Mission Month 2020 – Shona

Click or tap here to see the English language version of the booklet.

Click or tap here to see the Ndebele language version of the booklet.

THE METHODIST CHURCH IN ZIMBABWE
MWEDZI WOUSHUMIRI
1-31 CHIKUNGURU, 2020
“PANGUVA YAKAITA SEINO”
(Estere 4 vs 13 -14)
MWEDZI WEUSHUMIRI
MUSUMO
Vadikanwi munaKristu, tinosangana zvekare musure mekumbosangana pa“WESLEY WEEK”, mumwedzi uno waCikunguru 2020, tichiita ushumiri hwatakatumwa naIshe Jesu. Chirwerre cheCorona chanetsa pasi rose, chasandura magariro, mararamiro nemabatiro evanhu vose. Nekudaro nzvimbo dzose dzekunamatira, muzvitendero zvakasiyana siyana zvakavharwa. MaKristu nevamwe vezvimwe zvitendero tonetseka kusangana nenyaya yekuti vanhu havachafanirwa kugara kana kumira pedyo-napedyo [social distance]. Kunyangwe pachapera chirwere ichi, mararamiro edu anogona kusara asanduka. Panguva yakadai, kereke yeMethodist inokururdzira nhengo dzayo kugara mumba kuti tisaparadzira kana kutora chirwere cheCorona. Hunetswa hweCorona huripo, kereke inosungirwa kushumira kunhengo dzayo munguva ino yekushandiswa kwemasai-sai zvakanyanya. Nhau dzakanaka kuvarombo ndiro donzvo rekereke(RUKA 4:18) muhufudzi hwayo. Kubudikidza nenharemboza, mawairesi, mabhuku nezvivhitivhiti, kereke iri kufambisa nhau dzakanaka kuvanhu vose mundimi dzavo (Mabasa 2:11). Mukuzadzisa donzvo revhangeri kuvanhu vose kereke inosungirwa kubika nekupakura shoko rinobata moyo nemweya yevanhu. Tinoda nzira itsva yekuva kereke panguva yakadai nekuti takatumwa naivo Ishe Jesu vakati, “Endai munoita vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi muchivabhabhatidza ….”(Mateo 28:19 ). Kristu pachavo vanotaura nevanhu nenzira dzose panzvimbo dzose. Kristu vanodenha vanhu mukunzwa kwavo, mukunzwisisa kwavo nemukufunga kwavo, kuti vavaise pedyo nenyasha dzedenga. Idonzvo nevavariro yekereke kusvitsa nhau dzeruponiso nerudo rwaMwari kuvanhu vose. Kudanwa kweKereke kuparidza shoko nedonzvo rayo rekusvitsa ruponeso kuvanhu kunoita kuti kereke ive nemukana wekubata maonero, mabatiro, nemafungiro evanhu vemuZimbabwe. Donzvo rekereke rinofanirwa kutorwa sehushumiri hwakapihwa kuna Kristu nekuMweya Mutsvene naivo Mwari Baba. Izvi ndizvo zvatinoona munaJohani 21 apo Ishe Jesu pavanomuka vozviratidza kuvadzidzi vavo voti, “Rugare ngaruve nemi.”
Vanovaratidza mavanga ekuroverwa kwavo pamuchinjikwa kuti isu tiponeswe. Ndivo gwayana rechokadi raMwari Baba rinobvisa zvitadzo zvenyika. Ndipo kristu pavakataura mashoko aya, “Baba sezvavakandituma ,neniwo ndinokutumaiwo.” Vakabva afemera kuvadzidzi vavovakati Gamuchirai Mweya Mutsvene.” Sekushamisa kwekubatana kwakaita hupenyu hwaMwari Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene murudo nemukuzvipira, nesuwo tinokokwa kugoverana munyasha idzi. “Baba sekundituma kwavakaita, neni ndinokutumaiwo,” kuita basa rekereke. Kuenda kunoparidza haisi nyaya yesarudzo asi kuti inyaya yefaniro, yatakatumwa naKristu. Kuzadzisa basa iri, kereke yakapiwa uye inoramba ichipiwa chipo cheMweya mutsvene. Izvi zvinoita kuti kereke nedonzvo rayo rekuparidza pashaikwe ibvi nemupimbira. Donzvo rekere rinoratidza chimiro chekereke chizere. Nekudaro Kristu vakapa vadzidzi vavo basa rekudzosera vanhu muukama naBaba, rinova basa ravakafira paMuchinkikwa. Vanoti wamaregerera zvivi zvake zvaregererwa(John 21 v19-23).
Gore ra2020 tairitarisira kwazvo, ku “conference” ya2019, paHillside teachers college, kunova ndiko kwakasimudzwa dingindira redu regore rino rinoti “Panguva yakadai;” tose takafara vaiveko, pasina akambofungira kuti gore racho ra2020 raizouya nei. Chero parakatanga hatina kuziva zvaizotevera pamberi. Zvino tava kuvhurika maziso, sei mweya mutsvene akatipa dingindira iri. Togurwa mapfupa nechirwe chekorona. Hatichakwanisa kusangana tichinamata, kana kuonana konetsa. Tovanda mudzimba, muvengi korona, achiomba seshumba nokutambarara mumigwagwa yedu. Ngatirangarirei kuti Jesu varimo muchikepe nesu. vachataura kudutu iri rekorona, voti “runyararo ngaruvepo.” Korona inopera.
REV. B. CHINHARA
MISSION DIRECTOR

MWEDZI WOUSHUMIRI 2020 ZUVA ROKUTANGA: KUGAMUCHIRA HUSHUMIRI HWAMWARI MATEO 28V19-20
Mashoko anotaurwa nomunhu otandadza kana kuti ave kufa anokosha. Mateo akanyora mashoko aJesu okupedzisira achitiraira savadzidzi vake kuti tiende tinotendeutsa nyika dzose tichidzidzidzisa nokuvimbisa kuti Jesu uchava nesu kusvika kumagumo enyika. Neimwe nzira ari kungotivimbisa kuti uchava nesu kuburikidza noMweya Mutsvene apo tinovavarira kuzadzisa shumiro yaMwari kunyika.
Chishuwo chaMwari kudzoredzanisa ukama hwaivepo pakusikwa kwenyika, nokutsvaga kuponesa chiya chakarasika. Vanoda kuona huwadzano pakati pavanhu vose, uye pakati pavo navanhu. Mwari vanobudisa zvavanoshuvira kushumira mumoyo wavo vozviisa mumoyo yedu, kureva kutsvaga kuwadzana kwavanhu vaMwariwavanhu vosevari munyika dzose. Mwari wedu ndiMwari vane zvinangwa, saka kereke haisiyo inofunga zvokushumira kana kusunga zvokuita nokuti ndo chikonzero iripo. Christopher Wrightmubhuku rake, The Mission of God, unoti, “shumiro haina kuitirwa kereke asi kereke ndo yakamisirwa kushumira.”Mwari vari pabasa,iro rinovewo basa romutendi umwe noumwe.
Vanhu venyika ino vave kutsuduruka pana Mwari, nokuda koruzivo rwakavandudzwa (Technology), vanhu vava kutsvaga mhinduro dzezvimanikidzo nezvinovhiringidza muzvidzidzozveScience, vachiteerera pfungwa dzavazhinji pachinhambo chekutarisa kuda kwaMwari. Haisi nguva yakafanira here kupidigura chiKristu kudzokera kumakarekare vanhu pavaikumbira ruregerero (kureva kumirisana navadzivisi nokuchengetedza rutendo, asi zvichiitwa nounyoro noruremekedzo).
Patirikutanga mwedzi wohushumiri wegore rino, tinokumbira mutendi wose, mapazi ose,masangano ose namakomiti kuti vaongorore maitiro avo zuva nezuva vachitsvaga kuti zvavanokoshesa vachipa nzvimbo zvine chokuita here neshumiro yaMwari. Tiri kuitei kuparidzira vhangeri roruponiso kuna vakatitenderedza? Jesu unoti, “Kudya kwangu kuita kuda kowakandituma” (Johane 4 v 34), Ngatifungisisei masvikiro atingaita kuna vakarasika, vakazvidzika navaya vanogutsikana nezvenyika ino, tivaunze vose kuna Kristu.
HURUKURO
Mwari kana vakasika muviri wavo, iyo kereke,kuti ishumire, isu tiri kuitei munharaunda kuti tisvitse vhangeri kuvazhinji?

ZUVA REPIRI: NHUME DZAKRISTU
2 VAKORINDE 5V20Naizvozvo isu tiri nhume dzaKristu, Mwari vari kuisa mikumbiro yavo kuvanhu nemiromo yedu, saka nokuda kwaKristu isu tinokukumbirai tichiti veduwee zviwadzanisei naMwari.”
MaAmbassadors inhume kana vamiririri vapamusorosoro veHurumende kune dzimwe nyika, vano musenzekete wokumiririra nyika yavo nokushandira kuzadzisa zvido zveHurumende yavo kana zvomukuru wenyika. Ruremekedzo rukuru kwazvo kusarudzwa pabasa iri. Isuwo takaremekedzwa zvisingambobviri paya patakadaidzwa naMwari vakatisarudza kuti tivatevere (1 VaKorinde 1 V 26). Savamiririri vaKristu tinofanira kuve nomusiyano nevenyika ino, asi zvisingarevi kuti tozviravura kunogara kwedu toga. Tinofanira kurarama tichidyidzana nenyika asi tisingatsudugukipakuve vamiririri vaMwari.
Hukama hwedu naKristu hausi hwokuti isu tiwane zvatinowana asikupararira nokukurumbira kohumambo hwaMwari. VaJudha pavaive muutapwa muBhabhironi vaive vasingori vasungwa chete, asi vaidove vamiririri vaMwari wamasimba ose. Ndosaka Danyeri, Shadreck, Misheki naAbhedhenigo vakaramba kukotamira chimufananidzo chaMambo, Mordekai akarambawo kukotamira Hamani. Vakamira vakasimba norutendo rwavo rwokuti Mwari Mambo wamasimba ose ndivo voga vakafanira kunamatwa. Ndizvo zvavaifanira kuita saka toona kuti kuda kwaMwari kwakaratidzwakwamakore akazanirana echitendero chechiJudha nechiKristu, toona kuti vanhu vaMwari vaizvimisira kutambudzwa kana kuurawa pamusoro porutendo rwavo.
Nokuzopindawo nechizvino-zvino choruzivo rwakavandudzwa nechechi, chirwere che COVID- 19, rutendo rwedu rwaiswa pamuedzo. Pane mibvunzo yakawanda iri kusimuka panguva yakaita seino. Isu tinotarisirwa kuve nemhinduro dzinoratidza rudo, simba netsitsi dzaMwari. Zvoreva kudzikisa gejo paya patinoverenga nokunzvera shoko raMwari, tichitsvaga kutungamirirwa noMweya Mutsvene nguva dzose panoidzwa rutendo rwedu.
HURUKURO
Kereke yedu iri kusangana nemibvunzo yakaita seipi inotiomera apo tinoedza kugoverana rutendo rwedu navamwe?

ZUVA RETATU: MWARI VASINGAVONEKWI
ISAYA 40V28-31
Isaya aiparidzira vanhu vakarukutika, navakarasa moyo vaive muutapwa muBhabhironi. Wakavarangaridza kuti Yahwe (Jehovha) vanorarama nokusingaperi. Ndivo vakasika zvinhu zvose zviri panyika kusanganisira notumbuyu tudikidiki tusingagoni kuonekwa nemichina yokukurisa zvinhu midiki inokudza zvakapetwa chiuru (1,000) asi namazihombe anopetwa chiuru chakapetwa chiuru (1,000,000). Mwari vedu ava havafi vakaneta kana kurukutika nokuti kwavari, nguva hachisi chinhu chinovakonesa. Hatinzwisisi mafungiro avo asi tinoziva kuti vanotipa simba paya patinoneta nokupera simba. Vanovimbisa kuti vachatipa simba rokumhanya tisinganeti uye kufamba tisingaperi simba.
Bhuku raEsita rakasiyana namamwe nokuda kokuti nderimwe ramabhuku maviri ari mubhaibhiri (rimwe iNziyo dzaSoromoni) risingadudzi Mwari nezita ravo. Vamwe vadzidzi vakabvunza kana bhuku iri rine nzvimbo muBhaibhiri,asi chokwadi ndechokuti kusataurwa kwezita raMwari kwakakonzerwa nokuti maJudha aive ari kutongwa namaPersia avo vainamata vamwe vaMwari. Mubhuku iri tinowana mazita avanhu achidzokororwa kakawanda asipasina zita raMwari, asi ivo vachishanda zvavo vakavanzika. Hatina kunzwa nhoroondo yeminana kana kupindira kwaMwari zviri pachena,asi vanonunura vanhu vavo kuburikidza norutendo hwedzimwe nhengo dzorudzi rwavakatsanangura. Hushumiri hwaMwari hahugoni kudzwinyirirwa, kunonotswa kana kutadziswa namamwe masimba atinoona samakurukuru, atinofunga kunge asingakundikani. Ruoko rwaMwari runoshanda zvinyerere munguva dzezvirwere, hondo, nzara nokushaya chokudya.
Pane dzimwe nguva dzinoita sokuti Mwari havaonekwi, paya patinosangana nokugungudzika zvokuti tinotadza kana kudaidza zita ravo, patinowona ramangwana riri rima rakati tsvete, uye zvakatikomberedza zvisingafambi zvachose. Pakadaro ipapo Mwari pachavo ndipo pavanenge vakamira muupenyu hwavaya vanotenda. KuvaRoma 8 V 28 – 20` Pauro unotaura kuti: “tinoziva kuti pazvinhu zvose Mwari vanonatsiridza zvinhu kuna vaya vanomuda, vaya vaakadaidza kuti vaite zvavanoda.Nokuti vanhu vaya vakasarudzwa naMwari, akavatsaurawo kuti vafanane noMwanakomana wake, agova dangwe ravaya vanomutevera.”
MUNAMATO
Kurudziranai kuramba muchinyengeterera zvivindi zvokumira norutendo nguva dzose, uye kunyengeterera zvinhu zviri kukutambudzai panguva ino.

ZUVA RECHINA: KURERA VANAMAMBOKADZI NAMADZIMAMBO
ESITERE 2V5-7
Mordekai wakatora mwana wababamunini vake Hadassah (Esita), nherera yaive yafirwa navabereki, akagara naye achimubata kunge mwanasikana wake pachake.Munyika yatiri kurarama muno, matiri kurasikirwa navadikani vedu nokuda kwezvirwere, tsaona nezvimwe zvakadaro, tizere nenherera mumhuri dzedu. Tine hama dzakaenda mhiri kwamakungwa dzikasiya vana vadzo mumaoko edu. Saka tiri kuyeuchidzwa kuchengeta vana ava zvakanaka nokuvapa mikana, tichivabata samabatiro atinoita vedu vokutumbura.
Nyaya iyi ina mativi maviri. Muchengeti wavana haafaniri kuve norusarura uye akafanira kuzadzisa rudo runotaurwa mubhaibhiri; uyuwo mwana nokwake unofanira kuve netsika dzakanaka, achiteerera, achigamuchira kurairwa, achinonoka kutaura asi achikurumidza kunzwa. Esitere wakazvirereka achiteerera babamunini vake, zvikamusvitsa mukuve Mambokadzi. Mukugara kwedu toziva hedu kuti nyaya dzokumbunyikidzwa kwavana dzakawanda asi zvakafanira kuti tiite zvose zvatinogona kuti mumhuri dzedu nehama dzedu tigare tichiwirirana. Patinorera vana tizive kuti tiri kuvagadzirira kuve Madzimambo namadziMambokadzi amangwana. Shoko kunherera navanotambudzika nderokuti pavanowana mikana, ngavaibatisise vaite zvine nhoroondo, vasangotarisa ranhasi asi upenyu huri mberi.
Tinadzo here mhuri munharaunda dzedu dziri kuchengeta vana vehama?
Kune vanoda here rubatsiro rwedu isu maKristu?
Tinoita sei kana tikanzwa zvokumbunyikidzwa kana zvamabope mudzimhuri?

ZUVA RESHANU: MUVENGI ANOISA UPFUMI MUUMAMBO HWERIMA ESITA 3V8-9
Hamani paakaruka zano rokuparadza maJudha wakaenda kuna mambo ane mubayiro wamazazanana, anofungidzirwa navamwe vedzidzo dzapamusoro kuti aigona kusvika chidimu chetatu chepfuma yose yomuPersia panguva iyoyo. Satani haakoromori vanhu asina chaakabata chaanovavhevhanacho nokuti chisatani chacho (satanism) chine vanodopfumisa. Zvokuputa nokutengeswa kwavanhu vachinoshandiswa mabasa ohufeve zvinobhadharwa pakuru. Ndosaka kuna vanhu vanodofunga kuti kana mari ikangoshaikwa, zvakaipa zvose zvinoparara!! Kunze kokudzidzisa shoko rokukomborerwa nokupa maKristu, anofanira kuzivawo kuti pavanopa mipiro yavo nezvegumi, havasi kungopa kubasa raMwari bedzi, asi kutorwa hondo kuti humambo hwokudenga husaparadzwa.
Sakapatinopa ngatisapa mafufu omusaririra. Hamani wakavimbisa mambo mazazanana. Mudikani, ziva kuti muvengi watiri kurwisana naye wakarongeka panyaya dzoupfumi idzi. Kare ndaimbonetseka ndichiona mabhaisikopu anotyisa pachivhitivhiti, kusvika ndazonzwisisa kuti pano waidobhadhara kuti zvinhu izvozvo zviratidzwe pamasaisai. Izvozvi kutaura kudai boka reScripture Union rakarambidzwa muzvikoro. Ngatipfumisei matura ehurongwa hwekereke, hurongwa hwezvoumambo hwokudenga nokuti rimwe zuva tichapepuka takomberedzwa tiri pachitsuwa, patisina mvumo uye tisingachagoni kunamata.
Kurukurai pamusoro pedzidziso dza Johane Wesley pamusoro penyaya dzemari.Mharidzo yake pamusoro pokushandisa mari yaive nemisoro inotevera:
• Shanda uwane zvose zvaungawana – nenzira dzakarurama, uchiitawo basa munharaunda.
• Chengetedza zvaunowana napaunogona napo – asi uve nechokwadi chokuti mhuri yako ino pokugara pakanaka, inopfekedzwa ichidya ichiguta, asi usatambisa mari pane zvisina maturo zvamafaro.
• Ipa zvose zvaunokwanisa – Johane Wesley haana kungopa chegumi chete asi zvose zvaaikwanisa

ZUVA RECHITANHATU: KUPIRA UPENYU HWAKO KUUMAMBO
HWOKUDENGA
ESITA 4V16, LUKE 17V33
Kuve muKristu hazvirevi kurarama upenyu husina zvibingamupinyi namatambudziko. Nguva zhinji hatipesani nezvinotambudza asiMweya Mutsvene unotibatsira kuve vakundi. Pane nhambo dzinoidzwa rutendo rwako iwe uchifanira kumira pane zvaunotenda somwana waMwari. Esita wakasangana nazvo apo aifanira kusarudza pakati pokuenda kunoona mambo asina kukokwa kana kupiwa mvumo, nokugara zvake akavokera vorudzi rwake vose vachiparadzwa. Tomunzwa achitaura kuti “Kana ndafa ndafa hangu;”asiMwari vanomununura. Pashure pacho takaona Mordekai achiramba kukotamira Hamani (3v1–4), uye Danyeri, Shadreck, Misheki naAbhedhenigo vachiramba kukotamira chimufananidzo chaMambo Nebuchadnezzar (Daniel 3v1–12). Mambo wakavakanda muzhenje romoto asiMwari wakavadzivirira kurufu (vs13–30).
Munyika yatiri kurarama kungave here nomunhu unoda kurasikirwa noupenyu hwake pamusoro poumambo hwokudenga? Tikasachenjera vana vaMwaritikayeva hedu zvatakatenda zvichiparadzwa, dzinza rinotitevera richashaya pokubatira. Kana tichiri kutaura nezvekereke seyedu kwete seyangu, ngatizivei kuti kereke iyoyi haingararami panguva ino apo hasha dzenyika dziri kurura, kuvavarira kushandura zvinhu zvose kuti zvive zvayo. Mwari vari kutsvaga vanozvipira kumira pamukaha vachiti “kana ndafa ndafa hangu.”Vaya vakarasika vakati torododo muchivi saka iwe mira parutendo rwako upinde imomo mavanodzivaira vari unovanunura.
Kurukuriranai nezvavamunoziva vakazvipira kufira vhangeri. (Muno muzimbabwe tine micherechedzo yanaMudumedi Moleli
(Waddilove), James Anta naJob Mamukwa (Siabuwa).

ZUVA RECHINOMWE KUNYENGETERA NOKUTSANYA
ESITA 4V16
Tinowana mienzaniso yakawanda yokunamata nokutsanya mumagwaro, kufanana nokutsanya kweguta reNinivhe kuna Jonah 3 v 5, kwaNehemiah kuna Nehemiah 1 v 3-4, nokwaDhanyeri (Danyeri 1 v 12). Kunyange kunyengetera kusina kutaurwa kubhuku raEsitere nokuda kokuti nhoroondo yaro yakapfupikiswa zvakanyanya, vazhinji vanotenda kuti kwakaitwa. Jesu wakatsanya, kureva kuti nesuwo tinofanira kurarama tichizviita: “Zvino kana imi muchitsanya zvokudya musaratidza………”(Mateo 6 v 16-18). Nhoroondo inotidzidzisa kuti ungano dzose dzaibudirira dzaizoitwa mushuremokunamata nokutsanya. Kuna vazhinji vaigara vachinyengetera kuti Mwarivachenure nyika yavo, kufanana naJohane Wesley, George Whitfield, Johane Calvin, Johane Knox, Andrew Murray navamwe vakawanda. Kutsanya kwakaitwa naEsita (4 v 16) kwafananana nokwakaitwawo naNehemiah achitsvaga njere nenyasha asati aenda pamberi paMambo.
Kutsanya segugano hakuchanyanyoitwa nedzinza redu, asi tine zvikonzero zvokutsvaga Mwari panguva yakaita seino apo nyaya dzoupfumi munyika dzichigedageda, takatarirwa masangisheni, vazhinji vasina mabasa, huori hwatekeshera, tsaonawo dzomunyika dzichitidzivaidza, pamwe nezvirwere zvapararira pasi rose. Kutsanya kunotibatsira kubuda mumunhu wenyama tichipinda mumweya, zvichitibatsira kuve nezvinangwa pamunyengetero yedu. Kuverenga Izaya 58 v 6-69 kunokubatsirai kunzwisisa nhau dzokunyengetera nokutsanya.
HURUKURO.
Verengai muchienzanisa Mateo b6 v 16-18 naIsaiah 58, mutaure zvamunonzwisisa pamusoro pokutsanya.

ZUVA RORUSERE: MUSACHAPFANYA MUCHISHANGARA MUCHIKANGANWA VANOSHAYA
Bhuku raEsitere ibhuku remitambo. Ganhuro yokutanga inobudisa mutambo mukuru wokunwa wakaitwa kwemwedzi mitanhatu, uchiitirwa mauto nananevanji vamadzimambo ematunhu zana namakumi maviri ana manomwe (Esita 1:3-4). Uyu mutambo waiteverwa nowamazuva manomwe okunwa aiitirwa vaigara mumuzinda wamambo (Esita 1v9). Madzimai aiitawo mutambo uyu ari pawo oga, inove ndo nguva yakazokonzera kukoromoka kwaMambokadza Vashti. Mambo vakazoita umwe mutambo pakukwidziridzwa kwaEsita (Esita 2:18), mushure mezvo tozoona mambo vakagara vachidya nokunwa naHamani (Esita 3:15).
Hongu zvinokosha kufara muupenyutichibatana zvakanaka, asi tisazokanganwa vanoshaya vatinorarama navo. Ngationgororeiwo mararamiro edu tizvibvunze kuti hatisi here padambudziko rokuita sedzinza raMambo Xerxes raigarochapfanya nokurashanya, zvinove zvinoratidza hundingoveni. Kutestamende yakare Mwari vakaraira vaIsraeri kuti vasakohwa vachipedza zvose muminda yavo kuitira kuti vorombo vazonhonga -nhongawo zvaisaririra (Dhuteronomi 24 v 1922)
Vhangeri ratinoparidza harifanira kungove rapamuromo asi rinoparidza Jesu mupenyu. Somucherechedzo, nhau dzingave dzakanaka kumusungwa ndedzokuwana chokufuga here kana kuti dzokuregererwa? Tinonzwa Jesu, kuna Mateo 25 v 41-46 achitikurudzira kurangarira vanoshaya achiti, “…….nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya………..”. Kuna Ruka 10 v 25-37, abvunzwa kuti “……ndiyani hama youya munhu….”, unopindura nokutaura imwe nyaya yomuSamaria wakanaka. Sedungamunhu, semhuri, semapoka uye sekereke, takafanira kudya navanoshaya vari munharaunda dzedu, nokugoveranawo navo zvose zvatinokwanisa.
HURUKURO
Christian Social Responsibility ndeimwe yembiru dzeMCZ. Isu munharaunda yedu tiri kuitei kubvatsira vanoshaya?

ZUVA REPFUMBAMWE: KUTYA KUNOTIREMADZA ASI RUTENDO RUNOITA KUTI TIVE VAKUNDI ESITA 4V1-3, VAFIRIPI 1V12
Zvibingamupinyi zvatinosangana nazvo muupenyu zvinogona kutityisa zvokunge taoma mitezo kana kuita kuti titsvage Mwari tione mashandiro avo muupenyu hwedu. Mordekai asangana nokuvhundutsirwa norufu, akarangarira Mwari waAbraham, Isaac naJacob, uyo aive abudisa vaIsraeri muIjipita noruoko rune simba. Izvi zvakamusimbisa akave netariro yokuti Mwari iyeye waizorwa akamira navatsanangurwa vake.
Mambo Davhidhi vakasanganawo nedambudziko raigona kuparadza upenyu hwavo asi vakaita zvivindi vakawana simba rokutsungirira, vakaramba vachifamba vakakunda miedzo yose. Chinhu chimwe chavaiita nguva nenguva kana vasangana nemiedzo kunyengetera vachitsvaga Mwari. Vaiti vakabvunza Mwari kuti voita sei,vakapiwa mhinduro vaibva vangotevedzera zvavairairwa nemo nemo
(2 Samuel 5:19). .
KuteveraJesu hakurevi kuti hatizosangani namatambudziko nezvibingamupinyi muupenyu. Zvinongoreva kuti mumatambudziko ose,Jesu Mambo wamasimba ose anesu Uye tinogona kuzembera paari, kuvimba naye, kumukumbira rubatsiro, iye wotipa zvatinotsvaga uye wotinyaradza mumadzudzo ose.
Zvibingamupinyi zvatinosangana nazvo muupenyu zvinotipawo mukana wakafanana nowakapiwa mambo Davhidi. Tinogona hedu kuzvibvumira kutivhundutsira kunge taoma mitezo kana kuti tinogona kuvimba naMwari, tokumbira rubatsiro nenjere, tobva tashandira kubata chatinovavarira. Ipapo tinobva takura uye taona kubata kwaMwari. Munamato wangu kuti musanyudzwa namatambudziko asimumaone semikana yokuvona kubata kwaMwari muupenyu hwenyu.
HURUKURO: Ndezvipi zvibingamupinyi zvatiri kusangana nazvo muupenyu?

ZUVA REGUMI: KURWA NDOKWAMWARI MAKORONIKE 20V14-15, ESITA 3V8-9, MAPISAREMA 105V2-15
Mwari vanotarisa vanhu vavo. Mucherechedzo wezvizvi wokutanga tinouwana kuna Mavambo 20 v 1-7, Abraham achigara muGerah. Mambo womo paakatora Sara kuita mudzimai wake zvakaita sokuti chivimbiso chaMwari chokupa Abraham naSara mwanakomana hachichagoni kuzadzisika, asi Mwari vakachengeta chivimbiso chavo. Kuna Esita tinoonawo Hamani achiruka zano rokuparadza maJudha zvachose asi haana kuziva kuti Mwari vanoshanda chumhukutira vari kurutivi rwa Mordecai, Esita namaJudha ose.
Vanovimba naMwari ndo vasarudzwa vake uye ndo vaanorwira kana vanyangirwa nomuvengi. Chinhu chakanaka kuti iwe somwana waMwari uzive kuti haufaniri kurwa hondo dzako nesimba rako. Unogona kusangana nezvibingaidzo zvakakura segomo asika, ari matiri mukuru kupfuura ari munyika (1 Johane 4v4).
Mubvunzo ndowokuti isu tinopa here Mwari mukana wokutirwira-1 tinonzwisisa here kuti kurwa hakusi kwedu asi kwaMwari? Tinoona here utera hwedu savanhu tobvumira simba raMwari kuparadza kutya kwedu noutera hwose? Tine chokwadi kuti hondo dzedu ndedzokumiririra Mwari here kana kuti tongoda hedu kuzadzisa zvido zvedu? Tinokumbira rubatsiro kuna Mwari here muhondo dzedu dzose mazuva ose?
HURUKURO
• Hondo dzatakafanira kurwa muupenyu ndedzipi uye tichidzirwa sei?
• Mwarivanotirwira seiko muhondo dzedu?

ZUVA REGUMI NERIMWE: KUNONOKA HAKUREVI KURAMBA ESITA 2V21-23, 6V1-3
Pane dzimwe nhambo dzatinombobvunza kana Mwari vachirevesa kana vachiti tino mubairo pakushanda muzunde ravo, asiivo zvavo ndiMwari vanochengeta zvivimbiso. Mordekai akagara pazambara romuzinda wamambo, akanzwa Bigitani naTereshi vachirangana kuuraya Mambo Xerxes. Akanozvitaura hurongwa hwavarume avahukakona, ivo vakabva vaurawa, asi iye hapana chaakapiwa, kana kutendwa zvako. Chakangoitika kunyorwa kwezvaakanga aita mubhuku ramambo Xerxes renhoroondo. Mashoko anoti “zvino shure kwezvinhu izvi….” ari kuna Esita 3 v 1 anoratidza kuti pakanga papfuura makore akati kuti.
Esita ibhuku rinopidigurawo zvinhu nokuti nguva yakasvika yokuti paya vanhu vaMwari vongoona rima rakati ndo mberi kwavo, mambo ndo pavakashaya hope vakakumbira kuverengerwa bhuku renhoroondo. Masanga akaitika ndookuti pakabva paverengwaEsita 6 v 1-3, zvikaita kuti Mordekai asimudzirwe,Hamani adzikisirwe tomuona achiungudza akakwidibira musoro wake (Esita 6:12)
Apa pane dzidziso yokuti Mwarivanochengetedza zvivimbiso. Tinokurudzirwa kuramboita zvakanaka tisinganeti kana kudzokera sure samaKristu kuti panguva yaakafanira tigokohwa (VaGaratiya 6:9). Vazhinji vedu tinoshandira Mwari takatendeka tichiita zvakanaka pamberi pavo asi tisingagoni mibairo yeziya redu sokutarisira kwedu. Chenai moyo nokuti Mwari vanochengeta zvivimbiso, saka kunonoka kwavo hakusi kuramba kukucherechedzai. Vanopa mibairo vaya vanovatsvaga nesimba (VaHebheru 11:6). Iwe ramba uchishandira Mwari nguva dzose nokuti kuita kwavo kwakasiyana nokwedu, saka mukuzara kwenguva mibairo yatakakodzera tichaigamuchidzwa.
HURUKURO.
Zvivimbiso zvaMwari zvawakatarisira kuti vazadzise muupenyu hwako ndezvei?

ZUVA REGUMI NEMBIRI: KUSHANDA NOMOYO WOHURANDA NDOSVOMBONORO MUHUSHUMIRI HWAMWARI.
1 VAKORINDE 10V23-24
Pauro wakanga asina hanya nezvaaida iye asi zvaidiwa nevamwe vanhu vakamutenderedza. Kunyange Kristu akataurawo kuti akauya kuzoita zvido zvowakamutuma (Johane 5:30). Dambudziko nderokuti haasi maKristu ose ano moyo wouranda kana yakaita sowaPauro. Vamwe vanongoita zvavanoda ivo vasinei nokuti zvinozokanganisa sei upenyu hwavamwe vanhu. Murairo wechipiri unoti tide vamwe sokuda kwatinozviita isu (Mateo 22v37-38). Dambudziko heri – mamwe maKristu, nokuda kokusaziva, vanoita zvinopesana nomutemo uyu, vasingambofungi vamwe vanhu, vachingotarisira bedzi kucherechedzwa navanhu kwete naMwari. .
Pauro ari kureva kuti ugaro hwavamwe vanhu hwakanaka hunofanira kuve dambudziko remoyo yedu, sezvo Kristu akatidaidza kuti tiraramira vamwe. Pauro wakasangana namatambudziko akawanda asi wakaramba akasimba nevhangeri, achinyora matsamba arimo mujere, asingasarudzi vahedheni kana kuona chitendero chake chechiJudha sechaishamisira. Jesu unorairawo vadzidzi vake kuti uya unoda kuve mukuru unofanira kuve muranda wavose (Mateo 20v2528). Mviromviro yamazita makuru ano mukurumbira kushandira vamwe. IwesomuKristu tsvaga kushandira vamwe, uvavarire kusimudzira vamwe usiku husati hwasvika ukatsakatika.
HURUKURO
Vatungamiriri vekereke vangatsvaga sei kuve nohutungamiri hwouranda?

ZUVA REGUMI NAMATATU: KUREURURA KUNOFANIRA KUUNZA SHANDUKO KUITIRA KUSHANDIRA MWARI ZVINE CHIREVO MAPISAREMA 51, 1 JOHANE 1V8-9
Bhaibhiri rinotidzidzisa kuti Mwari havarasi vana vavo (VaRoma 8 v 1). Nguva dzose vanhu vaiti kana vatadza vakatendeuka vakabvuma zvivi zvavo pamberi paMwari, ivo vaivaregerera. Savanhu vakadaidzirwa basa raMwari, zvinokosha kugadzirisa hukama hwedu patakaparadzana naMwari tisati tapinda muushumiri hwavo. Uya unoviga zvivi zvake haangabudiriri,asi unorevurura nokupfidza zvaakatadza unowana nyasha (Zvirevo28 v 13). Kurevurura kwamazvirokwazvo ndokukuzvirambva, nokubvumirana nomutongo waMwari, zvodzorera munhu panzvimbo. Zvoreva kuti hakungogumiripamuromo asi kunofanira kuvonekwa nohunhu hwavandudzwa namaitiro akasiyana. Kana ukatadza ukapfidza zvokurevesa, revurura ukumbire ruregerero kuna Mwari, ugamuchire nyasha netsitsi dzavo.
Mumagwaro tinowana mucherechedzo yakawanda yokurevurura. Mapisarema 51 munamato waDavhidhi wokurevurura paakanga apinda pachivi chokufeva nokuponda. Muporofita Nathan vakanga vati chokwadi bvuu pamberi pake, iye ndokupfidza achiti “Tarirai ndakaberekerwa muzvakaipa”,Mwari vakamudzorera panzwimbo. Revururai zvivi zvenyu pakati penyu muzvipfidze kuti musatevererwa nezvakapfuura. Mwari vakatendeka uye vakarurama zvokuti vanokuregerera (1 Johane 1:9). Chishuwo changu kuti tose tizive kuti Mwari, kuburikidza nomwanakomana wavo Jesu Kristu, vanotanga newe patsva.
HURUKURO
Zvakatiomerasei kuregerera vaya vanotitadzira? (Mateo 6:12)

ZUVA REGUMI NAMANA: VANOVIMBA NAMWARI ZVAMAZVIROKWAZVO VANOBURUKA MUGOMO VACHIPINDA MUNHIKA (VALLEY) 1 MADZIMAMBO 19V3-18
Akunda hondo huru mbiri dzomweya, yokukuriravaporofita vaBaari neyokupindurwa munyengetero wemvura, Erija wakadzamirwa akarukutika uye akanzwa kushaya kurudziro. Kudududza kunowanzoitika musure mokunge tasangana nezvikukutu pamweya, tobva tarivara. Vana vaMwaritiri kurarama murusvasvaira rwehondo umo matisingagoni kuzorora samaKristu nokuti hondo haiperi kana isati yapera. Kukunda kwazuroriya kunofanira kuve hwaro hwezvokuita mumadzudzo ariko mberi. Davhidhi paakamirisana naGoriati wakarangarira Jehovha wakamununura mumurmo meshumba (1 Sameri 17 v 37). Saka zvawakambosangana nazvo ngazvikupe simba nezvivindi zvokumirisana nehondo dzose dziri mberi kwako.
Tizive kuti satani haakwiri pamusoro pegomo kunozorora mushure mokunge akunda, sezvakaita Jezebheri achinomirira kuuraya Erija. Musure mokubhabhatidzwa kwake, miedzo yaJesu yakauya iri mudungwe. Usadududza kana izvi zvoitika nokuti zvakafanira kuti ukafamba nhanho imwe,ufambe inotevera. Mwari umwe chete iyeye anenge achifamba newe kusvika wakunda. Hondo dzaErija dzaive dzisati dzapera saka pamwe nedzakowo dzakafanananedzake. Paive pachine basa rokuita.
Wapedza kurwa hondo pamweya, wonzwa kunge umirewoga, rangarira kuti Mwari havasati vapedza newe pane zvavakakumisira. Zvawakasangana nazvo zvakauya sekurudziro kuti uwane zvivindi zvokumirisana nomuedzo unotevera.
HURUKURO
• Tauriranai zvamakambosangana nazvo pahondo dzomweya.
• Upenyu hwakareruka here mushure maizvozvo, kana kuti zvakakusimbisa kuti ugone kumirisana nezvaitevera?

ZUVAREGUMI NAMASHANU: KUSHANDURA MATAMBUDZIKO KUTI AVE MIKANA JEMISI 1V12-16
Verenga zvose semifaro. Ini ndinowanzopidigura nhamburo dzose kudziita mikana. Ukavona nzira inofambwa mutserendende ziva kuti haina kwainosvika. Kuti ubudirire unofanira kumbosangana nezvinorema nokuti mukutengesa, nomuamwe mabasa ose ano kumeso, kukunda kunouya chete musure momutsurundundu. Murwendo rwoupenyu munhu wose unosangana nezvinogona kuparadza upenyu hwake, zvinodzorera sure kana kudzivirira budiriro. Une sarudzo pakati pokurega zvibingamupinyi zvichikukurira kana kuzvishandura kuita mIkana wokufambira mberi.
Tine dzidziso yakakosha yatinowana pakuita kwaMordecai naEsita pakanga Hamani aronga kuvauraya. Kwavari wakave mukana wokutsvaga kuzviratidza kwaMwari. Mordercai wakabvarura nguvo dzake akapfeka masaga, akatsanya achiratidza kuzvininipisa. Akazopinda kumongo wedambudziko paakatumira shoko kuna Mambokadzi, avo vakabvawo varaira kuti maJudha ose apinde pamutsanyo. MaJudha akarangaridzwa kuti pane nzira, kwete yokungosvika pedyo naMwarichete asi yokuvadenha kuti vapindire. varimo muutapwa, uyu wakave mukana wokubatana sorudzi vaine chinangwa chimwe chete kuburikidza nokunyengetera nokutsanya.
Nhambo zhinji vanhu vakasangana nokurema, vanochema nokudemba vachifunga zvisina maturo vakafunya chisero. Pauro woti “Pakupedzisira ndinoti kwamuri simbai kwazvo muna tenzi……” (VaEfeso 6 v 10). Kana basa rikapera kana kuti ukashaya mari, taura zvinorehwa namagwaro kuti “Saka Mwari vanobvisa chokutanga kuti vaise chechipiri“(VaHebheru 10 v 9). SamaKristu tofanira kukumbira Mwari kutijekesera mikana iri mune zvose zvatinosangana nazvo, ivo vagozarura meso edu kuti tione.

ZUVA REGUMI NAMATANHATU: VAMIRIRI VEVHANGERI
ZVIITO 1V8 ‘…. uye imi muchava zvapupu zvangu kuvanhu vari muJerusarema, navari Judiya, navari muSamariya, nokuvanhu vagere kudzimwe nyika…..).
Testamende itsva inotarisa mutendi wose sechikonzi. Vanhu vanovimba namakereke anoita zvevhangeri uye aya anokoka vanhu kuti vazopinda svondo navo. Makereke ari kukura vanotora vhangeri somusimboti. Kuparidza vhangeri rechokwadi kunobudirira bedzi kana mutendi woga woga azvimisira kuvhangera. Nyaya yokuunza vanhu kuna Kristu haifaniri kusiirwa kuvanhu vashoma, kumapoka kana kune vanozvifarira. Kune rumbo runoti “mabasa ako anoita ruzha zvokuti handinzwi zvaunotaura”. Tose tinofanira kuve zvikonzi zverudo mifaro nesimba revhangeri muupenyu hwedu.
Kereke yokutanga yakavimbiswa simba rokupupura kwete kuzadzisa zvido zvekereke kana kuita dambe. Mumakereke nhasi uno simba rinoenderana nezvigaro nohurongwa pachinhambo chomweya mutsvene uyo unopa simba rokupupura,
Nhengo dzedu dzingawana seiko zvivindi zvokukoka vamwe kusvondo kana muzvidzidzo zvebhaibhiri? Kereke ngaiite mabasa anoonekwa, zvisingaitwi nomunhu mumwe asi nomutendi wose nokuti haangabudiriri nechipo chomunhu umwe chete. Nhengo dzekereke ndo dzine mukana mukuru wokupupura kudarika vaparidzi nokuti ndo vanogara nokushanda navanhu vasati vave maKristu. kereke ingatadza basa kana kupupura kukasiirwa vano umhizha vanoparidza mupurupiti. Saka tiri kudenha mutendi wose kuti asimuke aparidze vhangeri. Pauro, kuna 2 Timoti 4 v 2 unokurudzira kuparidza shoko mukunaka nomukuipa.
NeSvondo zvinhu zvinoita sezvisina basa sokurongedza muchechi, kugamuchirwa kwavanhu nokuchengetwa kwavaenzi zvinounza mutsauko. Munhu wose ngaavavarire kuuya noumwe munhu kusvondo, riya inonzi ‘Vhangeri roushamwari. Vavariro kumuKristu haifaniri kuve yokuwana kereke yokupinda wonoti vhuruvatamo asi kushanda nesimba muhushumiri hwekereke.
HURUKURO
 Tauriranai nezvavanhu vamunoziva vanorarama hupenyu hunoratidza hunhu, mufaro nesimba romweya mutsvene.
 Zviripo here zvapupu zvakasimba kupfuura vaya vanongotaura zvaJesu asi hupenyu hwavo hwakapesana nohuvapo hwake?
 Ko sei vazhinji vedu tichizengurira kuparidza rutendo rwedu.

ZUVA REGUMI NAMANOMWE: KEREKE CHENGAOSE
Kuchenga ose ibumbiro rinotaura zvokusaita rusarura rweganda, rwezvigaro zvokuti munhurume here kana munhukadzi, zvokuremara kana zvimwe zvakadaro. Irori ndo rimwe gumbo ratinokoshesa pambiru dzedu dzoushumiri. Hwisiri inotenda kuti mutendi wose muPirisita padanho raari, kwete kureva vatendi navazodzwa chete asi mazera ose pasina kuti munhurume kana munhukadzi. Vose vanotenda kuna Kristu ikodzero yavo kutora zvigaro nemikana yeshoko vachiwanawo mugove wenyasha. Kuponeswahakunei nokuti mukadzi kana murume (Galatians 3 v 28), zvichibudiswa pachena namapoka aripo anotungamidza vechidiki, varume namadzimai, vakaroorwa navasina.
Esita haana kunyurura vanhu paya paakadanidzira maJudha kumirisana nowakaipa waida kuparadza rudzi Mubasa raMwari tose tine chokuita. Hapafaniri kuve navavokeri, hapana pfungwa dzinonzi ihuru kana diki, mumwe nomumwe unofanira kumira panzvimbo yake. Kuna 1 VaKorinde 12 v 12-27 Pauro unoti muviri uyu umwe chete asi unoumbwa nemitezo mizhinji, pasina wakakura kupinda umwe. Murwendo rworutendo urwu, Mutendi umwe noumwe une musenzekete wokumbira pake mumuviri waKristu uyu.
HURUKURO
 Tinogamuchira here chero munhu mukereke uye muhutungamiriri hwekereke yedu muZimbabwe, MaShona maNdevere Varungu, maTonga, maNambia, maKalanga navamwe vakadaro?
 Tinogamuchira here vanamai vasina varume mumapoka edu ohuwadzano? Ko vakambobatwa nohutachiona hweCovid-19?

ZUVA REGUMI NAMASERE: HURONGWA HWOKUKURA KWEKEREKE
MABASA 6V1: Zvino panguva yakatevera vadzidzi vaJesu vakaramba vachiwanda, nharo pakati pamaGiriki namaJudha nokuti chirikadzi dzavo dzakanga dzisingawani zvipo zvakakwana zvaaipiwa zuva nezuva.
Chakasiyanisa kereke yokutanga nezvimwe zvitendero ndechokuti yakakurumidza kukura nokuziva Kristu. Nhasi Hwisiri iri kukura zvishoma zvishoma , Mugore ra 2009 yaive nenhengo dzizere 66,305, 72,957 muna 2018, kureva kuti pagore paingowana nhengo itsva mazana manomwe ana makumi mana! Kereke yanhasi haina hanya nokukura zvinoonekwa.
Kereke harisi sangano asi chinhu chipenyu chinofanira kuramba chichikura! Gwaro rohurongwa hwekereke huna udzamu rine mbiru ina, yokutanga ichitaura zvokukura kwekereke, uko kunotsigirwawo nebhaibhiri. Vanodzidzisa zvechitenderi vanobvumirana nokuti vavariro yaKristu yokufa pamuchinjilwa ndeyokuponesa vanhu vose kose kose. Iye pachake wakati “Mwanakomana womunhu wakauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika(Ruka 19 v 10).
Kukura kune chokuita nohuwandu, pamwe nezvinozobudapo. Vanhu havafaniri kugutsikana nokunamata pasina vatsva vanouya mudanga. Sangano redu riri kukura here kana kudzikisa? Kukura haisi nyore uye hakusi pane vakati teshe. Kunoda mushandirapamwe wavanhu vose. Dzidziso dzedu kunhengo dzose dzave kufanira kubata nyaya yokukura kwekereke, uko kunofanira kuve chinangwa chikuru kana kereke ichida kushumira nokureva nokuita. Kungotarisa sangano rako kunoratidza kuti pane kukura kuri kuitika here kana bodo? Ngatibudei murugare rwatinarwo tizvipire kuita basa tino hurongwa namakomiti zvokuti zvikanyatsoshandiswa nomazvo kereke inokura
(Evangelism and Discipleship, Pastoral and Fellowship and Christian Social Responsibility).Mapoka edu apamusha anogona kushandiswa kubatsira nokuteverera nhengo. Vatsva navanoshanya vanofanira kubatwa zvakanaka uye mubhuku edu amazita ohunhengo anofanira kuchengetedzwa nokuongororwa nguva nenguva nokuti ane nhoroondo dzinokosha.
HURUKURO
 Tinogamuchira sei vanhu vatsva musangano redu? Musure mesvondo pane unotaura navo here uye tinovakoka here patinenge tichiita mabasa edu ekereke?
 Tauriranai zvamakaita kukurudzira shamwari (dzimwe dzokuzvikoro nedzomumabasa), navavakidzani kuti vauye kukereke kana kuti vave pamwe nemi mune rimwe boka rohuwadzano

ZUVA REGUMI NAMAPFUMBAMWE: KUFUDZWA KWENHENGO ITSVA
MABASA 14V21-22
Basa rokutsvaga vadzidzi haribudiriri rikapiwa mumaoko avanhu vashoma kana kukereke. Munhu woga woga unofanira kuriona sebasa rake. Kereke haiunbwi nokuuya kuzopinda svondo asi nezvatinoita sedungamunhu. Kereke inofanira kugadzirisa zvakasimba nyaya yokufudza vanotendeuka kana vanotishanyira, kuita sekereke yokutanga yaiparidza nhau dzakanaka ichitendeutsa vadzidzi vakawanda (Mabasa 2 v 46-47). Vaizodzokera kumaguta anenge Lystra, Iconium neAntioch vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vakachengeta rutendo.
Kufudza kunobatsira vatendi vatsva kuti:
 vagamuchire ruponeso rwavo pamberi paMwari.
 vagone kukura pahupenyu hwokunamata
 Vanzwisise zvinokosha zvokurarama hupenyu hwakazara somuKristu.
Vatendi vatsva vanofudzwawo kuti vanyatsopinda muhupenyu hwekereke pasangano pavo uye vagoverane rutendo rwavo navamwe. Vakasabatwa zvakanaka vanogova kudyiswa nduru mupfungwa, vachivimbiswa kupfekedwa nokukurumidza, kana kusiiwa pamhene, izvi zvochikonzeresa kurasikirwa nenhengo idzi.
Kunyange tine hurongwa hwamakomiti okuteverera vanhu asi ngarive basa redu tose. Apa poda hukama hwomunhu wakatendeuka kare nomutendi mutsva kuitira kuti varereke nokukura zvakanaka.
HURUKURO
 Mumasangano edu ose makuru namaduku, tinocherechedza here vaya vanoti vauya zvachose. pakupera kwegore tinenge tichinavo vose here/
 Ngatifungeiwo nezvevhuserere namakurusedhi. Tinoitei kuti nhengo itsva dzisadzokera shure?
 Pamasangano edu ngatiitei hurongwa hwohufudzi hwavatendi vatsva.

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI: UPENYU HWOKUSAVE NOMURUME/ MUDZIMAI
ESITA 1V10-21
Patinotaura zvemhuri tinowanzokanganwa kuti hadzisi mhuri dzose dzina vabereki. Kune vasina varume kana vasina madzimai vakawanda mukereke, zvichigona kukonzerwa nezvakawanda sezvokuti, umwe haana kumbogara aroorwa kana kuroora, umwe wakarambwa, kufirwa kana kutizwa. . Hatina kuzoziviswa zvakazoitika naMambokadzi Vashiti asi sokubwaira kweziso, takaona unorarama sechirikadzi arambwa. Zvinoitawo sokuti Mordekai yaive tsvimborume (Esther 2 v 5-7)
Vabereki vanorarama vega vane zvakawanda zvavanosangana nazvo kufanana nokushurikirwa, kuzviravura muvamwe kana kusagamuchirwa, saka vakafanira kuvavarira kuita ukama noushamwari navamwe kuti vawane mukana wokugoverana mifaro yavo nezvinodzungaidza. Vanodawo kucherechedzwa savanokosha mukurarama, kungofananawo nezvinodiwa navanhu vose. Vasina kumbopinda muwanano vanoonekwa savanhu vakatadza kurarama, kunyange dai vane mabasa avanoshanda vachibudirira. Zvinetso zvavo zvinowedzerwa nemhuri navavakidzani avo vanoramba vachivadenha kuti varoorwe / varoore. Vanhu vanoona upenyu hwakazara ndohwokuve nomurume / mudzimai navana. Mumarudzi akawanda mune maonero asingadudziwi okuti vasina kumbopinda muwanano havangakwanisi kukosheswa panokurukurwa zvokurarama.
Vakarambwawo vane zvavo zvinovakorongonya nokuti pavanobuda mumba zvose zvoupenyu hwavo zvinombotiza sezvaparara. Mwari vanoita savataramuka, uye iko kungorambwa kunogona kuvhiringa munhu mumafungiro. Mari inogona kunetsa kuwana, vana vagoita somutoro. Vanonetseka nokunzwa sokuti vane mhosva, vanonyara, kutsamwa, kuita pfundipfundi kana hasha, nokuona ramangwana richinge mhute.
Vaya vanofirwa vanowanzosara vachidorwara neDepression. Vanoravukawo muvamwe, mari igogona kuve dambudziko, vana vonetsa kuchengeta, ivo vonzwa sokuti Mwari wavarasa. Vanoda vanovatsigira nokuvabatsira panguva iyi yokushurikirwa. Ivava navakarambwa vanowanzoita dambudziko rokusaziva kuti vodini, vodzokera here muwanano kana kuti vochengeta vana vari voga. Kereke ngaigone kubatsira kuti matambudziko akadai akurukurwe, agadziriwswa kana kungobatsira kuderedza hukasha hwawo.
Ivo vanoda tariro uye vanotarisira kunzwisiswa, kuwana ruzivo, kuwana vavangatevedzera kana mikana yokukurukurirana vachigoverana pfungwa vakasununguka navamwe vakaita saivo. Jesu vanoti uyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa
ndizokuzorodzai (Mateo 11 v 28-29)
HURUKURO
Sangano renyu riri kuitei navasina kuroora/ kuroorwa? Pane zvinzvimbo zvavasingapiwi here mukereke? Vanodiwa here nokugamuchirwa sezvazvakafanira?

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NERIMWE:MUSHANDIRAPAMWE MUHUSHUMIRI HWAMWARI
1 VAKORINDE 12 V 12-27
Zvinhu pazvakazopidiguka maJudha oda kuparadzwa, Mordecai unotsvaga Esita kuti abatsire nokunotaura naMambo.
Mushandirapamwe unokosha muchiKristu nokuti savana vaMwari, takasikwa tichifanira kugarisana uye tichida Mwari. Rwendo rwechiKristu harusi rwamakwikwi asi rwokusimudzirana. Tinonzwa kuti mordekai wakarera Esita kubva paucheche, achimudzidzisa kusvika chave chimhupupu. Hapana munhu ane zvipo zvose kana njere, uye anogona zvose zvinoita kuti upenyu hubudirire, saka ikurudziro kuti munhu wose ashandise zvipo zvaakapiwa naMwari.
Chinonzi chikwata vanhu vaviri kana kupfuura vane vavariro imwe, vanofarira zvakafanana. Vanokunda kana kukundwa vakasungana sesvinga rehuni. Pavari hapana mukuru kana muduku asi vose vanokosha zvakafanana, sokutaura kwaPauro kuna 1 VaKorinde 12 v 12-27 kuti muviri mumwe chete asi mitezo yawo yakawanda. Gumbo harisi duku kuruoko, kana nzeve kuziso, saka munhu wose muchikwata unokosha. Mumunyengetero wake kuna Johane 17 v 2021 Jesu unokumbira kuti vadzidzi vave mhuri imwe kufanana naiye ari chinhu chimwe naBaba. Tinoonawo kushanda kwechikwata muUtatuumwe hwaBaba, Mwanakomana noMweya Mutsvene pavakasika nyika (Mavambo 1 v 1-3).
Kupesana nemikaha pakati pavanhu vaMwari zvinotadzisa basa raMwari kufamba zvakanaka. Tose tina Mwari mumwe chete saka zvinganaka kuti tishandire umambo hwokudenga nomweya umwe, umwe noumwe pabasa rake rakafanira. Mukomiti dzose pamadanho ose tinofanira kushanda sechikwata nevavariro imwe chete, yokukunda muvengi wedu tose dhiabhorosi
Zvinosiririsa kuti kazhinji tinoparadzaniswa nasatani. Kukwikwidzana nenharo mukereke zvinodzorera basa raMwari shure. Pauro anotsiura nyaya dzamasimuka tienzane pakereke yapaKorinde achiti tiri vashandiri vaMwari pamwe chete uye kuti tisu munda waMwari.
HURUKURO
Toita sei nenhau dzokusawirirana namakakatanwa mukereke?

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAVIRI:VANA NEVECHIDIKI SAVAMIRIRIRI VESHUMIRO YAMWARI
2 TIMOTI 4V12 “Ngakurege kuva nomunhu unokushora pamusana pokuti uri muduku asi unofanira kuve muenzaniso wakanaka kuvatendi mukutaura nomukuita, nomurudo, nomukutenda, nomukuita moyochena
Dzidziso yaKristu pamusoro penzvimbo yavana muumambo hwokudenga ndiyo inosimbisa kuti vana nevechidiki vanogona kuve vamiririri vohushumiri hwaMwari nokushandura zvinhu namabasa. Wakaisa vana pamongo poumambo hwaMwari (Mateo 19 v 14). Unoenderera mberi achiratidza mwana, kutanga se somucherechedzo wokupinda muumambo hwaMwari, uyewo somuenzaniso wohukuru muhumambo ihwohwo. Jesu ari kungosimudzira chitendero chakare chaiona vana sezvipo zvinobva kuna Mwari, zviri zviratidzo zvezvivimbiso zvavo namakomborero (Jeremiah 1 v 4-8 naRuka 1 v 11-17)
Kubva kare nakare vana navechidiki ndivo zvipfuro zvadhiyaborosi; Pharaoh unoidza kudzivirira kukura korudzi rwechiHebheru apo anoraira kuurawa kwavanakomana vose (Kubuda 1 v 16-17). Akasvika pakutsvaga kuuraya Jesu achiri mucheche (Ruka 2 v 1315).Mateo 18 v 5-6 inotidzidzisa kuti mweya yavana iri padambudziko. Chivi chinorerwa navanhu ndicho chinoisa vana parumananzombe rworufu. Jesu unodzivirira vaduku, norutivi achiita hukasha navose vanokonzera vana kutadza.
Vana vamamwe marudzi vave kusakadzwa nomutauro wamadiro, nenyaya dzekodzero nesimba zvakagadzirwa navakuru vavo, ivo voona rima sechiedza uye zvinyangadzi saizvo zviri mugwara. Muvengi unonanga ivo nokuti ndo vachine simba uye vakabata ramangwana.
Vana nevechidiki vanoda kuchengerwa, kudzidziswa nokushandiswa savamiririri muushumiri hwaMwari, vachigoverana shoko paya pavanosangana vachitamba. Kana vana vasina kubatwa huyanga havanei nokuwana simba kana zvimwe zvinhu. Tose tino musenzekete wokutsigira bazi ravana mukereke medu neshumiro yarakamiririra, kwete kuvasiya mumaoko avanhu vashoma. Ibasa redu kuvasimudzira nokuvatungamidza kuti vave nechokuita mukukura koumambo hwaMwari. Ngavapiwe mikana yokuporonga vachigadziriswa. Vechidiki, paya pamunoshanda muzunde raMwari tinokurudzirai kuti mubvumewo kurairwa nokudzidziswa navakuru.
HURUKURO
 Vana vedu vangaiteiko kuti tive pamwe navo patinopinda svondo dzedu?
 Tauriranai nezvevechidiki vari kutumgamirira vamwe kuruponiso.

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATATU: ZVOKUITA NEZVIVARAIDZO
MATEO 13V14-23
Muupenyu, kungave kuchikoro, mubhizimisi kana dzimwe nzvimbo, muzere zvinhu zvinovaraidza vanhu zvichivatsudurutsa pamuono wavanawo. Kristu akaudza vadzidzi vake kuti zvivaraidzo zvomweya zvinotanga nemoyo yakatonhora, nzeve dzisinganzwi namaziso asingagoni (vs 15). Achishandisa mufananidzo womukushi, Jesu unofananidza mbeu dzakawira muminzwa nomunhu unonzwa shoko asi wovarairwa nokuti moyo wake haupo uri kune zvimwewo. Zviyevedzo zvenyika ino nepfuma zvinodzivaidza shoko munhu wotadza kuita zvibereko muumambo hwaMwari.
Zuva nezuva chinhu chakanaka kumbofuratira zviyevedzo zvomunyika, zvingave zvenyama, pfungwa, mararamiro kana mweya, tosimudzira mweya nomoyo yedu kuna Mambo. “Munhu angaona nzira seyakarurama, nyamba kuguma kwayo kunosvitsa kurufu”, (Zvirevo16 v25). . Zvinokosha chose kuziva zvinhu zvinotirivadza muupenyu nokuti zvinosiyana kumunhu nomunhu, kana dzinza nedzinza. Zvimwe zviyevedzo zvinogona kuve zveganda, zvamarudzi kana mitauro yavanhu, mucherechedzo uri wamaJudha ari muutapwa muBhabhironi asingabvumirwi kunamata kuna Mwari wavo oga. Mazuvano chivaraidzo chaipisisa iTechnology nokuti vazhinji vave kungogara meso ari pambozharunhare kana pamalaptop, zvobva zvavakanganisa pabasa, pakunamata kwavo mukereke, dzidzo yavo kana mukuchaira hambautare mumugwagwa. Saka umwe noumwe unofanira kuongorora mararamiro ake aedze kubisa zvivaraidzo.
Cherechedza zvinhu zvinowanzokuvaraidza zvichikutadzisa kunamata kana kurumbidza mukereke, ugoverane navamwe mugobatsirana kuti zvingagadziriswa sei.

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANA: MWARI VANE HANYA HERE?
MAPISAREMA 30V4-10
Pane nyaya youmwe murume nomudzimai wake vakafirwa navana vashanu vachitevedzana nokuda kwedenda refivhiri apo vakanga vatumwa savashumiri kuma1900. Murume akanyora gwaro kudare guru ravashumiri achiti “dzimwe nguva mitoro inotiremera zvokunge tichitadza kuitakura, asi Mwari vari kubata nesu zvinoshamisa.” Munguva yerima nokurwadziwa ivo vakaona kuti Jesu waive pedyo navo uye akavakwanira pane zvavaitsvaga. SaDhavidhi vakadzidza ku “imbira Mwari nokurumbidza zita rake dzvene,” nokunzwisisa kuti “…kutsamwa kwake ndokwenguva duku….”
Vanhu vakawanda vanosangana nenguva dzokumbonyunyuta huvepo hwaMwari. Dutu reIDAI romuna 2019 rakaparadza nokuuraya mhuri dzakawanda munyika ino, vanhu vakasara vasisina tariro. 2020 pabva papinda mukondombera weCOVID-19 uyo waparadza upenyu muAfrica napasi rose ichisiya vanhu vasisina mabasa, uye nyika dzandengendeka panyaya dzoupfumi. Munyori weNziyo unotirangaridza kuti panguva dzetsekwende saidzodzi Mwari vakatendeka vanenge vachingove nesu. Iye adzamirwa zvakanyanya, wakadaidzira kuti “Inzwai Tenzi mundinzwire tsitsi, ivai mubatsiri wangu….” (v10).
Mwari vane hanya, havashanduki uye vanochenga vana vavo umwe noumwe nguva dzose. Sevatendi hatina chatinoshaya asi zvongoda kuti titsungirire nokuti Mwari vanogara vari pedyo nesu. (VaRoma 8 v 28)
Kurukuriranai nhoroondo dzamadzudzo amakambosangana nawo nokubatsirwa kwamakaitwa naMwari kuti mushingishire.

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASHANU: PEMBERERAI GOHO
KUBUDA 23V16-17; REVHITIKO 23V15-21
“Uitewo bira rezvirimwa zvitsva zvemabasa ako, zvawakadyara mumunda mako. Uitezve bira rokukohwa pakusutsa kwegore, kana wakohwa michero yako mumunda”.
Tinoita mutambo wechikoho gore negore tichipa kutenda kuna Mwari vanotipa zvose zvatinazvo. Inguva yatinopa kubasa raMwari tichicherechedza kuti ndivo vanotipa simba rokushanda uye kuti vanotipa goho reziya redu, tichizviita nomoyo somunamato nomupiro wokutenda. Kuna 1 Makoronike 29 v 11-14 Davhidi unocherechedza Mwari saivo mupi wezvose uye mviromviro yegoho. VaIsraeri vanorairwa kuti vasazokanganwa Mwari wakavabudisa muIjipita akavapfuudza murenje vachinopinda muKenani, uye varangarire kuti kupfuma kwavo kwaive kuda kwaMwari kwete simba kana kungwara kwavo.
Chikoho, kuna vaya vakadzumbunurwa vane chokupupurira vamwe, chikoho inguva yokurangarira zvatinopiwa naMwari. Nokutipa Jesu, Mwari vakatibudisa munyika yerima. Zvisinei, rima rinoteverera vana vaMwari rovadzimaidza votadza kuona maropafadzo avakapiwa naMwari. Nguva iyi tinofanira kucherechedza tichipa nokuda, zvichienderana nokuropafadzwa kwatakaitwa naMwari. Ngatitorei mukana kudzikisa pfungwa tichigadzirira kupemberera chikoho, icho chatinoita tiri mukati murusvasvaira rwezvibingamupinyi munyika ino, asi tina Mwari vanoramba vakatendeka.
Vanhu vanogara mumadhorobha vanofanira kungopa mari here panguva yechikoho kana kuti vanofanira kushongedzawo kereke dzavo namaruva, mirivo nemichero vachirangarira Mwari vanoramba vakangotinakira?

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMATANHATU: GOHO IGUKUTU
MATEO 9V35-38
Jesu wakataura izvi kuvadzidzi vake achishandisa chikoho somucherechedzo, achivaratidza kuti vanhu vakarasika ndiro goho rohumambo hwaMwari. Akataura izvi aona kuti vanhu vaive vaneta uye gurumwandira raimutevevera raiita sehwai dzisina mufudzi. Vanhu vazhinji nhasi vave kuona sevakakwana nezvinhu zvose, vanyura muzvivi zvokuti havachina rudo rwaMwari. Mwari vari kutsvaga vanhu vanomira saIsaiah vachiti “Ndiri pano Tenzi nditumei “(Isaiah 6 v 8)”.
Basa revhangeri harisi ravazodzwa chete. Kereke yokutanga yaive navanhu vakaita saana Lydia, Priscilla naAquilla, zvikaita kuti hushumiri hwaMwari hubudirire uye kuti Pauro agone kuenda kune dzimwe nzvimbo. Tose tinokokwa kuwana zvatinoita muhushumiri, tive vavhangeri munharaunda dzatinogara nomatinoshanda, tichiparadzira vhangeri raMwari
Mbiru yokutanga yoUrongwa hune udzamu hweMCZ inotarisa kukura kwekereke. Pagore vavariro ndeyekukura muhunhengo nezvidimu gumi nezviviri kubva muzana uye kuve namasangano matsva mana (4) mudunhu rogaroga. Zvoreva kuti yave nguva yokuchama yatinofanira tose kupinda pabasa. Munyika ina mamirioni gumi namaviri, mahwisiri anongove 120 000, kureva kuti goho richakakura. Joshua achiedza basa, Mwari vanomutaurira kuti kuchine nyika nenyika dzichiri kuda kuponeswa (Joshua 13 v 1), saka tino musenzekete mukuru pamberi pedu.
 Museketi napamasangano edu tino hurongwa hupi hunovavarira kusvika kuna vasati vaziva Kristu samambo nomuponesi wavo?
 Pane nhengo dzingada kupupurawo here zvadzakaita kugoverana rudo rwaMwari navasiri mukereke?

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMANOMWE: MOYO WOHURANDA
MAKO 10V45, RUKA 22V47
Kereke nenyika zvizere navanhu:
 vamwe vakambova vatungamiriri
 vamwe vari vatungamiriri
 vamwe vari kuvavarira kuva vatungamiriri vamangwana
Kereke nenyika ino zvingabudirira kwazvo kana mapoka matatu avanhu ava vakanzwisisa kuti vakamiririra umambo hwokudenga. Vano undingoveni, vadadi, simbe/nyope, kana tsukukuviri havagoni kutungamirira vanhu vaMwari nomazvo nokuti zvisikwa zvaMwari zvinoda kubatwa zvakanaka. Nyika yatinorarama yatambura nokuda kwavatungamiriri vanongozvifunga vachizvipfumisa, vasina hanya nenyika kana namararamiro avanhu varimo. Pauro unoti, “Asika chinhu chatinovavarira kukurayirai kuti muchiite ndechichi chokuva norudo…..” (1 Tim. 1:5). Jesu unotiratidza mucherechedzo wohutungamiriri hwouranda pamashandiro ake, achisvikira vanhu vose norudo netsitsi. “Nokuti ini pachangu Mwanakomana womunhu handina kuuya kuti ndizoshandirwa asi kuti ndizoshandira vamwe nokuvapa upenyu hwangu kuti huve rudzikinuro rwavazhinji (Mako
10 v 45).”
Esita ndoumwe muenzaniso wokuzvipira somutungamiri paanopira upenyu hwake kuponesa rudzi rwake rwechiJudha (Esita 4 v 11 ne 16) mubasa raMwari tinofanira kuita saKristu wakafira isu, tichipa nguva, pfuma zvipo nezvose zvatinazvo kubatsira upenyu hwavamwe. Upenyu imhindupindu nokuti paugere nhasi mangwana pagere umwe. Jesu wakauya akaramba amire panzvimbo achigadzirisa nyaya yamatanho muhutungamiriri. “ …. Unoda kuve mukuru pakati penyu ngaave muramda, unoda kuve wokutanga ave nhapwa …”.
Zvirevo 6 v 6 inotipa chidzidzo pamasvosve anoti rimwe nerimwe rinomhanya nendima yaro kuitira kuti zvimanakire ose. Kereke yaMwari inoda vanhu vakadaro, maKristu asingakwikwidzi asi anosimudzirana, achibatsirana nokuzvininipisa.
HURUKURO
Sei vanhu vomunyika zvose nomukereke vane tsika yokugwirana zvigaro?

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMASERE: IVA MUSHANDURI WENYIKA
MAPISAREMA 139
Vanhu vazhinji vanoverenga nhoroondo asi ivo havaiti zvinhu zvine nhoroondo. Vaiti venhoroondo ndaavo vanoita zvivindi zvokubuda mugwa vachinopinda paya pakanyura vazhinji. Kuti ushandure nyika nokuita nhoroondo unofanira kubva pamaitiro akajairika, wosimba nezvaunotenda usingatyi kukanganisa, usingazvitarisi iwe asi uchimiririrawo vamwe, uchimirisana nezvinorema uchiita zvausati wamboita. Izvi ndo zvakaita. Mordecai naEsita vakave nenhoroondo. Bhaibhiri rizere vanhu vane nhoroondo asi kuna vamwe vanongonzi “umwe murume kana mukadzi’. Nhasi todaidzwa kunzi mahwisiri nokuda komurume unonzi John Wesley wakaita nhoroondo nokushandura mararamiro aiitwa. . Kuna Mateo 5 v 13 Jesu unoti ‘ Imi muri munyu wenyika…”, kureva kuti zvaunoita zvinofanira kubatika.
Haufaniri kungopfuura munyika ino somumvuri iwe wakasikwa kuti uite basa. Vanhu ngavasare vachiwana zvokutaura nezvako. Kuti ushandure nyika unofanira:
Kuve nevavariro: Ziva zvaunofanira kuve uye kuti uri ani, usamirira nyika kuti ikuudze. Shuvira kuzadzisa vavariro yako ushandure nyika.
Kuve nezvaunotenda: Vanoshandura nyika havatsuguduki pane zvavanotenda nokuti ndo zvinovapa simba rokutsungirira. Tenda kuti Jesu unokuda uye une zvikukutu zvaakakurongera muupenyu, pane chawakasikirwa naMwari (Mapisarema 139 v 13-14). Saka unofanira kuve nomuono woita zvakafanira.
HURUKURO
Toita seiko munyika yakaoma kudai kuti tigone kuishandura?

ZUVA RAMAKUMI MAVIRI NAMAPFUMBAMWE:
UNOITA SEI KANA ZVINHU ZVAPIDIGUKA ZVICHIKUNAKIRA
VAFIRIPI 4V11-13
Takaona kupidiguka kwezvinhu apo Hamani zvaakanga arongera Mordekai namaJudha zvakazoitika kwaari iye. Mordecai wakapiwa zvose zvaive zvaHamani akabva apfuma akakurumbira chiriporipotyo, asimudzwa pakuzvuvuruka pazambara romuzinda wamambo. Nyaya iyi inoburitsa chirevo chinoti, “Chaitemura chave kuseva”. Vazhinji vakafamba negwara irori asi pavakangopfuma vakaita simba, vakatanga kunyomba vakasara vari vachena. Vanhu vane hutera hwokukurumidza kukanganwa kwavakabva.
Mwari vanoyambira vaIsraeri zvakasimba kuti kana vapinda muKenani vasakurumidza kuzokanganwa Mwari wakavabudisa mumuromo weshumba vakavaponiswa kuutongi hwaPharaoh (Mitemo 15 v 15). Chimwe chinoratidza hanganwa kuzvirova dundundu, wonzwa munhu achiti akashanda kuti apfume. Munhu angoitwa mutungamiriri unokurumidza kuzviravura kuvamwe, pachinhambo chokutenda Mwari wakatisika tiri varombo asi akashandura upenyu hwedu. Mashandisiro atinoita pfuma yedu ndo anoumba zvatiri. SamaKristu tiri kuramba tichikoshesa here chiga chorudo netsitsi?
Mashandisiro atinoita zvigaro anokosha. Bhaibhiri rine nhoroondo youmwe Pharaoh wakazouya asingazivi Josefa, akaita kuti upenyu hwavaHebheru hushabwabwe (Kubuda 1 v 8). Kuna vamwe vanhu vanosarudza kuzviunganidzira pfuma, hambautare dzinodhura, nguvo dzokupfeka nokurarama zvakanaka, vasina kana hanya navanotambudzika. Kana Mwari vakuropafadza rangarirawo vana chokumarara; rangariraiwo imba yaMwari.
Hurukuro
Ndepose here Mwari pavanoropafadza vaya vanovatevera vakatendeka noupfumi nesimba (Mateo 6 v 19-21)

ZUVA RAMAKUMI MATATU: PANGUVA YAKAITA SEINO
Tinoramba tichizazanura dingindira redu regore tichibata tsekwende dzinosanganisira hupfumi hwenyika hunoramba huchikoromoka, neiyi hosha ye COVID -19 yatekeshera. Bhuku raEsita rakanyorwa munguva maJudha paaitongwa navaPersia. Nohurongwa nenyasha dzaMwari Esita unosimudzirwa kuita Mambokadzi musure mokunge Vashiti abviswa pachigaro ichi. Panguva imweyo, Hamani wakaitwa mutungamiri wenyika yose. Toona zvedu somutambo apo Mordecai anoramba kumukotamira, iye Hamani otsvaga kumuuraya uye kuparadza rudzi rwose rwechiJudha. Mordecai unotunzva kutsvaga rubatsiro rwaMambokadzi Esita rwokuti ataure naMambo vasunungure chisungo chavaive vaita. Izvi zvainge zvakaomera Esita nokuti paive papfuura mwedzi asina kumboona Mambo, uye vaienda pamberi paMambo vasina kukokwa vaipiwa chitarafu chorufu. Mordecai unorangaridza Esita kuti paive nechikonzero chaakasimudzirwa kuti agare pachigaro ichocho panguva iyoyo iye ari muJudha,
Dingindira iri rinotitirimutsa isu sekereke uye sedungamunhu kuti tisatsuguduka panzvimbo nyange zvotsvuka seropa. Mumwe nomumwe wedu akamisirwa kushandira Mwari panguva ino, apo chiKristu chiri kubvorongwa nezvitendero zvemanyepo. Kuna vaparidzi vazhinji vari kushonyorora shoko raMwari vachiridudzira zvinovapa ivo mukurumbira. Zvakaoma kudaro zvichinge sokuti hazvichagoni kushandira Mwari, isu tinofanira kudya masaga ezvivindi tichishandisa masimba atinawo nezvose zvatakapiwa naMwari kuti humambo hwavo hurambe huchisimudzirwa.
MUNYENGETERO
Ngatikumbirei Mwari kuratidza umwe noumwe zvaakafanira kuita panguva ino.

ZUVA RAMAKUMI MATATU NERIMWE: GADZIRIRAI ZVOKUITA MUMWEDZI WOUSHUMIRI
ZVIITO 2V37
Peter aparidza musi wokuburuka kwomweya mutsvene, vakanzwa shoko vakabvunza kuti voitei kubva ipapo. Nesuwo tinodanidzirwa basa raMwari patiri kupeta mwedzi wohushumiri. Hamani wakavimbisa kuisa mari zhinji (matarenda 10,000) mudura raMambo achivavarira kuzadzisa zvinangwa zvake (Esther 3 v 9). Esther unozvipira upenyu hwake, Mwari vomurwira. Iwe tsvaga zvaunazvo zvokupa kuti utsigire hushumiri hwaMwari.
Sekereke, cherechedzai mubatsire vari munharaunda yenyu vanotambudzika navaya vasingakwanisi kuzvibatsira. Pakuriraiwo mashoko akanaka kuvafambi navari mumatirongo.
Pauro akatonhorwa ari pachitsuwa cheMalta, akaunganidza tsotso kuti abatidze moto (Mabasa 28 v 3-5), iye navamwe vose vakanga vapunyuka kuhasha dzegungwa vagodziirwa. MCZ ndiyo Malta yedu asi zvoda iwe kuisa tutsotso kuti moto urambe uchibvira. Ita pako nokuti panokosha, uye pachafambisa chimwe chikamu chebasa raMwari muno muZimbabwe.
HURUKURO
Tiri kugadzirirei zvingasimudzira kupupura kwedu kuvanhu vatinorarama navo?