva vanhu vacho vasingatozivi nezvadzo. Dzinoshanda padungamunhu nepo dzichisimudzira moyo wemunhu kuka Mwari. Zvakadaro zvazvo kunyange nyasha idzi dzakazarurirwa kuna vose, kune zvipingaidzo zvenyama nomweya zvinokonesa vanhu kuwana nyasha idzodzo. Mumurangariro iwoyo, maKristu vanofanirwa kuziva zvipingaidzo izvozvo uye kugona kuzvidarika.
II Madzimambo 4: 1-37 anoratidza nyasha kuvanhu vaionekwa sevekunze patsika nemurairo wemazuva iwayo. Mudzimai wokutanga aive shirikadzi, mumwe wacho akange asina chipo chemwanakomana. Zvisinei nechimiro chehupenyu hwavo, vakawanirwa nyasha zvinhu zvikashanduka muupenyu hwavo. II Madzimambo 4:18 37 anobudisa pachen zvakaitika panzvimbo yeShunemi. Rungano rwacho rurefu asi tinoda kutaridzana zvakaitika apo mudzimai akapiwa chipo chemwanakomana mushure menguva refu. Mwanakomana azvarwa akarwara achibva afa. Kurwadza kwazvo akarwara aina baba vake kumunda. Baba ava vakagona kuraira muranda wavo kuti aende nemwana kuna mai vake zvichibva zvaperera ipapo.
Apa tinoona hutera hwohubaba hwemurume uyu. Mwana akagara pamakumbo amai vake akazofa zuva rovira. Chinyararire mudzimai akaendesa mwana kumba yokumusoro asina kuudza murume wake kuti mwana afa. Mutsika dzevaIsiraeri pamazuva iwayo vakadzi ndivo vaichema vafi ukuwo varume vaine basa rokuviga vafi (Jeremiya 9:20). Zvikada mudzimai akaregera kuudza murume wake rufu remwana wake nokuti akatya kuti murume wake aizodeedza hama dzake vakaviga mwana zuva risati ranyura. Mudzimai akakunda chibingaidzo chokuudza murume wake rufu rweMwana kuti aruke zano rokudzorera hupenyu hwemwana wake pakare. Dzimwe nguva tariro dzedu dzinofushirwa nokukurumidza kuudza vanhu njodzi dzatiwira isu pachedu tisati tawana zano rokubuda munjodzi dzacho. Vhesi 22-23 inotitaurira kuti kunyange murume akange astai aziva kuti mwana afa, akaedza kurambidza mudzimai wake kunoona muporofita Erisha. Mudzimai achitsungirira pashungu dzake haana kuudza murume zvaaida kuonera muporofita.
Chipingaidzo chechipiri chakakundwa nemudzimai uyu ndechekusaudza vamwe vepedyo naye uye kuda kunzwa mazano avo. Sevana vaMwari tinofanira kudzidza kuramba kuterera mamwe mazano kunyange anobva kuhama dzepedyo kana tisina chokwadi kuti kuti abva nokunaMwari, amwe acho anotidzivisa kusvika pachigaro chenyasha.
Vhesi 25-26 dzinotitaurira kuti kunyange Gehazi akatumwa kuzogashira mudzimai kuti anzwe zvinetso zvake, mudzimai haana kumuudza zvaimunetsa. Mudzimai akaudza Gehaz kuti ose aive manake, akaenda kundopfugama patsoka dzemunhu waMwari. Izvi hazvina kuitira Gehazi zvakanaka nokuti ndiye asipota achienda uye kudzoka nezvichemo nemhinduro zvomudzimai uyu kuna Elisha. Gehazi akange azvitora kuti ndiye aiva mutamba pakati pakati pevanhu naErisha, hapana aienda kuna Erisha asina kupfuura nepana Gehazi.
Panguva iyi Gehazi aitofanira kudarikirwa zvisinei nokuti aizonzwa sei, asi zvichitoitira zvakanaka mudzimai uyu. Pane dzimwe nguva sevana vaMwari tinofanirwa kusangoudza zvose zvose zvinotinetsa kunana Gehazi venyika ino tichitsikirira zvishuwo zvemoyo yedu. Ngazvisaite zvakanaka kuna Gehazi asi zvitiitire zvakanaka.
Mudzimai akakunda zvibingaidzo zvose izvi akatora Erisha akaenda naye kumba kwake. Mwana wake akamutswa kubva kuvafi, mufaro wake ukadzoserwa pakare. Unodawo here kudzoserwa zvakabiwa kwauri naSatani? Vimba naMwari panguva dzose kuti ugone kudarika zvibingaidzo zvose zvingakutadzise kusvika pachigaro chenyasha.
Zuva retanhantu
Musoro Wenyaya: Kuva Muenzaniso wakanaka kuvatendi
Chiverengwa: Ekisodho 32: 26
‘Ngakuti vose vari kunetseka mufungwa, vane mibvunzo, chero vanotya vauye kwandiri, zvino ndicahaita zvose zvandinogona kuvayamura. Ngakutiwo avo vanorevesa pamweya yavo, uye vanoda kukura munyasha kuti vagova vakakwana, vauye vafambe neni. Uyai tiyamurane parwendo rwokudenga’ – John Wesley.
Chinangwa chedu muzuva ranhasi ndechokumiririra chakanaka nokuisa muenzaniso wakanaka kuvatendi.. Iyi ndiyo imwe yenyaya dzaikosheswa naJohn Wesley achitorera pana Kristu pachake. Ishe wedu aiti achisangana nevanhu vaishushikana, aisambovatumira kumwe, asi aibva angovakoka kwaari. Mateo 11: 28 anoti, ‘Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo’. Saka John Wesley aisati angagona ose matambudziko, asi saPauro aikwanisa kuita muenzaniso wakanaka ungateedzerwa, saiyewo Pauro aitevedzera Kristu (I Corin 11: 11).
Kubva pachiverengwa chedu, tinoona Moses achikwira mugomo reSinai kundopiwa mirairo, apo anogara pamusoro pegomo kwemazuva makumi mana. Mumazuva iwaya vana veIsirairi vanotsikirira Aroni dakara vagadzira chifananidzo chemhuru yendarama, vanhu ndokuita chinyangadzo pamberi paMwari. Izvi zvose hazvivhundusi Mozisi uyo unorambira pachokwadi chokunamata Mwari asingadzokeri shure. Izvi zvakaita kuti Mozisi aite muenzaniso wakanaka pamberi peungano yaIsirairi. (Pavanhu vose ava, vaRevi chete ndivo vanofungidzirwa kuti vaiva kurutivi rwaMosizi).
Nyaya yakakosha apap ndeyokuti ari kukokera vanhu kurutivi rwake haana kunge abatana nevamwe vanhu vose mukuita chinyangadzo pamberi paMwari. Iye akange aramba akarurama akaisa muenzaniso wakanaka pamberi pevamwe veungano yaIsirairi. Mukunzwisisa kumweko, avo vasina zvipomerwo vanoramba vari muenzaniso wakanaka pakati pevatendi. Kristu pachavo vanoraira kuna Mateo 5: 16 vachiti, ‘Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vose vaone mabasa enyu akanaka, vakudze baba venyu vari kudenga’. Nemamwe manzwi, akapera mazuva muchechi apo vanhu vangade kusimbirira kuti vanhu vatevere zvavanotaura asi vasingaiti sezvavanoita. Vanhu vazuvano vanoda kugamuchichira zvose mutumwa nemashoko ake, saka munhu ngaave muenzaniso wakanaka pakati pevatendi.
Zuva rechinomwe
Dingidira: Kupa zvose zvaungagona
Chiverengwa: Mabasa 10: 1-8
‘Handitye kuti vanhu vanonzi maMethodist vangazoshaikwa muEurope kana America. Asi ndinotya kuti vacahawanikawa vachirarama nechitendero chakafa, vakabatirira chitendero chisina simba. Izvi ndizvo zvazvichava kusiya kwokuti vabatirira parutendo, vachitungamirwa namweya mutsvene mugwara rokufambisa zvinhu ravakadzidziswa pakutanga’ – John Wesley.
Chirevo chiri pamusoro apo ndechimwe chezvirevo zvinozikanwa kwazvo pazvirevo zvakaitwa naJohn Wesley, asi kanzhinji chirevo chichishandiswa zvisiri izvo nemaHwisiri anhasi. Kazhinji zhinji chirevo ichi chinoshandiswa munguva dzembuserere, apo vanhu vanenge vachikuridzirana kuti vakure pamweya. Izvi handizvo zvaireverwa na John Wesley, nokuti chirevo ichi akachitaura achiparidza nyaya dzokupa, pamharidzo yake yeMashandisirwo emari iyo akaparidza muna 1744. Mumharidzo iyi John Wesley anodzizdisa zvisungo zvitatu, ‘wana zvose zvaunogona, chengetedza zvose zvaunogaona uye ipa zvose zvaunogona’.
Zvakadaro, John Wesley anozodzora ndangariro achitarisa kuti maHwisiri akange awanda zvakanyanya zvokusvika pazviuru makumi mashanu muNgirandi chete, kwotiwo vakange vakawada kune dzimwe nyika. Mukudzamisa pfungwa uku ndipo anoona kuti mamwe maHwisiri akange ave nepfuma yakawanda kwazvo yavaizviunganidzira vachikanganwa kuita basa renyasha muchechi rokurangarira varombo. Tipabate kuti John ainge asingapikisani nokuti vanhu vave nepfuma yakawanda asi kuti aiona mhosho yaizoitwa nevatendi vazhinji apo vaingobata zviga zviviri zvokutanga, kuunganidza nokuchengetedza vachikanganwa chetatu chokugoverana nevasina. Saka nguva iyi John wesely aizviona kuti vanhu vari kuwanda chose asi chaimunetsa, vakanga varasa tsika yaMwari yokupa sokubudiswa kwazvinoitwa muna Johani 3: 16, ‘Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake……’ John Wesley anozoparidzazve imwe mharidzo yainzi, ‘Zvikonzero zvechiKristu chisina simba’ apo anotaurazve chimwe chirevo chine simba kwazvo. Anoti, ‘Kana munhu ava muKristu anomhanya-mhanya mukuvimbika uye anobudirira pamhindu dzake. Zvino kana munhu iyeye akawana zvose zvaanogona, ochengeta zvose zvaanogona asi akazotadza kupa zvose zvaanogona, Judasi Isikarioti angave nane kudarika iyeye.
Kubva pachiverengwa chedu, chine nyaya yakaitikira kuKesaria, makiromita ngaita zana nemana kubva muJerusarema kuri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwaro. Tinoudza nezvemurume aiva mukuru wezana ainzi Konerio, uyo akange aneta nokunamata zvifananidzo dzokei otendeukira kuchijudha. Zvimwe zvatingade kutarisa pamurume uyu ndezvinotevera. Chokutanga ndechokutinaiva muRoma, saka aiva nemikana yakawanda kudarika verudzi rwechiJudha nevamwe vaisava maRoma. Chechipiri ndechokuti aiva mukuru wezana saka aiwana mugove wakakura (aiwana zvose zvaaigona nokuchengetedza zvose zvaaigona). Sezvo aisava muJudha aisava nemukana wokuenda nezvipo kunopira mumba maMwari (kuTemberi) nguva nenguva, saka iye aingopa zvake varombo vainge vakamutenderedza, Mwari ndokuzviona zvavo. (Izvi zvinotidzidzisa kuti Konerio akaita zviga zvose zviri zvitatu).Paakaita izvi akaita zviya zvinorehwa kuna Zvirevo 19:17, ‘Unzwira varombo tsitsi, unoposa naJehovha…’, kana zviya zvinorehwa kuna Mate 25:40. Zvadai Mwari vakapindura vakamutumira mutumwa, zvose zvichibva pakuti Konerio akagona kuita zviga zvose zviri zvitatu.
Sevana vaMwari vakaropafadzwa nezira dzakasiyana-siyana, ngatizviongororei tione kuti tiri kubata sei vakatitenderedza nevamwe vasinawo zvakawanda sesu. Tiri kugoverana here nehama dzedu, vabereki vedu, vakwegura nevamwe vangave vari kumaruwa kana vatinonamata navo? Hatisi vaya vari kusimuka nokutsika vamwe here? Hatisi here vaya vanongogwinya pamunamato asi tisingadi kupa, zvichizoita kuti minamato yedu ishaye simba. Tiri kukuudzirwa kuti saKonerio tiite zviga zvose zviri zvitatu kti tive vatendi vane simba.
You must be logged in to post a comment.